Ganhuro 15
Edhomi Rinofananidzirwa, Razvino Uno Richabviswa
NHASI nyika yakashongedzerwa nezvombo zvine simba zvikuru kupinda nakare kwose. Zvombo zvenyukireya zvamarudzi ityisidziro chaiyoiyo kukuvapo kumene kwavanhu. Ko zvino, Musiki wemhuri yohunhu, Jehovha Mwari, anorangarira sei mugarirowo? Ikoku kunorondedzerwa nomutoo wakajeka muganhuro 34 yechiporofita chaIsaya, inotanga namashoko, anoti:
2 “Swederai pedyo, imi marudzi, munzwe; nemi mapoka amarudzi, teererai. Pasi neizvo zvinorizadza ngazvinzwe, nyika inobereka zvibereko nezvibereko zvayo zvose. Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, uye anoitira hasha uto rawo rose. Iye anofanira kuapira kukuparadzwa; anofanira kuapa kukuurawa. Uye vakaurawa vawo vachakandirwa kunze; uye kana zviri zvitunha zvawo, kunhuhwa kwazvo kuchakwira; uye makomo anofanira kunyautswa nokuda kweropa rawo. Uye avo vose veuto ramatenga vanofanira kuora. Uye matenga [hurumende dzavanhu dzakundikana] anofanira kupetwa, sebhuku yomupumburu wamanyoro; uye uto rawo richaoma rose, sokuoma kunoita shizha pamuzambiringa uye seonde rakaoma pamuonde.” (Isaya 34:1-4) Haiwa, zvamazvirokwazvo chiporofita chinotyisa sei!
3 Musiki wechisiko chapose pose ane gakava namarudzi nhasi. Ndokusaka marudzi achidanirwa kuzonzwa shoko rakavakirwa paBhaibheri iro iye akaparira kuva rinoparidzirwa munyika yose kubvira muna 1919. Iwo anofanira kuteerera kune zvaanotaura kupfurikidza neZvapupu zvake. Asi chimiro chezvinoitika zvenyika chinobvumikisa kuti iwo haana kuita kudaro, uye Zvapupu zvake hazvina kurangarirwa zvakakomba namarudzi, ayo akasarudza Chibatanwa chaMarudzi uye kwete Umambo hwokudenga hunodzorwa noMwanakomana wake akagadzwa pachigaro choumambo, “Muchinda woRugare.”
Chiporofita chaIsaya Chinorwisana neEdhomi
4 Chinoshanda pakati pamapoka amarudzi anhasi ndichinhu chakati kuti chine mutoro. Chinhu ichocho chakafananidzirwa norudzi rwokwaEdhomi, rwunodudzwa chaizvoizvo mune ichi chiporofita. VaEdhomi vaiva vazukuru vaEsau, uyo akatengesa udangwe hwake kumunun’una wake wamanyambiri, Jakobho, nokuda kwe“chingwa nezvokudya zvenyemba.” Pakanga pari pachinoitika ichocho apo Esau akava anonzi Edhomi, rinoreva kuti “Zvitsvuku.” (Genesi 25:24-34) Nokuti Jakobho akamutorera nzvimbo muudangwe hwunokosha, Esau akazadzwa nokuvenga munun’una wake wamanyambiri. Edhomi yakava muvengi ano utsinye worudzi rwekare rwaIsraeri, kana kuti Jakobho, kunyange zvazvo iwo aiva marudzi omukoma nomunun’una vamanyambiri. Nokuda kwouhwu hutsinye hwakaitirwa vanhu vaMwari, Edhomi yakaparira hasha dzakafanira dzaJehovha, Mwari waIsraeri, uye Iye akaraira kuparadzwa kusingagumi kweEdhomi. Ichi chisarudzo choumwari chinoratidzirwa mumashoko omuporofita Isaya:
5 “Nokuti munondo wangu uchanyata zvamazvirokwazvo mumatenga. Tarirai! Uchaburukira pamusoro peEdhomi, uye pamusoro pavanhu vakatsaurirwa neni kuruparadziko mukururamisira. Jehovha ane munondo; iwo unofanira kuzadzwa neropa; unofanira kuitwa kuti uzadzwe namafuta, neropa ramakondohwe amakwaiana nembudzana, namafuta etsvo dzamakondohwe. Nokuti Jehovha ane chibairo muBozra [guta rakaisvotanhamara reEdhomi], nokuuraya kukuru munyika yeEdhomi.”—Isaya 34:5, 6.
