Mararamiro Aiita vaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga ‘Vaiita Mabasa Epamba’
“Zvino zvavaienda havo akapinda mune mumwe musha. Uye mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba somueni. Mukadzi uyu aivawo nomunun’una ainzi Mariya, uyo, zvisinei, akagara pasi patsoka dzaShe, akaramba achiteerera shoko rake. Asi, Marita akatsauswa nokuita mabasa mazhinji. Naizvozvo, akaswedera pedyo, akati: ‘Ishe, hamuna hanya here kuti munun’una wangu andisiya ndiri ndoga kuti ndiite zvinhu izvi? Naizvozvo, muudzei kuti andibatsire.’ Achipindura, Ishe akati kwaari: ‘Marita, Marita, unozvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji. Zvisinei, zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete. Kana ari Mariya, asarudza mugove wakanaka, uye haazoutorerwi.’”—RUKA 10:38-42.
ZVIRI pachena kuti Marita aiva mukadzi aishanda nesimba. Hapana mubvunzo kuti airemekedzwa chaizvo nevamwe. Maererano netsika dzevaJudha, zvinonzi muzana remakore rokutanga mukadzi aikosheswa zvichibva pamashandiro aaita mabasa epamba uye kutarisira kwaaiita mhuri yake.
Vakadzi vairarama muzana remakore rokutanga vaikurudzirwawo ‘kuita mabasa epamba.’ (Tito 2:5) Asi vaiva nechimwezve chikomborero chebasa rokudzidzisa vamwe zvavaitenda sevaKristu. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 2:18) “Mabasa mazhinji” api aiitwa nomukadzi airarama muzana remakore rokutanga? Uye tinodzidzei pamashoko aJesu aakaudza Mariya?
“Nokuita Mabasa Mazhinji” Zuva romu- kadzi wechiJudha raitanga mangwanani-ngwanani, zvichida zuva risati rabuda. (Zvirevo 31:15) Apedza kubikira mhuri yake bota, aizoperekedza vanakomana vake kuchikoro chesinagogi. Vanasikana vaisara pamba vachidzidziswa unyanzvi hwokuti vave madzimai anokwanisa.
Amai nevanasikana vavo vaitanga nokuita mamwe mabasa epamba akadai sokuisa mafuta mumarambi (1), kutsvaira mumba (2), uye kukama mbudzi (3). Zvadaro, vaibika chingwa chaizodyiwa musi wacho. Vasikana vaitanga vasefa zviyo kuti vabvise marara (4), vobva vakuya zviyo vachishandisa guyo nehuyo kuti zvive furawa isina kunyatsotsetseka (5). Amai vaidira mvura mufurawa voisawo mbiriso. Vaibva vakanya furawa yacho (6) uye vomboisiya kuti isimuke pavanenge vachiita mamwe mabasa. Panguva iyi vasikana vanenge vari mubishi kugadzira (7) mukaka wembudzi kuti uite chizi.
Yava nguva yorudziyakamwe, amai nevanasikana vavo vaibva vati tande vakananga kumusika. Ikoko vainzwa kunhuwirira kwezvinhu zvinoshandiswa pakukaringa, ruzha rwokurira kwemhuka, uye rwevatengi vanenge vachichema-chema kuderedzerwa mitengo, vobva vatenga zvokushandisa musi iwoyo (8). Vari kumusika ikoko vangangotengawo miriwo nehove dzakaoma. Kana vari muKristu, vangashandisawo nguva iyi kuudza vamwe zvavanotenda kumusika.—Mabasa 17:17.
Amai vanoshanda nesimba vangashandisa mikana yokufamba kuenda nokudzoka kumusika kubatsira vana vavo kudzidza uye kukoshesa zvinotaurwa neMagwaro. (Dheuteronomio 6:6, 7) Vangakurukurawo nevanasikana vavo Magwaro angavabatsira kugona kutenga.—Zvirevo 31:14, 18.
