RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 5/1 p. 8
  • 5. Kuparadza Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 5. Kuparadza Nyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivirira Pasi Pakuparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chii Chiri Kuita Munhu Kupasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?
    Dzimwe Nyaya
  • Nei Tichifanira Kuchengetedza Zvakatipoteredza?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 5/1 p. 8

5. Kuparadza Nyika

‘Mwari achaparadza vaya vanoparadza nyika.’—ZVAKAZARURWA 11:18.

● VaPirri vanoita basa rokugadzira waini vachishandisa muto wemuti wemuchindwe muKpor, kuNigeria. Basa ravo rakavhiringidzwa neoiri zhinji yakateukira muhova dzinonzi Niger Delta. Vanoti, “Oiri inotiurayira hove, inotirwarisa uye iri kushatisa nzizi dzedu. Iye zvino hatisisina chinotiraramisa.”

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Maererano nezvinotaurwa nedzimwe nyanzvi dzokuongorora, matani mamiriyoni 6,5 emarara anopinda mumakungwa gore negore. Uye zvinofungidzirwa kuti hafu yacho mapurasitiki achatora mazana emakore asati aora. Kunze kwokungosvibisa nyika, vanhu vari kunyanya kushandisa zviwanikwa zvokuti zviri kuzokurumidza kupera. Ongororo dzinoratidza kuti panoda gore nemwedzi mishanu kuti zvinhu zvakashandiswa nevanhu mugore rimwe chete zvidzorerwe panyika. Pepanhau rokuAustralia rinonzi Sydney Morning Herald rakati, “Kana nhamba yevanhu ikaramba ichiwedzera uye mashandisiro ari kuitwa zvinhu zviri munyika akaramba achiwedzera, tichapedzisira tava kutoda imwe nyika panozosvika gore ra2035.”

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Vanhu havangopfachuri zvinhu. Tinogona kugadzirisa matambudziko kuti nyika ive nani.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Vanhu vakawanda vanoshanda nesimba uye mapoka akamira-mira kuti azivise vanhu kukosha kwokuchengetedza zvinhu zvakatipoteredza. Asi nyika iri kungoramba ichitowedzera kusvibiswa.

IWE UNOFUNGEI? Pane chikonzero here chokuti Mwari apindire aite kuti nyika isaramba ichiparadzwa sekuvimbisa kwaakaita?

Kuwedzera paouprofita hushanu hwakurukurwa, Bhaibheri rakafanotaura zvimwe zvinhu zvakanaka zvaizoitika mumazuva okupedzisira. Chimboona chimwe chacho muuprofita hwechitanhatu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

“Ndinoona sokuti nzvimbo yandaiva nayo yakaita separadhiso yachinja kuva nzvimbo yokurasira marara ane muchetura.”—ERIN TAMBER, ANOGARA KUMAHOMBEKOMBE KWEGULF COAST, KUUNITED STATES, ACHITAURA NEZVEKURASIKA KWAKAITA OIRI MUNA 2010 MUGULFYOKUMEXICO.

[Bhokisi riri papeji 8]

Mwari Ndiye Ari Kuzvikonzera Here?

Sezvo Bhaibheri rakafanotaura kuti kuchava nematambudziko atiri kuona, zvinoreva here kuti Mwari ndiye ari kuakonzera? Ndiye anoita kuti titambure here? Unogona kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyoyo muchitsauko 11 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 8]

U.S. Coast Guard photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe