Zvinotaura Bhaibheri
Pane Pazvinganzi Ungochani Hwakanaka Here?
MUNYIKA dzakawanda tsika yokuita ungochani yava kuoneka seisina kuipa. Mune imwe chechi yokuUnited States pane vamwe vari kuti zvinorehwa neBhaibheri nezvenyaya yeungochani zvinofanira kuchinjwa kuti zvienderane nemararamiro emazuva ano. Mumwe murume ari zvekare mufundisi kuBrazil akaroorana nemumwe murume uye ari kukurudzira kuti zvinotaurwa neBhaibheri zviongororwezve kuitira kuti zvienderane nechechi yake.
Kune rimwewo divi, vaya vasingatsigiri tsika youngochani vanowanzonzi vane rusaruro uye vanovenga ngochani. Bhaibheri rinonyatsoti chii panyaya yeungochani?
Bhaibheri Rinoti Chii?
Bhaibheri rinoti tisasarura vamwe. Zvisinei, zvarinotaura panyaya youngochani zvakajeka.
“Usarara nomunhurume sokurara kwaunoita nomukadzi. Chinhu chinosemesa.”—Revhitiko 18:22.
Pamitemo yetsika yakapiwa rudzi rwevaIsraeri pachishandiswa Mosesi, uri pamusoro apa ndomumwe wacho. Mashoko ari mumutemo wacho okuti “chinhu chinosemesa,” anoratidza maonero anoita Mwari kuita ungochani, pasinei nokuti munhu muJudha here kana kuti haasi. Mamwe marudzi akanga akapoteredza vaIsraeri aiita ungochani, makunakuna, upombwe, nezvimwe zvairambidzwa muMutemo. Saka Mwari aiona marudzi iwayo seasina kuchena. (Revhitiko 18:24, 25) Zvinotaurwa neBhaibheri zvakachinja here pakatanga chiKristu? Ona zvinotaurwa nerugwaro runotevera:
“Mwari akavarega vachiva nechido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu, nokuti vanhukadzi vavo vakachinja zvavakasikirwa kuti zvive zvakasiyana nemasikirwo avo; saizvozvowo kunyange vanhurume vakasiya zvakasikirwa munhukadzi vakatsva kwazvo pakuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume, vachiita zvinonyadzisa.”—VaRoma 1:26, 27.
Nei Bhaibheri richiti ungochani hunonyadzisa uye hunopesana nemasikirwo evanhu? Nokuti ngochani dzinoita bonde zvinopesana nemasikirwo atakaitwa naMwari uye hazviiti kuti paberekwe mwana. Zvakaitwa nengirozi dzakapanduka dzakazopedzisira dzava kunzi madhimoni mumazuva aNoa hazvina kumbosiyana nezvinoitwa nengochani. (Genesisi 6:4; 19:4, 5; Judha 6, 7) Zvakaitwa nengirozi idzi uye zvinoitwa nengochani zvinopesana nemasikiro akaita Mwari.
Pane Here Zvingaita Kuti Zvinzi Ungochani Hauna Kuipa?
Vamwe vangabvunza kuti, ‘Dzinza rako, nzvimbo yaunokurira kana kuti zvinhu zvinoshungurudza zvawakasangana nazvo muupenyu zvakadai sekubatwa chibharo, zvinganzi zvikonzero zvokuti munhu aite ungochani here?’ Kwete. Funga nezvemuenzaniso uyu: Mamwe masayendisiti anoti, kuti munhu agare achidhakwa kazhinji ndezvedzinza kana kuti akarerwa mumhuri ine vanhu vanonwa doro vachidhakwa. Ichokwadi kuti vanhu vakawanda vanotomunzwira tsitsi. Asi hazvirevi kuti vachamukurudzira kuti arambe achidhakwa kana kuti kumuudza kuti asazvinetsa hake nepamusana pokuti ndezvedzinza kana kuti akakura nevanhu vaidhakwa.
Kunyange zvazvo Bhaibheri risingashori vanhu vane dambudziko rokuita ungochani, haribvumiri mabasa oungochani nepamusana pokuti ndezvedzinza kana zvimwewo zvikonzero. (VaRoma 7:21-25; 1 VaKorinde 9:27) Asi rinopa mazano anobatsira kuvanhu vakadaro kuti vakwanise kurwisa chido chokuita ungochani.
Mwari Anoda Kuti Vanhu Vane Zvido Zvokuita Ungochani Vaitei?
Bhaibheri rinoti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Kunyange zvazvo Bhaibheri richirambidza ungochani, haribvi rati chivengai ngochani dzacho.
Maonero aMwari nyaya yeungochani haafaniri kudirwa mvura. Pavanhu vanonzi neBhaibheri havazogari nhaka youmambo hwaMwari sezvinotaurwa na1 VaKorinde 6:9, 10 vamwe vacho “varume vanorara nevarume.” Asi ndima 11 inozowedzera mamwe mashoko anonyaradza okuti: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena, asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nomudzimu waMwari wedu.”
Zviri pachena kuti kare vaya vaida kunamata Mwari sezvaanoda uye vachizviita nomwoyo wose vakagamuchirwa nemaoko maviri muungano yokutanga yechiKristu. Mazuva ano vanogamuchirwawo ndevaya vanoda kuita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose vachida kurarama maererano nezvaanoda, kwete vanotsanangura zvinotaurwa neBhaibheri kuti zvienderane nezvavanoda.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
● Bhaibheri rinoti chii panyaya yeungochani?—VaRoma 1:26, 27.
● Bhaibheri rinotiudza kuti tisarure vanhu vanoita ungochani here?—1 Timoti 2:4.
● Zvinoita here kusiya mabasa oungochani?—1 VaKorinde 6:9-11.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Maonero aMwari panyaya yeungochani anofanira kuchinjwa here?