Zvinotaura Bhaibheri
Tinofanira Kuona Sei Mari Zvinoratidza Kuti Takachenjera?
BHAIBHERI rinoti: “Mari inodzivirira.” (Muparidzi 7:12) Inotidzivirira pamatambudziko anokonzerwa nourombo, nokuti ndiyo yatinoshandisa pakutenga zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Zvechokwadi, mari inotenga zvinhu zvose zvatinoda. Muparidzi 10:19 inoti: “Inodiwa pazvinhu zvose.”
Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tishande nesimba kuitira kuti tikwanise kuzviriritira isu nemhuri dzedu. (1 Timoti 5:8) Kana munhu akashanda nesimba akavimbika, zvinoita kuti awedzere kugutsikana, kuzviremekedza, uye kunzwa akachengeteka.—Muparidzi 3:12, 13.
Uyezve, kushanda kwatinoita nesimba kunoita kuti tibatsirewo vamwe nemari. Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Mufaro wakadaro unovapo kana tashandisa mari yedu tichifara kubatsira vanoshayiwa, zvikurukuru vaKristu vatinonamata navo, kana kuti patinotengera mumwe munhu watinoda chipo.—2 VaKorinde 9:7; 1 Timoti 6:17-19.
Jesu akakurudzira vateveri vake kuva norupo, kwete zvepano neapo asi kuti ive tsika yavo yokugara vachipa muupenyu hwavo. Akati: “Garai muchipa.” (Ruka 6:38) Izvi zvinoshandawo patinenge tichipa kuti tifambisire mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo hwaMwari. (Zvirevo 3:9) Chokwadi kupa kwatinoita nenzira iyi kunoita kuti ‘tive shamwari’ dzaJehovha noMwanakomana wake.—Ruka 16:9.
Ngwarira “Kuda Mari”
Vanhu vane udyire vakaomera, uye pavanopa, vanenge vaine chinangwa choudyire. Kazhinji kacho kuomera kwavo kunokonzerwa nokudisa mari zviri izvo zvinowanzoita kuti vasafare. Pana 1 Timoti 6:10 panoti: “Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” Nei kudisa mari kusingagutsi uye kuchikuvadza?
Chimwe chikonzero ndechokuti munhu anonyanya kuda pfuma haagutswi nayo. “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha,” inodaro Muparidzi 5:10. Saka vanodisa mari ‘vanozvibaya pose pose’ nokushungurudzika kusingaperi. Uyezve, makaro avo anoita kuti vasave noukama hwakanaka nevamwe, vasave nemhuri dzinofara, uye vasawane zororo rakakwana. “Hope dzomunhu anoshanda dzakanaka, pasinei nokuti anodya zvishoma here kana kuti zvizhinji; asi zvinhu zvizhinji zvomupfumi hazvimubvumiri kurara.” (Muparidzi 5:12) Kupfuura zvose, kudisa mari kunoita kuti usafarirwe naMwari.—Jobho 31:24, 28.
Nhoroondo dziri muBhaibheri uye mumabhuku enyika dzine mienzaniso yakawanda yevanhu vaiba, vaisaruramisira, vaiita zvechipfambi, vaiponda, vaitengesa vamwe, uye vainyepa—vaiita zvose izvi kuti vawane mari. (Joshua 7:1, 20-26; Mika 3:11; Mako 14:10, 11; Johani 12:6) Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu akakoka mumwe mutongi wechiduku “akanga akapfuma kwazvo” kuti amutevere. Zvinosuruvarisa kuti murume wacho akaramba nokuti zvaizomutadzisa kuwana mari. Zvadaro, Jesu akabva ati: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vaya vane mari vapinde muumambo hwaMwari!”—Ruka 18:23, 24.
‘Mumazuva ano okupedzisira,’ vaKristu vanofanira kungwarira zvikuru nokuti sezvakafanotaurwa vanhu vakawanda vava ‘kuda mari.’ (2 Timoti 3:1, 2) VaKristu vechokwadi vanoramba vachiziva zvavanoda mukunamata, havaiti gundamusaira mumakaro okutsvaka mari nokuti vane chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura mari.
Chimwe Chinhu Chinokosha Zvikuru Kupfuura Mari
Kunyange achitaura kuti mari inodzivirira, Mambo Soromoni akawedzera kuti “uchenjeri hunodzivirira” nokuti “hunochengetedza varidzi vahwo.” (Muparidzi 7:12) Airevei? Pano Soromoni aireva uchenjeri hunobva pazivo yakarurama yeMagwaro uye pakutya Mwari kwakarurama. Zvahunokosha kupfuura mari, uchenjeri hwakadaro hunobva kuna Mwari hunogona kuchengetedza munhu kuti asapinde munataisireva uye kunyange kuti asakurumidze kuenda kwamupfiga nebwe. Uyewo, sekorona, uchenjeri hwechokwadi hunokwidziridza vaya vanahwo uye hunoita kuti varemekedzwe. (Zvirevo 2:10-22; 4:5-9) Zvakare nokuti hunoita kuti munhu afarirwe naMwari, hwave huchinzi “muti woupenyu.”—Zvirevo 3:18.
Vaya vanoda nomwoyo wose uchenjeri hwakadaro, uye vanoda kuhutsvaka, vanoona kuti hunowanika nyore nyore. “Mwanakomana wangu . . . kana ukachemera kunzwisisa, ukashevedzera kuti uwane ungwaru, kana ukaramba uchizvitsvaka sesirivha, ukaramba uchizvitsvaka sepfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, uye uchawana zivo pamusoro paMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo noungwaru.”—Zvirevo 2:1-6.
Nokuti vanokoshesa uchenjeri kupfuura mari, vaKristu vechokwadi vanogutsikana, vanofara, uye vanowana rugare kupfuura vanhu vanodisa mari. VaHebheru 13:5 inoti: “Mararamiro enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’” Mari haichengetedzi zvakadaro.
WAKAMBOZVIBVUNZA HERE KUTI
◼ Mari inodzivirira sei?—Muparidzi 7:12.
◼ Nei uchenjeri hunobva kuna Mwari huchikosha zvikuru kupfuura mari?—Zvirevo 2:10-22; 3:13-18.
◼ Nei tisingafaniri kudisa mari?—Mako 10:23, 25; Ruka 18:23, 24; 1 Timoti 6:9, 10.