Fundo 7
Fundo Inotusa
1. Fundo inotigadzirira nokuda kwechii?
1 Ungada kuona kutenda kwako kuchiwedzera, kunzwa kuda kwako Mwari kuchisimba zvikuru, uchifarikanya nzwisiso huru zvikuru uye zvibereko zvakawedzerwa munhamburiko dzako dzokushumira here? Fambiro mberi yaunoita mumativi ose iwaya, kusvikira kuukuru hwakati, inotsamira pane zvaunoita mufundo yomunhu oga neyemhuri. Fundo yakadaro rutivi rwunokosha rwoupenyu hwedu savaKristu. Haisati ichingotishongedzera bedzi kubatira Mwari zvino, asi rutivi rwokugadzirira upenyu munyika itsva yaMwari. Iwe somunhu oga unofunda sezvaunofanira kuita here?—Mat. 4:4.
2, 3. Tinogona sei kuwana nguva yefundo?
2 Kuwana nguva yakakwana yefundo kunowanzova chinetso, asi kwete chisingakurirwi. Kana uchiziva kuti gadziriro yako yefundo inoda kuvandudzwa, nzvera rudungwe rwako rwevhiki nevhiki rwemibato. Hakungabviri kuti uchawana nguva yakawanda isati iri kutoshandiswa. Asi Bhaibheri rinotikurudzira ku‘tenga nguva’ mune zvimwe zvinorondwa. (VaEf. 5:15-17) Kana une terevhizheni, huregererei kuchengeta chinyorwa chenguva yaunopedza uchiiona mukati mevhiki? Ungashamiswa nokuwanda kwenguva inoshandiswa nenzira iyoyo. Unopedzera nguva yakawanda sei “mukutaura kusingakoshi” parunhare, kushanyira vavakidzani kana kuti kurava pepanhau kana kuti magazini enyika? Imwe yenguva iyi vhiki imwe neimwe ingagona kupinzwa munhambo imwe kana kuti dzinopfuura dzefundo ingava inobetsera nokusingaperi here? Fundo yakadaro inogona kuitwa pakati pokubuda kwezuva kusvikira parinovira, mumadekwana kana kuti panguva ipi neipi apo kwakakunakira zvikurusa. Kazhinji kazhinji munhu anowana nguva yezvinhu zvinokosha zvikurusa kwaari, uye hapana mubvunzo kuti kufunda Shoko raMwari ndechimwe che“zvinhu zvinokosha zvikuru” kumunhu anokoshesa ukama hwake naJehovha.—VaF. 1:9-11, NW; Zvir. 2:1-5.
3 Nepo ungakuwana kwakaoma pakutanga kugadzikana ndokunangidzira ngwariro pakufunda, pashure penguva yakati kuchava kuri nyore zvikuru uye kunofarikanywa zvikuru. Bva unofanira kunzwisisa ukoshi hwako, kutsaura nguva yokugarokuita uye kuita nhamburiko yakakomba.
4, 5. Fundo inobatanidzei, uye nei kwakafanira kuvamba marusando efundo nomunyengetero?
4 Fundo inofanira kuitwa nomurangariro wokukwanisa kuyeuka uye kutsanangura mashoko acho nenzira yakajeka. Kuravawo zvako, nepo kune nzvimbo yakafanira muupenyu hwedu, hakusati kuri fundo. Fundo inoda nzvero, mufungo uye kushandisa. Usaronga kufukidza mashoko akawanda anopfuura ayo ungagona nenzira inobudirira nokuti ukasadaro uchawana kuti fundo yako ichava isingabetseri uye isingatusi. Panzvimbo pezvo, bvumira nguva yenzvero nefungisiso. Zvisinei, ronga kufukidza mashoko akakwana kuti ugoona kuti uri kuita chaizvoizvo chimwe chinhu.
5 Mudzidzi wechiKristu haatsamiri pamano ake amene kuti apinde muzvinhu zvikuru zveShoko raMwari rechokwadi. Anoziva kuti iye anoda betsero yomudzimu mutsvene waMwari, sangano raMwari ravabatiri vakazvipira, uye Shoko rimene. Ichi ndicho chikonzero nei kwakafanira kutsvaka chikomborero chaMwari panhambo dzefundo kupfurikidza nomunyengetero.—Jak. 1:5; Ruka 11:9-13.
6, 7. Zvikarakadzoi zvinobetsera zvingaedzwa nomurangariro wokuwana zvakawanda mukurava Bhaibheri kwemhuri?
6 Fundo yeBhaibheri. MuChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari gadziriro inowanzoitwa yokuti chikamu chakati cheBhaibheri chigoraviwa vhiki imwe neimwe. Kazhinji kazhinji ikoku kunogona kuitwa seboka remhuri, richirava ganhuro rimwe kana kuti maviri eBhaibheri mumadekwana. Kuwana betsero mune uku kurava, pashure pendima imwe neimwe kunobetsera kana munhu ari kurava kana kuti mumwe munhu ari muboka racho akatsinhira pamufungo mukurusa wendima yacho. Kana uri kurava mashoko acho iwe umene, wana nguva yokufungisisa mufungo uri kutaurwa, kukodzerana kwaunoita norutivi rwasara rweganhuro racho uye kutapura kwaunokuita somunhu oga.
7 Apo unenge wapedza kurava Bhaibheri, kana mapfundo asina kujeka, kungava kwakafanira kuwana nguva yakati kuti yokunzvera. Zvichida mufungo kana kuti pfungwa yorugwaro rwakati yanga isina kukujekera. Unogona sei kuwana mashoko akawanda pamusoro payo? Ungatanga kunzvera chikamu cheIndekisi yaMagwaro cheWatch Tower Publications Indexes kuwana nzvimbo apo rugwaro rwacho rwakatsanangurwa. Kana mubvunzo wako uchibatanidza kutaura kwakati kuri murugwaro kwakadai sokuti “sanctification” kana kuti “Babylon the Great,” ungawana tsinhiro dzokuwedzera kupfurikidza nokunzvera chikamu cheIndekisi Yemisoro cheWatch Tower Publications Indexes iri muraibhurari mako. Muitiro mumwe chetewo ungashandiswa kuwana mashoko akawanda pamusoro pomunhu kana kuti nzvimbo inodudzwa muBhaibheri. Ungawanawo mashoko pamusoro pavanhu nenzvimbo muInsight on the Scriptures kana kuti kupfurikidza nokungonzvera indekisi yamagwaro yakarongwa maererano nearufabheti iri shure kweBhaibheri rako ipapo ndokutarira nongedzero dzaMagwaro dzinoratidzwa.
8, 9. Mhinduro dzemibvunzo yeBhaibheri dzinogona kuwanwa sei, uye tinofanira kutsvakei mukuwedzera kumhinduro dzacho?
8 Kunzvera kuti uwane mhinduro. Padzimwe nguva pashanyo yedzokerero kana kuti pafundo yeBhaibheri mubvunzo ungamutswa wausina chokwadi chamapindurirwe awo. Kunzvera mibvunzo yakadaro kungagona kuitwa mukati menhambo yefundo yako yapamusha. Neiyi nzira uchava nechokwadi chokuti uri ku“natsa kururamisa shoko razvokwadi.” (2 Tim. 2:15) Nenhamburiko duku mhinduro inogutsa kazhinji kazhinji inogona kuwanwa. Kutanga, kana kuri kutsanangurwa kworugwaro kuri kudikanwa, iva nechokwadi chokurava mashoko akapoteredza. Mashoko akapoteredza ari kukurukurei uye naizvozvo chii chiri pfungwa yorugwaro rwuri kukurukurwa? Wava nechokwadi chaikoku, wagadzirira kunzvera chikamu cheIndekisi yaMagwaro cheWatch Tower Publications Indexes nokuda kweimwe betsero. Mubvunzo wacho uri pamusoro pedzidziso here kana kuti uporofita, kana kuti unobatanidza kushandisa nheyo dzeMagwaro kuupenyu hwomudzidzi wacho here? Zvikamu zvose zviri zviviri zveIndekisi Zvemisoro naMagwaro zveWatch Tower Publications Indexes zvinogona kukubetsera kuwana mashoko aunoda.
9 Apo unenge wagutsikana kuti wava nemhinduro yacho, zvibvunze kuti une zvibvumikisoi zvayo. Mhinduro yako inongovawo kutaurwa chete kweidi kungaratidzika kuva kusina mufungo kumunzwi wako here, kana kuti iwe unoona chikonzero chemhedziso dzinopiwa muzvinyorwa zveSosaiti here? Unogona kuratidzira kuti ndeyechokwadi here? Wauri kushanyira angada kuti utsanangure zvikonzero zvemhedziso dzako kana kuti kupa tsigiro yaMagwaro. Ungagona kuenzanisira mufungo wacho here? Unorangarira mibvunzo inotungamirira yaunogona kushandisa kubetsera mudzidzi kusvika pamhedziso yakarurama here? Kufunda kwako musoro wacho kuchabetsera kukushongedzera kupa mhinduro nenzira inobudirira.
