Vaverengi Vanobvunza Kuti
Nei Mimwe Minyengetero Isingapindurwi?
Mwari anotaurika naye chaizvo. Sokufara kunongoita baba vane rudo vanoda kuti vana vavo vataure vakasununguka, Jehovha Mwari anoda kuti tinyengetere kwaari. Zvisinei, sezvinongoita baba vakachenjera, Mwari ane zvikonzero zvakanaka nei asingatipinduri patinenge takumbira zvimwe zvinhu. Haana kutaura zvikonzero zvacho here, kana kuti anozvitaura achishandisa Bhaibheri?
Muapostora Johani anotsanangura kuti: “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Zvatinokumbira zvinofanira kuenderana nezvinodiwa naMwari. Vamwe vanonyengeterera zvinhu zvinenge zvisingatomboenderani nezvinodiwa naMwari—somuenzaniso, kuti vahwinhe pakubhejera kana kuti parotari. Vamwe vanonyengetera vaine zvinangwa zvisina kukodzera. Mudzidzi Jakobho anonyevera kuti tisanyengetere nenzira isina kukodzera achiti: “Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbirira chinangwa chisina kururama, kuti mushandise zvinhu zvacho pakuchiva kwenyu kuti mufadze nyama.”—Jakobho 4:3.
Somuenzaniso, chimbofungidzira kuti zvikwata zviviri zvevatambi vebhora zvinonyengeterera kuhwina. Hatingatarisiri kuti Mwari apindure minyengetero yakadaro inopikisana. Izvi zvakangofanana nehondo dzemazuva ano apo mativi maviri anenge achirwisana anonyengeterera kukunda.
Vaya vasingatevedzeri mitemo yaMwari vanonyengeterera pasina. Pane imwe nguva Jehovha akaona zvakakodzera kuudza vaimunamata nounyengeri kuti: “Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Bhaibheri rinoti: “Munhu anoita kuti nzeve yake irege kunzwa mutemo—kunyange munyengetero wake chinhu chinosemesa.”—Zvirevo 28:9.
Ukuwo, Jehovha acharamba achiteerera minyengetero yomwoyo wose yevanamati vanoedza zvose zvavanokwanisa kuti vamushumire maererano nezvaanoda. Saka, izvi zvinoreva here kuti achavapa zvose zvavanokumbira? Kwete. Chimboona mimwe mienzaniso yomuMagwaro.
Mosesi aiva noukama hwakasimba zvikuru naMwari; asi iyewo aifanira kukumbira ‘maererano nezvinodiwa naMwari.’ Mosesi akakumbira kubvumirwa kupinda munyika yeKenani asi izvi zvaipikisana nechinangwa chakanga chataurwa naMwari, akati: “Ndapota, ndibvumirei henyu kuti ndiyambuke, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJodhani.” Asi nemhaka yechivi chaakanga amboita, Mosesi akaudzwa kuti akanga asiri kuzopinda munyika yacho. Saka, pane kuti Jehovha abvumire zvakanga zvakumbirwa naMosesi, akamuudza kuti: “Zvakwana! Usazombotaurazve neni nezvenyaya iyi.”—Dheuteronomio 3:25, 26; 32:51.
Muapostora Pauro akanyengeterera kuti abvisirwe waakati “munzwa munyama.” (2 VaKorinde 12:7) “Munzwa” uyu unogona kunge waireva chinetso chake chemaziso kana kuti kushungurudzwa nevaimupikisa uye ne“hama dzenhema.” (2 VaKorinde 11:26; VaGaratiya 4:14, 15) Pauro akanyora kuti: “Ndakateterera Ishe katatu kuti ubve.” Zvisinei, Mwari aiziva kuti kudai Pauro aizoramba achiparidzira pasinei nokurwadziwa no“munzwa munyama,” zvaizonyatsoratidza simba raMwari uye kuti Pauro ainyatsovimba naMwari. Saka pane kuti aite zvakanga zvakumbirwa naPauro, Mwari akamuudza kuti: “Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.”—2 VaKorinde 12:8, 9.
Chokwadi, Mwari anoziva zviri nani kupfuura zvatinoita, anoziva kana zvichizotinakira kutipa zvinhu zvatinenge takumbira. Jehovha anogara achitiitira zvakatinakira, zvichienderana nezvinangwa zvake zvorudo zvakanyorwa muBhaibheri.