Zvandinodzidza muBhaibheri
MAKORE 3 ZVICHIDZIKA
Kunze kuri kunaya.
“Hazviiti kuti ndibude panze.
Nei mvura isingamiri kunaya?”
Tadiwa anoshevedzera achinetseka.
Asi anoshamisika!
Zuva rinovheneka.
Mvura haichanayi.
Tadiwa anofara!
Tadiwa anomhanyira panze, uye anoshamiswa nezvaanoona.
Tadiwa anoti, “Ndanga ndisingazivi kuti mvura inobva kuna Mwari inoita kuti maruva akure!”
MIRAYIRIDZO KUVABEREKI
Kumbirai mwana wenyu kuti anongedze:
Hwindo
Tadiwa
Maruva
Shiri
Muti
Tsvagai zvinhu zvisiri nyore kuona.
Kapukanana
Ndege
Verenga Mabasa 14:17. Nei Jehovha akasika mvura?