Ungano Dzokuvaka Murudo Nomuchinzwano
Iwe ungave wakapinda mimwe yemisangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha zviri pedyo nokwaunogara. Vanhu vanobva mumifambiro yose youpenyu—mapoka emhuri, vanhu vamwe navamwe, vakuru navaduku—vaivapo. Vose vakanga vakabatana mukunamata kwavo uye vakanga vachifarira kubetsera vamwe.
Mugadziriro ipi neipi umo chiverengero chikuru chavanhu chinoda kushanda muchinzwano, panodikanirwa kuva netarisiro yakati kuti. Mwari ndiMwari wenhevedzano; nokudaro, nhevedzano iyoyo inofanira kuratidzirwa muungano yavanhu vake. Somuzana rokutanga ramakore, naizvozvowo nhasi, varume vechiKristu vakakwaniriswa, vakakura mumudzimu, navanoruzivo rwokuzviwanira vanogadzwa savakuru, kana kuti vatariri. Ivava vanotarisira ungano uye vanotarisira zvinodikanwa zvayo zvomudzimu. Ivo vanobetserwa navamwe varume vakatendeka vanozivikanwa savabatiri vanoshumira. Varume ava havabhadharwi mari kana kuti imwe betsero yemari asi vanobatira nokuzvidira, vachiripira ndyiko dzavo vamene, kazhinji kazhinji kubva mubasa ravo rokunyika.—1 VaKorinte 14:33, 40; VaFiripi 1:15; 1 Timotio 3:8, 9.
Ivava vanosarudzwa sei? Ivo vanodikanirwa kuva vabatiri vakatendeka vaMwari vanoratidzira zvikwaniriso zvakati kuti zvapaMagwaro. Zvimwe zvaizvozvi ndeizvi: kuva ‘anomwero mumiitiro, akanaka mundangariro, ane nhevedzano, ano mutsa, anokwaniriswa kudzidzisa, naanomufungo; asati ari mukari wemari; anotungamirira imba yake nomutoo wakaisvonaka; asati ari munhu achangobva kutendeuka; anopupurirwa zvakaisvonaka navokunze’; ‘anobatisisa zvakatsiga shoko rakatendeka pamsoro pounyanzvi hwokudzidzisa.’—1 Timotio 3:1-15; Tito 1:7-9.
Vanhu ava havavhoterwi kupinda mubasa kupfurikidza neungano, umo voruzhinjisa vangawanzova maKristu matsva zvikuru. Panzvimbo pakwo, ivo vanorumbidzwa navarume vakakura mumudzimu navanoruzivo rwokuzvionera vari vakuru uye vane njere pamsoro pomwero uyo vanosarudzwa msoro pomwero uyo vanosarudzwa vanosvitsa zvinodikanwa zvapaMagwaro. Ipapo kugadzwa kwavakuru navabatiri vanoshumira kunoitwa munhungamiro yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, iwo uchitevera mutoo wakagadzwa neungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore.
Ava vakuru, kana kuti vatariri, havasati vachiumba boka ravakuru vakuru vorudzidziso; ivo havasati vari vatenzi pana vamwe. Sokutaura kwakaita Jesu, upi noupi anotungamirira anofanira kuva muranda wavose. Muungano yeZvapupu zvaJehovha, vakuru vabati biyamwe chaizvoizvo nokuda kwoUmambo hwaMwari.—Mateo 20:26, 27; 23:8-11; VaRoma 12:8; 1 VaKorinte 3:5; 4:1, 2; VaKorose 4:11; 1 VaTesaronika 5:12-14.
Savatariri, vanotarisira murairidzo unogoverwa pamisangano uye vanotungamirira mumubato wokuparidza. Kuparidza mashoko akanaka oUmambo mundima yavo yose yakagoverwa ndiyo vavariro huru yeungano. Vatariri vanobatirawo savafudzi, vanoshanyira mitezo yeungano kuikurudzira sezvinodikanwa.—Mateo 24:14; Mabasa 1:8; 1 VaTesaronika 2:11, 12; 5:14, 15; 2 Timotio 2:24-26; VaHebheru 13:17; Jak 5:13-16; 1 Petro 5:1-4.
Uyewo vakuru vane mutoro wokutsiura nokuita chirango kuno upi noupi angave achitevera nzira isina kururama uye uyo angaisa ngozi kurucheno rwomudzimu netsika nechinzwano cheungano.—1 VaKorinte 5:4, 5, 7, 11-13; Tito 1:9; 2:15; 3:10, 11.
Kugarosonganirana neungano kuchakupa ushamwaridzani hwakaisvonaka nebetsero zhinji dzomudzimu.—Pisarema 35:18; 84:10.
• Ndivanaani vanotarisira mabasa eungano imwe neimwe?
• Ko vatariri vanosarudzwa pahwaroi?
• Ndeipi iri mitoro yavo?
[Mifananidzo iri papeji 13]
Vatariri vanorairidza ungano, vanotungamirira mukuparidza paimba neimba, vanokurudzira kupfurikidza neshanyo dzokufudza, vanopa zano netsiuro pazvinodikanwa