Muchato Wenyu Unogona Kununurwa!
Bhaibheri rizere nemazano anoshanda anogona kubatsira varume nemadzimai. Izvi hazvishamisi, nokuti Uyo akafuridzira Bhaibheri ndiyewo Muvambi wegadziriro yokuroorana.
BHAIBHERI rinopa mufananidzo wechokwadi wokuroorana. Rinobvuma kuti murume nomudzimai “vachatambudzika” kana kuti, sematauriro anoita New English Bible, “marwadzo nokutambudzika.” (1 VaKorinde 7:28) Asi, Bhaibheri rinotiwo kuroorana kunogona uye kunofanira kuunza mufaro, kunyange kufarisisa. (Zvirevo 5:18, 19) Pfungwa mbiri idzi hadzipokani. Dzinongoratidza kuti pasinei nezvinetso zvikuru, vaviri vanogona kuva noukama hwepedyo hune rudo.
Izvozvo zviri kushayikwa here mumuchato wenyu? Marwadzo nokuodzwa mwoyo zvavharidzira kuva pedyo nepedyo uye mufaro zvaiwanzowanika muukama hwenyu here? Kunyange muchato wenyu wanga usina rudo kwemakore akawanda, munogona kurwuwana zvakare. Zvechokwadi, munofanira kuona zvinhu sezvazviri. Hapana murume nomukadzi vasina kukwana vanokwanisa kuva nemhuri yakakwana. Kunyange zvakadaro, pane matanho aungatora kuti udzore kushata kwezvinhu.
Sezvaunoverenga mashoko anotevera, edza kuona pfungwa dzinoenderana nomuchato wenyu. Pane kungotarira zvikanganiso zvomumwe wako, sarudza mazano mashomanana aungashandisa iwe, woshandisa zano romuMagwaro. Ungaona kuti pane zvakawanda zvokutarisira mumhuri yenyu kupfuura zvawaifunga.
Ngatitangei takurukura nezvemafungiro nokuti maonero aunoita kuzvipira uye manzwiro aunoita nezvewawakaroorana naye zvinokosha zvikuru.
Maonero Aunoita Kuzvipira
Kana uchizoshanda kuti ugadzirise muchato wenyu maonero anosvika kure anokosha. Inga wani, gadziriro yokuroorana yakatangwa naMwari kuti ibatanidze vanhu vaviri zvokusazoparadzana. (Genesi 2:24; Mateu 19:4, 5) Nokudaro, ukama hwako newawakaroorana naye hahuna kufanana nebasa kana kuti nepokugara paunongogona kusiya nokutyora chibvumirano kana kungobuda. Asi, pawakaroora kana kuti kuroorwa wakaita mhiko yakakomba yokunamatirana nomumwe wako, kunyange zvodini. Pfungwa yakadzama yokuzvipira inopindirana nezvakataurwa naJesu Kristu makore 2 000 apfuura kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.
Vamwe vangati, ‘Asika, tichiri pamwe chete. Izvi hazviratidzi here kuti tine pfungwa yokuzvipira?’ Zvichida. Zvisinei, sezvataurwa patanga nyaya dzino dzakatevedzana, vamwe vaviri vanogara pamwe chete vakamomoterwa nezvinetso, vari muchizarira chomuchato usina rudo. Vavariro yenyu ndeyokuita kuti muchato wenyu unakidze, kwete kuti ungotsungiririka. Kuzvipira kunofanira kuratidza ruvimbiko kwete chete kugadziriro yokuroorana asiwo kumunhu wawakaita mhiko yokuti uchamuda nokumuchengeta.—VaEfeso 5:33.
Zvaunotaura kumumwe wako zvinongoratidza kuti kuzvipira kwako kwakadzama zvakadini. Somuenzaniso, pakuitirana nharo, vamwe varume nevadzimai vanokurumidza kutaura mashoko akadai sokuti “Ndave kukusiya!” kana kuti “Ndave kutsvaga mumwe munhu anondinzwisisa!” Kunyange kana kutaura kwakadaro kusiri kwokurevesa, kunoderedza kuzvipira nokuratidza kuti suo rakazaruka uye kuti ari kutaura akagadzirira kusunga twake achibuda nemariri.
Kuti mudzorere rudo mumuchato wenyu, bvisai kutaura kwakadaro muhurukuro dzenyu. Pashure pezvose, maizoshongedza imba here kana muchiziva kuti nguva ipi neipi mungabuda mairi? Saka, ungatarisire sei mumwe wako kuvakiridza muchato ungasazogara? Tsunga kuti uchaedza zvechokwadi kutsvaga nzira yokupedza nayo zvinetso.
Izvi ndizvo zvakaitwa nomumwe mudzimai mushure mokunge apfuura nomunguva yakaoma nomurume wake. “Kunyange zvangu ndaimuvenga zvikuru dzimwe nguva, ndaisafunga nezvokusiyana naye,” anodaro. “Chipi zvacho chaikanganisika, taizochigadzirisa neimwe nzira. Uye iye zvino, mushure memakore maviri azere nezvimhingamupinyi, ndinogona kutaura nomwoyo wose kuti tava kunyatsofara zvakare pamwe chete.”
Hungu, kuzvipira kunoreva kushandira pamwe—kwete kungova pamwe chete asi kushandira vavariro imwe. Zvisinei, ungafunga kuti pari zvino chiri kungochengeta muchato wenyu yangova pfungwa yomutoro. Kana zviri izvozvo, usaora mwoyo. Kungava kuti rudo rwunogona kuitwa kuti rwuvepozve. Sei?
Kukudza Wawakaroorana Naye
Bhaibheri rinoti: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose.” (VaHebheru 13:4; VaRoma 12:10) Zvinoumba shoko rechiGiriki rashandurwa pano kuti ‘kudzwa’ zvinoshandiswa pamwewo muBhaibheri so“kudiwa,” “kukosheswa,” uye “kukosha.” Kana tichikoshesa chimwe chinhu zvikuru, tinoedza nepatinogona napo kuchitarisira. Zvichida wakambocherechedza kuti izvozvo zvechokwadi ndizvo zvinoita murume ane motokari itsva inodhura. Anochengeta motokari yake inokosha ichipenya uye isina chakafa. Kwaari kunyange kumaranzurwa kuduku-duku chitori chinhu chikuru chisingamufadzi! Vamwe vanhu vanotarisirawo utano hwavo nenzira imwe iyoyi. Nei? Nokuti vanokoshesa utano hwavo, nokudaro vanoda kuhudzivirira.
Ivai nehanya zvakadaro pakudzivirira muchato wenyu. Bhaibheri rinoti rudo “rune tariro pazvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Panzvimbo pokubvumira pfungwa dzokukundikana—zvichida nokuramba kuti zvinobvira kuti muvandudze muchiti, “Hatina kumbobvira tanyatsodanana,” “Takaroorana tichiri vaduku zvakanyanya,” kana kuti “Taive tisingazivi zvataita”—madii kuva netariro yezvinhu zviri nani moshandira pakuvandudza, muchimirira nokushivirira migumisiro? “Ndinonzwa vandinobatsira vakawanda vachiti, ‘Ini handichazvigoni!’” anodaro mumwe anopa mazano vakaroorana. “Panzvimbo pokuongorora ukama hwacho kuti vaone kuti ndepapi panoda kuvandudzwa, vanokurumidza kurasira kure zvavaiedza zvose, kusanganisira zvinokosha zvavanofarira vose, zvakaitika munguva yakapfuura vava pamwe chete, uye mikana ipi neipi yeramangwana.”
Zviitiko zvipi zvakare zvaunofarira nomumwe wako? Pasinei nezvinetso zviri muukama hwenyu, zvechokwadi munogona kufunga nezvenguva dzinofadza, zvamakaita, uye zvinetso zvamakasangana nazvo makabatana. Fungai nezvezviitiko izvozvi, moratidza kuti munokudza muchato wenyu uye wamakaroorana naye nokushanda nomwoyo wose kuvandudza ukama hwenyu. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha Mwari anofarira zvikuru nzira iyo vakaroorana vanobatana nayo. Somuenzaniso, muzuva romuprofita Maraki, Jehovha akatonga zvakaipa varume vechiIsraeri vaibata vadzimai vavo noutsinye nokuvarambira twuzvikonzero twenhando. (Maraki 2:13-16) VaKristu vanoda kuti michato yavo ikudzwe Jehovha.
Makakatanwa—Akaipa Zvakadini?
Chikonzero chikuru chemhuri isina mufaro chinoratidzika kuva chokukundikana kwevarume nevadzimai kugadzirisa makakatanwa. Sezvo kusina vanhu vaviri vakanyatsofanana, michato yose ichava nokusawirirana pano nepapo. Asi vaviri vanongogara vasingabvumirani vangawana kuti mumakore ose rudo rwavo rwatonhora. Vangatopedzisira voti, ‘Hatimbopindirani. Tinongogara tichirwa!’
Asi, kungovapo kwokupesana hakufaniri kuva chikonzero chokubvarura muchato. Mubvunzo ndowokuti, Makakatanwa anobatwa sei? Mumuchato unobudirira, murume nomudzimai vakadzidza kutaura nezvezvinetso zvavo vasingaiti, sezvinotaurwa nomumwe chiremba, “vavengi vasingadi kuonana.”
“Simba Rorurimi”
Iwe nomumwe wako munoziva mataurirwo anoitwa zvinetso here? Mose munofanira kuva muchida kuzvitaura zvipere. Zvechokwadi, uhwu unyanzvi—huya hunogona kunetsa kudzidza. Nei? Chimwe chezvikonzero ndechokuti tose tinombo‘kanganisa pakutaura’ nokuda kwokusakwana. (Jakobho 3:2) Uyewo, vamwe vakarerwa mumisha umo hasha dzomumwe mubereki dzairatidzirwa nguva dzose. Kubvira pauduku, vakadzidziswa, neimwe nzira, kuti hapana chakaipa pakupopota kwehasha nokutaura kwokutuka. Mukomana akarerwa mumamiriro ezvinhu akadaro angakura kuva ‘munhu anotsamwa’ munhu “une hasha.” (Zvirevo 29:22) Saizvozvowo, musikana akarerwa mumamiriro ezvinhu akadaro angava “mukadzi anonetsa ane pamuromo uye ane hasha.” (Zvirevo 21:19, The Bible in Basic English) Zvingava zvakaoma kubvisa mafungiro nemaitiro akanyatsodzika midzi.a
Saka, kubata nokupesana kunosanganisira kudzidza nzira itsva dzokutaura zviri kufungwa nomunhu. Iyi haisi nyaya duku, nokuti chirevo cheBhaibheri chinoti: “Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu.” (Zvirevo 18:21) Hungu, kunyange zvazvo zvinganzwika sezviri nyore, matauriro aunoita newawakaroorana naye anogona kuparadza ukama hwenyu kana kuhumutsiridza. “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo,” chinodaro chimwe chirevo cheBhaibheri, “asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.”—Zvirevo 12:18.
Kunyange mumwe wako achiratidza sokunge ndiye anonyanya kudenha nematauriro ake, funga zvaunotaura panenge paine kusawirirana. Mashoko ako anokuvadza here, kana kuti anoporesa? Anotanga nharo here kana kuti anodzipomhodza? “Shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha,” rinodaro Bhaibheri. Kusiyana neizvi, “mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1) Mashoko anorwadza—kunyange akataurwa zvakapfava—achawedzera hasha.
Zvechokwadi, kana chimwe chinhu chichikunetsa, une kodzero yokutaura zvaunofunga. (Genesi 21:9-12) Asi unogona kuzviita usinganyombe, kutuka, nokunyadzisa. Zviisire miganhu yakasimba—mamwe mashoko aunoronga kusataura kumumwe wako, akadai sokuti “ndinokuvenga” kana kuti, “ndinoshuva kuti dai tisina kumbobvira taroorana.” Uye kunyange hake muapostora Pauro akanga asingatauri nezvokuroorana panyaya iyoyo, kuchenjera kusabatanidzwa mune dzaakati “nharo pamusoro pemashoko” uye “nharo dzakasimba pamusoro pezvisingakoshi.”b (1 Timoti 6:4, 5) Kana wawakaroorana naye achishandisa nzira dzakadaro, haufaniri kudarowo. Nepaunogona napo, tsvaka rugare.—VaRoma 12:17, 18; VaFiripi 2:14.
Zvinobvumwa kuti kana hasha dzakwira, zvakaoma kudzora matauriro. “Rurimi moto,” anodaro munyori weBhaibheri Jakobho. “Hapana mumwe pakati pevanhu anogona kurupingudza. Chinhu chisingadzoreki chakaipa, chakazara nouturu hunouraya.” (Jakobho 3:6, 8) Saka, ungaita sei kana hasha dzava kutanga? Ungataura sei nomumwe wako nenzira inoderedza makakatanwa panzvimbo pokuakuchidzira?
Kuderedza Nharo Dzinotsviriridza
Vamwe vakaona kuti zviri nyore kudzora kutsamwa nokutaura nyaya dziri kukukonzera kana vakasimbisa manzwiro avo kwete zvinoitwa nomumwe wavo. Somuenzaniso, kuti “Ndanzwa kurwadziwa nezvawataura” kunoshanda kupfuura kuti “Wandirwadzisa” kana kuti, “Unofanira kuziva kutaura zviri nani pane izvozvo.” Zvechokwadi, pakutaura manzwiro aunoita, inzwi rako harifaniri kuzara nehasha nokunyomba. Chinangwa chako chinofanira kuva chokuburitsa chinetso pachena pane kutsoropodza munhu wacho.—Genesi 27:46–28:1.
