Waizviziva Here?
Pana VaEfeso 2:11-15, muapostora Pauro aireva rusvingo chairwo here paakataura nezvorusvingo rwaiparadzanisa vaJudha neVemamwe Marudzi?
Mutsamba yake kuvaEfeso, muapostora Pauro anoratidza kusiyana kwakaita vaIsraeri ne“vanhu vasingazivikanwi.” Akati paiva no“rusvingo,” ‘rwaiparadzanisa’ mapoka maviri aya. (VaEfeso 2:11-15) Pauro aireva “Mutemo wemirayiro” wakapiwa Mosesi, asi kushandisa kwaakaita shoko rokuti “rusvingo” kungave kwakayeuchidza vaverengi nezvedombo raivapo chaizvoizvo raivaparadzanisa.
Muzana rokutanga remakore C.E., temberi yaJehovha yomuJerusarema yaiva nezvivanze zvaiverengeka zvaingopindwa nevaitenderwa chete. Munhu wose aigona kupinda muChivanze cheVemamwe Marudzi, asi vaJudha chete nevaya vakanga vatendeuka ndivo vaitenderwa kupinda muzvivanze zvose zvaiva patemberi. Rusvingo rwemabwe rwainzi Soreg ndirwo rwainge rwakaparadzanisa nzvimbo dzaipindwa nevashoma nedzaipindwa nevanhu vose, zvainzi rusvingo rwacho rwainge rwakareba mamita anenge 1,3. Maererano nomunyori wenhau dzakaitika kare wechiJudha womuzana remakore rokutanga ainzi Flavius Josephus, mashoko echiGiriki neechiLatin aive akanyorwa parusvingo urwu, achiyambira Vemamwe Marudzi kuti varege kudarika vachipinda kunzvimbo tsvene.
Parusvingo rwacho pakawanikwa mamwe mashoko akanyorwa zvakazara echiGiriki. Anoti: “Hapana munhu wemamwe marudzi anobvumirwa kupfuura parusvingo urwu norusvingo rwakatenderedza temberi. Chero munhu upi noupi anopfuura rusvingo urwu achaurayiwa.”
Zviri pachena kuti Pauro akashandisa rusvingo urwu rwainzi Soreg serwaimiririra sungano yoMutemo waMosesi, urwo rwainge rwakaparadzanisa vaJudha neVemamwe Marudzi kubvira kare. Rufu rwaJesu rwechibayiro rwakagumisa sungano yoMutemo, nokudaro rwuchibva ‘rwaparadza rusvingo rwaiva pakati.’
Nei madzinza 12 aIsraeri ari iwo anonyanya kutaurwa asi iwo aiva madzinza 13?
Mhuri kana kuti madzinza evaIsraeri akabva kuvanakomana vaJakobho, uyo akazonzi Israeri. Musoro wemhuri uyu aiva nevanakomana 12 vaiti, Rubheni, Simiyoni, Revhi, Judha, Dhani, Naftari, Gadhi, Asheri, Isakari, Zebhuruni, Josefa uye Bhenjamini. (Genesisi 29:32–30:24; 35:16-18) Vakomana gumi nomumwe vakava nemadzinza akazopiwa mazita avo, asi hapana dzinza rakapiwa zita raJosefa. Asi, madzinza maviri akapiwa mazita evana vake vaviri, Efuremu naManase, avo vaionekwa semisoro yemadzinza. Naizvozvo nhamba yemadzinza aIsraeri inosvika ku13. Saka nei Bhaibheri richinyanya kutaura nezvemadzinza 12?
PavaIsraeri, varume vedzinza raRevhi vakasarudzwa kuti vashande patebhenekeri yaJehovha uye gare gare patemberi. Saka, vakanga vasingaiti basa rechiuto. Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Asi usanyora dzinza raRevhi, usaverenga kuti vangani pakati pevanakomana vaIsraeri. Iwe gadza vaRevhi kuti vatarisire tebhenekeri yeChipupuriro nemidziyo yayo yose nezvinhu zvayo zvose.”—Numeri 1:49, 50.
VaRevhi havana kupiwa nhaka yenyika muNyika Yakapikirwa. Asi vakapiwa maguta 48 akanga akapararira munyika yeIsraeri.—Numeri 18:20-24; Joshua 21:41.
Kubva pazvikonzero zviviri izvi, dzinza raRevhi rakanga risingawanzotaurwi paitaurwa mamwe madzinza. Saka, madzinza aIsraeri aiwanzonzi i12.—Numeri 1:1-15.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 21]
Archaeological Museum of Istanbul