Ganhuro 11
Vapukunyuki Vanofanira Kuva “Vasati Vari Rutivi Rwenyika”
1, 2. (a) Ko Jesu akatii pamsoro pokuwirirana kwavadzidzi vake nenyika? (b) Ko ikoku hakusati kuchirevei, uye nei?
JESU akarevei mukutaura kuti vateveri vake vari “munyika,” uye kuti ivo vanofanira kuva “vasati vari rutivi rwenyika”? (Johane 17:11, 14) Kuti tive pakati paavo vanopukunyukira kukurarama muTsika Itsva yaMwari, tinodikanirwa kunzwisisa ikoku.
2 Tanga kurangarira kuva “vasati vari rutivi rwenyika” kusati kuchireva. Hakusati kuchireva kuti tizviparadzanise timene savanazindoga mubako kana kana tizvivanze muimba yorudzidziso kana kuti imwe nzvimbo iri kure. Mukupesana, muusiku hwapamberi porufu rwake Jesu akanyengetera kuna Baba vake nokuda kwavadzidzi vake, achiti: “Ini ndinokukumbirai, kusavabvisa panyika, asi kuvarindira nokuda kwowakaipa. Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.”—Johane 17:15, 16.
3, 4. (a) Mumibatoi makuri madikanwa kuti maKristu aonane navanhu venyika? (b) Asi iwo anofanira kudzivisei?
3 Panzvimbo pokuva vakavanda kuvanhu, vadzidzi vaJesu vaka‘tumwa munyika’ kundozivisa zvokwadi. (Johane 17:18) Mukuita kudaro, vakabatira se“chiedza chenyika,” vachiita kuti chiedza chezvokwadi chipenye kuti vanhu vagoona matapurire anoita zvokwadi yaMwari upenyu hwavanhu nokuda kwezvakanaka.—Mateo 5:14-16.
4 MaKristu anoonana navanhu vazhinji sezvaanoshanda kuzvitsigira amene nemhuri dzawo uye sezvaanoendesa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuvanhu. Naizvozvo, sokuratidzira kunoita muapostora Pauro, iwo haasati achikarirwa ku“bva munyika” munzira yokunyama. Iwo haangagoni chose chose “kurega kuvhengena muboka” navanhu venyika. Asi anogona uye anofanira kuparadzana nemiitiro isina kururama yavoruzhinji vavanhu.—1 VaKorinte 5:9-11.
5. Kuparadzana kunodikanwa nenyika kunoenzanisirwa sei muchinoitika chaNoa nemhuri yake?
5 Mugariro wacho wakafanana nowowo womuzuva raNoa apo Jehovha akacherekedza kuti “vanhu vose vakanga vararama upenyu hwakashata pasi pano.” (Genesi 6:12, The New English Bible) Asika Noa nemhuri yake vakararama nenzira yakasiana. Kupfurikidza nokuramba kukumbanira muushati hwakavapota uye kupfurikidza nokuparidzira kururama, Noa “akashurikidza nyikayo.” Iye akairatidzira kuva isingatsinhirani nokuda kwaMwari nomutoo usingapembedzeki. (VaHebheru 11:7; 2 Petro 2:5) Ndicho chikonzero nei, apo Mafashamo edenderedzwa rose rapasi akagumisa vanhu vasingadi Mwari, iye nemhuri yake vakapukunyuka. Ivo vaiva “munyika” asi panguva imwe cheteyo vaiva “vasati vari rutivi rwenyika.”—Genesi 6:9-13; 7:1; Mateo 24:38, 39.
Chii Chiri Kuda Kwakafanira Vanhu Venyika?
6. Kwakafanira here kuratidzira rudo rwupi norwupi kuvanhu venyika?
6 Ko kuva “vasati vari rutivi rwenyika” kunorevawo kuva muvengi wavanhu here? Kuita kudaro kwaizoisa munhu pakurwisana naJehovha Mwari, uyo, Mwanakomana wake Jesu akati, “akada nyika [yavanhu] zvikuru zvokuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu ari ose anomutenda agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Naizvozvo tsitsi dzaMwari nokunzwira nyasha vanhu vamarudzi ose zvinogadza muenzaniso wokuti isu titevere.—Johane 3:16; Mateo 5:44-48.