10, 11. Ipa zvikarakadzo pamusoro pokugadzirira kungaitwa fundo yeNharireyomurindi uye fundo yebhuku yeungano.
10 Kugadzirira fundo ye“Nharireyomurindi.” Mune dzimwe nyika Nharireyomurindi haisati ichigarowanika nemhaka yokushorwa kwomubato wezvapupu zvaJehovha. Munzvimbo dzakadaro hama dzinofanira kuhwirudzura zvinyorwa zvekare kana kuti kuvimba nezvadzinoyeuka zvomufundo dzakapfuura. Unogona kuyeuka mifungo yakatanhamara yomuzvinyorwa zvenguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi zvawakafunda here? Tinofanira kufunda nomurangariro wokuyeuka mashoko acho nokuda kwokushandiswa kwapashure, mungava muupenyu hwedu timene kana kuti muushumiri hwomumunda.
11 Kunobetsera kurava magazini kubvira pabutiro kusvikira kubutiro apo inotanga kugamuchirwa, nokudaro uchiwana murangariro wose wamashoko acho. Ipapo, pane imwe nguva fundo yeungano yamashoko acho isati yaitwa, kwakanaka kuahwirudzura somunhu oga kana kuti kuakurukura semhuri. Apo unokuita, tanga kucherechedza musoro wenyaya yacho, rugwaro rukuru nemisoro miduku yakanyorwa namabhii matema zvikuru yenyaya yacho yose. Ikoku kunokupa murangariro wose wenhau yacho uye kuchakubetsera kunzwisisa kuwirirana kwoudzame huri mundima dzimwe nedzimwe. Zvino rava chidzidzo chacho chose ndima nendima, uchiwana mhinduro dzemibvunzo uye uchitara mifungo mikurusa chete nokuda kwenongedzero munguva yemberi. Sezvaunopedza ndima imwe neimwe, kana ukawana kuti haugoni kupindura mubvunzo namashoko ako umene, kungava kwakanaka kuravazve ndima yacho kuti ugogona kuita kudaro. Ngwarira zvikonzero zvaMagwaro zvemhinduro dzinopiwa, uchitarira magwaro akanongedzerwa kwaari uye uchinyora ayo ungada kutsinhira pamusoro pawo pamusangano. Apo unopedza ndima dzose dziri pasi pomusoro muduku, tindika zvishomanene uye hwirudzura kubetsera kwaita mashoko iwayo kusimudzira nhau yacho yose. Kuitezve kumugumo wenyaya yacho. Zvibvunze kwauchakwanisa kushandisa zvawadzidza, kutapura kwazvinoita upenyu hwako umene kana kuti kutsanangurira kwaungaita mumwe munhuwo zvake. Neiyi nzira uchava, usati uchingotara bedzi mhinduro, asi anowana zvose zviri zviviri uchenjeri nenzwisiso. (Zvir. 4:7) Uye kufarikanya kwako fundo yeNharireyomurindi neungano kuchawedzerwa zvikuru kwazvo. Muitiro mumwe chetewo ungateverwa mukugadzirira fundo yebhuku yeungano.
12-14. Nei fundo yemhuri ichikosha zvikuru, uye mashokoi angafukidzwa?
12 Fundo yemhuri. Kupfuura zvose, iva nechokwadi kuti gadziriro dzako dzefundo dzinobatanidza mhuri yako kuitira kuti mumwe nomumwe abetserwe zvizere. Kungava kuda here kana musoro wemhuri ukasanofunda apo mudzimai wawo navana vanenge vachirumwa nenzara mumudzimu? Musoro wemhuri une musengwa woku“chenget[a] vokwake, zvikuru veimba yake” musati muchingova bedzi mune zvokunyama asiwo mune zvomudzimu. (1 Tim. 5:8) Uchenjeri hwokurovedza vana vako pakuvamba neBhaibheri hunowanwa muzano raZvirevo 22:6: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” Rega hako kufunga kuti mwana wako muduku zvikuru zvokusagona kubetserwa. Vana vanodzidza kubvira paucheche. (2 Tim. 3:15) Mitezo yemhuri inoita fambiro mberi yokukurumidza zvikurusa inowanzova iya yakakuita muitiro kuva nenhambo yokurava uye fundo yemhuri. Kuva wenguva dzose kunokosha zvikurusa.
