Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kushandisa Mari Yangu Nokuchenjera?
“VECHIDUKU munyika ino nhasi vari kurererwa kupambadza mari.” Akataura kudaro Lester Rand pashure pokuita fundo yepwere dzinopambadza mari muUnited States. Mukuwirirana naRand, pwere dzeU.S. dzinopambadza kusvikira kuchitsama chamabhirioni $39,1 mugore rimwe bedzi! Asika mari yacho iri kuenda kupi?
Vanzveri veU.S. Norman naHarris vanoshuma, kuti: “Chimiro chakati chevaraidzo, zvikurukuru nziyo dzamarimba, chakakwirira zvikuru pakati porudungwe rwuri rwose. . . . Pwere dzinotekenya motokari dzinopambadza pesendeji hurusa yemari yadzo mupeturo, kugadziridza, nokutarisirawo zvako. Vamwe vazhinji zvikuru vanopambadzira mari yavo pamhatsa yakati kuti isina kutsarukana, zvokudya zvine chizi namatomato nomukanyiwa, zvinwiwa, mahambega achiri akawanda parudungwe. Vasikana vanoratidzika kuva vanopambadzira yakawanda pazvipfeko kupinda zvinoita vakomana; uye chokwadika, vasikana vechiduku vanokoshesa zvikuru nzvimbo yebasa rokugadzirwa kwezvizoro.”
Sezvinobvumwa, ndyiko dzemotokari, zvokudya, varaidzo—idzodzi dzingagona kuva ndyiko dzapamutemo nomutoo wakakwana. Asika ko kupambadza kwave chiduku kwose kunoitwa nomutoo wokuchenjera here?a Uye kungava here kuti misengwa yepwere inoshanda nemari inopfuura zvinhu zvinotengwa nokuda kwayo imene?
Mutoo Wokushandisa Nawo Mari Nokuchenjera
Ngatirangarirei kutenga, somuenzaniso. Vechiduku vazhinji vanokufarikanya, zvikurukuru kana ivo vane mari muhomwe dzavo yokushandisa. Asika muitiro wakanakisisa zvomenemene wokutenga chinhu chiri chose chaunoda nechaunoona here?
Mukunzverwa kwavanhu 600 kwakaitwa muEngland, kwakacherekedzwa kuti 62 muzana yaavo vakabvunzwa vari pakati pezera ramakore re 15 ne 19 vaiva vanenge vatengi vapanhambo nenhambo vanosundwa nehama. (Adolescence, Fall 1982) Mutengi akanaka, kunyange zvazvo zvakadaro, anofanofunga pamusoro pokuti chii chaanoshaiwa. Ko zvino, huregererei kuita rudungwe rwezvokutenga usati waenda kundotenga ndokuganhurira kutenga kwako kurudungwe irworwo? Mubhuku ravo rinonzi Options, vanyori Shaw naBerry vanorumbidzazve, kuti: “Paunoenda kundotenga, enda nemari yakaringanira kutenga zvaunoshaiwa chaizvoizvo, kana kuti zvawakarongedzera kutenga usati waenda kuchitoro.”
Magazini inonzi Adolescence yakacherekedzawo kuti kunyange vatengi vakura vanoitira hanya vara uye zvikurukuru pakutenga zvipfeko, pwere dzinonyanyoitira hanya fashoni. Ndozvinoitika kwauri here? Kana zvakadaro, ita chinjo dzakati kuti mumiitiro yako yokutenga. Usati wapambadza mari yako inoonwa nesimba, funga pamusoro pokuti nguvo yacho uchagara nayo kusvikira rini. Achava makore mashomanene here? Kana kuti ichabva mufashoni mumwedzi mishomanene?
Iva anoitira hanyawo, pamusoro pevara. Chipfeko chisingadyi mari yakawanda chevara risina kutsarukana chingakudyira mari yakawanda pakupedzisira nokuda kwegadziriro kana kuti tsivo. Naizvozvo tarisa tarisa mune zvimwe zvitoro. Kana zviri zvipfeko, nzvera shinda yacho. Ko nguvo yacho ichada kusukwa kazhinji kakadini? Inogona kusukwa here? Izvi zvitemeso zvinofanira kurangarirwa usati watenga.
