RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 January p. 32
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Moto! Ndechokudzimisa Chipi Chaunofanira Kushandisa?
    Mukai!—2001
  • Muenzaniso Mukuru Worudo rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 January p. 32
Isaka akatakura huni uye Abrahamu akatakura mudziyo une marasha

Waizviziva Here?

Moto waitakurwa sei kare kare?

NYAYA iri muBhaibheri pana Genesisi 22:6 inotaura kuti Abrahamu paaigadzirira kunopa chibayiro kunzvimbo yaiva kure “akatora huni dzechinopiwa chinopiswa akadzitakudza Isaka mwanakomana wake, akatora moto nebanga rokuurayisa akazviisa mumaoko ake, vaviri vacho vakapfuurira pamwe chete.”

Magwaro hapana paanotaura kuti kare kare moto waibatidzwa sei. Payakataura nezvenyaya iyi, imwe nyanzvi yeBhaibheri yakataura kuti “zvainge zvakaoma kuita kuti moto urambe uchibvira murwendo rurefu” rwakaitwa naAbrahamu naIsaka. Saka chinogona kunge chichirehwa munyaya yacho zvinhu zvaishandiswa pakubatidza moto.

Vamwe vanoti kare kare zvaisava nyore kubatidza moto. Pamwe pacho vanhu vaigona kuona zviri nyore kukumbira mazimbe kuvavakidzani pane kutanga vega kubatidza moto. Saka nyanzvi dzakawanda dzinofunga kuti chakatakurwa naAbrahamu waiva mudziyo, zvichida chirongo chaiva nemubato wecheni. Mudziyo wacho waiva nemarasha kana kuti mazimbe ainge atorwa pamoto wakabatidzwa usiku hwainge hwapfuura. (Isa. 30:14) Mazimbe aitakurwa saizvozvo aigona kushandiswa nevanhu zviri nyore pamwe chete netsotso chero pavaifunga kubatidza moto vari parwendo rwakareba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe