Kirechi—Kusarudza Yakanakisisa Nokuda Kwomwana Wako!
CHIREVO chekirechi chakaoma kunzwisiswa. Kumhuri zhinji, kirechi inozadza chinodikanwa chaichoicho. Panguva imwe cheteyo, mibvunzo inovhiringidza yakamutswa pamusoro petapuro yayo pavana. Nokuda kwechikonzero ichecho vabereki vanofanira kunangana neidi rokuti kirechi ina mativi ose ari maviri akanaka naasina kunaka, kuti hadzisati dziri kirechi dzose dzine tarisiro ine vara rakanaka. Mufungo wakakomba unofanira kurangarirwa pamberi pokuisa mwana mukirechi.
‘Chii Chakanakira Zvikurusa Vana?’
Somuenzaniso, ko mwana wako achiri mucheche muduku here? Mamwe magorokotera, vakadai saBurton White wezvoruzivo rwendangariro anoremekedzwa, anopangira zvakasimba pamusoro pokuisa vacheche kukirechi. Iye akaudza Mukai!, kuti: “Mukati memwedzi mitanhatu yokutanga youpenyu, vana vanokura zvakanakisisa ndaavo vane ngwariro huru zvikuru yavanoitirwa; avo vanowana ngwariro yokukurumidzira pavanenge vachitambudzika uye avo vanofarikanya kutamba kukuru kunosetsa nomumwe munhu anofunga kuti hakuna chimwe chinhu chinokosha zvikuru munyika chinopfuura mwana iyeyo!
“Kana mwana angotanga bedzi kukambaira pamwedzi mitanhatu kana kuti minomwe yezera,” Dr. White akapfuurira, “mwana iyeyo anoda kugamuchirwa kwokukurumidza nomumwe munhu anomuda zvikurusa! Ikoko kuri nokuda kwokupfavisa muitiro wokudzidza kwomuzvarirwo, kutsigira chiringa chake, kuwedzera mbavarira yake, kuita chiverengero chipi nechipi chezvinhu zvinopinda mukukura kwomunhu akasimba. Mwana haazati achiwana iyi tsigiro kuna vatarisiri vanobatirira nzvimbo. Hakuwanzoitika kuti vanhu vapi navapi vasati vari vabereki vomwana kana kuti vanambuya vacharatidzira fariro yakadaro.”
Muporofita wekare akabvunza, kuti: “Ko mudzimai anogona kukanganwa mwana wake waanoyamiswa zvokuti anofanira kusanzwira tsitsi mwanakomana wechizvaro chake here?” (Isaya 49:15) Vanamai vanokurumidza kudavidza kuzvinodikanwa zvisingaperi chaizvoizvo zvomwana zvokudiwa nokutarisirwa. Asika mutarisiri anoripirwa mari—anavacheche vanoverengeka vanochema vokutarisira—achadavidza nenzira ichadavidza nayo mubereki here? Bhaibheri rinotaura nezvenzira iyo “mai vanorera vanonyaradza vana vavo vamene” nayo. (1 VaTesaronika 2:7) Kunyange zvazvo vanamai vose vasati vachikwanisa kuyamwisa, kuita kudaro kunokudziridza chisungo chomwana namai. Ko mucheche ari mukirechi achawana uku kurera here?
Kunzvera Zvinhu Zvako Zvokutanga
Nenzira iyeyo vamwe vanachiremba vanorumbidza kunonozetsa tarisiro yokubatira nzvimbo kutozosvikira mucheche ava neinenge mwedzi mina yezera. Zvisinei, Dr. White anokarakadza kuti vacheche vanofanira kuva “vasina chinhu kunze kwomurezi womwana wapanhambo nenhambo kwemwedzi mitanhatu yokutanga youpenyu. Pashure pacho, asati achipfuura maawa matatu kana kuti mana pazuva etarisiro yokubatirira nzvimbo yevara rakakwirira.”
Ngatitii kirechi haina kunakira vacheche. Ko vacheche havazati vachizongosiya bedzi here zvinetso zvipi nezvipi zvinoparirwa nayo? Dr. White anopokanidza murangariro iwoyo, achiti: “Ikoku kunoparira kunzvera. Handizati ndichizopinza mungozi vana vangu nenzira iyeyo, uye handizati ndichizokurumbidza nokuda kwomunhu upi noupiwo zvake.”