Rimwe basa raiitwa nevakadzi zuva nezuva raiva rokuenda kutsime (9). Ikoko vaichera mvura yaifanira kushandiswa nemhuri, zvichida vachidya nyaya nevamwe vakadzi vaicherawo mvura. Vadzoka kumba, amai nevanasikana vavo vaitanga kubika chingwa. Vaitanga nokugadzira mukanyiwa wacho kuti uratidzike semabhanzi akapwasharara voaisa muovheni yaipisa (10) yaiwanzonge iri panze. Pavainzwa kunhuwirira kwechingwa uye pavaikurukura zvavo nevamwe, vaipota vachitarisa maibviro anenge achiita chingwa chacho.
Vadaro vaibva vaenda kurwizi rwaive pedyo kunowacha mbatya (11). Vakadzi vacho vaitanga vanyatsowacha zvipfeko zvacho nesipo yakagadzirwa nesoda yavaibvisa mumadota emimwe miti. Vapedza kudzumburudza mbatya dzacho nokudzisvina, vakadzi vacho vaidziyanika pamakwenzi aiva pedyo uye pamatombo kuti dziome.
Vadzoka nembatya idzi kumba, amai nevanasikana vavo vangangove vaikwira pamusoro pedenga remba kuti vasone (12) mbatya dzaive dzabvaruka vasati vadzidzorera mumawadhiropu. Pava paya, vasikana vangangove vaizodzidziswa kuruka nokusona (13). Zvadaro, yaizenge yava nguva yokuti vakadzi vatange kubika zvokudya zvemanheru (14). Kuratidza mutsa ndiwo aive mararamiro ekare, saka mhuri yacho yaibika zvokudya zvaisava zvemaoresa zvakadai sechingwa, miriwo, chizi, hove dzakaomeswa, uye mvura inotonhorera, yodya nevaenzi chero vainge vakokwa.
Zuva rapera, vana vaigadzirira kuti vachienda kunorara, vaya vainge vaita zvironda pamabvi vaizorwa mafuta kuti vasanyanya kurwadziwa. Izvozvo zvaitwa, vachishandisa chiedza cherambi, vabereki vaitaura imwe nyaya yomuMagwaro vobva vanyengetera nevana vavo. Musha wose wati zii-i, murume aiva nechikonzero chakanaka chokuti adzokorore mashoko aya akakurumbira kumudzimai wake anoti: “Ndiani angawana mudzimai anokwanisa? Iye anokosha kupfuura matombo ekorari nokure.”—Zvirevo 31:10.
Kusarudza “Mugove Wakanaka” Hapana romuromo kuti vakadzi vaishanda nesimba vakararama muzana remakore rokutanga vaiva ne“mabasa mazhinji” aiita kuti vawandirwe nezvokuita. (Ruka 10:40) Saizvozvowo, vakadzi vemazuva ano, kunyanya vanaamai, vane zvakawanda zvokuita. Zvigadzirwa zvitsva zvemazuva ano zvava kuita kuti mamwe mabasa epamba areruke. Asi vanaamai vakawanda vanomanikidzwa nemamiriro ezvinhu kwete chete kuti vatarisire mhuri dzavo asiwo kuti vashande mamwe mabasa vasiri pamba.
Pasinei, nezvipingamupinyi zvavanosangana nazvo, vakadzi vakawanda vechiKristu vemazuva ano vanotevedzera Mariya ataurwa munhanganyaya yenyaya ino. Vanokoshesa chaizvo zvinhu zvokunamata. (Mateu 5:3) Vanonyatsotarisira mhuri dzavo sezvavanokurudzirwa neMagwaro. (Zvirevo 31:11-31) Asi vanoraramawo vachitevedzera mashoko aJesu aakaudza Marita. Zvaainge ari mukadzi aikoshesa ukama hwake naMwari, chokwadi akachengeta mashoko iwayo aakayeuchidzwa nomutsa mumwoyo make. Vakadzi vechiKristu havaregi mabasa epamba achivatadzisa kudzidza nezvaMwari (15) kana kuudza vamwe zvavanotenda. (Mateu 24:14; VaHebheru 10:24, 25) Saka vanosarudza “mugove wakanaka.” (Ruka 10:42) Vanozopedzisira vokosheswa chaizvo naMwari, naKristu, uye nemhuri dzavo.—Zvirevo 18:22.