Ganhuro 9
Simba Retariro Yorumuko
1. Ikariroi dzinoshamisa dzinobviriswa norumuko?
KANA PASINA rumuko, hapana tariro youpenyu hupi nohupi hwomunguva yemberi nokuda kwavanhu vakafa. Asi Jehovha, nokuda kwetsitsi dzakakomba, akazarurira mabhirioni akafa banza rinoisvokosha rokufarikanya upenyu husingagumi. Somuuyo, tine tarirowo inofadza yokuva vanobatanidzwazve navadikanwi avo vavete murufu.—Enzanisa Marko 5:35, 41, 42; Mabasa 9:36-41.
2. (a) Ko rumuko rwakabvumikisa kuva runokosha mukuitwa kwedonzo raJehovha munzirai? (b) Ko ndiriini zvikurukuru apo tariro yorumuko inova manyuko anokosha okutisimbaradza?
2 Nokuda kworumuko Jehovha anogona, pasina kukuvadzika kusingaperi kwavabatiri vake vakatendeka, kuita kuti Satani asvike ganhuriro mukuedza kubvumikisa kupomera kwake kwoutsinye kwokuti, “Chinhu chiri chose chine munhu iye achachipa nokuda kwomweya wake.” (Jobho 2:4) Nokuti Jesu akamutswa muvakafa iye aikwanisa kupa ukoshi hwechibairo chake chohunhu pamberi pechigaro choumambo chokudenga chaBaba vake, chine betsero inoponesa upenyu kwatiri. Kupfurikidza norumuko avo vari vadyi venhaka pamwe chete naKristu vanobatanidzwa pamwe chete naye muUmambo hwokudenga. Uye nokuda kwedu tose vanotenda, rumuko manyuko esimba rinopfuura riri renguva dzose patinotambura miedzo inotiita kuti tinangane norufu.
Chikonzero Nei Rwuri Hwaro Hwokutenda kwechiKristu
3. (a) Ko rumuko “idzidziso yapakuvamba” munzirai? (b) Ko rumuko runorevei kunyika yose zvayo?
3 Rumuko, sezvinorondedzerwa pana VaHebheru 6:1, 2, rutivi rwe“dzidziso yapakuvamba,” rwehwaro yokutenda uko kana kusipo hatingatongogoni kuva maKristu akakura mumudzimu. Asika ndokwechienzi kukufunga kwenyika yose zvayo. Vachishaiwa umudzimu, vanhu vazhinji zhinji vanorarama mukuronda mufarwa. Vanoona bedzi upenyu huno sohuri chaihwoihwo. (1 VaK. 15:32) Avo vanoomerera kumarudzidziso egamuchidzanwa, mose muri muviri mukati mechiKristudhomu nokunze, vanofunga havo kuti vano mweya usingafi, uko kwaizoita kuti rumuko ruve rusiri madikanwa. Vapi navapi vanoedza kuyananisa mifungo miviri iyi vanokuwana kuchivhiringidza zvikuru panokuti kukurudzire tariro. Ko tingagona sei kubetsera avo vanodisisa kuterera?—Mabasa 17:32.
4. (a) Munhu asati agona kunzwisisa rumuko, chii chatingadikanirwa kukurukura pamwe chete naye? (b) Magwaroi amungashandisa kutsanangura chiri mweya? Mugariro wavakafa? (c) Asi zvakadiniko kana mumwe munhu akashandisa shanduro yeBhaibheri inoratidzika kuva inodzikatidza zvokwadi dzinowanwa mumagwaro iwawo?
4 Vakadarovo vasati vogona kunzwisisa kuti rumuko igadziriro inoshamisa yakadini, vanodikanirwa kunzwisisa chiri mweya nomugariro wavakafa. Kazhinji kazhinji, magwaro mashomanene akaringanira kujekesa nhau idzi kumunhu anonzwa nzara yezvokwadi. (Gen. 2:7; Ezek. 18:4; Pis. 146:3, 4) Asika dzimwe shanduro dzazvino uno nezvinyorwa zvinopa revo muchimwe chimiro zveBhaibheri zvinodzikatidza zvokwadi idzi. Naizvozvo kungava kuri madikanwa kurangarira mashoko akashandiswa mumitauro yapakuvamba yeBhaibheri.
