Shamwari Yedu Yakanakisisa Iri Munzvimbo Yemidzimu
BHAIBHERI rinotipa kurondedzerwa kwakajeka kweavo vanogara munzvimbo yemidzimu. Jehovha Mwari ndiye mukurusa mudenga. Jesu Kristu anotevedzera Jehovha musimba nechiremera. Ngirozi dzakatendeka kuna Mwari dzinobatira sevashumiri kuvose vari vaviri Mwari nevanhu vake vari pasi pano. Satani nemadhemoni ake vanoshora Mwari ndokutsausa vanhu. Vakafa vakarara murufu kutozosvikira Mwari avamutsa.
Madhemoni Anoda Kunamatwa Nesu
Sezvo vakafa vasina upenyu, hapana chinhu chinowanwa nokuvanamata. Kubayira zvibayiro kuvakafa kunongotsigira bedzi nhema dzaSatani nemadhemoni.
Ko ngirozi dzaMwari dzinoshuva kunamatwa nesu here? Nyangwe nepaduku pose! Ngirozi dzakatendeka dzinopa mbiri kuna Mwari ndokukurudzira vanhu kuita zvimwe chetezvo. Kaviri, muapostora Johane akaedza kunamata ngirozi, asi dzakamutsiura, dzichiti: “Rega kudaro, . . . namata Mwari.”—Zvakazarurwa 19:10; 22:8, 9.
Satani nemadhemoni ake, mukupesana nengirozi dzakatendeka, vanoda zvose zviri zviviri kunamatwa nokupiwa mbiri. Ikoku kwakanga kuri pachena apo Satani akaedza Jesu apo Jesu akanga ari munhu pasi pano. Bhaibheri rinorondedzera, kuti: “Dhiyabhorosi akamuisazve [Jesu] pagomo refu-refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo; akati kwaari: Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandinamata.”—Mateo 4:8, 9.
Jesu akapindura, achiti: “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.” (Mateo 4:10) Jesu aiziva Mutemo waJehovha, uye akaramba kuuputsa.—Dheuteronomio 6:13.
Kunyange zvazvo Satani asina kukwanisa kuita kuti Jesu amunamate, akabudirira nevamwe. Chokwadika, vanhu vashomanene vanonamata Satani nemaune. Kunyange zvakadaro, kupfurikidza nokunyengedza, kubata kumeso, nhema, uye rutyo, Satani nemadhemoni vakabvisa vanhu vazhinji kwazvo pakunamatwa kwakachena kwaJehovha zvokuti muapostora Johane akanyora, kuti: “Nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Avo vanonamata munzira dzinopesana neShoko raMwari vanokudza Satani, kwete Jehovha. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Zvinobayirwa nevahedheni, havazvibayiri kuna Mwari, asi mweya yakaipa.”—1 VaKorinte 10:20.
Kunamatwa ndekwaJehovha
Kunamata kwedu kunofanira kunangidzirwa kuna Mwari oga. Jehovha akaudza Mosesi, kuti: “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.”—Eksodho 20:3-5.
Kunyange zvazvo Jehovha achityisa musimba, anosvikika. Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri.” (Jakobho 4:8) Muapostora Pauro akati: “[Mwari] asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27) Uye muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndiko kusatya, kwatinako kwaari [Jehovha], kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa; zvino kana tichiziva kuti unotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari.”—1 Johane 5:14, 15.
Cherechedza kuti Johane akanyora kuti Jehovha achabvuma mikumbiro yedu kana tikakumbira “nokuda kwake.” Kuti tizive chiri kuda kwaMwari, tinofanira kudzidza izvo Bhaibheri rinodzidzisa. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera kunzwisisa Bhaibheri.
Sezvaunodzidza zvakawanda pamusoro paJehovha, uchawana zivo yakawanda pamusoro peavo vanogara munzvimbo yemidzimu. Zivo iyi inounza rusununguko mukutenda mashura, zvitendero, uye magamuchidzanwa izvo Satani anoshandisa kuchengeta vanhu vachitya uye vari muusungwa. Kupfurikidza nezivo yakarurama yaMwari, uchadzidza kuvimba naye kuti akubetsere kudzivisa kana kuti kukurira zvinetso zvezuva riri rose zvoupenyu. Unogona kuva shamwari yaMwari. Uye Mwari achabvumikisa kuva nokuda kwako “nhare yako nesimba, mubetseri aripo nguva dzose aripo panguva dzenhamo.”—Pisarema 46:1.
Masimba Akaipa Achaparadzwa
Usatongova asina chokwadi kuti masimba omudzimu akanaka achakunda masimba omudzimu ezvakaipa. Hondo yakatorwiwa munzvimbo yemidzimu yakabvisa Satani neshamwari dzake dzakaipa mumatenga. Bhuku raZvakazarurwa rinoti: “Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri [Jesu Kristu akamutswa] navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa ina vatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.”—Zvakazarurwa 12:7-9.
Ndoupi wakava mugumisiro wehondo iyoyo? Mushumo wacho unopfuurira, kuti: “Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Avo vaiva mudenga vaigona kufara, sezvo Satani nemadhemoni ake vakanga vasichimozve kuti vaparire chinetso. Kudzingwa kwake kudenga, zvisinei, kwakaunza nhamo huru, chinetso chikuru, kuna avo vari pasi pano. Tiri kurarama munguva iyoyo yenhamo zvino.—2 Timotio 3:1-5.
Nguva Yemberi Isina Uipi
Bva, Bhaibheri rinopawo tariro. Rinotivimbisa kuti Dhiyabhorosi ane “nguva pfupi” asati aparadzwa. Apo ikoko kunoitika, Jehovha achaunza zvikomborero zvinoshamisa kuvose vari pasi pano vanotsvaka ushamwari naye. Rangarira zvishomanene zvezvipikirwa zvake zvomunguva yemberi:
“Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pemakomo; zvibereko zvazvo zvichaunga seRebhanoni; vanogara paguta vachakura souswa pasi.”—Pisarema 72:16.
“Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa emaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo.”—Isaya 65:22, 23.
“Hapana ugeremo uchazoti ndinorwara.”—Isaya 33:24.
“Ipapo meso emapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”—Isaya 35:5, 6.
“[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Jehovha bedzi, Mwari wechokwadi, anogona kuzadzika zvipikirwa zvakaisvonaka zvakadaro. Hapana chinhu chichamudzivisa kuita donzo rake. “Nokuti hakune shoko raMwari richashaiwa simba.”—Ruka 1:37.
[Mifananidzo iri papeji 9]
Ukangova shamwari yaMwari chete, achakubetsera kubata nezvinetso zvoupenyu