Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingaita Sei Kuti Ndiratidzike Zvakanaka?
“Zvakanga zvakandiomera uye ndaisanzwa zvakanaka kuti ndirambe ndichitaura nevasikana. Ndakanga ndisingazivi zvavaifunga, zvavainzwa, uye maonero avaiita zvinhu.”—Tyler.
VASIKANA vanoda unhu hwakadini pavakomana? “Chivimbo,” anodaro mumwe achiri kuyaruka anonzi Emily. Robyn, mumwe achiri kuyaruka, anotaura kuti kuva anosetsa kuri pane zvinhu zvaanoda zvikuru. Uye vakomana vanonyanya kukoshesa chii pavasikana? Hazvishamisi kuti kumwe kutsvakurudza kwakaratidza kuti runako rwaiva pamusoro pezvinodiwa. Kuda zvinhu zvakafanana kwakanga kuri panzvimbo yechitanhatu.
Nyaya uye tsvakurudzo dzinokurukura nezvoushamwari hwevakomana nevasikana dzinowanzowanikwa mumagazini anotaura nezvepwere. Zviri pachena kuti vechiduku vakawanda vanofunga zvakawanda—kana kuti zvichida vanonetseka nezvokuti—vakomana kana kuti vasikana vanovaona sei. Zvichida iwewe unotombonetseka nezvazvo. Hazvirevi kuti wave kuda kuroora kana kuroorwa. Kunongova kuti hapana munhu asingadi kukwezva kana kuti kudiwa! Tyler anoti: “Paunenge uchiyaruka, unoda kuva anokwezva kune munhu wose. Unoda kugamuchirwa nevezera rako, vakomana nevasikana.” Uyewo, unganzwa kuti rimwe zuva unoda kuwana munhu wokuroorana naye akanaka. Kana nguva iyoyo yauya, ndezvomuzvarirwo kuti unoda kukwezva munhu akadaro.
Zvisinei, somuKristu wechiduku, ungadai usina kuwana ruzivo rwakanyanya mukubata nevakomana kana vasikana. Uyewo pane kumanikidzirwa kwaunonzwa kubva kushamwari dzako kuti uratidzike zvakanaka. Nokuratidzwa kwakawanda kwevanoratidza zvipfeko zvakanaka uye vatambi vane tsandanyama vaunoona paTV uye mumagazini, hazvishamisi kuti ungasanzwa wakachengeteka uye uchiperevedza! Saka kuti uve anokwezva kune vamwe zvinoda kuti uve munhu akaita sei—kusanganisira vakomana kana kuti vasikana—munzira yakadzikama, yakanaka?
Upenzi Hwokuda Muviri “Wakakwana”
Chiremba anorapa vane zvinetso zvounhu William S. Pollack anoti vanhu vaduku vachipesvedzerwa neindasitiri yezvevaraidzo, “vari kupedza maawa akawanda vachidzora kudya kwavo, kusimudza masimbi, uye kurovedza muviri, vachiita zvose izvi kuti vachinje ukuru uye chimiro chemiviri yavo.” Vamwe vari kutonyanyisa, zvakadai sokuzvinyima zvokudya, kuitira kuti vasvike pakuva nomuviri “wakakwana.” Asi Social Issues Research Centre inoti, “Zvinotaurwa nezvinobudisa nhau kuti ndozvinofanira kunge zvakaita vakadzi zvinokwanisika nevasingasviki 5 kubva muzana pavakadzi vose varipo—uye izvozvo zvinongoreva pauremu nomhumhu. Kana uchida chimiro chakanaka, chiso nezvimwewo, vanhu vanenge 1 kubva muzana chete ndivo vangatokwanisa.”
Saka zano reBhaibheri riri pana VaRoma 12:2 rinobatsira rokuti: “Musabvumira nyika kuti ikumanikidzirei muforoma yayo.” (Phillips) Zvisinei, izvi hazvirevi kuti haufaniri kuva nehanya nechitarisiko chako. Zvine musoro kuti utarisire muviri wako nokuurovedza zvakakodzera uye kudya zvinovaka muviri. (VaRoma 12:1; 1 Timoti 4:8) Kuzorora uye kurara zvakanaka kunogona kukubatsira kuti uratidzike uye unzwe zvakanaka. Uyewo, iva noutsanana uye pfeka zvakanaka. Wechiduku wokuBritain anonzi David anoti: “Pane mumwe musikana akanaka, asi ane chinetso chekahwema. Vanhu havamudi nemhaka yaizvozvi.” Saka gara uchigeza. Maoko, bvudzi, uye nzara dzakachena zvinoita kuti uratidzike zvakanaka.
Kunyange zvazvo Bhaibheri risingakurudziri kunyanyisa kukoshesa zvaunopfeka, rinokurudzira vaKristu kuti “vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vane mwero nokunaka kwepfungwa.” (1 Timoti 2:9) Pfeka mbatya dzinoita kuti uratidzike zvakanaka asi kwete dzokunyanyisa kana kuti dzisina kukodzera.a Kutarisira chitarisiko chako zvine mwero kunogona kuwedzera chivimbo chako. Wechiduku anonzi Paul anotaura nenzira iyi: “Pamwe hauna runako sorune vamwe, asi unogona kuvandudza zvauri.”
Unhu Hwomukati
Nepo chiso nomuviri zvakanaka zvingakwezva, nokufamba kwenguva “runako rwakaita sefuro.” (Zvirevo 31:30, Byington) Runako runogara kwenguva pfupi, uye harutsivi unhu hwomunhu hwakanaka. (Zvirevo 11:22) Yeukawo kuti “Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Saka pane kuti unyanye kufunga nezvokutarisika kwechiuno chako kana kuti uri mhitsa zvakadini, shandira kushonga “munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha zvikuru mumaziso aMwari.” (1 Petro 3:3, 4; VaEfeso 4:24) Ichokwadi kuti munyika yanhasi vechiduku vakawanda vangasava vachikoshesa unhu hunoyemurika—ndoda unhu hunodiwa pakunamata.b Asi vaya vane tsika dzinodiwa naMwari vanodzida uye vanodziwana dzakanaka!
Saka nzira yakaisvonaka yokuva anokwezva kune vaKristu vakakura mumudzimu kuti iwe pachako uve akakura mumudzimu. Vandudza kuda kwako Mwari nokunyengetera, kudzidza Bhaibheri uri woga, uye kupinda misangano yechiKristu. (Pisarema 1:1-3) Kunyange zvakadarowo, pane humwe unyanzvi nohumwe unhu hwaunogona kukudziridza. Haufaniri hako kushamwaridzana kana kuti kuva nomukomana kana musikana kuti uve nounhu uhwu. Asi unogona kudzidzira kuva nahwo mune zvaunoita nevamwe zuva nezuva.
Somuenzaniso, unonzwa kusagadzikana kana kunyara kana uri pane vakomana kana vasikana here? Wechiduku anonzi Paul anobvuma kuti: “Dzimwe nguva ndinonzwa kusagadzikana—nokuti ivo vasikana, uye handinzwisisi vasikana sezvandinoita vakomana. Uye handidi kuzvinyadzisa.” Ungava sei nechivimbo uye chiremera chinoita kuti vamwe vanzwe kurerukirwa? Imwe nzira ndeyokushamwaridzana nevanhu vakasiyana-siyana vanowanikwa muungano yechiKristu. Pamisangano farira vamwe—kwete vakomana kana kuti vasikana vezera rako chete asiwo vana, vanhu vakuru, uye vakwegura. (VaFiripi 2:4) Kudzidza kubata zvakanaka nevanhu vakasiyana-siyana vakadaro kuchakubatsira kuva nechivimbo.
Asi uchenjere. Jesu akati: “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 19:19) Kana une chivimbo, hazvizoiti kuti unzwe kusagadzikana pane vamwe.c Zvisinei, kunyange zvazvo zvakakodzera kuti uve noruremekedzo rwakati, usanyanyisa. “Ndinoudza munhu wose aripo pakati penyu,” akadaro muapostora Pauro, “kuti asazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.”—VaRoma 12:3.
Zvekarewo, ongorora zvakasimba tsika dzako uye kugarisana kwako nevamwe. Mumwe musikana wokuBritain anonzi Lydia anoti: “Kuchikoro kwedu kune mumwe mukomana anofarirwa nevasikana kwazvo. Asi kana vava kumuziva, havazomudi nokuti haana tsika uye haana mukanwa.” Vanhu vanokwezvwa nomunhu anotaura zvine mutsa, anongwarira uye ane hanya nevamwe. (VaEfeso 4:29, 32; 5:3, 4) Tsika dzakanaka dzakafanana nepasipoti, inopa rusununguko uye inoita kuti usvike kune vanhu,” anodaro Dr. T. Berry Brazelton. Tsika dzakanaka “dzinokosha kuti munhu agamuchirwe nevamwe.”
Tsika nokuzvibata zvinosiyana-siyana pasi pose. Saka iwe ungada kuongorora kuti varume nevakadzi vakuru vechiKristu vanoremekedzana sei. Somuenzaniso, ndozvinoitwa munyika yenyu here kuti murume avhure musiwo kuti mukadzi apinde? Saka kudzidza kuita izvi kuchawedzera mukurumbira wako somunhu anogona kubata nevanhu, ane tsika.
Pakupedzisira, ungawana kuti zvinobatsira kuti uve munhu anofara zvakadzikama. Bhaibheri rinoti pane “nguva yokuseka,” uye munhu anofara kakawanda anova neshamwari nyore-nyore.—Muparidzi 3:1, 4.
Kuva Noushamwari Kwakasiyana Nokunyengera
Rimwe bhuku rinozviti “nhungamiro yokufambidzana kunobudirira” rinoti chinoita kuti munhu agone kukwezva mukomana kana kuti musikana kunyepedzera kuva noushamwari. Vaverengi vaikurudzirwa kudzidzira kunyemwerera uye kutarisana kumeso uye kukwenenzvera ‘mashoko okutanga.’ Mazano akadaro anopesana nezvinorehwa nemashoko ezano raPauro kuna Timoti okubata vanhurume kana vanhukadzi “nokuchena kwose.”—1 Timoti 5:2.
Kunyange zvazvo kunyepedzera kuva noushamwari kungaita kuti munhu aonekwe nevamwe, hakusi kutendeseka uye kusavimbika. Haufaniri kunyepedzera kuva noushamwari kana kuva munhu kwaye kuti uve nekurukurirano yakanaka. Uye hazvirevi kuti unofanira kubvunza mibvunzo inonyadzisa kana kuti isina kukodzera kuti udzidze kuti vakomana kana kuti vasikana vanonzwa sei. Omerera pakutaura zvinhu ‘zvakarurama, zvakachena, uye zvinodiwa,’ uye ucharatidza kuti uri kufambira mberi mukuva murume kana kuti mukadzi akakura mumudzimu. (VaFiripi 4:8) Kuteerera kwako nhungamiro yaMwari kuchakuita kuti uoneke zvakanaka kwete kuvakomana kana vasikana chete asi kuna Mwari pachake.d—Zvirevo 1:7-9.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Young People Ask . . . What’s the Secret of Choosing the Right Clothes?” iri mumagazini yedu yechiRungu yaOctober 8, 1989.
b Maererano nomumwe mutsvakurudzi, zvidzidzo zvinoratidza kuti vechiduku vakangwara kakawanda vanonyombwa nokuda kwemano avo. Vamwe vechiduku vanobva vazviita semafuza.
c Chitsauko 12 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, chine mazano akawanda anoshanda okuti munhu adzidze kuzviremekedza.
d Kana uchiri muduku kuti uroore kana kuroorwa, kuchenjera kuti ushamwaridzane nevakomana kana vasikana makawanda. Ona Nyaya inoti: “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Zvakadini Kana Vabereki Vachiti Ndichiri Muduku Pane Zvokupfimbana? iri mumagazini yeMukai! yaFebruary 8, 2001.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Pane kunyanya kufunga nezvechitarisiko chako, shandira kuva nounhu hwakanaka naMwari
[Mufananidzo uri papeji 31]
Dzidza kushamwaridzana nevanhu vakasiyana-siyana