5. Ko ungabetsera sei munhu akadaro kunzwisisa chiri mweya?
5 New World Translation inokosha zvikurukuru mukuita ikoku, nokuti inoshandura nomutoo unobvumirana shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh neshoko rechiGiriki rinobvumirana naro rokuti psy·kheʹ so“mweya,” uye muwedzero yayo makarongwa magwaro ose umo mashoko aya anowanwa. Dzimwe shanduro dzazvino uno dzingashandura mashoko mamwe chetewo apakuvamba kwete bedzi se“mweya” asiwo se“chisikwa,” “chinhu chipenyu,” “munhu” uye “upenyu”; “neʹphesh yangu” kungashandurwa kuti “ini” uye “neʹphesh yako” kuva “iwe.” Kuenzanisirwa kwamaBhaibheri aya neshanduro dzekare kana kuti neNew World Translation kuchabetsera mudzidzi wapachokwadi kunzwisisa kuti mashoko omutauro wapakuvamba anoshandurwa kuti “mweya” anoreva nezva (1) vanhu, (2) mhuka uye (3) upenyu hwavanofarikanya savakadaro. Asika haatongorevi mufungo wokuti mweya chinhu chisingaoneki, chisingabatiki chinogona kubva mumuviri pakufa ndokupfuurira kuvapo kwokuziva kune imwe nzvimbo.
6. (a) Neiko dzimwe shanduro dzazvino uno dzichisiya varavi vavhiringidzika pamsoro perevo yeSheori, Hadhesi neGehena? (b) Ko waizotsanangura sei muBhaibheri mugariro wavanhu vari muSheori, kana kuti Hadhesi? MuGehena?
6 Nenzira imwe cheteyo, New World Translation inobvumirana mukushandisa kwayo Sheori kumirira shoko rechiHebheru rokuti sheōlʹ nomukushandisa kwayo Hadhesi nokuda kweshoko rechiGiriki rokuti haʹdes uye Gehena nokuda kwe geʹen·na. Asika dzimwe shanduro dzazvino uno neshanduro dzinopa revo kuchimwe chimiro dzeBhaibheri dzinovhiringidza muravi kupfurikidza nokushandura mashoko OSE ARI MAVIRI haʹdes negeʹen·na kuva “hero,” mukuwedzera kukushandisa “guva” uye “nyika yavakafa” sokumwe kushandurwa kwesheori nehaʹdes. Kupfurikidza nokuenzanisira shanduro, pakuri madikanwa, kungagona kuratidzirwa kuti Sheori ishoko rine revo imwe cheteyo nerokuti Hadhesi. (Pis. 16:10; Mabasa 2:27) Bhaibheri rinojekesa kuti Sheori, kana kuti Hadhesi, guva ravose ravanhu, rakabatana norufu, kwete upenyu. (Pis. 89:48; Zvak. 20:13) Rinoratidzirawo kariro yokudzoka kubva ikoko kupfurikidza norumuko. (Job. 14:13; Mabasa 2:31) Mukusiana, hakuna tariro youpenyu inopiwa kuna avo vanoenda kuGehena, uye, chokwadika, mweya hauzati uchitaurwa nezvawo souri mupenyu ikoko.—Mat. 18:9; 10:28.
