Zviri Mukati
January 2016
© 2016 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
3 Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuOceania
VHIKI YAFEBRUARY 29, 2016–MARCH 6, 2016
7 “Kudanana Kwenyu Sehama Ngakupfuurire”!
Rugwaro rwedu rwegore rwa2016 runotii? Tinofanira kufungei pose patinoruona mugore rino rose? Munyaya ino tichaona kuti tingabatsirwa sei nerugwaro rwedu rwegore.
VHIKI YAMARCH 7-13, 2016
12 Ratidza Kuti Unokoshesa ‘Chipo chaMwari Chisingarondedzereki’
Jehovha akatipa chipo “chepachena chisingarondedzereki.” (2 VaK. 9:15) Chipo ichocho chii? Kuziva nezvacho kunotibatsira sei kuti titevedzere Kristu Jesu, tide hama dzedu, uye tiregerere vamwe zvichibva pamwoyo? Tichapindura mibvunzo iyi uye tichakurukura zvinhu zvatingaita mumwaka weChirangaridzo.
VHIKI YAMARCH 14-20, 2016
17 Mudzimu Wacho Unopupurirana Nomudzimu Wedu
VHIKI YAMARCH 21-27, 2016
Nyaya mbiri idzi dzinotsanangura kuti muKristu angaziva sei kuti akadanwa kuti azoenda kudenga uye kuti chii chinoitika munhu paanozodzwa. Uyewo, tichakurukura kuti vakazodzwa vanofanira kuona sei kuzodzwa kwavo uye kuti tinofanira kunzwa sei patinoona nhamba yevanodya paChirangaridzo ichiwedzera munyika yose.
VHIKI YAMARCH 28, 2016–APRIL 3, 2016
28 Kushanda naMwari—Kunoita Kuti Tifare
Kubvira kare, Jehovha akashanda nevamwe pakuzadzisa chinangwa chake. Anoda kuti mashoko akanaka aparidzwe munyika yose, uye akatipawo basa iroro. Nyaya ino inotaura nezvemakomborero atinowana patinoshanda pamwe chete naMwari.
MUFANANIDZO URI PAKAVHA:
MADAGASCAR
Piyona achiverengera Bhaibheri mumwe munhu ari pachikochikari munzira ine miti yemiuyu muguta reMorondava, kuMadagascar
VAPARIDZI
29 963
VANODZIDZA BHAIBHERI
77 984
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO