Zvinotaura Bhaibheri
Anopesana naKristu Ndiani?
“SOKUNZWA KWAMAKAITA KUTI ANOPESANA NAKRISTU ARI KUUYA.”—1 JOHANI 2:18.
KUDAI waizonyeverwa kuti tsotsi rine ngozi rakaonekwa richienda kunzvimbo yaunogara, waizoitei? Zvimwe waizotsvaka mashoko akarurama nezvechitarisiko charo uye nzira dzarinoshandisa. Waizongwaririra.
Mamiriro ezvinhu akafanana aripo nhasi. Tave tichinyeverwa nemashoko omuapostora Johani anoti: “Kutaura kwose kwakafuridzirwa kusingatauri pachena pamusoro paJesu hakubvi kuna Mwari. Uyezve, uku ndiko kutaura kwakafuridzirwa kweanopesana naKristu kwamakanzwa kuti kwakanga kuchiuya, uye zvino kwatova munyika.” (1 Johani 4:3) Anopesana naKristu akadaro ariko here, muvengi waMwari uye munyengeri wevanhu ari kutyisidzira kugara zvakanaka kwevanhu vose zvino?
Johani akashandisa mashoko okuti “anopesana naKristu” kashanu mumbiri dzetsamba dzake. Mashoko acho anoreva chinhu chipi nechipi chinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri nezvaJesu Kristu uye kusanganisira vanyengeri vanozvidana kuti Kristu kana kuti vanoti vakatumwa naye. Bhaibheri rinopa mashoko akavimbika nezveanopesana naKristu. Asi sezvinowanzoitika kumatsotsi dzimwe nguva, mashoko asina hwaro pamusoro peboka risinganzwisisiki iri akanyanya kuteererwa kupfuura chokwadi.
Nyaya Yokusanyatsoziva
Kubvira mumazuva omuapostora Johani, vanhu vakataura kuti mashoko aJohani nezveanopesana naKristu anoreva munhu mumwe chete. Vanhu vakataura nezvevanhu vakasiyana-siyana vavanofunga kuti ndivo vanopesana naKristu. Mazana emakore apfuura vakawanda vaifunga kuti Mutongi weRoma Nero aiva anopesana naKristu. Gare gare, ruvengo rukuru nokutya zvakakonzerwa naAdolf Hitler zvakatendisa vakawanda kuti akanga ari anopesana naKristu. Muzivi wokuGermany Friedrich Nietzsche akatomboshandisirwawo mashoko acho. Asi vamwe vanodavira kuti anopesana naKristu achauya uye kuti achaonekwa sewezvematongerwe enyika akachenjeresa, ane utsinye ane chinangwa chokutonga nyika. Vanodavira kuti chikara chomuna Zvakazarurwa chitsauko 13 ndicho anopesana naKristu akataurwa zvakananga naJohani. Vanoti munzira yakati chiratidzo chacho 666 chinoratidza mutsigiri uyu wouipi womunguva yemberi.
Vaya vanosimudzira pfungwa idzi vanofunga kuti Johani akataura nezveanopesana naKristu mumwe chete. Asi mashoko ake anoratidzei? Ona zvinotaura 1 Johani 2:18: “Sokunzwa kwamakaita kuti anopesana naKristu ari kuuya, kunyange zvino kwazova nevanopesana naKristu vakawanda.” Hungu, “vanopesana naKristu vakawanda,” kwete mumwe chete, ndivo vakakonzera mamiriro ezvinhu ainetsa mumudzimu muzana remakore rokutanga. Nhasi, boka reanopesana naKristu rinoumbwa nevakawanda kwete mumwe chete. Boka racho rose, rave richikuvadza vanhu zvakanyanya mumudzimu. (2 Timoti 3:1-5, 13) Ndivanaani vanoumba anopesana naKristu?
Ngatitarise chikara chine misoro minomwe chiri muna Zvakazarurwa chitsauko 13 sechingangova ivo. Muapostora Johani akanyora kuti: “Chikara chandakaona chakanga chakaita seingwe, asi makumbo acho akanga akaita seebheya, uye muromo wacho wakanga wakaita somuromo weshumba.” (Zvakazarurwa 13:2) Zvinhu zvakasiyana-siyana izvi zvinorevei?