7. Ruchinzwisiswa zvakafanira, ko rumuko rungagona sei kupesvedzera chimiro chendangariro chomunhu nezviito?
7 Nhau idzodzo zvadzajekeswa, rufu norumuko rwaKristu runova nerevo chaiyoiyo. Munhu anogona kubetserwa zvino kunzwisisa chingarehwa norumuko kwaari nokudaro anogona kuvamba kuonga rudo rwaJehovha mukuita gadziriro yakadaro inoshamisa. Kusuruvara kunonzwiwa naavo vakarashikirwa navadikanwi murufu zvino kunogona kutsiviwa nekariro yomufaro yokubatanazve muNhevedzo Itsva yaMwari. MaKristu omuzana ramakore rokutanga akaziva kuti rumuko rwaJesu Kristu rwakanga rwuri ibwe rapakona rokutenda kwechiKristu. Nomutoo wokushingaira akapupurira kuna vamwe pamsoro parwo netariro yarwakasimbisira. Naizvozvo, avo vanoruongawo nhasi vanodisisa kugovera iyi zvokwadi inokosha kuna vamwe.—Mabasa 5:30-32; 10:40-43; 13:32-39; 17:31.
Kushandisa ‘Kiyi Yehadhesi’
8. Ko kushandisa kwaJesu “kiyi yorufu neyeHadhesi” kunorevei kuvateveri vake vakazodzwa nomudzimu?
8 Avo vose vachabatana naKristu muUmambo hwake hwokudenga vanofanira kufa pakupedzisira. Asiwo vanosanoziva simbisiro yaakavapa paye apo iye akataura kuno muapostora Johane, kuti: “Ini ndakafa, asi, tarira! ndinorarama nokusingaperiperi, uye ini ndine kiyi yorufu neyeHadhesi.” (Zvak. 1:18) Akareveiko? Akanga achizivisa nezvechinoitika chake amene. Iyewo, akanga afa. Asi Mwari haana kumusiya muHadhesi. Pazuva rechitatu Jehovha iye amene akamumutsira kuupenyu hwomudzimu ndokumupa kusafa. Kwete izvozvo bedzi, asi Mwari akamupa “kiyi yorufu neyeHadhesi” dzokushandisa mukusunungura vamwe muguva ravose ravanhu uye nomutapuro dzechivi chaAdhama. Nokuda kwokuva nekiyi idzodzo, Jesu anokwanisa kumutsa vateveri vake vakatendeka murufu. Paanoita kudaro, iye anopa mitezo yakazodzwa nomudzimu yeungano yake chipo chinoisvokosha choupenyu husingafi hwokudenga, sezvaakaitirwa naBaba vake.—VaR. 6:5; VaF. 3:20, 21.
9. Ko rumuko rwamaKristu akatendeka akazodzwa runoitika riini?
9 Ko maKristu akazodzwa akatendeka aizowana riini rumuko irworwo? Rwakatovamba. Muapostora Pauro anotsanangura kuti vaizomutswa ‘mukati mokuvapo kwaKristu,’ kuri kuvapo kwakavamba muna 1914 N.V. (1 VaK. 15:23) Zvino, apo ava vanopedza nzira yavo yapasi, havadikanirwi kumirira murufu kudzoka kwaIshe wavo. Nokukurumidza pavanofa vanomutswa mumudzimu, zvavanova vano“chinjwa, muchinguvana, mukubwaira kweziso.” Haiwa vanomufaro wakadini, nokuti “zvinhu zvavakaita zvinoenda chaizvoizvo navo”!—1 VaK. 15:51, 52; Zvak. 14:13.
10. Ndorupi rumwe rumuko ruchavapo, uye ruchavamba riini?
10 Asi rwavo harusati ruchingova rumuko bedzi. Idi rokuti runonzi “rumuko rwokutanga” rinoratidzira kuti rumwe runofanira kutevera. (Zvak. 20:6) Avo vanobetserekana nourwu rumuko rwapashure vachava netariro inofadza youpenyu husingaperi paParadhiso yapasi. Ko ikoko kuchaitika riini? Bhuku raZvakazarurwa rinoratidzira kuti kuchava kunoitika pashure pokunge “pasi nedenga” zvetsika ino yezvinhu yakaipa iripoyi zvabviswa. Kuguma ikoko kwetsika yekare kwaswedera pedyo zvikuru. Pashure pacho, panguva yaMwari yakagadzwa, rumuko rwapasi ruchavamba.—Zvak. 20:11, 12.