6 Nyika yorudzi rwune murangariro wokuponda rwunofanira kunyatiswa neropa ravo rimene kupfurikidza no“munondo” waJehovha. Edhomi rakanga rine nzvimbo yakakwirira, yamakomo. (Jeremia 49:16) Naizvozvo mukuparira kuuraya kuti kuitike munyika iyeyo, Jehovha mukufananidzira aigona kutaura kuti iye akanga achishandisa munondo wake worutongeso “mumatenga.” Edhomi rakanga rina mauto akasimba kwazvo, uye mauto aro akashongedzerwa aifamba-famba nomunzvimbo dzakakwirira dzamatenga dzamakomo kutaviridzira nyikayo pavavhojokeri. Naizvozvo uto reEdhomi nomutoo wakakodzera raigona kunzi “uto ramatenga.” Asika Edhomi rine simba harina kugovera ruyamuro kurudzi rwarwo rwomukoma nomunun’una vamanyambiri, Israeri, apo irwo rwakadenhwa namauto eBhabhironi. Kupfuurezvo, Edhomi rakafara kuona kukurirwa kwoumambo hwaJudha uye rakatokuchidzira vaparadzi vahwo. (Pisarema 137:7) Kunyengera kweEdhomi kwakasvikira kupfundo rokutandanisa vanhu vaitiza nokuda kwoupenyu hwavo ndokuvagamuchidza kumuvengi. (Obhadhia 10-14) VaEdhomi vakarongedzera kutora nyika yakasiiwa yavaIsraeri, vachitaura mukuganza mukurwisana naJehovha.”—Ezekieri 35:10-15.
7 Ko Jehovha, Mwari waIsraeri wekare, akafuratira ichi chiito chisati chiri chouhama chavaEdhomi kuna vanhu vake vakasarudzwa here? Aiwa. Ndokusaka mwoyo waMwari wakanga une donzo re“zuva ramatsive” ne“gore rokudzorera” mukuripidzira chakanga chaitwa mupfini kusangano rake rapasi, rinonzi Zioni. Chakadaro chiporofita, kuti: “Nokuti Jehovha ane zuva ramatsive, gore rokudzorera mhaka yapamutemo [pamberi peDare reChisiko Chapose pose] paZioni.”—Isaya 34:8; Ezekieri 25:12-14.
8 Isati iri nguva refu pashure pokuparadzwa kweJerusarema, Jehovha akavamba kuratidzira matsive ake akarurama pavaEdhomi kupfurikidza naMambo weBhabhironi, Nebhukadnezari. (Jeremia 25:8, 15, 17, 21) Apo mauto eBhabhironi akarwisana neEdhomi, hapana chinhu chaigona kuponesa vaEdhomi! Mauto eBhabhironi akakurira vaEdhomi pashongwe dzavo dzamabwe. Rakanga riri “gore rokudzorera” paEdhomi. Sokudeya kutaura kwakaita Jehovha kupfurikidza nomumwe muporofita, kuti: “Nokuda kwamasimba masimba awakaitira Jakobho munun’una wako, kunyara kuchakufukidza, uye uchatofanira kuva anoparadzwa kusvikira kunguva isingazivikanwi. . . . Nenzira yawakaita nayo, ichavawo inoitwa kwauri. Rudzi rwokubata kwako rwuchadzokera pamsoro pako umene.”—Obhadhia 10, 15.
9 Ikoku kunoratidzirawo chimiro chendangariro chaJehovha kuEdhomi rakafananidzirwa romuzuva razvino uno. Rinonzi ani? Eya, muzana ramakore rechi 20, ndiani akatungamirira mukutsiva nokutambudza vabatiri vaJehovha? Chave chisati chiri chiKristudhomu chakatsauka pakutenda kupfurikidza neboka racho ravakuru vakuru vorudzidziso vanodada here? Hungu! ChiKristudhomu, dunhu rechiKristu chenhema, chakazvikwidziridzira icho chimene munzvimbo dzakakwirira dzamakomo muzvinhu zvenyika ino. Icho rutivi rwakakwirira rwesangano retsika yezvinhu zvavanhu, uye marudzidziso acho anoumba rutivi rukurusa rweBhabhironi Guru. Asika Jehovha akaraira “gore ramatsive” mukurwisana neEdhomi rakafananidzirwa, romuzuva razvino uno nokuda kwomuitiro wokunyanyisa kuvanhu vake, Zvapupu zvake.
