Zvinotaura Bhaibheri
Chivi Chokutanga Chaiva Chei?
UYU hausi mubvunzo wokungoda kuziva chete. Nei? Nokuti kusateerera Mwari kwaAdhamu naEvha kwakakanganisa zvizvarwa zvose zvaizotevera kusvikira kunguva yedu. Bhaibheri rinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Asi zvakaitika sei kuti kungotora kwavakaita uye kudya muchero womuti kuzoguma zvinotyisa kudaro?
Mwari paakasika Adhamu naEvha, akavagarisa mumunda wakanaka kwazvo waiva uzere nemiriwo yaidyiwa uye miti yaibereka michero. Muti mumwe chete bedzi ndiwo wakarambidzwa—“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Sezvo vaiva norusununguko rwokuzvisarudzira, Adhamu naEvha vaigona kusarudza kuteerera Mwari kana kusamuteerera. Zvisinei, Adhamu akanyeverwa kuti, “nezuva raunoudya [muti wokuziva] chokwadi uchafa.”—Genesisi 1:29; 2:17.
Kurambidza Kwakakodzera
Kurambidza uku kwakanga kusiri kuvaomesera; Adhamu naEvha vaigona kudya mimwe miti yose yaiva mumunda. (Genesisi 2:16) Uyezve, kurambidza kwacho kwaisareva kuti pane chakanga chisina kunaka pavari, uyewo kwakanga kusiri kuvazvidza. Kudai Mwari akanga arambidza zvinhu zvakaipa zvakaita sokurara nemhuka kana kuti kuponda, vamwe vaigona kuti vanhu vakakwana vakanga vaine humwe unhu hwakaipa hwakanga huchifanira kugadziriswa. Zvisinei, zvakanga zvakakodzera kuti vanhu vadye.
Muchero wakarambidzwa waimiririra zvepabonde here, semafungiro anoita vamwe? Pfungwa iyi haitsigirwi neMagwaro. Kutanga, Mwari paakarambidza, Adhamu akanga ari oga uye zviri pachena kuti akaramba akadaro kwenguva yakati. (Genesisi 2:23) Chechipiri, Mwari akaudza Adhamu naEvha kuti ‘vabereke vawande, vazadze nyika.’ (Genesisi 1:28) Zvechokwadi, aisazovarayira kuti vaputse mutemo wake ozovaranga norufu pamusana pokukanganisa kwavo! (1 Johani 4:8) Chechitatu, Evha akatangira Adhamu kudya muchero wacho, gare gare ndokuzopa murume wake. (Genesisi 3:6) Saka zvakajeka kuti muchero wacho wakanga usiri zvepabonde.
Kuedza Kuzvimiririra Patsika
Muti wokuziva waiva muti chaiwoiwo. Zvisinei, waimiririra kodzero yaMwari soMutongi kuti asarudzire vanhu vake zvakarurama nezvakaipa. Naizvozvo, kudya muti wacho kwaisangova kuba chete—kutora chinhu chaiva chaMwari—asiwo kwaiva kuedza kuzvimiririra patsika kana kuti kuzvisarudzira. Ona kuti pashure pokunyepera Evha kuti kana iye nomurume wake vakadya muchero, ‘vaisazofa zvechokwadi,’ Satani akati: “Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesisi 3:4, 5.
Zvisinei, pavakadya muchero wacho, Adhamu naEvha havana kutanga kunzwisisa zvakanaka nezvakaipa sezvinoita Mwari. Chokwadi, Evha akatoti kuna Mwari: “Nyoka—yandinyengera.” (Genesisi 3:13) Kunyange zvakadaro, aiziva murayiro waMwari, zvokuti akatoudzokorora kunyoka, iyo yakashandiswa naSatani kutaura. (Zvakazarurwa 12:9) Saka zvaakaita zvinoratidza kuti akarega kuteerera nemaune. (Genesisi 3:1-3) Zvisinei, Adhamu haana kunyengerwa. (1 Timoti 2:14) Pane kuti ateerere Musiki wake nokuvimbika, akateerera mudzimai wake ndokutevera nzira yake yokuzvimiririra.—Genesisi 3:6, 17.
Nokusarudza kuzvimiririra, Adhamu naEvha vakakanganisa zvisingagadzirisiki ukama hwavo naJehovha uye vakaita kuti chivi chive mumiviri yavo nokusingaperi, kusvikira pamaumbirwo avo chaiwo. Zvechokwadi, vakararama kwemazana emakore, asi vakatanga kufa “muzuva” ravakatadza, sezvinongoita bazi rinenge ratemwa pamuti. (Genesisi 5:5) Uyezve, kwenguva yokutanga, vakanzwa kuti vakanga vasisina rugare mumwoyo mavo. Vakaziva kuti vakanga vasina kupfeka uye vakaedza kuvanda Mwari. (Genesisi 3:7, 8) Vakanzwawo kuti vakanga vaine mhosva, vasina kuchengeteka, uye vakanzwa vaine nyadzi. Chivi chavo chakaita kuti ivo pachavo vanzwe vasina kugadzikana, hana dzavo dzichivapomera mhosva.
Kuti aite zvaakanga ataura oomerera pamirayiro yake mitsvene, Mwari akatongera Adhamu naEvha zvakarurama rufu uye akavadzinga mumunda weEdheni. (Genesisi 3:19, 23, 24) Saka Paradhiso, mufaro, uye upenyu husingaperi zvakarasika, zvichiita kuti pazova nechivi, kutambudzika, uye kufa. Iyi migumisiro inosuruvarisa zvikuru kuvanhu vose! Zvisinei, achangobva kupa mutongo kune vaviri vacho, Mwari akavimbisa kubvisa zvakaipa zvose zvaikonzerwa nechivi chavo asingatyori mirayiro yake yakarurama.
Chinangwa chaJehovha chaiva chokuti vana vaAdhamu naEvha vasunungurwe pachivi norufu. Akazviita achishandisa Jesu Kristu. (Genesisi 3:15; Mateu 20:28; VaGaratiya 3:16) Achishandisa Jesu, Mwari achabvisa chivi nezvose zvachinokonzera uye achaita kuti pasi rose rive paradhiso, sezvaakanga aronga pakutanga.—Ruka 23:43; Johani 3:16.
WAKAMBOSHAMISIKA HERE?
◼ Tinoziva sei kuti muchero wakarambidzwa wakanga usiri zvepabonde?—Genesisi 1:28.
◼ Kudya muchero wakanga warambidzwa kwaimiririra chii?—Genesisi 3:4, 5.
◼ Mwari akaita urongwa hupi kuti abvise migumisiro yechivi?—Mateu 20:28.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
Muchero wakarambidzwa wakanga usiri zvepabonde
[Mufananidzo uri papeji 15, 16]
Evha akanga achida kufanana naMwari, achizvisarudzira zvakanaka nezvakaipa