Vechiduku Vanobvunza Kuti
Ndingaita Sei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?
Unoverenga Bhaibheri kakawanda zvakadini? (Maka pamwe chete)
□ Pazuva
□ Pasvondo
□ Pamwe pacho ․․․․․
Pedzisa mutsetse uri pasi apa.
Pandisinganakidzwi nokuverenga Bhaibheri, kakawanda imhaka yokuti . . . (Maka zvose zvinoshanda kwauri)
□ Rinenge risingandinakidzi
□ Ndinenge ndakavhiringika
□ Pfungwa dzinenge dziri kumwe
□ Zvimwe ․․․․․
HAUNAKIDZWI nokuverenga Bhaibheri here? Kana zvakadaro, ungawirirana naWill ane makore 18 anoti, “Bhaibheri ringaita serisinganakidzi.” Asi anowedzerawo kuti, “Ndokana usingazive nzira yokuriverenga nayo.”
Nei uchifanira kudzidza nzira yokuverenga nayo Bhaibheri? Ungada here kuziva zvaungaita kuti
◼ uite zvisarudzo zvakanaka?
◼ uve neshamwari chaidzo?
◼ ukunde kushushikana?
Bhaibheri rine uchenjeri hwakaita sematombo anokosha panyaya idzi nedzimwewo dzakawanda. Ichokwadi kuti ibasa chairo kuti uwane uchenjeri ihwohwo. Asi izvozvo zvakada kufanana nokutsvaka pfuma yakavanzwa: Kana ukashanda zvakaoma uchanakidzwawo zvakanyanya paunowana zvawanga uchitsvaka!—Zvirevo 2:1-6.
Ungawana sei pfuma yakavanzwa iri muBhaibheri? Bhokisi riri kurudyi richakubatsira kuti ungaverenga sei Bhaibheri uye kuseri kwaro kune pfungwa dzokuti ungaverenga mabhuku aro akatevedzana sei. Uyewo edza mazano aungafarira ari pamapeji anotevera.
Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype
Kana uine mukana wokushandisa Indaneti unokwanisa kuverenga Bhaibheri pawww.watchtower.org/e/bible
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO
Zvinonzi zvaunowana pane zvaunoita zvinoenderana nesimba raunenge washandisa.
◼ Izvozvo ndezvechokwadi sei panyaya yokuverenga Bhaibheri?
◼ Ndepapi paungawana nguva yokuverenga Bhaibheri uri woga?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]
MAVERENGERO AUNGAITA BHAIBHERI
Usati waverenga . . .
◼ Iva nechokwadi chokuti hapana ruzha kuti usavhiringidzwe.
◼ Nyengetera kuti ubatsirwe kunzwisisa.
Paunenge uchiverenga . . .
◼ Shandisa mepu uye mifananidzo yezvinorondedzerwa muBhaibheri kuti zvikubatsire kuona mupfungwa zvaiitika.
◼ Fungawo mamiriro akanga akaita zvinhu, uye ongorora mashoko akadzama.
◼ Tarisa mashoko omuzasi uye mamwe magwaro anoratidzwa nekabhii kanenge karipo.
◼ Zvibvunze mibvunzo yakadai sokuti:
ZVAZVIRI CHAIZVO: Izvi zvakaitika rini? Ndiani akataura mashoko aya? Aitaurirwa ani?
ZVAANOREVA: Mashoko aya ndingaatsanangurire mumwe munhu sei?
KUKOSHA KWAWO: Nei Jehovha akaita kuti nyaya iyi ive muShoko rake? Mashoko acho anoratidzei nezveunhu hwake kana kuti maitiro aanoita zvinhu? Zvidzidzo zvipi zvandingashandise muupenyu?
Kana wapedza kuverenga . . .
◼ Tsvakurudza zvimwe. Shandisa mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha akadai seInsight on the Scriptures uye “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” kana achiwanika mumutauro wako.
◼ Nyengetera zvakare. Udza Jehovha zvawadzidza uye kuti uri kuronga kuzvishandisa sei. Mutende nokuda kweShoko rake, Bhaibheri.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
UCHAVERENGA MABHUKU EBHAIBHERI ACHITEVEDZANA SEI?
Zvaungasarudza . . .
□ Verenga kubva kwarinotangira kusvika kwarinoperera.
□ Verenga zvichienderana nenguva yakanyorwa mabhuku acho kana kuti yezviitiko zvacho.
□ Zuva roga roga, verenga chikamu chakasiyana cheMagwaro.