13 Unokurukura rugwaro rwezuva nezuva nemhuri yako here, uchiirega ichitsinhira uye kubvunza mibvunzo kuva nechokwadi chokuti vanonzwisisa? Ikoku kunogona kugovera zvokudya zvakapfuma zvomudzimu nokuda kwemhuri yako. Mhuri zhinji dzinokuita panguva yezvokudya. Mukuwedzera, mhuri imwe neimwe inofanira kuva nenguva yenguva dzose inotsaurwa vhiki imwe neimwe nokuda kwefundo huru semhuri. Angava madekwana kana kuti imwe nguva ipi neipi yakakodzera. Nguva yakakwana inodikanwa kuwana nzwisiso inogutsa yenhau zhinji dzeBhaibheri, kuongorora mativi adzo akasiyana-siyana uye kuaroverera pamwoyo. Fundo yenguva dzose yemhuri inokugonesai mose kubetserwa nefundo yakadaro pamwe chete. Iwe une fundo yakadaro yemhuri here? Kana isati iri chinhu chenguva dzose mumba mako, kuregerereiko kukurukura nhau yacho nemhuri yose nhasi ndokushandisa nhano chaidzoidzo kuiita rutivi rwoupenyu hwenyu?—VaEf. 6:4; Dheut. 6:4-7.
14 Kana vana vachiri vaduku zvikuru, kwakanaka kubatanidza mashoko okufundira pamwe chete achava anonzwisisika uye anobetsera kwavari. Asi kunyange mashoko akaoma zvikurusa anogona kukurukurwa nenzira yakati kuti abatanidze vaduku nomubvunzo wakapfava wapanhambo nenhambo pamufungo uyo vanogona kunzwisisa. Mhuri zhinji dzinogadzirira chidzidzo cheNharireyomurindi mukati menguva yadzo yefundo yemhuri. Asi mashoko api naapi akafanira zvinodikanwa zvemhuri yacho angashandiswa sehwaro hwefundo. Rovedzo yakadaro inosimbisa zvisungo zvakasimba zvemhuri pamwe chete nenzwisiso yomudzimu.
15-17. Itusoi dzinobva mufundo yenguva dzose?
15 Tuso dzokushingaira. Imwe tuso yapakarepo yefundo yokushingaira kuvandudzwa kweyeuko kupfurikidza nokushandisa uye kunyandura. Muushumiri hwomumunda napamisangano yeungano kunova kuri nyore zvikuru kuyeuka ndokutsinhira pamifungo yakafundwa. Tinozviwana tichikwanisa kupindura mibvunzo yavanhu vachangobva kufarira kuchidokuva kunobva muyeuko, uye kuwana nokukurumidza magwaro anotsigira tsinhiro dzedu. Asi zvinopfuura izvozvo zvikuru, fundo inotipa zivo huru zvikuru, yakakwana yeShoko raMwari. Inotipa kutenda kwakasimba zvikuru, nzwisiso yakajeka zvikuru yenheyo dzeBhaibheri uye mufaro wakawedzerwa mukubatira Jehovha.—VaH. 5:14.
16 Vanhu vakachenjera vanoisa nhau dzine chokuita noupenyu hwavo hwomudzimu munzvimbo yokutanga. Zvinhu zvisingakoshi zvikuru zvingafanira kubva nemhaka yokushayikwa kwenguva, bva fundo yeShoko roupenyu haingatongodaro. Jehovha anovimbisa kuti ‘ini ndichazviita kuti ndiwanikwe newe’ kuavo vanogamuchira uyu murangariro. (1 Mak. 28:9) Ikoku kuchaitika zvikurukuru kana uchifunda, kusati chete kuri kungowana zivo yomusoro, asi kudyisa mwoyo wako. Ita kuti kuda kwako nokuonga Jehovha namabasa ake anoshamisa zvikure sezvaunofunda Shoko rake.
17 Donzo chairoiro refundo inoitwa navashumiri vaMwari rinoziviswa zvakajeka mumunyengetero uyu womuapostora Pauro, wakanyorwa pana VaKorose 1:9, 10: “Kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo.”