Kunyange zvazvo vazhinji vachikombamira kukuramba murangariro wakasimba, mirangariro yaDr. White yakaoma kuibvisa. Hunyanguvezvo, vabereki—kwete vanzveri—vanofanira kusarudza chiri chakanakisisa kwavari navana vavo, uye kazhinji kazhinji mirangariro yezvemari inokurira. Naizvozvo pashure pokusanonzvera zvinhu zvose zvinobatanidzwa, vamwe vangasarudzawo havo kushandisa chimiro chakati kuti chokutarisira vacheche.—Ona peji 10.
Vamwe vangava vanokwanisa kufungazve zvinhu zvavo zvokutanga. Kunze kwezvo, vana vanongova bedzi vacheche kamwe. Banza rokurovedza mwana “kubvira paucheche” rinopfuura nokukurumidza. (2 Timotio 3:15) Kana kurega basa rokunyika kwamakore mashomanene—kana kuti kungorarama bedzi nemari shoma—kusati kuchibetsera, nokuda kwechikonzero ichocho vamwe vangasarudza havo kushanda nguva isina kuzara. Ikoku kunobvumira vabereki kuramba vari vatarisiri vokutanga vavana vavo.
Kusarudza Kirechi
Ko vana vanogona kuiswa nomutoo wakakotsekana mukirechi here? Vanzveri vakakamukana, asi vazhinjisa vanobvuma kuti mano omwana okushivirira kuparadzana navabereki vake anowedzera nezera. Zvakare, vabereki vanofanira kusarudza kana mwana wavo achigona kugara kukirechi. Kana zvakadaro, ikoku hakuzati kuchireva kumuisa mumusha wokutanga wekirechi kana kuti nzvimbo inotarisira vana yavanowana. Doby Flowers, mutarisiri anotevedzera weNew York’s Agency for Child Development, anopangira, kuti: “Sarudzai kirechi mukungwarira zvikuru. Ko nzvimbo yokutarisira vana ine mukurumbira wakadini munzanga? Ko shongedzero nezvinhu zvokutambisa zvinokodzera zera here? Inosanotarisirwa uye yakachena here? Ndezvipi zviri zvikwaniriso zvavashandi?”
Hungu, vashandi—kwete shongedzero yakanakisisa kana kuti zvinhu zvokutambisa—ndiyo chinhu chinokosha mukutarisirwa kwavana. Naizvozvo shanyira nzvimbo dzokutarisirwa kwavana dzinoverengeka nemisha uye imi pachenyu muchicherekedza nzira iyo vatarisiri vanotarisira nayo vana—zvikurukuru vana venyu. Bvunzai kuti: Ko vashandi vakatsiga sei? Ko ivo vanopiwa zvokudya zvakadini? Ko mushandi mumwe nomumwe anotarisira vana vangani? (Vashomanene zvikuru, vari nani zvikuru.) Ko vana vanoratidzika kuva vanofara navakasununguka here? Ko nzvimbo inotarisira vana kana kuti musha unosvitsa zvinodikanwa zvomunzvimbomo zvokuva nerezinesi nezvakakotsekana here? Ndoupi uri muitiro wezuva nezuva wemibato?
Uchiziva kuti une kirechi yakanakisisa yavana inowanikwa—neinokwanisika—unogona kuita zvakawanda kuderedza kuva nemhaka kusiri madikanwa.
Kushandisa Zvakanakisisa Kirechi
Zvino sezvo musha wakakodzera kana kuti nzvimbo yokutarisira vana zvayawanwa, usangovamba bedzi kusiya mwana wako ipapo. Tsanangura chikonzero nei achifanira kuvapo. Musimbisire kuti iye haana kusiiwa. Muiite kuti ave akasununguka kupinda kirechi, zvimwe kumuperekedza pashanyo dzakati kuti—kweurefu hwenguva hunowedzera—kunzvimbo inotarisira vana kana kuti musha pamberi pokumusiya zuva rose. Uye, Bernice Spence mutarisiri wenzvimbo yekirechi anopangira kuti, pakumusiya mumangwanani, “usakurumidzisa mwana! Tora nguva yokumuteramisa kana iye akatsamwa.”