Muvhuro: Nhoroondo inonakidza (Genesisi kusvika kuna Esteri)
Chipiri: Upenyu hwaJesu nezvaaidzidzisa (Mateu kusvika kuna Johani)
Chitatu: ChiKristu chepakutanga (Mabasa)
China: Uprofita uye mazano panyaya dzetsika (Isaya kusvika kuna Maraki, Zvakazarurwa)
Chishanu: Nhetembo dzinobaya mwoyo uye nziyo (Jobho, Mapisarema, Rwiyo RwaSoromoni)
Mugovera: Uchenjeri hweupenyu (Zvirevo, Muparidzi)
Svondo: Tsamba dzaienda kuungano (VaRoma kusvika kuna Judha)
Pasinei nokuti unosarudza kuverenga sei, iva nechokwadi chokuti uri kunyatsoziva pauri kuverenga! Kana wapedza kuverenga chitsauko chimwe nechimwe isa ✔ kana kuti ratidza neimwe nzira zvitsauko zvose zvaunenge waverenga.
Cheka kabhokisi aka wokachengeta muBhaibheri rako!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
ITA KUTI MAGWARO AVE NOUPENYU!
Ita kuti zvaunoverenga zvinakidze. Somuenzaniso:
□ Ronga mazita maererano nemhuri dzawo.
□ Gadzira chati. Somuenzaniso, paunenge uchiverenga nezvemunhu akatendeka, batanidza unhu hwake uye zvaakaita nokukomborerwa kwaakaita.—Zvirevo 28:20.
[Diagram]
Shamwari yaMwari
↑ Aiteerera
↑ Aiva Akatendeka
↑ ↑
Abrahamu
□ Dhirowa mufananidzo kuti uenzanisire nyaya yacho.
□ Dhirowa tumifananidzo tunoratidza kuti zvinhu zvacho zvaitevedzana sei. Tsanangura zviri kuitika pakamufananidzo kamwe nekamwe.
□ Gadzira zvinhu zviduku zvokuenzanisira zvakadai seAreka yaNoa.—Somuenzaniso ona Awake! yaJanuary 2007, peji 22.
□ Verenga zvinonzwika uine shamwari kana vomumhuri. Zvamunogona kuita: Mumwe ngaaverenge chikamu chinenge chichirondedzera nyaya yacho. Vamwe ngavaverenge zvakataurwa nevanhu vanenge vari munyaya yacho.
□ Sarudza nyaya, woichinja kuti iite senhau. Rondedzera zvakaitika nenzira dzakasiyana-siyana pamwe pacho uchiita zvokubvunza vaya vainyanya kutaura munyaya yacho uye zvapupu.
□ Tora nyaya ine munhu akaita chisarudzo asina kufunga uye chifunga kuti dai asina kudaro chii chingadai chakaitika! Somuenzaniso, funga nezvokuramba Jesu kwakaita Petro. (Mako 14:66-72) Zvimwe zviri nani zvingadai zvakaitwa naPetro ndezvipi?
□ Ona kana kuti teerera mitambo yeBhaibheri yakarekodwa.
□ Nyora mutambo wako. Nyorawo zvidzidzo zvinogona kudzidzwa munyaya yacho.—VaRoma 15:4.
ZANO REZVAUNGAITA: Tamba mutambo wacho neboka duku reshamwari.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
ZVINGAKUKURUDZIRA
◼ Iva nechinangwa! Nyora pasi apa musi waungada kutanga purogiramu yako yokuverenga Bhaibheri.
․․․․․
◼ Sarudza chikamu cheBhaibheri chinokunakidza. (Ona bhokisi rakanzi “Uchaverenga Mabhuku eBhaibheri Achitevedzana Sei?”) Zvadaro nyora pasi apa chikamu cheBhaibheri chauchatanga kuverenga.
․․․․․
◼ Tanga nenguva shoma. Kunyange kuverenga Bhaibheri kwemaminitsi 15 kuri nani pane kusaverenga zvachose. Nyora pasi apa nguva yauchashandisa.
․․․․․
Zvaungaita: Iva neBhaibheri rokungodzidza chete. Nyora zvimwe zvaunoda imomo. Maka mavhesi anonyanya kukosha kwauri.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]
ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO
“Ndinoedza kuverenga kachikamu kadiki muBhaibheri ndisati ndanorara. Izvi zvinondipa chokufunga nezvacho pandinenge ndava kukotsira.”—Megan.