7, 8. (a) Ko Bhaibheri rinotii pamsoro pokuda nyika? (b) Chii chiri nyika iyo isu tinofanira kuparadzana nayo? (c) Neiko tichifanira kudzivisa nyika nezvishuvo zvayo?
7 Asika muapostora Johane haasati achitiudza here kuti, “musada nyika kana kuti zvimwe zvinhu zviri munyika. Kana munhu upi noupi achida nyika, rudo rwaBaba harwusati rwuri maari”? Kana Mwari amene akada nyika, neiko muapostora akataura ikoku?—1 Johane 2:15.
8 Bhaibheri rinoratidzira kuti Mwari anoda nyika yavanhu vanongova havo savanhu vari mumugariro usina kukwana, wokufa uye vari mukushaiwa betsero kwokupererwa nezano. Kuno rumwe rutivi, Satani akaronga vazhinjisa vavanhu mukushora Mwari. Ndiyo “nyika” iyeyo—chaunga chavanhu vari kure naMwari uye vari mukudzora kwaSatani—avo maKristu echokwadi anofanira kuparadzana navo. (Jakobho 1:27) Shoko raMwari rinonyevera pamsoro pokuda zvishuvo zvisina kururama nezviito zvenyika iyeyo, richiti: “Chinhu chiri chose chiri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwameso nokuratidzirwa kwokunyanyisa kwemitoo yomumwe youpenyu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Kupfuurirazve, nyika inopfuura saizvozvowo nokuchiva kwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:15-17.
9, 10. (a) Kungagona sei kutaurwa kuti zvishuvo izvi ‘zvinobva munyika’? (b) Ko zvishuvo izvi zvakava nokutapurai pavanhu?
9 Hungu, kuchiva ikoko kwenyama nokwemeso uye nokuda kwokurumbidzwa kwomunhu amene ‘kunobva munyika.’ Kwaiva uko kwakakudziridzika muvabereki vokutanga vavanhu uye kwakavaparira kutsvaka kuzvisunungura vamene kuna Mwari kuti vagotevera fariro dzoudyire. Kutevera izvi zvishuvo zvoudyire zvokunyika kwakaparira kuputsa mitemo yaMwari.—Genesi 3:1-6, 17.
10 Rangarira zvaunoona zvakakupota. Ko vanhu vazhinjisa havasati vachivakira upenyu hwavo pazvishuvo zvenyama napane zvameso napa“kuratidzirwa kwokunyanyisa kwenzira dzomumwe dzoupenyu” here? Ko hazvisati zviri izvi zvinhu here zvinoumba tariro dzavo nefariro, zvichidzora nzira yavanoita nayo nokubata nomumwe nomumwe? Nemhaka yaikoku, nhau yomunhu ndiimwe yechinyorwa chirefu chokusabatana nehondo, choutere noutsotsi, chamakaro enhengeseranwa nedzvinyiriro, chechinendirini chokuzvikudza, nechokuvavarira mbiri nesimba.
11. Naizvozvo, ipapoka, neiko kuda nyika kwaMwari kusati kuchiwirirana neicho Shoko rake rinoshora?
11 Ipapoka, tinogona kuona kuti kuda nyika sezvinoita Mwari kwakasiana zvikuru kwazvo nokuda zvishuvo zvayo zvisina kururama nemiitiro, izvo iye anoshora. Kuda kwaMwari vanhu kwakakura nzira yokusununguka pazvishuvo izvozvo zvokuita chivi nemiuyo yazvo yakashata, kubatanidza rufu rwumene. Iye akaratidzira kuda ikoku kupfurikidza nokupa Mwanakomana wake amene kuzodzikinura vanhu. Asi kana munhu upi noupi achiramba hake chibairo ichocho ndokupfuurira mukusateerera, Bhaibheri rinoti “kutsamwa kwaMwari kunoramba kuri paari.”—Johane 3:16, 36; VaRoma 5:6-8.
