Zviri Mukati
3 Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuTurkey
VHIKI YAAUGUST 28, 2017–SEPTEMBER 3, 2017
Nyaya ino inoratidza kuti tingashandisa sei zvinhu zvedu kuti ‘tizviitire shamwari’ kudenga. (Ruka 16:9) Inotsanangurawo zvatingaita kuti tisava varanda venyika yezvekutengeserana ine makaro uye kuti tingashumira sei Jehovha zvizere.
VHIKI YASEPTEMBER 4-10, 2017
MuKristu angaitei kana akafirwa nemunhu waanoda? Jehovha anotinyaradza achishandisa Jesu Kristu, Magwaro uye ungano yechiKristu. Nyaya ino inoratidza kuti isu pamwe chete nevaya vari kuchema tingawana sei nyaradzo.
VHIKI YASEPTEMBER 11-17, 2017
17 Nei Uchifanira ‘Kurumbidza Jah’?
Pisarema rechi147 rinokurudzira rakurudzirazve vanhu vaMwari kuti varumbidze Jehovha. Munyori wepisarema akafarira chii nezvaJehovha zvekuti aida kuti Mwari arumbidzwe? Nyaya ino inotsanangura zvikonzero zvacho uye inoratidza kuti nei isuwo tichifanira kuva nechido chakadaro chekurumbidza Mwari.
VHIKI YASEPTEMBER 18-24, 2017
22 ‘Ngaaite Kuti Urongwa Hwako Hwose Hubudirire’
Hama nehanzvadzi dzechidiki dzakawanda dziri kupinda mubasa renguva yakazara. Une chido chekuitawo basa iri here? Nyaya ino ine mazano anobva muMagwaro achakubatsira kuronga kuti uve neramangwana rakanaka.