Uyezve, garoyeuka kuti pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Kana vanhu vaviri vachitaura panguva imwe chete, hapana anenge achiteerera mumwe, uye hapana chinoburwa. Saka kana chava chijana chako chokuteerera, iva ‘anokurumidza kunzwa, anononoka kutaura.’ Chinokosha zvakadarowo, ‘nonoka kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Usangofunga kuti shoko rose rinenge rataurwa nomumwe wako anenge achirevesa; kana ku“kurumidza pamweya wako kutsamwa.” (Muparidzi 7:9) Asi, edza kunzwisisa pfungwa dzaita kuti mumwe wako ataure mashoko ake. “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake,” rinodaro Bhaibheri, “kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.” (Zvirevo 19:11) Kungwara kuchabatsira murume nomudzimai kutarisa chiri seri kwokusabvumirana.
Somuenzaniso, kunyunyuta kwomudzimai kwokuti murume wake haapedzi nguva yakawanda naye kungasava kunyunyutira maawa namaminitsi chete. Kunganyanyova nechokuita namanzwiro ake ari kufuratirwa nokusaongwa. Saizvozvowo, kunyunyuta kwomurume nezvokutenga chinhu zvisina kurongwa kungave kwaitwa nomudzimai wake kungasava kwokuti apedza mari chete. Kungava nechokuita nokuti sei asina kubvunzwa mafungiro ake paitwa chisarudzo chacho. Murume nomudzimai vane uchenjeri vachanyatsoongorora vowana mudzi wechinetso.—Zvirevo 16:23.
Izvi zviri nyore kutaura pane kuita here? Zvechokwadi! Dzimwe nguva, pasinei nokuedza kwakanakisisa, mashoko asina mutsa achataurwa uye hasha dzichaviruka. Kana ukaona izvi zvotanga kuitika, ungada kutevera zano raZvirevo 17:14 rinoti: “Rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” Hapana chakaipa pakumbosiya nyaya yacho kusvikira hasha dzaserera. Kana zvakaoma kutaura musingazopedzisiri maviruka, ringava zano rakanaka kuva neshamwari yakura mupfungwa inogara pasi nemi yokubatsirai kugadzirisa kupesana kwenyu.c
Rambai Muchiona Zvinhu Sezvazviri
Musaodzwa mwoyo kana muchato wenyu ukasaita sezvamaifunga kuti uchaita pamaiva musati maroorana. Rimwe boka renyanzvi rinoti: “Kune vakawanda muchato hausi mufaro usingagumi chete. Unonakidza pane dzimwe nguva uye wakaoma pane dzimwe nguva.”
Hungu, muchato ungasava nyaya dzorudo dzomumabhuku, asiwo haufaniri kutyisa. Nepo pachava nenguva apo iwe newawakaroorana naye muchafanira kushivirirana, pachava nenguva apo mungaisa kupesana kwenyu parutivi mongonakidzwa nokuva pamwe chete, muchitamba, uye kutaurirana seshamwari neshamwari. (VaEfeso 4:2; VaKorose 3:13) Idzi ndidzo nguva apo mungakwanisa kukuchidzira rudo rwanga rwadzima.
Yeuka, vanhu vaviri vasina kukwana havagoni kuva nemhuri yakakwana. Asi vanogona kuwana mufaro wakati kuti. Chaizvoizvo, kunyange zvichioma, ukama huri pakati pako newawakaroorana naye hunogona kuva chisipiti chokugutsikana kukuru. Pane chinhu chimwe chete chechokwadi: Kana mose iwe nomumwe wako mukaedza uye mukatsvaka zvinonakira mumwe, pane chikonzero chakanaka chokudavira kuti muchato wenyu unogona kununurwa.—1 VaKorinde 10:24.
[Mashoko Omuzasi]
a Pesvedzero yevabereki haisi chikonzero chokuzvipembedza kuti mumwe ataure zvakashata kune waakaroorana naye. Zvisinei, inogona kutsanangura kuti maitiro acho akadzika midzi zvakadii ova anonetsa kubvisa.
b Shoko repakuvamba rechiGiriki rakashandurwa kuti “nharo dzakasimba pamusoro pezvisingakoshi” rinogona kunzi “kutsamwisana.”
c Zvapupu zvaJehovha zvinobatsirwa nevakuru veungano. Nepo risiri basa ravo kupindira munyaya dzepachivande dzevanhu vakaroorana, vakuru vanogona kubatsira zvinozorodza vaviri vari mudambudziko.—Jakobho 5:14, 15.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Mashoko ako anokuvadza here, kana kuti anoporesa?