Kudzivisa Chose Chose Kudzora Kunoitwa No“mubati Ushe Wenyika Ino”
12. Tingagona sei kukamuranisa kana kuda kwatingaita vanhu venyika kuri kunofadza Mwari kana kuti kwete?
12 Ko zvino, zvakadiniko nesu? Ko isu “tinoda” vanhu vari munyika munzira yokuda zvapachokwadi kuvabetsera kuwana nzira youpenyu mukutendera kwaMwari here? Kana kuti tinoda zvinhu zvimene zvinovadzivisa pakuva vabatiri vaMwari here—mudzimu wavo wokuzvimirira, kuratidzira kwavo kwokunyanyisa mitoo yavo, kuvimba kwavo noukoshi hwavo vamene nembiri? Kana tichida kuva navanhu nokuda kwamavara akadaro, ipapo tiri ‘kuda nyika’ nenzira iyo muapostora akashora.
13. Kuda nyika kungagona sei kudzivisa munhu kubatira Mwari?
13 Vanhu vazhinji vomuzuva raJesu vaida nzira dzenyika. Naizvozvo vakadzivisa kuita kumira kwoushingi savadzidzi vaJesu. Havana kuda kurashikirwa nomukurumbira wavo nenzvimbo pakati pavanhu vari mumapoka avo amagariro avanhu neorudzidziso. Vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kutendera kwaMwari. (Johane 12:42, 43) Chokwadi, vamwe vaiita mabasa orupo uye vaiita mamwe mabasa orudzidziso. Asi vaiita kudaro zvikurukuru nokuti vaida kutarirwa navamwe. (Mateo 6:1-6; 23:5-7; Marko 12:38-40) Hausati uchiona vanhu vachiratidzira urwu rudo rwumwe cheterwo nokuda kwenzira isina kururama yenyika nhasi here? Asika Bhaibheri rinoratidzira kuti urwu rudzi rwo“rudo” runongogona bedzi kuparira kuparadzwa.
14. Ndianiko akaedza Jesu apo iye akanga ari pasi pano, uye nomuuyoi?
14 Mwanakomana waMwari amene akaedzwa muzvinhu zvimwe chetezvo izvozvi. Nhamburiko yakaitwa kunyandura maari chishuvo choudyire chokuita kuratidzira kwokunyanyisa kwokuorora vanhu—kwokuva akafanana nenyika. Iye akatogoverwa ubati ushe pamsoro pamarudzi ose enyika nembiri yawo. Asi iye akaramba chose chose zvipiwa izvozvo zvezvishuvo zvoudyire. Zvakabva kuno uyo akanga atanga kushora uchangamire hwaJehovha Mwari, Satani Dhiabhorosi.—Ruka 4:5-12.
15. Ratidzira muBhaibheri rako ari “mubati ushe wenyika.”
15 Kuziva chinogoverwa chaSatani choubati ushe kuna Jesu kunokosha kunzwisisa chikonzero nei tichifanira kuva “vasati vari rutivi rwenyika.” Kunoratidzira kuti nyika yavanhu yose zvayo, kubatanidza noubati ushe hwayo, inoMuvengi waMwari somubati ushe wayo asingaoneki. Jesu amene akataura nezvaSatani so“mubati ushe wenyika ino.” (Johane 12:31; 14:30: 2 VaKorinte 4:4) Muapostora Pauro akataurawo nezva“masimba akaipa omudzimu,” madhemoni ari pasi pokudzora kwaSatani, saari “vabati ushe venyika verima rino” vasingaoneki. Pauro akanyevera maKristu nezvechinodikanwa chechipfeko chesimbi chakakwana chomudzimu chokudzivirira ava “vabati ushe.”—VaEfeso 6:10-13.
