Zvinoitwa Noushumiri Hwedu
1. Jehovha anoona sei ushumiri hwedu, uye vanhu vanoita sei?
1 Shoko raMwari rinotsanangura vaKristu sevari kufamba vachikunda mubasa raJehovha, sevari kufora vachikunda. (2 VaK. 2:14-16) Sezvatinozivisa pamusoro paMwari, basa ratinoita rakaita sezvinonhuwirira zvinopiwa Jehovha. Vamwe vanhu vanokwezvwa nokutapira kwemashoko akanaka; vamwe vanoramba. Asi kuramba kwevakawanda hakurevi kuti basa redu haribudiriri. Chimbofunga zvinoitwa noushumiri hwedu.
2. Ushumiri hwedu hunoita kuti tiratidze chii?
2 Kurumbidza Jehovha: Satani anoti vanhu vanonamata Jehovha nokuda kwezvavanowana kwaari. (Job. 1:9-11) Ushumiri hwechiKristu hunotipa mukana wokuratidza kuti tinoda Mwari zvechokwadi. Vaparidzi vakawanda vanoramba vachiteerera murayiro wokuparidzira uye wokuita vadzidzi pasinei zvapo nemamiriro avo ezvinhu akaoma kana kuti vanhu vanoramba. Kutsungirira nokuvimbika kwakadaro kunofadza mwoyo waJehovha!—Zvir. 27:11.
3. Nei zvichinyanyokosha kuti tirambe tichizivisa zita raMwari uye zvinangwa zvake?
3 Uyezve ushumiri hwedu hunobatsira pakuitwa kwezvinangwa zvaMwari. Nezvokuparadzwa kwenyika yaSatani kuchaitika, Jehovha anoti: “Marudzi achaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezek. 39:7) Kuti marudzi agoziva izvi, zvinokosha kuti vashumiri vaMwari varambe vachizivisa zita rake uye zvinangwa zvake “kumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.”—Zvak. 14:6, 7.
4. Basa rokuparidza rinoshandiswa sei pakupa mutongo?
4 Hunoita Kuti Vanhu Vasarudze Pavari: Kuparidza mashoko akanaka kunoitawo kuti vanhu vasarudze pavari. Muapostora Pauro akati Kristu Jesu acharanga “vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaT. 1:8, 9) Vanhu vachatongwa maaererano nezvavanoita pavanoparidzirwa mashoko akanaka. Izvi zvinoita kuti vashumiri vaMwari vave nebasa guru zvikuru! Kuti tisava nemhaka yeropa, hatifaniri kuregera kuzivisa mashoko oUmambo anoponesa upenyu.—Mab. 20:26, 27.
5. Tsitsi dzaMwari dzinoratidzwa sei muushumiri hwedu?
5 Kuedza kwatiri kuita kuti tibatsire vavakidzani vedu kuti vadiwe naMwari, chiratidzo chetsitsi dzaJehovha. (1 Tim. 2:3, 4) Sezvo tichiziva kuti upenyu hwevanhu hunogara huchichinja, tinoenda taendazve kwavari tovakurudzira kuti vatsvake Jehovha pachine nguva. Kana tikadaro, tinenge tichiratidza “tsitsi huru dzaMwari wedu,” uyo asina “waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—Ruka 1:78; 2 Pet. 3:9.
6. Tinobatsirwa sei nokuramba tiine zvizhinji zvokuita mubasa raJehovha?
6 Kubatsirwa Kwatinoitwa: Kuramba tiine zvizhinji zvokuita mubasa raJehovha kunotichengetedza. Kunotibatsira kuti ‘tirambe tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha’ uye kuti tirege kusvibiswa nemamiriro ezvinhu epanguva ino akaipa. (2 Pet. 3:11-14; Tito 2:11, 12) Saka ngativei ‘vakasimba, tisingazununguki, tichigara tiine zvizhinji zvokuita mubasa raShe,’ tichiziva kuti zvatiri kuedza kuita muushumiri hwechiKristu hazvisi pasina.—1 VaK. 15:58.