[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 10]
KANDA BHORA RACHO ZVINYORO-NYORO
Bhaibheri rinoti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.” (VaKorose 4:6) Zvechokwadi izvi zvinoshanda zvakanaka mumhuri! Kuenzanisira: Mumutambo wokukandirana, unokanda bhora zvokuti rinogona kubatwa nyore. Haurikandi nesimba zvokuti unokuvadza mumwe wako. Shandisa nheyo imwe chete iyoyi pakutaura newawakaroorana naye. Kungopotsera mashoko anorwadza kuchangokuvadza chete. Asi, taura zvinyoro-nyoro—nomutsa—kuti mumwe wako abate zvauri kureva.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]
YEUKA!
Verenga tsamba nemakadhi zvakare. Tarira mifananidzo. Zvibvunze kuti, ‘Chii chakandikwezvera kune mumwe wangu? Unhu hupi hwandainyanyoyemura? Mabasa api ataiita pamwe chete? Taiwanzosetswa nei?’ Chitaura nezvezvaunoyeuka izvi newawakaroorana naye. Kukurukurirana kunotanga nemashoko okuti “Unouyeuka here nguva . . . ?” kungabatsira iwe newawakaroorana naye kumutsiridza manzwiro amaiita kune mumwe nomumwe.
[Bhokisi riri papeji 12]
WOKUROORANA NAYE MUTSVA, ZVINETSO ZVAKAFANANA
Vamwe vakaroorana vanonzwa sevari muchizarira chomuchato usina rudo vanoedzwa kuti vatangezve nomumwe wokuroorana naye mutsva. Asi Bhaibheri rinoshora upombwe, richiti munhu anoita chivi ichi “unoshayiwa njere [“ibenzi risina pfungwa,” New English Bible]” uye “unoda kuparadza upenyu hwake.” (Zvirevo 6:32) Pakupedzisira, mhombwe isingapfidzi inorasikirwa nenyasha dzaMwari—rudzi rwokuparara rwakaipisisa rwunobvira.—VaHebheru 13:4.
Upenzi hwokuita upombwe hunoratidzwa nedzimwe nzira zvakare. Imwe yaidzodzi ndeyokuti mhombwe inoroorana nomumwe munhu mutsva inowanzotarisana nezvinetso zvakafanana nezvakatadzisa muchato wayo wokutanga. Dr. Diane Medved anotaura chimwe chinhu chokufunga nezvacho: “Chinhu chokutanga chakadzidzwa nomumwe wako nezvako,” anodaro, “ndechokuti haudi kuva akatendeka. Anoziva kuti unogona kunyengera munhu wawavimbisa kuremekedza. Kuti uri nyanzvi yokupa twuzvikonzero. Kuti unogona kunyengedzeka worega kuzvipira. Kuti mafaro okunakirwa noumbimbindoga hwokuzvifadza zvinokunyengera. . . . Wokuroorana naye wechipiri anoziva sei kana usingazonyengedzwizve?”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]
UCHENJERI HUNOBVA MUZVIREVO ZVEBHAIBHERI
• Zvirevo 10:19: “Kudarika hakungakoni pamunhu une mashoko mazhinji, asi unodzora miromo yake, une uchenjeri.”
Kana washatirwa, ungataure zvakawanda kupfuura zvawanga uchida—wozozvidemba pava paya.
• Zvirevo 15:18: “Munhu une hasha unomutsa kukakavara, asi une mwoyo murefu unonyaradza gakava.”
Kupomerana kunoti dyoo kungaita kuti wawakaroorana naye azvidzivirire, nepo kuteerera nomwoyo murefu kuchakubatsirai mose kushandira kupedza chinetso.
• Zvirevo 17:27: “Unozvidzora pamashoko ake une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu wenjere.”
Kana ukanzwa kuti hasha dzako dziri kutanga, zvakanakisisa kuramba unyerere kuti udzivise bopoto rakakura.
• Zvirevo 29:11: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; asi munhu wakachenjera unodzidzora nokudzinyaradza.”
Kuzvidzora kunokosha zvikuru. Kupopota kwokushatirwa kuchangoita kuti wawakaroorana naye asave noushamwari newe.