16. Vanganiko venyika vakanyengedzwa naSatani uye vari musimba rake?
16 Vorushomanene bedzi vanguve vachidzivisa chose chose kudzora kwouyu mubati ushe asingaoneki namauto ake. Nokudaro “nyika” ndiko kuti, voruzhinji vavanhu vari kure naMwari, “iri musimba rowakaipa.” Kupfurikidza nepesvedzero yamadhemoni iye ‘anotsausa pasi rose rinogarwa,’ kubatanidza navabati ushe vapasi, achivatungamirira mukurwisana naMwari Umambo hwake.—1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 12:9; 16:13, 14; 19:11-18.
17. (a) Chimiro chinoratidzirwa nenyika chinopupurirei pamsoro pouyo ari kutungamirira vanhu? (b) Kwaizova kunofadza Musiki here kudai taizoratidzira mudzimu wakadaro?
17 Ikoku kunganzwika kuva kwakaoma zvokusagona kudavirwa. Asika, vanhu vazhinjisa venyika ino havasati vachisanoratidzira here chimiro chendangariro namabasa oMuvengi waMwari? Munyika yose tinoona kureva nhema, ruvengo, masimba masimba, nokuponda zvinozivisa avo vano‘bva kuna Dhiabhorosi,’ vanaye sa“baba” wavo womudzimu. (1 Johane 3:8-12; Johane 8:44; VaEfeso 2:2, 3) Zvechokwadi uyu mudzimu hausati uchibva kuno Musiki Worudo.
18. Ko chimiro chedu pamsoro poubati ushe chinoratidzira sei kana isu tisingatongodzorwi no“mubati ushe wenyika ino”?
18 Uyewo, ko voruzhinjisa vavanhu havasati vachivimba namazano avanhu okuunza rugare nokuchengeteka here? Vanhu vangani vaunoziva vanovimba zvomenemene naMwari noUmambo hwake nokuda kwechigadzikiso chezvinetso zvavanhu? Asika kuvimba kwavo namasangano avanhu ezvamatongerwe enyika kwakaiswa zvisina kururama, sokutaura kwakaita Jesu, kuti: “Umambo hwangu hahusati huri rutivi rwenyika ino.” Umambo hwake hahusati huna “manyuko” ahwo munyika ino, nokuti vanhu havasati vachihugadza kana kuti kuhuita kuti hurambe huri musimba. Ihwo igadziriro yaMwari amene. (Johane 18:36; Isaya 9:6, 7) Naizvozvo, kuva pakati paavo vanokarira kupukunyuka apo Umambo ihwohwo hunosvika kuzorwisana navavengi vahwo vose, tinodikanirwa kuziva idi chairoiro rokuti Satani anodzora nyika ino netsika dzayo. Ikoku kunobatanidza gadziriro dzayo dzezvamatongerwe enyika dzakadai seChibatanwa chaMarudzi. Tinodikanirwa kudzivisa chose chose idzodzi dzose kupfurikidza nokumira kwedu kwakatsiga nokuda kwehurumende yakarurama yaJehovha inodzorwa naKristu Jesu.—Mateo 6:10, 24, 31-33.
