Unoyeuka Here?
Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:
• Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei zvakaipa zvakawanda kwazvo mazuva ano?
Chimwe chinokonzera mabasa akaipa kuda kwomunhu kuita zvakaipa. (Genesisi 8:21) Chimwe ndechokuti vanhu vakawanda havana zivo yakarurama yezvinodiwa naMwari. Uyezve, Satani, muvambi wezvakaipa, anoramba achipindira munhau dzevanhu.—1/1, mapeji 4-6.
• Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvingabva pashoko rakanaka rinotaurwa panguva yakakodzera? (Zvirevo 12:25)
Rinogona kuita kuti munhu ari kuudzwa ave nechivimbo, uye akurudzirwe, uye rinogona kuita kuti anzwe achidiwa. Uyewo, sezvatinoedza kurumbidza vamwe, tinobatsirwa kuona zvakanaka zvavanoita.—1/1, mapeji 16-17.
• Muareka yesungano maiva nechii?
Maiva nemahwendefa maviri oMutemo pamwe chete nemana. Pashure pokunge Kora apanduka, tsvimbo yaAroni yakaiswa muAreka kuti ive uchapupu kuchizvarwa ichocho. (VaHebheru 9:4) Tsvimbo yacho nemana zvingave zvakabviswa muAreka temberi yaSoromoni isati yatsaurirwa.—1/15, peji 31.
• Nei vaJudha vomuzuva raNehemiya vaifanira kuuya nehuni kutemberi?
Mutemo waMosesi waisarayira kuti pave nechinopiwa chehuni. Asi muzuva raNehemiya paidiwa huni nguva dzose kuti zvibayiro zvipiswe paatari.—2/1, peji 11.
• Muratorian Fragment chii?
Iro chikamu chegwaro rechiLatin. Pakutanga mashoko acho akanyorwa nechiGiriki panenge pakuguma kwezana remakore rechipiri C.E. Rine ndandanda yekare kupfuura dzimwe dzose dzemabhuku eMagwaro echiKristu echiGiriki anobvumwa kuti ndeechokwadi, pamwe chete nemashoko anotsanangura mabhuku acho uye vakaanyora.—2/15, mapeji 13-14.
• Nei Mambokadzi Vhashti wokuPezhiya airamba pose paainzi auye namambo? (Esteri 1:10-12)
Bhaibheri haritauri chikonzero chake. Dzimwe nyanzvi dzinoti akaramba nokuti aisada kuzvideredza pamberi pevaeni vamambo vakanga vakadhakwa. Kana kuti zvichida mambokadzi uyu aiva tsvarakadenga chaizvoizvo akanga asingazviisi pasi, zvichiita kuti aratidze mamwe madzimai omuUmambo hwePezhiya muenzaniso wakaipa.—3/1, peji 9.
• Rudzikinuro runotinunura sei?
Chibayiro chaJesu chinogona kutinunura pachivi chatakagara nhaka uye chinogona kutisunungura pamigumisiro inouraya yechivi. (VaRoma 6:23) Chibayiro ichi chinosunungura vaKristu vechokwadi pahana ine mhosva. Uye kana tikatenda murudzikinuro, tinonunurwa pakutya zvine chokuita noukama hwedu naMwari. (1 Johani 2:1)—3/15, peji 8.
• Tingadzidzei pakurambidza kwoMutemo kubika mbudzana nomukaka waamai vayo? (Eksodho 23:19)
Kubika kwakadaro kungave kwaiva tsika yechihedheni yaiitirwa kuti mvura inaye. (Revhitiko 20:23) Mwari akapa mukaka waamai kuti uvake muviri wembudzana uye kuti ikure. Kubika mbudzana mumukaka iwoyo kwaizoratidza kusaremekedza ukama hwakasimbiswa naMwari hwomubereki nomwana wacho. Mutemo wairambidza izvi unoratidza tsitsi huru dzaMwari.—4/1, peji 31.