‘Ivai Norudo Pakati Penyu’
“Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—JOHANI 13:34, 35.
Zvazvinoreva: Kristu akaudza vateveri vake kuti vadanane semadiro aaivaita. Jesu aivada zvakadini? Aivada pasinei nokuti vanobva kupi uye kuti vakadzi here kana kuti varume, kusiyana nezvaiitwa nevanhu vepanguva yacho. (Johani 4:7-10) Rudo rwakaita kuti Jesu ape nguva yake nesimba rake uye arege zvinhu zvakamunakira achiitira kubatsira vamwe. (Mako 6:30-34) Uye pakupedzisira akaratidza rudo rwake nenzira yakakura kupfuura dzose. Akati: “Ndini mufudzi akanaka kwazvo; mufudzi akanaka kwazvo anopa mweya wake nokuda kwemakwai.”—Johani 10:11.
Zvaiitwa nevaKristu Vokutanga: Muzana remakore rokutanga, vaKristu vaidaidzana kuti “hama” kana kuti “hanzvadzi.” (Firimoni 1, 2) Vanhu vemarudzi ose vaigamuchirwa muungano yechiKristu, nokuti vaiziva kuti “hapana musiyano pakati pomuJudha nomuGiriki, nokuti kuna Ishe mumwe chete wevanhu vose.” (VaRoma 10:11, 12) Pashure pePendekosti ya33 C.E., vadzidzi vaiva muJerusarema “vakatengesa zvinhu zvavo nepfuma vachigovera vose zvavaiwana, sezvaidiwa nomumwe nomumwe.” Vakazviitirei? Kuti vaya vainge vachangobva kubhabhatidzwa varambe vari muJerusarema uye varambe “vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora.” (Mabasa 2:41-45) Chii chakaita kuti vadaro? Pava nemakore asingasviki 200 vaapostora vafa, mumwe munyori ainzi Tertullian akadzokorora zvakanga zvambotaurwa nevamwe nezvevaKristu achiti: “Vanozodanana . . . zvokuti vangatofirana.”
Ndivanaani Vari Kutevedzera Muenzaniso Wacho? Bhuku rinonzi The History of the Decline and Fall of the Roman Empire (1837) rakati kwemazana emakore vaya vaizviti vaKristu “vakaitirana utsinye husingaiti kupfuura hwavakaitirwa nevakanga vasingatendi.” Imwe ongororo ichangobva kuitwa kuUnited States yakati vakawanda vanozviti vanonamata vanosarura zvisingaiti. Vanhu vanopinda chechi imwe chete havanei nevamwe vavo vanenge vari kune imwe nyika, saka havakwanisi uye havadi kuvabatsira kana paitika dambudziko.
Muna 2004, kuFlorida pakwakaitika madutu mana akatevedzana kwemwedzi miviri, sachigaro wesangano reFlorida’s Emergency Operations Committee akaongorora kana zvavakanga vatumira zvaishandiswa nomazvo. Akati hapana rimwe boka rakarongeka seZvapupu zvaJehovha, uye akati aida kupa Zvapupu chero zvinhu zvazvaida. Izvi zvisati zvaitika, muna 1997, boka reZvapupu zvaJehovha rinoyamura vanenge vawirwa nenjodzi rakaenda kunyika yeDemocratic Republic of Congo kunobatsira vavainamata navo nemishonga, zvokudya, uye zvokupfeka. Zvapupu zvokuEurope zvakanga zvapa zvinhu zvaikosha miriyoni yemadhora okuAmerica.