19. Sezvinopupurirwa nenhau, maKristu apakuvamba akaratidzira munzirai kuti iwo aiva “asati ari rutivi rwenyika”?
19 Nhau inoratidzira kuti maKristu apakuvamba aiva vagari vemo vanoremekedza, vanochengeta mitemo. Asi iwo akanga akarunda kuva “asati ari rutivi rwenyika,” kunyange zvazvo kudai ikoku kwaizounza chitambudzo paari. Tinorava kutaura kwakadai souku:
“ChiKristu chapakuvamba chakanga chisinganzwisiswi zvikuru uye chakanga chisingarangarirwi mukutenderwa naavo vaibata ushe nyika yechihedheni. . . . MaKristu airamba kuva nemisengwa yakati kuti yavagari vemo veRoma. . . . Iwo haati aizova nenzvimbo yezvamatongerwe enyika.”—On the Road to Civilization, A World History.57
“Iwo airamba kutora rutivi rwupi norwupi rwokushingaira mukudzora kwehurumende yemo kana kuti mukudzivirira kwehondo kwoumambo. . . . Kwakanga kusingabviri kuti maKristu, kana asingarambi basa dzvene zvikuru, agogamuchira chiratidzo chavarwi, chavatambi vemhaka, kana kuti chamachinda.”—History of Christianity.58
“Origen [uyo akararama muzana ramakore rechipiri nerechitatu reNguva yedu yaVose] . . . anotsinhira kuti ‘Chechi yechiKristu haingagoni kupinda mukurwisana norudzi rwupi norwupi. Iwo akadzidza kuMutungamiriri wawo kuti iwo vana vorugare.’ Munhambo iyeyo maKristu mazhinji akaponderwa kutendeka nokuda kwokuramba basa rehondo.”—Treasury of the Christian World.59
20. Kusatongodzorwa no“mubati ushe wenyika ino,” ko vabatiri vaJehovha vanofanira kurega mibatoi inokamuranya yenyika?
20 Kupfurikidza nokusatongobatanidzwa chose chose muzvinhu zvenyika, vabatiri vaJehovha havasati vachipira kuurudzi hwayo, udzinza hwayo hunokamuranya kana kuti mukurwisana kwayo kwamagariro avanhu. Chimiro chavo chendangariro chinotungamirirwa naMwari chinopira kurugare nokuchengeteka pakati pavanhu vamarudzi ose. (Mabasa 10:34, 35) Vapukunyuki ve“dambudziko guru” rinouya, zvamazvirokwazvo, vacha“bva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi.”—Zvakazarurwa 7:9, 14.
Ishamwari Dzenyika Kana Kuti Shamwari dzaMwari Here?
21. Neiko munhu anotevera Bhaibheri asingagoni kukarirawo kuva anodiwa nenyika?
21 Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Kudai imi maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda vari vayo imene. Zvino nokuda kwokuti imi hamusati muri rutivi rwenyika, asi ini ndakakusarudzai munyika, nyika inokuvengai nokuda kweichi chikonzero. . .. . Kana ivo vakanditambudza, ivo vachakutambudzaiwo imi.” (Johane 15:19, 20) Zvokwadi yakapfava ndeyekuti nzira bedzi yokuva noushamwari hwenyika ndeyokuva akafanana nayo—kuva ane zvishuwo zvayo, zvingandiveni, nokufungira mano, kuyemura kufunga kwayo nouzivi, uye kuita miitiro yayo nenzira. Asika vatsigiri venyika ino vanoshatirirwa kuita kuti zvikanganiso zvavo zvifumurwe kana kuva vanonyeverwa nezvengozi idzo nzira yavo inoparira. Ndicho chikonzero nei, kana munhu akatevera dzidziso dzeBhaibheri mumufambiro nomutoo wokurarama nawo uye achitaura nokuda kwawo, haatongogoni kunzvenga ruvengo rwenyika.—Johane 17:14; 2 Timotio 3:12.
22. Chisarudzoi pamsoro peshamwari chakanangana nomumwe nomumwe wedu?
22 Naizvozvo, Bhaibheri rinoratidzira kuti tine chisarudzo chakajeka. Pana Jakobho 4:4 tinorava, kuti: “Ko imi hamusati muchiziva kuti kushamwaridzana nenyika ruvengano naMwari here? Naizvozvo, upi kana upi unoda kuva shamwari yenyika anozviita iye amene muvengi waMwari.” Mwari ane mipimo yakewo youshamwari, uye iyo haisati ichitsinhirana neiyo yenyika yavanhu vanoita zvivi.—Pisarema 15:1-5.
23. (a) Chii chingaratidzira kuti munhu ishamwari yenyika? (b) Tingagona sei kuratidzira kuti isu tiri shamwari dzaMwari?
