Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Munyori waZvirevo 30:18, 19 akati “nzira yemurume ane musikana” inoshamisa zvikuru. Mashoko iwayo airevei?
Vanhu vakawanda, kusanganisira nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri, vanonetseka kuti mashoko aya anorevei. MuShanduro yeNyika Itsva mavhesi acho anoti: “Kune zvinhu zvitatu zvinondishamisa zvikuru, uye zvina zvandisinganzwisisi zvinoti: Nzira yegondo mumatenga, nzira yenyoka padombo, nzira yengarava mugungwa, uye nzira yemurume ane musikana.”—Zvir. 30:18, 19.
Kare taimbofunga kuti mashoko ekuti “nzira yemurume ane musikana” anenge achitaura nezvezvinhu zvisina kunaka. Nei taidaro? Munyori wacho akanga ambotaura nezvezvinhu zvisina kunaka zvisingamboti “zvakwana.” (Zvir. 30:15, 16) Uye pavhesi 20 anobva azotaura nezvemukadzi “anoita upombwe” anenge achiona sekuti hapana kana chakaipa chaari kuita. Saka taifunga kuti sezvinongoita gondo rinenge richibhururuka, kana nyoka inenge ichifamba padombo, kana kuti ngarava inenge ichifamba mugungwa, murume anogona kuita chimwe chinhu pakasambova nemunhu anoziva kuti ndizvo zvaitika. Saka izvi zvaiita kuti tifunge kuti mashoko ekuti “nzira yemurume ane musikana” ari kutaura nezvemukomana anenge achinyengera musikana kuti vaite zvepabonde vese asi musikana asina kana chaari kumbonyumwira.
Asi pane chikonzero chakanaka chekuti titi mavhesi iwayo ari kutaura nezvezvinhu zvakanaka. Munyori uyu anga achingotaura hake nezvezvinhu zvinomushamisa.
Mashoko echiHebheru akashandiswa pavhesi iyi anotsigira pfungwa yekuti zvinhu zviri kutaurwa apa zvinhu zvakanaka. Maererano nebhuku rinonzi Theological Lexicon of the Old Testament, mashoko echiHebheru akashandurwa kuti “zvinondishamisa zvikuru” pana Zvirevo 30:18 ‘anoratidza chiitiko chinokanga mate mukanwa kana kuti chisingatsananguriki.’
Purofesa Crawford H. Toy vepaHarvard University kuUnited States vakataurawo kuti mavhesi aya haasi kutaura nezvechinhu chakaipa. Vakataura kuti: “Munyori aiedza kubudisa pfungwa yekushamisa kunoita zvinhu zvaaitaura nezvazvo.”
Saka zvinoita sezvine musoro kuti titaure kuti mashoko ari pana Zvirevo 30:18, 19 ari kutsanangura zvinhu zvakanaka uye zvinoshamisa chaizvo zvekuti tinogona kutadza kuzvinzwisisa. Sezvakaitwa nemunyori uyu weBhaibheri, tinoshamiswa nekubhururuka kunoita gondo mudenga, kufamba kunoita nyoka padombo, kufamba kunoita ngarava inorema mugungwa, uye kunyura kunoita mukomana nemusikana murudo vozorarama vachifara pamwe chete kweupenyu hwese.