11. Ndivanaani vachabatanidzwa pakati pavakatendeka vanomutsirwa kuupenyu pasi pano, uye neiko ikoko kuri kariro inofadza?
11 Ndivanaaniko vachabatanidzwa? Vabatiri vakatendeka vaJehovha kubvira munguva dzapakuvambavamba. Pakati pavo pachava navanhu avo, nokuda kwokutenda kwavo kwakasimba murumuko, “havasati vaizowana kusunungurwa kupfurikidza norudzikinuro”—vamwe vakabvumiranisa zvisino kufanira kuperera kwavo kuna Mwari kuti vagodzivisa rufu rwamasimba masimba. (VaH. 11:35) Haiwa uchava mufaro wakadini wokuvaziva isu timene nokunzwa kwavari, ivo vamene, mashoko ose oudzame pamsoro pezvinoitika zvinoshumwa pamsoro pazvo mukupfupikisa muBhaibheri! Pakati pavamwe, pachava naAbheri, chapupu chokutanga chakatendeka chaJehovha. Enoki naNoa, vaparidzi vasingatyi veshoko raMwari renyevero pamberi paMafashamo. Abrahama, uyo akagamuchira ngirozi. Mosesi, uyo Mutemo wakapiwa nokwaari paGomo reSinai. Vaporofita vakashinga vakadai saJeremia, uyo akaona kuparadzwa kweJerusarema muna 607 P.N.V. Uye Johane Mubhapatidzi, uyo akanzwa Mwari amene achizivisa Jesu soMwanakomana Wake. Kuchavawo navakavimbika vakafa mukati mamazuva okupedzisira etsika iripoyi.—VaH. 11:4-38; Mat. 11:11.
12. (a) Vanganiko vaavo vakafa vari muHadhesi vachamutswa? (b) Naizvozvo ndivanaaniko vachabatanidzwa, uye nei?
12 Munguva yakafanira, vamwewo, vachamutswa. Ukuru uhwo Jesu achashandisa ‘kiyi yeHedhesi’ nokuda kwavanhu hunoratidzirwa muchiono chakaratidzirwa muapostora Johane umo iye akaona Hadhesi “ichikandirwa mudziva romwoto.” Ko ikoko kunorevei? Kuti iyo inoparadzwa; inobva mukuvapo nokuda kwokuva inokuturwa chose chose. Nokudaro, mukuwedzera kukumutswa kwavanamati vakatendeka vaJehovha, Jesu mungoni achadzorera kubva muHadhesi, kana kuti Sheori, kunyange vanhu vasina kururama. Hapana nomumwe waava anongomutsirwa hake kuva anotongwa anokodzerwa nokufazve. Mumhoteredzo yakarurama muUmambo hwaMwari vachabetserwa kutsinhiranisa upenyu hwavo nenzira dzaJehovha. Chiono chakaratidzira “mupumburu woupenyu” wakazaruka, uye vachava nebanza rokuita kuti mazita avo anyorwe mauri. Ivo vacha“tongwa somunhu mumwe nomumwe mukuwirirana namabasa avo” anoitwa pashure porumuko rwavo. (Zvak. 20:12-14; Mabasa 24:15) Nokudaro, kuchirangarirwa mumurangariro womuuyo wokupedzisira, rwavo rungabvumikisa kuva “rumuko rwoupenyu” uye harusati ruchizotongova rumuko rworutongeso rwe[shurikidzo].”—Johane 5:28, 29.
13. (a) Ndivanaaniko vasati vachizomutswa? (b) Ko kuziva zvokwadi pamsoro porumuko kunotapura sei upenyu hwedu?
