Zvinotaura Bhaibheri
Mwari Anonzwa Sei Nezvokuita Chisimba?
CHISIMBA chakapararira uye chinoitwa munzira dzakasiyana-siyana. Kunze kwechinoitwa muhondo, pane chinoitwa mumitambo, chinokonzerwa nokushandisa zvinodhaka, chinoitwa muzvikwata zvematsotsi, chinoitwa kuchikoro, kumabasa uyewo mune zvevaraidzo. Kunyange chisimba chinoitwa mudzimba chinenge chakapararira mumhuri dzakawanda. Somuenzaniso, kumwe kunzvera kuchangobva kuitwa kwakaratidza kuti muCanada varume nevakadzi vanosvika mamiriyoni 1,2 vakarwiswa nechisimba nevavakaroorana navo kanopfuura kamwe munguva yemakore mashanu achangodarika. Kumwe kunzvera kwakaratidza kuti varume vanosvika 50 kubva muzana vanorova vakadzi vanoitirawo chisimba vana vavo.
Ichokwadi kuti zviito zvechisimba zvakadaro zvinotyisa kwauri sezvazvinongoitawo kune vamwe vanhu vakawanda. Zvisinei, chisimba chava chimwe chezvinhu zvinowanikwa muzvinhu zvinovaraidza zvakawanda zvanhasi. Vanhu havangooni chisimba chinoitwa zvokugadzirwa mumafirimu asiwo chisimba chaicho chinoitwa nevanhu chinobudiswa paterevhizheni. Tsiva nemimwe mitambo yechisimba zvinhu zvinofarirwa nevanhu munyika dzakawanda. Asi Mwari anonzwa sei nezvokuita chisimba?
Nhoroondo Yekare-kare Yechisimba
Kuita chisimba kwakabvira kare. Chiito chokutanga chokuitira mumwe munhu chisimba chakanyorwa muBhaibheri chinotsanangurwa pana Genesi 4:2-15. Kaini, mwanakomana wokutanga waAdhamu naEvha akava neshanje nomunun’una wake Abheri akamuponda nemaune. Mwari akaitei? Bhaibheri rinotsanangura kuti Jehovha Mwari akaranga Kaini zvakasimba nemhaka yokuuraya kwaakaita munun’una wake.
Pana Genesi 6:11, tinoverenga kuti makore anopfuura 1 500 izvozvo zvaitika, nyika yakanga “izere nokumanikidzana.” Mwari akaita sei zvekare? Akarayira Noa akarurama kuti avake areka yaizomuchengeta nemhuri yake vakakotsekana apo Jehovha aizounza mafashamo panyika, nokudaro ‘achiparadza’ nzanga iyoyo yakanga ine chisimba. (Genesi 6:12-14, 17) Asi chii chakanga chakonzera vanhu vacho kuti vave nechisimba zvakadaro?
Kukurudzirwa Nemadhimoni
Nhoroondo yaGenesi inoratidza kuti vanakomana vaMwari, ngirozi dzisingateereri, dzakachinja dzikava vanhu, dzikatora vakadzi, dzikabereka vana. (Genesi 6:1-4) Vana vacho vaizivikanwa kuti vaNefirimi, vakanga vari mazirume chaiwo ane mukurumbira. Vachikurudzirwa navanababa vacho vakanga vari madhimoni, vakava vanhu vanoshusha vanoita chisimba. Mvura yemafashamo payakawedzera ikafukidza pasi, vanhu vakaipa vanoshusha ava vakaparara. Asi madhimoni aya akachinjazve pakuva vanhu ndokudzokera muchadenga.
Bhaibheri rinojekesa kuti kubvira ipapo, idzi ngirozi dzakapanduka dzakakurudzira vanhu zvakasimba. (VaEfeso 6:12) Mutungamiri wadzo, Satani, anonzi “muurayi” wepakuvamba. (Johani 8:44) Nokudaro chisimba chose chinoitika panyika chinogona kutaurwa zvakananga kuti chinobva kumadhimoni kana kuti kuna Satani.
Bhaibheri rinonyevera nezvokunyengera kunoita chisimba. Pana Zvirevo 16:29, rinoti: “Munhu [“ane chisimba,” NW] unonyengedzera wokwake, achimutungamirira panzira isina kunaka.” Nhasi vakawanda vakanyengedzwa kuti vabvumire kana kuti kusimudzira, kana kutanga kuita zviito zvechisimba. Uyezve mamiriyoni evanhu akakwezvwa kuti anakidzwe nezvinovaraidza zvinosimudzira chisimba. Mashoko ePisarema 73:6 anogona kushandiswa zvakarurama kutsanangura chizvarwa chanhasi. Munyori wepisarema anoti: “Kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; [“chisimba,” NW] chinovafukidza senguo.”
Mwari Anovenga Chisimba
VaKristu vanofanira kuzvibata sei munyika ine chisimba? Nhoroondo yeBhaibheri yevanakomana vaJakobho, Simeoni naRevhi, inotipa nhungamiro yakanaka. Hanzvadzi yavo Dhina yakashamwaridzana nevanhu vaiita unzenza veShekemi. Izvi zvakabva zvaita kuti ichinywe nomunhu wokuShekemi. Mukutsiva, Simeoni naRevhi vakauraya varume vose veShekemi zvisina tsitsi. Gare gare, achifuridzirwa naMwari, Jakobho akatuka hasha dzisingadzorwi dzevanakomana vake nemashoko okuti: “Simeoni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba. Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo, kukudzwa kwangu rega kusonganiswa neungano dzavo.”—Genesi 49:5, 6.
Maererano nemashoko aya, vaKristu havasonganiri nevaya vanosimudzira kana kuti vanokurudzira chisimba. Zvakajeka kuti Mwari anovenga vaya vanosimudzira chisimba. Bhaibheri rinoti: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.” (Pisarema 11:5) VaKristu vanokurudzirwa kudzivisa marudzi ose okutsamwa kusingadzorwi, kunyange kutuka.—VaGaratiya 5:19-21; VaEfeso 4:31.
Chisimba Chichazombopera Here?
Muprofita wekare Habhakuki akabvunza Jehovha Mwari kuti: “Ndichashevedzera kwamuri kuti mundiyamure pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musinganunuri?” (Habhakuki 1:2, NW) Zvichida iwe wakambobvunza mubvunzo wakadaro. Mwari akapindura Habhakuki, achivimbisa kubvisa “wakaipa.” (Habhakuki 3:13) Bhuku rouprofita raIsaya rinopawo tariro. Mariri Mwari anopikira kuti: “Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganhu yako.”—Isaya 60:18.
Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chokuti munguva pfupi iri kutevera Mwari achabvisa panyika zviito zvose zvechisimba nevaya vanochisimudzira. Panguva iyoyo, pane kuti izadzwe nechisimba, “Nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.”—Habhakuki 2:14.
[Mufananidzo uri papeji 12]
Chisimba chakatanga apo Kaini akauraya Abheri