William naWendy Dreskin vaichimbova vatarisiri vekirechi vanonyevera, kuti: “Vana vanogona kuvamba kunzwa kuti ivo havana chisarudzo, uye ivo vanova vanowirirana nomugariro wavo. Ivo vangarega kuratidzira kunzwa kwavo kuvashandi vapakirechi nokuvabereki vavo, asi uku kunzwa hakuzati kwapera.” Naizvozvo imi munofanira kutarisira davidzo yomwana wenyu kukirechi. Wanai nguva yokukurukura zvinoitika zvezuva rake. Inzwai zvichemo zvake. (Zvirevo 21:13) Svinurirai zviratidziro zvokutambudzika, zvakadai sehope dzinotyisa kana kuti kuita weti arere. “Mwana ari wose anoita nenzira yakasiana,” akatsanangura kudaro mupi zano wapakirechi Delores Alexander. “Uye havazati vari vana vose vanogona kushivirira nzvimbo dzokutarisira vana dzina vana vazhinji.”
Vabereki vechiKristu vanopa ngwariro chaiyoiyo kuvana vavo. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvinorega kutora rutivi mumibato ine chokuita namazororo akati kuti orudzidziso. Kunyange zvazvo zvichisanodzidzisa ichi chimiro chakavakirwa paBhaibheri kuvaduku vazvo, vana vazvo vapamberi pechikoro vangava vasingakwanisi kunzwisisa zvizere zvirevo zvinobatanidzwa. Ivo vangatsamwa apo vanosiiwa mumibato ino“fadza.” Nenzira iyeyo vabereki vechiKristu vanofanira kuita savatauriri vavana vavo, vachiita kuti vatarisiri vazive chaizvoizvo iri mibato isingaganhurirwi ndokukurukura zvinhu zvokutendeukira kwazviri.a
Vanoonawo kuti vana vavo havazati vachitora rutivi mumiitiro isino umwari kuna vamwe vana. Bhuku rinonzi Kuteerera Kuno Mudzidzisi Mukuru (rakabudiswa neWatchtower Society) rakabetsera vabereki vazhinji kuroverera kunzwisisa nokuda kwenheyo dzoumwari kunyange muvana vaduku zvikuru.
Musarega kirechi ichiparadza chisungo chorudo pakati penyu nomwana wenyu. Bhaibheri rinozivisa pamusoro pomukadzi ainzi Hana, uyo kunyange zvazvo akaparadzana nomwana wake muduku Samueri kwenhambo refu dzenguva akachengeta ukama hworudo naye. (1 Samueri 2:18, 19) Zvamazvirokwazvo, munogonawo kuita zvimwe chetezvo kana imi mukashandisa nokuchenjera nguva inokosha yamunayo nomwana wenyu pakupera kwezuva rimwe nerimwe napakupera kwamavhiki. Zvamazvirokwazvo, kupfurikidza nengwariro yakakodzera, ukama ihwohwo hunogona kubudirira!
Kunyange kurutivi rwayo rwakanakisisa, tarisiro yokubatirira nzvimbo inongoramba yakadaro—kubatirira nzvimbowo zvakwo nokuda kwetarisiro yamai yorudo nababa. Sezvinobvumwa, kwakasiana chose chose nokunoshuviwa. Kutozosvikira tsika itsva yakapikirwa yaMwari yasvika nemigariro yayo yakanaka, vabereki vazhinji vangagombedzerwa kushandisa tarisiro yokubatirira nzvimbo. (2 Petro 3:13; Isaya 65:17-23) Asika kana ikoku kwakadaro kurutivi rwenyu, isarudzei mukungwarira. Sanotarisira kuti inotapura sei vana venyu—mumuviri, mumufungo, nomumudzimu. Kunze kwezvo, vana inhaka inobva kuna Mwari.—Pisarema 127:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhurocha rinonzi School and Jehovah’s Witnesses (rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.) rinogona kushandiswa kujekesa chimiro chamaKristu munhau idzodzi pakukurukura izvozvo navadzidzisi vapakirechi.
