PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 22-23
Teerera Mirayiro Mikuru Miviri
Pazasi apa pane zvikonzero 3 zvinoita kuti tipinde misangano. Uchishandisa Mateu 22:36-39, nyora kuti ndechipi chinofanira kuenda panhamba 1, 2 uye 3:
Kuti tikurudzirwe
Kuti tikurudzire vamwe
Kuti tinamate Jehovha uye tiratidze kuti tinomuda
Nei tichifanira kuenda kumisangano kunyange patinonzwa takaneta uye tichiona sekuti kana tikaenda hapana zvakawanda zvatichabatsirwa nazvo?
Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti tinoteerera mirayiro mikuru miviri?