Ramba Uchiona Mimhanzi Zviri Pakati Nepakati
NHASI bhizimisi rezvemimhanzi ibhizimisi remabhiriyoni emadhora akawanda. Vaimbi vakakurumbira nevanovasimudzira vari kuita mari yakawanda kwazvo. Asi, ichokwadi kuti vaimbi vakawanda vane mukurumbira zvikuru havana mufaro, vanokurumidza kufa, uye vanozviuraya. Uye pane uchapupu hwakawanda kwazvo hwokuti mimwe mimhanzi inoodza tsika, pfungwa uye zvemudzimu uye kuti inogona kuparira kuita chisimba, uye utsinye.
Zvisinei, zvakanaka kuona mimhanzi zviri pakati nepakati. Nepo pane zvakawanda zvakaipa nezvinokuvadza muunyanzvi uhwu, mimwe mimhanzi inogona kuita kuti upenyu hwemunhu hunakidze ndokuparira mufaro nekugutsikana. Inogona kutizorodza mupfungwa nemumudzimu. Chimbofunga nezvemienzaniso mishomanana zvayo.
Mapisarema eBhaibheri 150 mabhuku eunyanzvi—mashoko enhetembo, nziyo tsvene, uye minyengetero. Nhasi anofadza kuarava mumazana emitauro. Zvisinei, vaHebheru vekare havana kungorava mapisarema chete; vaiaimba. Kazhinji vaiita izvi zvichifambirana nemumhanzi wakanaka wezviridzwa—nzira yakanakisisa yokubatanidza uchenjeri hwaMwari wavo, Jehovha, sezvaunoratidzwa mumashoko, nepfungwa izvo vaimbi vakarovedzwa vaipa vateereri. Mimhanzi yechiHebheru yakanga isiri chinhu chisingakoshi kana kuti chechinyakare, kunaka nemanyorerwe ayo sezviri pachena zvaiva zvakanaka kupfuura zvemarudzi akanga akapoteredza enguva iyoyo.
Gare gare, vaKristu vemuzana rekutanga remakore vaiimba mapisarema nedzimwe nziyo tsvene dzokurumbidza Mwari nokuzorodza pfungwa dzaishushikana. Saka mimhanzi yakabatira kuita kuti upenyu hwavo hunakidze. Uye nokuimba nziyo dzakavakirwa muBhaibheri, vakapinza zvakasimba zivo yaMwari mumwoyo yavo, yavaida kuti itungamirire upenyu hwavo.—Mateo 26:30; Mabasa 16:25.
VaGiriki vekare vaidavira kuti mimhanzi inoumba unhu hwemunhu uye inoita kuti murume kana kuti mukadzi anyatsokwana. Munyika ino yezana remakore rechi20, inokurudzira dzidzo yesayenzi, zvemari, uye kufunga, rutivi rwekunatsiridzwa kwepfungwa neunyanzvi zvinowanzoregeredzwa.
Ramba Uri Pakati Nepakati
Kuteerera mumhanzi wakanaka kunogona kubatsira uye kunakidza. Asi, munhu anogona kutowana mufaro wakawanda nokuridza chiridzwa chemumhanzi kana kuti nokuimba neboka reshamwari. Ruzivo rwemimhanzi rwungavhura mikana yakawanda yemufaro chaiwoiwo.
Zvechokwadi, kungofanana nezvimwewo zvinhu zvakanaka muupenyu, zvinodiwa kuita zvine mwero, kuita chisarudzo chakanaka, uye kunyatsosarudza munhau iyi yevaraidzo. Izvi hazvifaniri kuva chete murudzi rwemumhanzi unosarudzwa asiwo kuwanda kwenguva inopedzwa mukuteerera kana kuti mukuridza mumhanzi.
Kana rudzi rwakati rwemumhanzi rwuri kutanga kutapura zvakashata pfungwa dzako, zviito, neukama hwako nevamwe, ipapo sarudza rumwe rudzi. Saka dzivirira nzeve dzako kuti dzidzivirire mwoyo wako nepfungwa dzako!
Izvi ndezvechokwadi kunyanya mune zvemashoko anoimbwa. Angatanga kukuumba maererano nezvido zvevanhu vasingagoverani newe maonero ako upenyu netsika, vangatosimudzira mararamire asingadiwi naMwari, eunzenza. Mune zvimwe zviitiko kunyange zita renziyo yacho rinogona kutanga kukonzera kunzwa kwakaipa kuti kutange.
Shoko raMwari, Bhaibheri, rinorayira vaizoda kumufadza kuti va“ise miviri [yavo], chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata [kwazvo] kwomwoyo.” (VaRoma 12:1) Zviri pachena kuti, pfungwa dzedu rutivi rwe‘chibayiro chipenyu’ ichocho. Saka kana tikaona kuti zvichikonzerwa nesimba remimhanzi, pfungwa dzedu dzava kutanga kudzikatidza chisarudzo chedu chakanaka nokufunga ndokutadza kutungamirira zviito zvedu, ndiyo nguva yokuchinja miitiro yedu yokuteerera mimhanzi. Yeuka kuti: Simba remimhanzi rinogona kuchinja mwoyo wako nepfungwa dzako—mungave mune zvakanaka kana kuti mune zvakaipa!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]
Kuvandudza Mano Okudzidza
“Kuongorora kunoratidza kuti kugaronzwa mimhanzi inotsinhirana kunogona kuvandudza mano emwana ekudzidza. Asi, mudzimba dzakawanda, havambonzwa chero ipi neipi zvayo.”—Audio, March 1999.