Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaJuly naAugust: Ripi neripi ramabhurocha anotevera ane mapeji 32 nokuda kwe$1,50 rimwe: Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50) kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. October: Kuzvinyoresa magazini eMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 kwegore rimwe kumwe kana kuti $12,50 kwemwedzi mitanhatu. (Cherekedzai: Mukai! i$12,50 kwegore rimwe uye hakuna kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.)
◼ Uno ndiwo mwedzi wokupedzisira wokushanda mundima isina kugoverwa. Tinoda kurumbidza ungano dziya nevanhu avo vakakwanisa kushanda ndima yakadaro kana kuti vakabatsira ungano duku kushanda ndima yavo isingawanzoshandwa. Munokwanisa kutamira kunharaunda yakadaro mwedzi uno here? Ungano yenyu inogona kuronga kushanda ndima isingawanzoshandwi here, kana kuti kushanda neungano duku yokumaruwa kupera kwevhiki kunenge hako kumwe kana kuti kuviri mwedzi uno? Vakuru, zvikurukuru mutariri webasa, vanofanira kurangarira zvakakomba iyi nhau.
◼ Tinokurudzira vaparidzi vose kugoverana mubasa romumunda muna July naAugust uye kushuma basa ravo panguva. Iyi ndiyo mwedzi yokupedzisira yegore rebasa ra1996. Ivai nechokwadi chokuti mishumo yenyu yemwedzi iyoyi inobatanidzwa mumushumo wegore rino rebasa.
◼ Kutanga muna September, vatariri vamatunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Ndiani Akafanana naJehovha Mwari Wedu?”