Waizviziva Here?
Matombo anokosha aiva pahomwe yepachipfuva yomupristi mukuru waIsraeri akawanikwa kupi?
▪ VaIsraeri vabuda muIjipiti vachipinda murenje, Mwari akavarayira kuti vagadzire homwe iyi yepachipfuva. (Eksodho 28:15-21) Homwe yacho yaiva nematombo aiti rubhi, topazi, emeradhi, tekoizi, safaya, jaspa, reshemu, agati, ametesti, krisoriti, onikisi, nejedhi.a Ichokwadi here kuti vaIsraeri vaikwanisa kuwana matombo iwayo anokosha?
Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, pane matombo aikosheswa uye aitengeswa. Somuenzaniso, vaIjipiti vekare vaiwana matombo anokosha kubva kure-kure, kunyika dzava kunzi Iran, Afghanistan, uye zvichida India. Migodhi yokuIjipiti yaiva nematombo anokosha akasiyana-siyana. Madzimambo okuIjipiti ndiwo chete aichera matombo aya anokosha munzvimbo dzavaitonga. Tateguru Jobho akarondedzera kuti vanhu vakararama panguva yake vaitsvaka matombo anokosha mumigodhi nemigero. Pamatombo anoita zvokucherwa muvhu, Jobho anotaurawo nemazita matombo akadai sesafaya netopazi.—Jobho 28:1-11, 19.
Nhoroondo iri muna Eksodho inoti vaIsraeri “vakatorera vaIjipiti” zvinhu zvavo zvaikosha pavakanga vava kubuda munyika yacho. (Eksodho 12:35, 36) Saka pangangodaro paripo pavakawana matombo avakazoisa pahomwe yepachipfuva yomupristi mukuru.
Munguva inotaurwa muBhaibheri, sei waini yaishandiswa kurapa?
▪ Mune mumwe wemifananidzo yake, Jesu akataura nezvomurume akanga arohwa nematsotsi. Akati murume uyu akabatsirwa nomuSamariya uyo akasunga maronda ake akaadira “mafuta newaini.” (Ruka 10:30-34) Muapostora Pauro paainyorera shamwari yake Timoti tsamba, akati: “Usaramba uchingonwa mvura chete, asi shandisa waini shomanana nokuda kwomudumbu mako nokurwara-rwara kwaunogara uchiita.” (1 Timoti 5:23) Zvakataurwa naJesu nezano rakapiwa Timoti naPauro zvinobatsira here panyaya yokurapa?
Bhuku rinonzi Ancient Wine rinoti waini “mushonga unonyaradza marwadzo, unouraya utachiona uye unorapa zvakawanda.” Kare vanhu vokuIjipiti, Mesopotamiya neSiriya vaiishandisa chaizvo pakurapa. Bhuku rinonzi The Oxford Companion to Wine rinoti waini “ndiwo mushonga watinoverenga nezvawo muzvinyorwa zvekaresa.” Panyaya yezano rakapiwa Timoti naPauro, bhuku rinonzi The Origins and Ancient History of Wine rinoti: “Zvakaonekwa kuti utachiona hwezvirwere zvinenge typhoid nezvimwe zvine ngozi hunobva hwangofa kana hukasanganiswa newaini.” Ongororo dziri kuitwa mazuva ano dzinoratidza kuti muwaini mune zvinhu zvinopfuura 500 zvinobatsira pakurapa.
[Mashoko Omuzasi]
a Hazvisi nyore kuziva matombo aya ose nemazita ava kushandiswa mazuva ano.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Varimi vepasi-pasi vachisvina mazambiringa, sezviri paguva raNakht, Thebes, kuEgypt
[Kwazvakatorwa]
Gianni Dagli Orti/The Art Archive at Art Resource, NY