Noa uye Mafashamo—Haisi Ngano
UNOSHUVA kugara munyika yakanaka here, nyika ine vanhu vanogarisana murugare? nyika isina hondo, isina utsotsi, uye isina udzvinyiriri? Kana uchishuva izvozvo, ungakurudzirwa nenhoroondo yekare yaungadaro uchitonyatsoziva nezvayo. Inhoroondo yaNoa, munhu akanaka zvechokwadi akavaka areka yakaponesa iye nemhuri yake pakaitika mafashamo akaparadza vakaipa munyika yose.
Inyaya shoma dzinonyanya kuzivikanwa kupfuura iyi. Nhoroondo yezvakaitika kuna Noa inowanikwa mubhuku reBhaibheri raGenesisi, zvitsauko 6 kusvikira ku9, uye inozotaurwazve muKoran nomungano dzemarudzi akawanda munyika yose. Mafashamo akanyatsoitika here, kana kuti inongova ngano yokukurudzira vanhu kuti vaite zvakanaka? Kwemazana emakore vafundisi nevasayendisiti vave vasiri kubvumirana nezvomubvunzo uyu. Asi Shoko raMwari Bhaibheri rinonyatsojekesa kuti nhoroondo yacho yakaitika zvechokwadi, haisi ngano. Ona zvinotevera:
Nhoroondo iri muna Genesisi inotiudza gore, mwedzi wacho nomusi chaiwo wakatanga Mafashamo, kuti areka yacho yakazomira pai uye rini, uye kuti nyika yakazooma rini. Zvimwe zvine chokuita neareka yacho zvinonyatsotaurwa zvakajeka, zvakadai sepurani yacho, kufara, kureba, kupamhama kwayo, uye zvinhu zvakashandiswa pakuivaka. Kusiyana neizvi, kazhinji ngano hadzirondedzeri zvinhu zvakajeka.
Pane nhoroondo mbiri dzemadzinza dzomuBhaibheri dzinopupurira kuti Noa aiva munhu chaiye. (1 Makoronike 1:4; Ruka 3:36) Ezra naRuka, avo vakanyora nhoroondo idzi dzemadzinza, vanhu vainyatsotsvakurudza. Ruka akataura vanhu vomudzinza raJesu, kusanganisira Noa.
Vaprofita Isaya naEzekieri uye vaapostora vechiKristu Pauro naPetro vakataurawo nezvaNoa kana kuti nezveMafashamo.—Isaya 54:9; Ezekieri 14:14, 20; VaHebheru 11:7; 1 Petro 3:19, 20; 2 Petro 2:5.
Jesu Kristu akataurawo nezveMafashamo, achiti: “Sezvazvakaita mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana womunhu: vaidya, vainwa, varume vachiroora, vakadzi vachiroorwa, kusvikira pazuva rakapinda Noa muareka, uye mafashamo akasvika, akavaparadza vose.” (Ruka 17:26, 27) Kudai Mafashamo asina kuitika, zvakataurwa naJesu nezve“mazuva oMwanakomana womunhu” zvaisazoreva chinhu.
Muapostora Petro akafanotaura kuti kwaizova ne“vaseki” vaizozvidza zvinotaura Bhaibheri. Petro akanyora kuti: “Maererano nezvavanoda, vanokundikana kuziva chinhu ichi, kuti . . . nyika yepanguva [yaNoa] yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” Isuwo tinofanira kukundikana kuziva “chinhu ichi” here? Kana! Petro akaenderera achiti: “Matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:3-7.
Mwari achaparadzazve vanhu vakaipa, uyezve pachava nevachapukunyuka. Kana tikatevedzera muenzaniso waNoa, tingavawo vamwe vevakarurama vachanunurwa vachipinda munyika iri nani.