[Bhokisi riri papeji 10]
Zvisarudzo Zvokutarisira Vana—Kunaka Kwazvo Nokushata Kwazvo
Vabereki vazhinji kwazvo vanoshandisa mhatsa dzomutoo wapamutemo wokutarisira vana vavo. Hedzino dzimwe dzacho:
SEKURU NAMBUYA: Vamwe vanodavira havo kuti savatarisiri, sekuru nambuya ndevechipiri bedzi kuvabereki vomuzvarirwo. Sekuru nambuya vangakurumidza kuneta nomutoro wakawedzerwa apo mwana anova anokambaira. Uye misiano mumipimo yokurera vana (‘Mbuya vanoziva zvakanakisisa!’) inowanzoparira kakavadzano. Mune rake bhuku rinonzi The Child Care Crisis, Fredelle Maynard anoti: “Zvamazvirokwazvo nemhaka yokuti [mbuya] ihama, ivo havazati vachiteerera mirairo uye vangada kubatwa nomutoo chaiwoiwo. Kana mutarisiri anoripirwa mari akarova mwana wako kana kuti kumudyisa masiwitsi panzvimbo pomukaka wakafa, unogona kumutsoropodza uye kana kuri madikanwa kumubudisa basa. Kana mbuya vakaputsa mitemo yako nemipimo, ikoko chinetso.”
Zvisinei, kurukurirano yakajeka pakati pavabereki nasekuru nambuya inogona kuwanzodzivisa kakavadzano isiri madikanwa. “Uko kusina kutaura kwapachivande kunokuvhiringidzika kwerongedzero,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 15:22) Mbuya vangada mwana, asi ivo vanofanirawo kuziva kuti Bhaibheri rinogovera mutoro wokurera mwana kuvabereki vomwana. (VaEfeso 6:4) Vabereki nambuya nasekuru vanofanira nenzira iyeyo kugadza mirairo inobvumiranwa pairi kana gadziriro yakadaro ichishanda nomutoo unogutsa.
VAKOMA NAVANIN’INA VECHIDUKU: Pavanenge vakura uye vane mutoro, ikoku kunogona kushanda zvakaisvonaka. Kazhinji kazhinji, pwere dzinowanzoshatirirwa kuva dzinoudzwa kuti ‘Tarisira munin’ina wako.’ Uye mutarisiri womwana asingakendengi sezvingabvira anova asina kuvimbika, asingaitiri hanya, naanoregeredza. Yeuka, Bhaibheri rinoti: “Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo pamukomana [kana kuti musikana].”—Zvirevo 22:15.
Naizvozvo kutarisirwa kwavana vaduku kunoitwa nehanzvadzikomana nehanzvadzisikana kunofanira kusanotarisirwa. Simbisirai kuti mwanakomana wenyu mukuru kana kuti musikana ane mirairidzo chaiyo pamusoro pokudyisa, kutarisira, nokubata nemigariro inonetsa uye kuti iye anodisisa kupa mwana wenyu tarisiro inodikanwa.
KUSHANDA MASHIFITI AKASIANA-SIANA: Chiverengero chikuru chavananyakuroorana chiri kutamburira kutarisira vana icho chimene kupfurikidza nokushanda mashifiti akasiana-siana. Anotsanangura kudaro mumwe baba: “Ini ndinoenda kubasa masikati kana kuti madekwana apo mudzimai wangu anosvika pamba. Nenzira iyeyo vana vedu vano“tarisirwa” nomumwe kana kuti nomumwe mubereki. Tinonzwa kuti iyi gadziriro yakagonesa vose vari vaviri vedu kuziva vana vedu zvakaisvonaka uye kuva pesvedzero dzapakuvamba paupenyu hwavo.”
Zvisinei pane zvinhu zvakashata pane urwu rutivi runooneka kuva rwakanaka. Vanyakuroorana vanogona kuva ‘vanhu vanoonana vachipfuura,’ vane nguva shoma nokuda kwomumwe nomumwe. Uye mubereki achangobva kusvika achibva mubasa rousiku haasati achigarova mutarisiri akasvinurira; uye sezvinobvira haazati achiwana zororo rakakura mukati mezuva. Vamwe vanyakuroorana vanorangarira kuti kuva vanokwanisa kutarisira vana vavo ivo vamene chibairo chakakodzera.