23 Kuva kwedu noushamwari hwaMwari kunotsamira pazvinopfuura zvikuru kuva kwedu kana kuti kusava kwedu vamasangano akati kuti enyika. Kana tichiratidzira mudzimu wenyika, tichiva nomurangariro wayo woupenyu, ipapo tinozvizivisa timene seshamwari dzenyika, kwete dzaMwari. Mudzimu wenyika unoparira “mabasa enyama” akadai so“ufeve, kusachena, mufambiro usingadzorwi, kunamata zvidhori, kushandisa midzimu, kuvengana, gakava, shanje, kufufutirwa nehasha, kukakavara, mhesano, mapoka, magodorano, mapitse okuraradza, mitambo yokuzvifadza yakashata, nezvinhu zvakadai sezvizvi.” Bhaibheri rinosanoreva kuti “avo vanoita zvinhu zvakadai havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” Kuno rumwe rutivi, kana tiri shamwari dzaMwari, tichava nomudzimu wake nezvibereko zvazvo zvo“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, tsitsi, runako, kutenda, unyoro, nokuzvidzora.”—VaGaratia 5:19-23.
24. (a) Neiko kusiri kuchenjera kuva vatevedzeri vavanhu avo nyika inopa rukudzo? (b) Ko chimiro chedu chendangariro kupfuma yenyika chinogona sei kuratidzira uyo anoushamwari hwatiri kutsvaka zvomenemene?
24 Ipapoka, mudzimu waani watinoratidzira? Ikoku kuchatibetsera kutema kuti tiri shamwari dzaani zvomenemene. Sezvatinorarama, tinotapurwa nenyika ino iripoyi yakashata, hatisati tichifanira kukatyamadzwa nokuwana kudikanwa kwokuchinja muupenyu hwedu kuti tigofadza Mwari. Somuenzaniso, vanhu venyika vanotutira rukudzo nembiri pana avo vane gombedzero yavo yechingandiveni inovaparira kuva nepfuma yakawanda, simba, kana kuti mbiri. Vanhu vanozvienzanisira vamene namagamba akadaro enyika nezvidhori, vachivatevedzera mukutaura, mufambiro, chitarisiko, nomupfekero. Ko iwe unoda kuzivikanwa somuyemuri wavanhu vakadaro here? Kubudirira kwavo kunongova bedzi kunopesana neicho Shoko raMwari rinotikuchidzira kuita nharidzano muupenyu. Bhaibheri rinotitungamirira kupfuma yomudzimu nesimba norukudzo rwokubatira savamiriri vaMwari navatauriri pasi pano. (1 Timotio 6:17-19; 2 Timotio 1:7, 8; Jeremia 9:23, 24) Kuparadzira kwenhengeseranwa kwenyika kunotendeudzira vanhu kukudisa zvinhu zvenyika, kukudavira kuti mufaro unotsamira pazvaunazvo. Naizvozvo ivo vanokoshesa izvozvi zvikuru kwazvo kupinda zvinhu zvoukoshi hwomudzimu. Hungu, kutevera nzira yenyika kuchakuwanira ushamwari hwenyika. Asi kuchakugura paushamwari hwaMwari. Ndeipi inoreva zvakawanda kwauri? Ndeipi ichakutungamirira kumufaro mukuru zvikuru nounogara narini zvikuru?
25. (a) Chii chatinofanira kukarira chinobva munyika apo tinosiya shure nzira dzayo? (b) Chii chichatigonesa zvomenemene ku‘shandura ndangariro dzedu’ kuti tigowona zvinhu sezvinoita Mwari?
