Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuparidza Usingasaruri
1 Pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akaona ngirozi ichibhururuka pakati pedenga ichizivisa mashoko akanaka asingaperi kuvanhu ve“marudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 14:6) Tinotevedzera muenzaniso wengirozi here nokuparidza tisingasaruri? Tisingambozivi, tingaona vanhu zvisiri izvo kana kuti tingavasarura. Maonero atinoita vanhu vatinosangana navo angachinja nzira yatinovaparidzira nayo. Saka, tinofanira kuratidza kuti tine hanya zvepachokwadi patinenge tichiparidzira vanhu vakasiyana-siyana.
2 Funga Nezvendima Yenyu: Mundima yenyu mune vanhu vanobva kune dzimwe nyika here kana kuti vapoteri? Vanogona kungosiyiwa vasina kuparidzirwa. Tanga iwe kutsvaka vakadai uye edza kuvaziva zviri nani. Ndezvipi zvavanoda uye zvinovanetsa, zvavanofarira nezvavasingafariri, zvavanotyira uye zvinovakanganisa? Edza kuchinja mharidzo yako yeshoko roUmambo zvinoenderana. (1 VaK. 9:19-23) Sezvaiita muapostora Pauro, tinofanira kunzwa tiine mutoro wokuparidzawo mashoko akanaka kune vose vari mundima yedu, kusanganisira vaya vanobva kune imwe nyika, vaya vane tsika dzakasiyana nedzedu, vaya vanotaura mumwe mutauro, uye vaya vakapfuma zvikuru.—VaR. 1:14, mashoko omuzasi, Ref.
3 Zvisinei, ungaparidzira sei munhu anotaura mumwe mutauro? Shandisa zvakanaka kabhuku kaGood News for People of All Nations. Ungatakurawo maturakiti kana kuti mabhurocha emitauro inowanzotaurwa mundima yenyu. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 2003, p. 8 ndima 2-3.) Uyezve, vamwe vaparidzi vakadzidza kukwazisa uye kupa mharidzo pfupi mune mimwe mitauro. Kakawanda vanhu vanofara pavanonzwa mumwe munhu achiedza kutaura navo nomutauro wavo pachavo, kunyange zvazvo vachingoziva zvishomanana, uye izvi zvingavakwezva kuti vateerere mashoko akanaka.
4 Tevedzera Jehovha: Nokuparidzira vanhu vane mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, tinenge tichitevedzera Mwari wedu asingasaruri, Jehovha, “uyo anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:3, 4.