Imwe pwere inonzi Lyshondra yakadzidza unyanzvi hunokosha hwokutenga kuna vabereki vayo. Anoti: “Ini ndinowanzotenga naamai vangu, uye ivo vakandidzidzisa kutsvaka sero kuti ndigone kutambanudza mari.” Kumwe kuchenjera ndokwokunonozeka kutenga kutozosvikira pakupera kwomwaka wakati apo sero dzinowanda. Phyllis, mhandara inotova muvhimi ane ruzivo rwokuzviwanira rwesero, anowedzera, kuti: “Ini handigoni kuyeuka ndichitenga chinhu chipi nechipi nomutengo wenguva dzose. Ndinotsvaka sero, uye ndinotsvaka zvitoro zvemikambo. Vanhu vanofunga havo kuti zvipfeko zvangu zvitsva!”
Kubetsera Nendyiko Dzapamba
Ko iwe une basa rapashure pechikoro kana kuti renguva isina kuzara here? Kana zvakadaro, uri kuzvipedzera hako iwe umene mari yako here, uchirangarira kuti ibasa ravabereki vako kugovera nokuda kwako? Zvamazvirokwazvo, kunyange zvazvo zvakadaro, inguvai yokupedzisira apo vabereki vako vakashandisa kwavari ivo vamene? Ko zhinji yepfuma yavo haizati ichigoveranwa nemhuri here? Hakuzati kwaizova kuno mufungo here, ipapoka, kwauri kupa betsero pandyiko dzapamba?
“Ndinoita,” akapindura kudaro Stephanie muduku paakabvunzwa mubvunzo iwowo. Iye nemimwe mitezo mitatu yemhuri Zvapupu zvaJehovha uye vanobatira savaevhangeri venguva yakazara. “Kuri madikanwa,” anodaro Stephanie, “uye kunobatirawo serovedzo, nokuti hakune nzvimbo uko munhu anogona kugara asingabetseri nendyiko.” Inowedzera imwe pwere inonzi Albert, kuti: “Runongova bedzi rutivi rwomutoro wangu. Kudai ndakanga ndisingagari pamba, ndaizotongofanira hangu kukuita zvisinei hazvo. Naizvozvo ndinonzwa kuti ndinofanira kupa norusununguko.”
Chokwadi, vabereki vako havangakariri chinhu chipi nechipi kwauri. Asi pwere inonzi Tommy yakaita pfundo rakanaka apo iyo yakati: “Ini ndinonzwa kuti kwakangonaka bedzi. Ivo vakandiberekera munyika uye vakandirera kusvikira kunguva ino, nokudaro ndinofanira kuita chimwe chinhu chokuvaripidzira.”
Zvikomborero Zvorupo
“Munhu worupo anokora ndokubudirira, uye iye uyo unozorodza vamwe iye amene achazorodzwa.” Rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 11:25. (The New English Bible) Apo iwe unoripirwa, kungava kunoedza kufunga nezvezvinhu zvose zvaungagona kuzvitengera iwe umene. Zvisinei, Jesu anotiyeuchidza, kuti: “Mukupa muno mufaro mukuru kupinda uri mukugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Sezvinobvumwa, pane dikanwo yokuva nedzikamo muna ikoku. Rupo haruzati ruchireva kuzvipambadza iwe umene ndokupinda urombo. “Ini ndinoshandisa mari yakawanda pazvipo uye mari yangu inongobhururuka bedzi napasuo,” yakachema kudaro imwe pwere. “Ndokwandinofunga kuti makumi masere neshanu muzana yemari yangu inoenda.” Usatongokanganwa, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti Mwari anocherekedza mabasa anosanosundwa etsitsi. Zvamazvirokwazvo, inodaro Zvirevo 19:17, kuti: “Iye unoitira nyasha kunowakaderera ari kupa kuna Jehovha, uye Iye uchamuripira kubata kwake.”
