Chinhu Chinoyamura Chaizvo Pakushandura
MUNYORI weBhaibheri, Jehovha Mwari, anoda kuti mashoko akanaka oUmambo hwake aparidzwe “kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6) Anoda kuti Shoko rake rakanyorwa riwanikwe nyore nyore nevanhu vose. Kuti izvozvo zviitike, Bhaibheri rakashandurirwa mumitauro yakawanda kupfuura rimwe bhuku ripi zvaro pasi pose. Zviuru zvevashanduri zvakapedza nguva yakawanda zvichishanda zvakaoma kuti zvibudise pfungwa dzaMwari mune mumwe mutauro.
Asi Bhaibheri harisi bhuku rinongofanirawo kushandurwa. Nguva nenguva, iro pacharo rave richishandiswa sechinhu chinoyamura pakushandura mamwe mashoko. Vashanduri vakawanda vakaenzanisa kushandurwa kwakaitwa mashoko eBhaibheri mumitauro yakawanda kuitira kuti vakwanise kushandura mamwe mashoko nomazvo. Bhaibheri rava kushandiswawo pakushandura kunoitwa nekombiyuta sechinhu chinoyamura.
Zvakaoma kwazvo kuti kombiyuta ishandure. Dzimwe nyanzvi dzakafunga kuti kombiyuta haikwanisi zvachose kushandura. Nei? Mutauro hausingori chitsama chemashoko. Mutauro mumwe nomumwe une maumbirwo anoitwa mashoko awo, mitemo, zvinogamuchirwa zviri kunze kwemitemo iyi, tsumo nemadimikira. Kuedza kuisa mashoko ezvinhu zvose izvi mukombiyuta hakuna kunyatsobudirira. Shanduro zhinji dzakaitwa nekombiyuta dzave dzakaoma zvikuru kunzwisisa.
Zvisinei, iye zvino masayendisiti ezvemakombiyuta ari kutsvaka nzira itsva dzokushandura nadzo. FranzJosef Och, nyanzvi ine ruzivo rwakakura rwokushandura kunoitwa nekombiyuta, anoti: “Zvatiri kuita ndezvokufanoisa mashoko mukombiyuta kuti tiwane shanduro ingangodaro iri nani.” Ngatitii uri kuda kushandura chiHindi uchichiisa muChirungu. Chokutanga, tora mashoko agara achiwanikwa mumitauro yacho yose. Ibva waaisa mukombiyuta. Kombiyuta inoenzanisa mashoko acho. Somuenzaniso, kana kombiyuta ikawana shoko rakafanana rechiHindi panzvimbo dzakawanda uye nguva dzose riri mumutsara wakafanana noune shoko reChirungu rokuti “imba,” kombiyuta inobva yangoti shoko racho rechiHindi rinofanira kuva rinoreva kuti “imba.” Zvinowanzoitika ndezvokuti zvipauro zvacho zvakadai sokuti “huru,” “duku,” “tsaru,” kana “itsva” zvinenge zvichitova pedyo. Saka, kombiyuta inoronga ndandanda yemazita anowirirana uye mashoko anofambidzana. Pashure pokunge “yapiwa mashoko ose” iwayo, izvo zvinogona kutora mazuva kana vhiki shomanana, kombiyuta inoisa “zvayakapiwa” mumashoko ari kushandurwa. Kunyange zvazvo shanduro inozobuda ingava iine girama risina kuti twasa, kakawanda kacho inenge ichiverengeka zvokuti pfungwa yacho inonzwika uye pfungwa dzinokosha dzinobuda.
Kunaka kweshanduro kunowanzobva pakuwanda uye kunaka kwemashoko akaiswa mukombiyuta pakutanga. Uye apa ndipo panoratidza Bhaibheri kuti rinokosha. Rave richishandurwa mumitauro yakawanda, rinowanika nyore nyore, uye rine mashoko akawanda kwazvo. Saka Bhaibheri rakanga riri chinhu chokutanga kusarudzwa nevatsvakurudzi pavaiisa mashoko omutauro mutsva mukombiyuta.