25 Kukurirwa nomutoo wenyika kuri nyore. Uye, nokuda kwomudzimu wayo wakashata, vatsigiri venyika ino vachashatirwa kana iwe ukatora nzira yakapesana. (1 Petro 4:3, 4) Dzvinyiriro dzichaunzwa pauri kuti ugochinja, kuti chaunga chavanhu venyika chigokuumbira mukufanana nacho. Uchenjeri hwenyika, uzivi hwayo pamsoro pechinovigira rubudiriro muupenyu, zvichashandiswa munhamburiko dzokudzora kufunga kwako. Naizvozvo, kunoda nhamburiko chaiyoiyo nokutenda ku“shandura ndangariro yako’ kuti ugoona zvinhu mumurangariro waMwari, uchinzwisisa chikonzero nei ‘uchenjeri hwenyika ino huri hufuza mukuona kwake.’ (VaRoma 12:2; 1 VaKorinte 1:18-20; 2:14-16; 3:18-20) Kupfurikidza nokufunda kwokushingaira Shoko raMwari tinogona kusanoona uchenjeri hwenhema hwenyika. Tinogona kuona kukuvadzika kuri kutoparirwa no“uchenjeri” hwakadaro, nomugumo une ngwavaira wahunofanira kuparira. Tevere tinogonawo kusvika pakunzwisisa zvizere uchenjeri hwenzira yaMwari nezvikomborero zvechokwadi zvahunosimbisira.
Hakuna Maturo Kupa Upenyu Namasimba Kunyika Inopfuura
26. Kwaizova kuchenjera here kubatanidzwa mubasa ramasangano omutsa enyika mukurangarira kuvandudza migariro?
26 Vamwe vangaramba havo, vachiti: ‘Asi masangano mazhinji enyika anoita zvakanaka, anoshandira kutaviridzira, utano, dzidzo, nokusunungurwa kwavanhu.’ Chokwadi, mamwe masangano anopa chaizvo ruyamuro rwakati kuti rwechinguvana kubva muzvishomanene zvezvinetso zvavanhu. Asi iwo ose rutivi rwenyika iri kure naMwari. Uye iwo anotendeudzira ngwariro yavanhu kukupfuuridzira tsika ino iripoyi yezvinhu. Hapana nerimwe rawo rinoreverera hurumende yaMwari nokuda kwapasi, Umambo hwake hunodzorwa noMwanakomana wake. Kunze kwezvo, kunyange matsotsi akati kuti angarera mhuri, achidziriritira, achiita mabasa omutsa nokuda kwenzanga. Asika zvinhu izvozvi zvaizoruramisira kutsigira kwedu masangano amatsotsi munzira ipi neipi here?—Enzanisa 2 VaKorinte 6:14-16.
27. Ndeipi iri nzira bedzi iyo isu tingagona kubetsera nayo vanhu vari munyika ino kuva pakati pavapukunyuki ndokupinda muTsika Itsva yaMwari?
27 Ko isu tingaratidzira zvomenemene kuda kwechokwadi vanhu kupfurikidza nokubatana naapi naapi amazano enyika, tichipira nguva nesimba kwaari here? Kana uchida kubetsera mumwe munhu ari kurwara kana kuti ane hosha, waizoita kudaro kupfurikidza nokuswedera pedyo zvokuti iwe waizobatira chirwere chimwe chetecho kana kuti hosha here? Kana kuti iwe hausati waizova anoyamura zvikuru kwazvo here kudai iwe umene wairamba uno utano uchiedza kubetsera munhuyo kuwana nzira youtano? Chaunga chazvino uno chiri kurwara mumudzimu uye chine hosha. Hapana nomumwe wedu angagona kuchiponesa, nokuti Shoko raMwari rinoratidzira kuti chirwere chacho chiri kuparira rufu rwacho. (Enzanisa Isaya 1:4-9) Asika isu tinogona kubetsera vanhu vamwe navamwe vari munyika kuwana nzira youtano hwomudzimu neyokupukunyuka ndokupinda muTsika Itsva yaMwari—kana isu tikaramba takaparadzana nenyika (2 VaKorinte 6:17) Nomutoo wokuchenjera, ipapoka, dzivisa kubatanidzwa murangano dzenyika. Zvishandise umene nesimba kudzivisa kuva anotapurwa nomudzimu wenyika ndokutevedzera nzira dzayo dzisina kururama. Usatongokanganwa, kuti: “Nyika inopfuura saizvozvo nokuchiva kwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari uchagara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.