Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Ndiani Akatuma “Nyeredzi” Yacho?
▪ Wati wamboona here mutambo unoratidza madzimambo matatu kana kuti varume vakachenjera, vachishanyira Jesu achangoberekwa ari muchidyiro chemombe? Nyaya yacho inoti Mwari akashandisa nyeredzi kuti atungamirire varume ava kuchidyiro chemombe kuBhetrehema. Mune dzimwe nyika vana vanotodzidziswa kuti vabate nomusoro mazita emadzimambo acho anoti Melchior, Caspar, naBaltazar. Asi Bhaibheri rinobvumirana here nenyaya iyoyo yakakurumbira? Kwete. Pane zvinhu zvakati wandei zvinoratidza kuti nyaya yacho haisi yechokwadi.
Chokutanga, varume ivavo vaiva vanaani? Mumutauro wechiGiriki chepakutanga, Bhaibheri hapana parinombovati madzimambo kana kuti varume vakachenjera. Rinovati vazivi venyeredzi. Zvinoita sokuti vaiita tsika yechihedheni yokushopera vachishandisa nyeredzi. Bhaibheri hapana parinombotaura mazita evanhu ava kana kuti vaiva vangani.
Chechipiri, varume ava vakashanya riini? Havana kushanya Jesu achiri kacheche kari muchidyiro chemombe. Tinozviziva sei? Munyori weEvhangeri Mateu anoti: “Pavakapinda mumba vakaona mwana muduku aina amai vake Mariya.” (Mateu 2:11) Waona here kuti pakashanya varume ava Jesu akanga asisiri kacheche, asi akanga ava “mwana muduku”? Mariya naJosefa vakanga vasisiri kugara mudanga asi mumba.
Chechitatu, ndiani akatuma “nyeredzi” yakatungamirira vazivi ava? Vafundisi vezvitendero zvakawanda vanodzidzisa kuti Mwari ndiye akatuma “nyeredzi” yacho. Ichokwadi here ichocho? Yeuka kuti “nyeredzi” yacho haina kutanga yatungamirira vazivi venyeredzi kuBhetrehema. Asi yakatanga yavaendesa kuna Mambo Herodhi kuJerusarema. Vakabva vaudza mambo iyeye aiva neshanje uye ari mhondi nezvekuberekwa kwaJesu. Izvi zvakaita kuti Herodhi awedzere kuvenga mwana iyeye aizova “mambo wevaJudha.” (Mateu 2:2) Herodhi akabva audza varume ava kuti vazomutaurira nzvimbo yavaizenge vaona mwana wacho uye akanyepera kuti aida kuzomupfugamirawo. “Nyeredzi” yacho yakabva yatungamirira vazivi venyeredzi kuna Josefa naMariya. Saka kudai Mwari asina kupindira, varume ava vangadai vakaita kuti mwana wacho aurayiwe. Zvinofadza kuti Mwari akapindira. Herodhi akashatirwa kwazvo paakaona kuti vazivi venyeredzi havana kuzodzoka kwaari zvokuti akabva arayira kuti vakomana vose vaiva muBhetrehema nomumaruwa aro ose vaurayiwe, kubvira pazera remakore maviri zvichidzika.—Mateu 2:16.
Pave paya, Jehovha akazotaura nezvaJesu achiti: “Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:17) Unofunga kuti Jehovha saBaba vakarurama uye vane rudo saizvozvo, aizotuma vazivi venyeredzi vechihedheni vaiita zvokushopera izvo zvairambidzwa noMutemo wake here? (Dheuteronomio 18:10) Aizoshandisa nyeredzi kuti itungamirire varume ivavo kumunhu aiva mhondi vachinomuudza mashoko aizoita kuti ave neshanje noruvengo here? Unofunga kuti Mwari aizoshandisa nyeredzi iyoyo nevazivi venyeredzi kuti ataure paiva nemwanakomana wake uyo aisagona kuzvidzivirira here?
Somuenzaniso, ngatitii mukuru wemauto atuma musoja waanofarira kuti anoita basa rinogona kumuurayisa munzvimbo yevavengi. Angazoudza vavengi kwavangawana musoja wacho here? Haangambodaro. Jehovha akatumawo Mwanakomana wake munyika ino ine ngozi. Unofunga kuti aizoudza mambo aiva akaipa Herodhi kwaiva neMwanakomana wake aisagona kuzvidzivirira here? Aisazombofa akadaro!
Saka ndiani akatuma “nyeredzi” yacho kana kuti chinhu chaiita senyeredzi? Kuti tipindure mubvunzo uyu tinofanira kuziva kuti ndiani aida chaizvo kuti Jesu semwana afe obva atadza kuita basa raakanga afambira panyika. Tinofanirawo kuziva kuti ndiani anoda zvokutsausa vanhu uye anofarira zvokureva nhema, kurwisana uye kuurayana. Jesu pachake akataura kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye “murevi wenhema nababa venhema,” uye kuti “akanga ari muurayi paakatanga.”—Johani 8:44.