Zvirevo 3:9, 10 (NW), inoratidzira rumwe rutivi maunogona kuratidzira rupo: “Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha uye nezvibereko zvokutanga zvezviyo zvako. Ipapo matura ako nemigove achazadzwa nezvakawanda; uye makate ako achapfachukira newaini itsva.” Munguva dzeBhaibheri, vanamati vaJehovha muna Israeri vaisungirwa kupira nokuzvidira zvibereko zvokutanga zvomubato wavo wokurima. Izvozvi zvaibatira kuchengeta vaprista vavaRevhi vaibatira patembere muJerusarema. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha nhasi zvisati zvichinamata patembere inooneka, izvo zvinoziva kuti nenzira yakafanana kunoda mari dzokuchengeta nzvimbo dzazvo dzokunamatira (dzinonzi Horo dzoUmambo). Anodaro mumwe wezera ramakore 18 okukura anonzi Albert: “Ini ndakaita nharidzano kupira chimwe chinhu nguva imwe neimwe yandinoenda kuhoro.”
Musungo Weshanje
Sezvinobvumwa, hadzizati dziri pwere dzose dzine pfuma yemari yokutenga nayo ndokuishandisa sezvakarongwa muno. Uye apo usati une izvo vamwe vanoratidza kuva nazvo, kuri nyore kunzwa une shanje. Muduku Darnell, somuenzaniso, anobvuma, kuti: “Ini ndine kombamiro yokutarira icho vamwe vanhu vanacho, uye ini ndinoti: ‘Maiwe! Chakaisvonaka.’” Asi panzvimbo pokufungisisa pamusoro penhauyo, iye anoedza kukurira kunzwa ikoko.
Aiwa, kungoda zvinhu zvakanaka hakuzati kuri chivi. Asika unozvibvumidza iwe umene kuva asingafari paunenge usingagoni kukutsunga kuwana chimwe chinhu chaunoda here? Ko unotokudziridza ruvengo kuna avo vangatova nezvakawanda kupinda zvaunazvo here? Kana zvakadaro, yeuka zano Jesu akapa pana Ruka 12:15 (NW), kuti: “Dzivisa rudzi rwuri rwose rworuchochoro, nokuti kunyange apo munhu anenge ane zvakawanda upenyu hwake hauzati huchibva muzvinhu zvaanazvo.”
Zvamazvirokwazvo, kuchagarova naavo vane zvakawanda zvinopfuura zvaunazvo. Uye kuedza kupitsirana navamwe kunoparira bedzi kutemwa nomusoro namarwadzo akawanda. Muapostora Pauro anotiyeuchidza, kuti: “Nokuti isu hatina kuunza chinhu munyika, uyewo hatigoni kubuda nechinhu chipi nechipi. Naizvozvo, zvatine zvokudya nezvokufuka, tichagutsikana nezvinhu izvozvi.”—1 Timotio 6:7, 8, NW.
Mari inogona kuva muranda anobetsera kana ichirangarirwa nomutoo wakakodzera. Dzidza kuchengeta mari. Dzidza kushandisa mari nouchenjeri, nokungwarira. Mari inobetsera chaizvoizvo upenyu uye inogona kuhuita kuti hufadze zvikuru. Asi sokutaura kwakaita pwere inonzi Matthew: “Mari ine nzvimbo yayo, asi haizati iri chinhu chiri chose. Haizati iri chinhu chikuru. Tinoda mari kuti tirarame, asi haifaniri kuiswa mberi kwemhuri yedu kana kuti Jehovha.”
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya yatangireyi, yechinyorwa chaMukai! yarondedzera huchenjeri hwokuronga mari inoshandiswa nemari inochengetwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]
Pwere dzeU.S. dzinopambadza chitsama chamabhirioni $39,1 mugore rimwe bedzi!
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kana une basa, ko iwe unozvipira kugoverana ndyiko dzapamba here?