Mazuva Ano vaKristu Vanofanira Kuitei?
MAZUVA ano vaKristu vechokwadi havaiti zvematongerwo enyika. Nemhaka yei? Nokuti vanotevedzera Jesu. Akati: ‘Handisi wenyika’ uye akaudza vateveri vake kuti “hamusi venyika.” (Johani 15:19; 17:14) Ngatimbokurukurai zvimwe zvinoita kuti vaKristu vasaita zvematongerwo enyika.
1. Munhu ane zvaasingakwanisi kuita. Bhaibheri rinoti vanhu havakwanisi kuzvitonga uye havana kodzero yokudaro. Muprofita Jeremiya akanyora kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.
Vanhu havana kusikirwa kuti vazvitonge, sezvazvakangoitawo kuti havana kusikwa vachikwanisa kubhururuka. Mumwe munyori wenhoroondo anonzi David Fromkin akataura zvisingakwanisi kuitwa nehurumende dzose achiti: “Hurumende dzinoumbwa nevanhu; vanhu vacho vanotadza uye ramangwana ravo harinyatsozivikanwi. Simba ravo rine parinogumira.” (Bhuku rinonzi The Question of Government) Ndokusaka Bhaibheri richitinyevera kuti tisavimba nevanhu!—Pisarema 146:3.
2. Midzimu yakaipa ndiyo iri kutonga. Satani paakati aida kupa Jesu utongi hwenyika, Jesu haana kuramba kuti Satani aiva nesimba rokuita izvozvo. Pane imwe nguva Jesu akatozodana Satani kuti “mutongi wenyika.” Papera makore akati wandei, Pauro akarondedzera Satani achimuti “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (Johani 14:30; 2 VaKorinde 4:4) Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti: “[Tinorwa] . . . nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEfeso 6:12) Masimba emidzimu yakaipa ndiwo ari kutonga nyika ino, kunyange zvazvo vakawanda vasingazvizivi. Izvozvo zvinofanira kuita kuti tione sei nyaya dzezvematongerwo enyika?
Chimbofunga zvinotevera: Sezvinongoita zvikepe zviduku zvinokukurwa nemhepo dzomugungwa dzine simba, masangano evanhu ezvematongerwo enyika anongoita zvinodiwa nemasimba emidzimu yakaipa. Uye sezvinongoitawo vakwasvi vezvikepe vasingagoni kumisa mhepo idzodzo dzomugungwa dzine simba, vezvematongerwo enyika havakwanisi kuita kuti midzimu yakaipa irege kuvavhiringidza. Chinangwa chikuru chemidzimu yakaipa ndechokukanganisa vanhu zvokusagadzirika uye kukonzera ‘nhamo panyika.’ (Zvakazarurwa 12:12) Naizvozvo munhu anogona kuchinja zvinhu ndouya chete ane simba rinopfuura raSatani nemadhimoni ake. Munhu iyeye ndiJehovha Mwari pachake.—Pisarema 83:18; Jeremiya 10:7, 10.
3. VaKristu vechokwadi vanongotsigira Umambo hwaMwari chete. Jesu nevadzidzi vake vaiziva kuti panguva yakatarwa, Mwari pachake aizogadza hurumende kudenga kuti itonge nyika yose. Bhaibheri rinoti hurumende iyi inonzi Umambo hwaMwari uye rinoti Jesu Kristu ndiye akagadzwa saMambo wahwo. (Zvakazarurwa 11:15) Jesu paaidzidzisa ainyanya kutaura nezve“mashoko akanaka oumambo hwaMwari” nokuti Umambo ihwohwo hune zvahunoita kumunhu wose. (Ruka 4:43) Akadzidzisawo vateveri vake kuti vanyengetere vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Sei akadaro? Nokuti Umambo ihwohwo pahunenge hwava kutonga, kuda kwaMwari kuchatoti kuitwe kudenga nepanyika.—Mateu 6:9, 10.
Saka chii chichaitika kuhurumende dzevanhu? Bhaibheri rinopindura kuti hurumende dze“nyika yose inogarwa” dzichaparadzwa. (Zvakazarurwa 16:14; 19:19-21) Kana munhu achinyatsotenda kuti Umambo hwaMwari hwava kuda kubvisa masangano ose ezvematongerwo enyika, zvine musoro kuti arege kuatsigira. Nokuti kana akaatsigira asi iwo achizoparadzwa, zvinoreva kuti ari kurwisana naMwari.
Kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vasingapindiri mune zvematongerwo enyika, zvinoreva here kuti havafariri kuedza kuvandudza upenyu hwevanhu vekwavanogara? Ngationei mhinduro yacho iri munyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira kutsigira Umambo hwaMwari, kwete kuchinja zvematongerwo enyika