VAREZI VANORIPIRWA MARI: Murezi anokwaniriswa, anotarisira mwana kana kuti mureri wenguva yose anogona kazhinji kazhinji kuva mutarisiri akasiana. Zvisinei, vareri vanodhura zvikuru. Dzimwe mhuri dzinonzvenga ndyiko yezvemari kupfurikidza nokuva pamwe chete neiyi mhuri kana kuti dzinopfuura ndokupinza basa pamwe chete nomumwe munhu wokutarisira vana vavo. Chinetso ndicho chokuwana mumwe munhu akarurama. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Somupfuri wemiseve unobaya chinhu chiri chose ndozvakaita munhu . . . unopinza basa mupfuri.”—Zvirevo 26:10.
Ikoku kunoreva kusanonzvera munhu ari wose waunoronzesa mwana wako kwaari. Chii chaunoziva zvomenemene pamusoro pomureri anokarirwa? Ko iye ane ruzivo rwokuzviwanira rwupi norwupi rwekare kana kuti rovedzo mukutarisira mwana here? Ko iye anorangarira sei pamusoro pomwana wako uye mwana wako anorangarira sei pake? Ko iye ane miitiro isingadiwi here—yakadai sokunyanyoona TV, kusvuta fodya, kana kuti kushandisa zvisino kufanira mirimo? Ko iye anodisisa kuteerera nheyo dzawo nemirairo yapamba here?
Apo pakupedzisira mhuri inowana munhu ane mutoro, anotarisira, vanowanzowana mukupererwa kwavo nezano rose kuti varezi vanozivikanwa nomutoo wakaipa wokuva vagari vechinguvana. Kumwana, ikoku kunogona kureva kutambura kwapanhambo nenhambo kurwadziwa mwoyo apo vareri vanouya—ndokuenda.
[Bhokisi riri papeji 11]
Vana Vanosiiwa Vari Voga
Zviverengero zvinowedzera zvavana ndezvavana vanozvitarisira ivo vamene. Ivo vanoidzwa kuti vana vamakiyi nemhaka yokuti ivo vanopiwa makiyi okuvhura dzimba dzavo kuti ivo vagone kupindamo sezvo pamba panenge pachigere kuva nomunhu. Vamwe vanorangarira kuti kuna mamirioni avana vamakiyi muUnited States moga bedzi.
Vazivisisi vezvokutarisirwa kwavana vakakamukana pamusoro pokuti mwana anofanira kuva akura zvakadini iye asati agona kuziva ari oga bedzi kwourefu hupi nohupi hwenguva. Naizvozvo vabereki vanofanira kusanotema chiri chakanakisisa nokuda kwomwana wavo, vachirangarira zera rake, mugariro wake, mano ake, nemigariro yakati kuti yapamusha nohuvakidzani. Mutemo wenyika chinhu chinokoshawo, sezvo kusiya mwana asingatarisirwi kungava kusati kuri kwapamutemo munzanga yenyu.—VaRoma 13:1.
Apo gadziriro yamakiyi inofanira kushandiswa, chiverengero chakati kuti chenhanho dzinobetsera chingabetsera kusimbisa kotsekano yomwana:
1. Iva nechokwadi chokuti iye anoziva kuti angakuonai sei, zvimwe kukuridzirai runhare nokukurumidza paanosvika pamba achibva kuchikoro.
2. Kuita kuti nhamba dzorunhare dzinokosha (dzachiremba, dzamapurisa, dzedhipatimende rokudzima mwoto) dzinamirwe pedyo norunhare.
3. Rovedzai mwana wenyu kusazarurira mukova vaenzi.
4. Ipai mwana wenyu nhungamiro pamusoro pokushandiswa kwemidziyo inokarirwa kuva ine ngozi. Musarega machisi dziri pose pose.
5. Itai kuti mwana wenyu arambe akabatikana namabasa nebasa rinoitirwa kumba rokuchikoro.—Onai Mukai! yechiNgezi yaAugust 22, 1986, mapeji 14-16.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mushandi anotarisira vana haazati achiwanzoratidzira fariro imwe cheteyo mumwana iyo mubereki acharatidzira