Swedera Pedyo naMwari
Mutongi Anogara Achiita Zvakarurama
KURURAMISIRA. Kuita zvakaenzanirana. Kusasarura. Haufariri unhu hwakadai here? Isu vanhu tinozvarwa tichida kururamisirwa. Asi, zvinosuruvarisa kuti nhasi munyika makazara nokusaruramisira. Zvisinei, pane Mutongi watinofanira kuvimba naye, Jehovha Mwari. Anogara achiita zvakarurama. Izvi zvakava pachena panhaurirano yaiva pakati paJehovha naAbrahamu, yakanyorwa pana Genesisi 18:22-32.a
Jehovha paakaudza Abrahamu nezvokuti akanga asarudza kuongorora mamiriro ezvinhu muSodhoma neGomora, Abrahamu aityira kuti vanhu vakarurama vaigara ikoko vaigona kuzoparadzwa, vaisanganisira Roti, mwana womukoma wake. Abrahamu akateterera Jehovha achiti: “Chokwadi muchaparadza vakarurama nevakaipa here? Ngatitii muguta racho mune vanhu vakarurama makumi mashanu.” ‘Hamuzoregereri nzvimbo yacho nokuda kwevakarurama makumi mashanu vari mukati maro here?’ (Ndima 23, 24) Mwari akati aisazoparadza maguta acho kudai maiva nevanhu 50 vakarurama. Abrahamu akatetererazve kuna Jehovha kashanu, achidzikisa nhamba yacho kusvika pavanhu gumi. Panguva yose iyi, Mwari aiti aisazoparadza maguta acho kudai maiva nenhamba yevakarurama vainge vataurwa naAbrahamu.
Abrahamu aiitisana nharo naMwari here? Kwete! Ikoko kungadai kwaiva kuzvikudza kwakanyanyisa. Matauriro aiita Abrahamu airatidza ruremekedzo uye kuzvininipisa kwakakodzera. Akazviti aingovawo “guruva nemadota.” Akataura kanokwana kana achiremekedza achiti, “ndapota.” (Ndima 27, 30-32) Uyezve, mashoko aAbrahamu anoratidza kuti aivimba kuti Jehovha aizoruramisira. Abrahamu akataura kaviri kuti, Mwari ‘aisazombofunga’ kuparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa. Musoro wemhuri wakavimbika uyu wakataura nezvechivimbo chawo chokuti, “Mutongi wenyika yose aizoita zvakarurama.”—Ndima 25.
Zvakataurwa naAbrahamu zvaiva zvechokwadi here? Tinogona kuti hungu uye tinogona kuti kwete. Zvakanga zvisiri zvechokwadi paakataura kuti muSodhoma neGomora makanga muine vanhu vanopfuura gumi vakarurama. Asi akataura chokwadi paakati Mwari ‘aisazoparadza vakarurama nevakaipa.’ Mwari paakazoparadza maguta akaipa iwayo, Roti nevanasikana vake vaviri avo vakanga vakarurama, vakapona vachibatsirwa nengirozi.—2 Petro 2:7-9.
Tinodzidzei nezvaJehovha munyaya iyi? Jehovha paakaudza Abrahamu kuti aida kuongorora maguta acho, aitomukurudzira kuti ataure mafungiro ake. Uye akanyatsoteerera shamwari yake Abrahamu paaitaura zvaimunetsa mumwoyo make. (Isaya 41:8) Izvi zvinonyatsotidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari anozvininipisa, asingatarisiri pasi vashumiri vake vari panyika, asi anotovaremekedza! Saka, zviri pachena kuti tinotofanira kuvimba naJehovha, Mutongi anogara achiita zvakarurama.
[Mashoko Omuzasi]
a Pachiitiko ichocho, Jehovha akamiririrwa nengirozi yaitaura mashoko ake. Kana uchida mumwe muenzaniso, ona Genesisi 16:7-11, 13.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Abrahamu akateterera Jehovha kuti vanhu vakarurama vaiva muSodhoma neGomora vasaparadzwe