Nyanzvi dzeBhaibheri dzakaona kuwirirana kwaZvakazarurwa 13 naDhanieri chitsauko 7. Mwari akaratidza Dhanieri zvikara zvokufananidzira, zvinosanganisira ingwe, bheya, uye shumba. (Dhanieri 7:2-6) Muprofita waMwari akati zvairevei? Akanyora kuti zvikara izvozvo zvaimirira madzimambo epasi, kana kuti hurumende. (Dhanieri 7:17) Saka tinogona kugumisa zvine musoro kuti chikara chomuna Zvakazarurwa chinofananidzira hurumende dzevanhu. Sezvo hurumende idzi dzichishora Umambo hwaMwari, idzowo dzinopesana naKristu.
Ndiani Zvekare Anopesana naKristu?
Kristu, Mwanakomana waMwari paakafamba pasi pano, aiva nevavengi vakawanda. Kunyange zvazvo vasingachakwanisi kumuona panyama, pachine vanomuvenga mazuva ano. Ona kuti ndivanaani vanobatanidzwa pakati pevashori ava.
Muapostora Johani akati: “Murevi wenhema ndiani kana asiri uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Uyu ndiye anopesana naKristu, uyo anoramba Baba neMwanakomana.” (1 Johani 2:22) Vakaramba kutenda nevatungamiriri vokunamata kwenhema vanomonyanisa dzidziso dzakajeka dzaJesu kuva dzidziso dzakaoma kunzwisisa dzounyengeri mune zvechitendero. Vakadaro vanoramba chokwadi cheBhaibheri uye vanoparadzira nhema muzita raMwari naKristu. Vanoramba ukama hwechokwadi hwaBaba noMwanakomana nedzidziso yavo yoUtatu. Naizvozvo, ivowo vanopesana naKristu.
Jesu akafanonyevera vadzidzi vake pana Ruka 21:12 kuti: “Vanhu vachakubatai vokutambudzai, vachikuisai kumasinagogi nomumajeri . . . nokuda kwezita rangu.” Kubvira muzana remakore rokutanga, vaKristu vechokwadi vakatsungirira kutambudzwa kunorwadza. (2 Timoti 3:12) Vanotanga kutambudza kwakadaro vanopesana naKristu. Zvekare ivo varimowo muboka revaya vanopesana naKristu.
“Asiri kurutivi rwangu anopesana neni, uye asingaunganidzi neni anoparadzira.” (Ruka 11:23) Apa Jesu anozivisa kuti vose vanomushora nezvinangwa zvaMwari zvaanotsigira vari muboka revanopesana naKristu. Chii chichaitika kwavari?
Chii Chichaitika Kuvanopesana naKristu?
“[Mwari a]chaparadza vanoreva nhema. Jehovha unosema munhu unoteura ropa nounonyengera,” rinodaro Pisarema 5:6. Izvi zvinoshanda kuvanopesana naKristu here? Hungu. Muapostora Johani akanyora kuti: “Vanyengeri vakawanda vakabudira munyika, vanhu vasingatauri pachena kuti Jesu Kristu akauya munyama. Uyu ndiye munyengeri anopesana naKristu.” (2 Johani 7) Nemhaka yokureva nhema kwavo nokunyengera, Mwari Wemasimba Ose achaparadza vanopesana naKristu.
Sezvo nguva yokupa mutongo iwoyo inoswedera pedyo, vaKristu vechokwadi havafaniri kubvumira unyengeri nedzvinyiriro zvevanopesana naKristu, kunyanya kubva kune vakaramba kutenda, kuti zvinetese kutenda kwavo. Nyevero yaJohani ndeyokukurumidzira inoti: “Zvichenjererei, kuti musarasikirwe nezvinhu zvatakashanda kuti tiwane, asi kuti muwane mubayiro wakazara.”—2 Johani 8.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]
Nero pamapeji 2 ne30: Courtesy of the Visitors of the Ashmolean Museum, Oxford