13 Chokwadika, handi vose vakamborarama vachamutswa. Vamwe vakapara zvivi izvo zvisina kanganwiro inobvira. Avo vanourawa mu“dambudziko guru,” iro rave pedyo zvino, vachabatanidzwa pakati paavo vanoparadzwa nokusingaperi. (Mat. 12:31, 32; 23:33; 24:21, 22; 25:41, 46; 2 VaT. 1:6-9) Nokudaro, kunyange ngoni dzomuraudzo dziri kuratidzirwa mukusunungura vose vari muHadhesi, rumuko harugoveri chisakiso chokuva kwedu vasingaitiri hanya pamsoro pamararamire atinoita zvino. Kupfuurezvo, runofanira kutisundira kukuratidzira kuti tinoonga sei zvikurukuru tsitsi dzakakomba dzaMwari.
Kusimbiswa Netariro Yorumuko
14. Ko rumuko runogona sei kuva manyuko esimba guru kumunhu wosvika mugumo woupenyu hwake huno?
14 Avo vakaita tariro yorumuko yavo vamene vanokwanisa kuwana simba guru mairi. Pavanosvika mugumo woupenyu hwavo, vanoziva kuti havangagoni kusundira rufu mberi kusvikira kunguva isingazivikanwi, pasinei zvapo nemiitiro yokurapa ingashandiswa. (Mup. 8:8) Kana ivo vakaramba vakabatikana mubasa raIshe uye vakabatira nokuvimbika pamwe chete nesangano rake, ivo vanogona kutarira nguva yemberi vaine simbisiro izere. Vanoziva kuti kupfurikidza norumuko munguva yakafanira yaMwari ivo vachafarikanyazve upenyu. Uye haiwa huchava upenyu hwakadini! “Upenyu chaihwo,” sokuhuidza kwakaita muapostora Pauro.—1 Tim. 6:19; 1 VaK. 15:58; VaH. 6:10-12.
15. Kana tikatyisidzirwa navatambudzi vamasimba masimba, chii chingatibetsera kuchengeta kuperera kuna Jehovha?
15 Hakuzati kuri kungoziva bedzi kuti kuno rumuko, asi kuziva Uyo ari Manyuko egadziriro iyeyo ndiko kunotigonesa kuva vakasimba. Ikoku kunotisimbisa kuva vakavimbika kuna Mwari kunyange kana tikatyisidzirwa norufu navatambudzi vamasimba masimba. Satani anguve achishandisa kutya rufu runokurumidza kusvika somutoo wokubata nawo vanhu muuranda. Asi Jesu haana kukurirwa nokutya kwakadaro; akabvumikisa kuva akatendeka kuna Jehovha kusvikira kurufu. Iye akagovera mutoo wokusunungura nawo vamwe muuranda hwakadaro kupfurikidza nezvakaitwa norufu rwake. (VaH. 2:14, 15) Somuuyo wokutenda kwavo gadziriro iyeyo, vateveri vake vechokwadi vakaita chinyorwa chakatanhamara savachengeti vokuperera. Pavakadzvinyirirwa, ivo vakabvumikisa kuti ‘ivo havadi mweya yavo vamene’ kupinda kuda Jehovha. (Zvak. 12:11) Nomutoo wokuchenjera, ivo havaedzi kuponesa upenyu hwavo huripohu kupfurikidza nokurega nheyo dzechiKristu, kungorashikirwa bedzi netariro youpenyu husingagumi. (Ruka 9:24, 25) Ko iwe uno rudzi irworwo rwokutenda here? Uchava narwo kana uchida zvomenemene Jehovha uye uchifungisisa izvo tariro yorumuko inoreva kwauri.
Kurukurirano yehwirudzuro
● Neiko munhu achidikanirwa kunzwisisa chiri mweya nomugariro wavakafa iye asati ogona kunzwisisa rumuko?
● Ndivanaaniko vachadzoka kubva kuna vakafa? Ko kuziva izvozvi kunofanira kutitapura sei?
● Ko tariro yorumuko inotisimbaradza sei?