Uchi—Chipo Chinopiwa Vanhu Nenyuchi
Nomunyori weMukai! muMexico
PAAKANGOEREKANA awana zinga rouchi hwaidonha musango, mumwe murwi wechiIsraeri akanga aneta akanyika tsvimbo yake mahuri ndokuhudya. Pakarepo, “maziso ake akatanga kupenya” akavazve nesimba. (1 Samueri 14:25-30) Nhoroondo iyi yeBhaibheri inoratidza kuti uchi hune chimwe chinhu chinobatsira vanhu. Hunokurumidza kupa simba, sezvo huine makabhohayidheretsi akawanda—anenge 82 muzana. Zvinoshamisa kuti nesimba rinopiwa nemagiramu 30 bedzi ouchi, zvinonzi nyuchi inogona kutenderera nyika yose ichibhururuka!
Nyuchi dzinoita uchi kuti hungobatsira vanhu bedzi here? Kwete, dzinodyawo uchi. Mukokowo zvawo wenyuchi unoda makirogiramu ari pakati pe10 ne15 ouchi kuti dzirarame muchando. Asi mumwaka wakanaka, mukoko unogona kuita makirogiramu 25 ouchi, uchiva nehwakawanda hwokuti hunogona kumorwa nevanhu kuti vadye—uyewo nemhuka dzakadai semabheya uye zvitsere.
Nyuchi dzinogadzira sei uchi? Nyuchi dzinobhururuka dzoenda dzichitora muto mumaruwa, dzousveta notururimi twadzo twakafanana nechubhu. Dzinoenda nawo kumukoko uri mune rimwe rematumbu adzo. Dzinopa muto wacho kune dzimwe nyuchi dzinozo“utsenga” kwenguva inenge hafu yeawa, dzichiusanganisa nemaenzayemu omumukanwa madzo. Idzo dzinobva dzauisa mutumaburi tune makona matanhatu twakagadzirwa nenamo yadzo uye dzoufefetera nemapapiro adzo kuitira kubvisa mvura.a Kana mvura yacho yaderedzwa kusvika pasi pe18 muzana, tumaburi twacho twunovharwa nenamo nhete. Uchi hwakavharirwa hunogona kugara kwenguva yakareba zvikuru. Zvinonzi uchi hwakanaka hunodyika hwakawanwa mumakuva avanaFarao agara kwemakore anenge 3 000.
Mushonga Uri Muuchi
Kuwedzera pakuva zvokudya zvakanaka—uchi idura chairo revhitamini B, zvinhu zvakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinoita kuti okisijeni isatikuvadze—uchi mushonga wekare zvikuru unozivikanwa uchiri kushandiswa.b Dr. May Berenbaum, nyanzvi yezvipembenene yepaYunivhesiti yeIllinois, U.S.A., anoti: “Uchi hwange huchishandiswa kwemazana emakore kurapa zvirwere zvakasiyana-siyana zvakadai semaronda, kutsva, tsanga, zvironda zveganda uye mhezi.”
Richitaura nezvokukosha kwouchi mukurapa, rimwe sangano renhau reCNN rinoti: Uchi hahuna kuzonyanya kushandiswa pazvironda pakagadzirwa mishonga yezvironda muHondo Yenyika II. Asi kutsvakurudza kutsva—uye kuwedzera kwoutachiona husina zvahunoitwa nemishonga—kwakaguma nokuita kuti uyu mushonga wange uripo kwenguva refu, ushandiswezve pakurapa zvirwere kana kuti zvironda.” Somuenzaniso, kumwe kutsvakurudza kwaisanganisira kurapwa kwemaronda okutsva. Zvakacherechedzwa kuti varwere vaikurumidza kupora vasingarwadziwi zvakanyanya uye vaisaita vanga guru pavaizora uchi vosunga.
Kutsvakurudza kunoratidza kuti sezvo nyuchi dzichiwedzera enzayemu mumuto wemaruva, uchi hune zvinhu zvinoti rwisei utachiona nemabhakitiriya. Enzayemu iyi inobudisa hydrogen peroxide, inouraya utachiona hunokuvadza.c Uyezve, hukazorwa pachironda chaipo, zvakaonekwa kuti uchi hunoita kuti chisanyanye kuzvimba hwoita kuti pakurumidze kupora. Ndokusaka nyanzvi yezvinhu zvipenyu yokuNew Zealand, Dr. Peter Molan ichiti: “Vanachiremba vava kubvuma kuti uchi chinhu chinogona kushandiswa uye chinobatsira pakurapa.” Kutaura zvazviri, rimwe sangano rinonzi Therapeutic Goods Administration rakatendera kuti uchi huve mushonga, uye huri kutengeswa somushonga unozorwa pamaronda munyika iyoyo.
Unoziva zvokudya zvingani zvinovaka muviri zvikuru uye zvinonaka asi zvichishandiswa somushonga? Saka hazvishamisi kuti munguva yakapfuura, mitemo chaiyo yaidzikwa kuti ichengetedze nyuchi uye vaidzichengeta! Kuparadza miti kana kuti mikoko yaigara nyuchi zvaiva mhosva yairangwa nefaindi yakakura kana kuti norufu chairwo. Zvechokwadi, uchi chipo chinokosha chakapiwa vanhu uye chinokudza Musiki.
[Mashoko Omuzasi]
a Namo inoshandiswa nenyuchi kugadzira mazinga ouchi inogadzirwa nenhengo dzinongomirira kuita izvozvo chete. Maumbirwo emaburi emazinga anoita kuti madziro awo matete—ayo ane hutete hwemamirimita 1/3—akwanise kutakura zvinhu zvinoenzana nokurema kwawo ka30. Saka zinga rouchi rakagadzirwa nounyanzvi hunoshamisa.
b Hazvirumbidzwi kuti vana vapiwe uchi nokuti hunokonzera chirwere chine ngozi kwavari.
c Sezvo enzayemu yacho ichiurayiwa nokupisa uye nechiedza, uchi husina kubikwa ndihwo hunoshandisirwa zvinangwa zvokurapa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]
Kubika Nouchi
Uchi hunotapira kudarika shuga. Saka, kana uchida kushandisa uchi panzvimbo peshuga, ingoshandisa hafu kana kuti zvikamu zvitatu kubva muzvikamu zvina zvouchi uchienzanisa neshuga yawaizoshandisa. Uyezve, sezvo uchi huri mvura inenge 18 muzana, shandisa mvura shoma mune zvaunobika nouchi zvichienderana nokuti uri kushandisa hwakawanda sei. Kana pasina mvura, wedzera zvipunu zviviri zvikuru zvefurawa pakapu youchi yoga yoga yaunoshandisa. Pazvinhu zvinobhekwa, wedzerawo hafu imwe yechipunu chidiki chesoda yokubhekesa pakapu youchi yoga yoga woderedza tembiricha yehovhoni yako ne15°C.
[Kwazvakatorwa]
National Honey Board
[Mufananidzo uri papeji 16]
Nyuchi ichienda panzvimbo nenzvimbo ichitsvaka muto wemaruva
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Zinga rouchi
[Mufananidzo uri papeji 17]
Bute renyuchi dzinoita uchi
[Mufananidzo uri papeji 17]
Muchengeti wenyuchi achiongorora furemu rabva mumukoko