“Ndinoverenga ndofunga nezvevhesi imwe chete kwemaminitsi 15. Ndinoverenga mashoko ose omuzasi, ndotarira magwaro ose anoratidzwa nekabhii kanenge karipo, uye ndinotsvakurudza zvimwewo. Pane dzimwe nguva handipedzi vhesi imwe panguva imwe chete, asi maverengero aya anoita kuti ndidzidze zvakawanda panguva imwe chete!”—Corey.
“Kamwe chete, ndakaverenga Bhaibheri rose mumwedzi 10. Izvozvo zvakaita kuti ndione kubatana kwezvikamu zvakasiyana-siyana zveBhaibheri kwandakanga ndisati ndamboona kare.”—John.
[Bhokisi riri papeji 25]
SARUDZA POKUVERENGA!
□ Sarudza nyaya yakaitika. Bhaibheri rizere nenyaya chaidzo dzakaitika dzinonakidza. Sarudza nyaya inokunakidza woiverenga kubva kwainotangira kusvika kwainoperera.
Zvaungaita: Kuti uwane mazano okuti ungadzidza sei zvakawanda munyaya yacho, ona peji 292 yebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
□ Sarudza Evhangeri. Verenga Mateu (Evangeri yakatanga kunyorwa), Mako (yakanyorwa muchidimbu, zvinonakidza), Ruka (inonyanyotaura nezvemunyengetero uye vakadzi), kana kuti Johani (inotaura zvakawanda zvisiri kune mamwe mabhuku eEvhangeri)
Zvaungaita: Usati waverenga, chimbotanga watarira mashoko mashoma ane chokuita nebhuku reBhaibheri racho uye munyori waro kuitira kuti unzwisise kuti nei Evangeri yacho yakasiyana nedzimwe.
□ Sarudza pisarema. Somuenzaniso:
Kana uchinzwa wakasurukirwa uye usina shamwari, verenga Pisarema 142.
Kana uchinzwa wakaora mwoyo nemhaka yekukanganisa kwako, verenga Pisarema 51.
Kana usina chokwadi nokubatsira kwemirayiro yaMwari, verenga Pisarema 73.
Zvaungaita: Chengeta mapisarema aunenge waverenga anonyanya kukukurudzira.
[Bhokisi riri papeji 26]
DZAMISA PFUNGWA
◼ Funga nezvemamiriro akanga akaita zvinhu. Ongorora nguva yacho, nzvimbo, uye mamiriro ezvinhu echikamu chauri kuverenga.
Muenzaniso: Verenga Ezekieri 14:14. Dhanieri angave aiva nemakore mangani Jehovha paakati aiva muenzaniso wakanaka pamwe naNoa naJobho?
Zvingangokubatsira: Chitsauko 14 chaEzekieri chitsauko 14 chakanyorwa makore mashanu chete Dhanieri atapwa achiendeswa kuBhabhironi—zvichida aine makore ari kuma13.
Mashoko anokosha aungawana: Dhanieri aiva muduku zvakanyanya here zvokuti Jehovha aisagona kuona kutendeka kwake? Zvisarudzo zvipi zvakanaka zvakaita kuti akomborerwe? (Dhanieri 1:8-17) Muenzaniso waDhanieri ungakubatsira sei kuita zvisarudzo zvakanaka?
◼ Ongorora pfungwa dzakadzama. Dzimwe nguva shoko rimwe chete kana kuti maviri ndiwo anokosha.
Muenzaniso: Enzanisa Mateu 28:7 naMako 16:7. Nei Mako akabatanidza pfungwa yokuti Jesu aizozviratidza kuvadzidzi “naPetro”?
Zvingangokubatsira: Pakaitika zviitiko izvi, Mako akanga asipo; saka zviri pachena kuti akawana mashoko aya kuna Petro.
Mashoko anokosha aungawana: Nei Petro angava akanzwa akurudzirwa kunzwa kuti Jesu aida kumuona zvakare? (Mako 14:66-72) Jesu akaratidza sei kuti aiva shamwari chaiyo kuna Petro? Ungatevedzera sei Jesu kuti uve shamwari chaiyo kune vamwe?
◼ Tsvakurudza zvimwe. Tsvaka mumabhuku anotsanangura Bhaibheri.
Muenzaniso: Verenga Mateu 2:7-15. Vazivi venyeredzi vakashanyira Jesu rini?
Zvingangokubatsira: Ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 2008, peji 31, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Mashoko anokosha aungawana: Sezviri pachena, Jehovha akagovera sei zvinhu zvaidiwa nemhuri yaJesu payaiva muIjipiti? Kuvimba naJehovha kungakubatsira sei kukunda mamiriro ezvinhu anotambudza?—Mateu 6:33, 34.