Fadzwa Nokupa Uchapupu Hwakakwana
1 Tose zvedu tinofarikanya kuita zvinhu zvatinoita zvakanaka. Marko 7:37 inotaura kuti mapoka akazivisa pamusoro paJesu kuti: “Wakaita zvose zvakanaka.” Hazvishamisi kuti Jesu aifadzwa nokuita kuda kwaMwari! (Enzanisa naPisarema 40:8.) Kupfurikidza nokurangarira zvikarakadzo zvinotevera, isuwo nenzira yakafanana tichawana mufaro sezvatinoteerera murayiro waJesu woku“paridzir[a] vanhu, nokupupura kwazvo.” (Mabasa 10:42) Muna January tiri kugovera bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1985 asati asvika iro ungano ingava naro mudura kana kuti bhuku raKurarama Nokusingaperi. Tingashandisa sei zvinyorwa izvi kupa uchapupu hwakakwana?
2 Sezvo vamwe vanhu vachiwanzoitira hanya nhau dzoutano, ungagona kutaura izvi:
◼ “Pasinei zvapo nemabasa anokosha akaitwa mune zvokurapa, kune kutambura kwakawanda zvikuru nemhaka yekurwara. Mukuona kwenyu, nei zvakadaro? [Bvumira mhinduro.] Jesu Kristu akataura kuti nhenda dzaizova rutivi rwemazuva okupedzisira. (Ruka 21:11) Asiwo Bhaibheri rinorondedzera nguva iyo urwere huchapera. [Rava Isaya 33:24.] Cherekedzai kuti bhuku rino duku rinopa sei tariro mudzidziso iyoyo inokosha yeBhaibheri.” Simbisa tsinhiro dzakafanira dziri mubhuku rauri kuratidza, uye rigovere.
3 Pakupupura kusina kurongwa pedyo nenzvimbo dzokutenga, ungagona kukwazisa ndokubvunza kuti:
◼ “Zvinoratidzika kwamuri kuti zvinhu zviri kudhura zvikuru mazuva ano zvokuti zvakaoma kuwana mari inokwana here? [Bvumira mhinduro.] Munofunga kuti kuchazombova nenguva ichava nokuchengeteka kwechokwadi mune zvemari here?” Bvumira mhinduro. Ipapo nokora mashoko eRugwaro rwakafanira anobva mubhuku rauri kugovera. Pfuurira uchiti: “Bhuku rino rinoratidza kuti, kupfurikidza noUmambo hwake, Mwari achapedza sei zvinetso izvo zvinoita kuti upenyu huve hwakaoma zvikuru nhasi.” Govera bhuku racho pamupiro wenguva dzose. Ungataura kuti wafarikanya sei kurukurirano yacho, uye ipapo bvunza kuti: “Pane nzira ipi neipi yatinogona kupfuudzira nayo kurukurirano ino pane imwe nguva here?” Nenzira iyi ungakwanisa kuwana nhamba yerunhare yemunhu wacho kana kuti kero yepamusha.
4 Ungava nomukana wokuedza mharidzo ino yorugare rwenyika, uchishandisa bhuku ra“Kurarama Nokusingaperi”:
◼ “Mukuona kwenyu, nei rugare rwenyika ruchinetsa kwazvo kuwana? [Bvumira mhinduro, ipapo ratidza mufananidzo uri pamapeji 20-1.] Uyu mufananidzo wechiitiko chemuBhaibheri chinorondedzerwa muna Zvakazarurwa. [Rava Zvakazarurwa 12:7-9, 12 zvakananga kubva mundima 17. Ipapo rava mashoko emufananidzo ari papikicha yacho.] Kushaya rugare kwenyika ndeimwe yemigumisiro yekukandwa pasi kwaSatani. Bhuku rino rinopindura mibvunzo yakawanda inokosha, uye ndinofara kuita kuti muriwane kana muchizorirava.”—Kuti uwane dzimwe nzira dzinobudirira dzokugovera nadzo bhuku raKurarama Nokusingaperi, ona peji yekupedzisira yezvinyorwa zveUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1995, February 1995, September 1994, September 1993, uye August 1992.
5 Pakudzokera kunoona avo vakaratidza kufarira, ungagona kuvavarira kutanga fundo yeBhaibheri kupfurikidza nokuchinja-chinja mutoo uyu:
◼ “Nguva yatakapedzisira kutaura, makataura tsinhiro inofadza zvikuru. [Dudza tsinhiro yakataura munhu wacho.] Ndave ndichifunga nezvazvo, uye ndingada kugoverana nemi zvandakawana pakunzvera kwandakaita nhau yacho. [Goverana rugwaro rwakafanira.] Tinoitisa kosi yefundo isingabhadharwi iyo yakagonesa mamiriyoni evanhu kunzvera dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri munhambo pfupi yenguva. Kunzvera kwakadaro kunogona kuvaka chivimbo chenyu mukuzadzikwa kwechokwadi kwezvipikirwa zvaMwari.” Simbisa mimwe mibvunzo ichapindurwa. Kana munhu wacho akaramba zvakadzikama chikarakadzo chefundo yeBhaibheri, tsanangura kuti tinewo kosi inokurumidziswa iyo inoda maminiti 15 bedzi pavhiki kwemavhiki 16. Ratidza bhurocha raAnodei, enda kuchidzidzo 1, uye kumbira kana ungaenzanisira chidzidzo chokutanga.
6 Yeuka Kushandisa Mahendibhiri: Angagona kushandiswa nenzira inobudirira musumo yako kuti unyandure kufarira zvinhu zvomudzimu, kana kuti angagoverwa kana pasina mabhuku anogamuchirwa. Pane kufarira, shandisa shoko rakadhindwa kumashure kwehendibhiri racho kuti ukurudzire munhu wacho kugamuchira fundo yeBhaibheri yepamusha uye kuti auye kumisangano yedu.
7 Iva nounyanzvi mubasa rako, uye uchava anofara mariri. Nguva dzose ngwarira kupa uchapupu hwakakwana, uye fadzwa nokuita zvakanaka mativi ose oushumiri.—1 Tim. 4:16.