Mugumo Wakafanana Nowowo weEdhomi
10 Sezvatinorangarira rutivi runopfuurira rweichi chiporofita chaIsaya, tinogona kurangarira chiKristudhomu chanhasi: “Hova dzayo dzinofanira kuchinjwa kuva tara, uye huruva yayo kuva surferi; uye nyika yayo inofanira kuva tara inopfuta mwoto. Haisati ichizodzimwa pausiku kana kuti pamasikati; utsi hwayo hucharamba huchikwira kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.” (Isaya 34:9, 10) Nenzira iyeyo nyika yeEdhomi inoratidzirwa seinova dongo sokunge kuti hova dzayo dzaiyerera tara uye sokunge kuti huruva yayo yaiva surferi, uye ipapo izvi zvinhu zvinotsva zvaipiswa nomwoto.—Enzanisa Zvakazarurwa 17:16.
11 Chiporofita chaIsaya chinopfuurira, kuti: “Richava dongo kusvikira kuchizvarwa nechizvarwa; hakuno munhu achapfuura achiriyambuka nokusingaperi-peri. Uye richava rehukurwizi nenungu; mazizi namakunguo zvimene zvichagaramo; uye iye anofanira kutambanudzira mariri rwonzi rwokuyera rwokusava nechinhu norwamabwe egwenga. Vakuru varo—hakuna navamwe vavo vachadanirwa kuUmambo ihwo hwumene, uye machinda aro amene ose achava pasina. Minzwa ichamera pashongwe dzaro dzokugara, masora orukato noutumbambeva munhare dzaro; uye rinofanira kuva nzvimbo yokugara yamakava, dandare nokuda kwemhou. Uye zvikara zvomugwenga zvinofanira kusangana namapere, uye kunyange dhemoni rine chimiro chembudzi richadana shamwari yaro. Hungu, zvamazvirokwazvo dahwa richagara norugare ndokuzviwanira iro rimene nzvimbo yokuzorora. Rovambira richaita dendere raro ndokukandira mazai imomo.”—Isaya 34:10-15.
12 Edhomi raizova nyika yo“kusava nechinhu” kana toreva nezvavanhu. Raizova renje rinongova bedzi nezvikara, shiri, nenyoka mariri. Uyu mugariro wedongo wenyikayo waizopfuurira, sokureva kunoita Isa 34 ndima 10 kuti, “nokusingaperi-peri.” Hapasati paizova nokudzorerwa kwavagari varo vekare.—Obhadhia 18.
13 Haiwa mugariro unokatyamadza sei wakadeya kufananidzirwa naikoku nokuda kwomubiyaro womuzuva razvino uno weEdhomi—chiKristudhomu! Chakazvibvumikisa icho chimene kuva muvengi akakasharara waJehovha Mwari, uyo ane Zvapupu zvachakatambudza nomutoo wokurura. Naizvozvo uru ruparadziko rwosvika rwacho pamberi peArmagedhoni rwakadeya kutaurwa mu“bhuku raJehovha.” (Isaya 34:16) Zvikurukuru, iri “bhuku raJehovha” ndiro bhuku rake renhau, rinorondedzera muudzame hwose nhau dzaanofanira kugadzikisa naavo vari vavengi vake navashori vavanhu vake. Chakanyorwa mu“bhuku raJehovha” pamsoro peEdhomi rekare chakaitika, uye ichochi chinosimbisira kuti chiporofita sechinoshanda kuchiKristudhomu, Edhomi romuzuva razvino uno, chichaitika nenzira imwe cheteyo.
14 VaEdhomi vomufananidziro vanhasi havana kugamuchira Jehovha Mwari saMambo mukati meino “mhedziso yetsika yezvinhu.” Zvakare, sezvo chiKristudhomu chiri rutivi rwakadaro rwakatanhamara rweBhabhironi Guru, icho chakashurikidzirwa kuwana madambudziko aro. Hachina kuwirirana nomurairo waJehovha wo“kubuda” muBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 18:4) Hachina kutevedzera muenzaniso wavakasarira vavaIsraeri vomudzimu kana kuti uyo we“boka guru” ra“mamwe makwai.”
15 Zvamazvirokwazvo nguva yemberi iri pedyo yechiKristudhomu haina tariro. Chiri kuita napachingagona napo kunyaradza shamwari dzacho dzezvamatongerwe enyika nokudzivisa kusangana pamwe chete muchiito chokurwisana nacho, kusvikira kukuparadzwa kwacho chose chose, asika chiri kukundikana!
16 Mukuwirana naZvakazarurwa ganhuro 17 ne 18, Mwari Wamasimba ose, Jehovha, uchauyisa mumwoyo yadzo kuti dzishandise nomutoo woumhuka simba radzo rezvamatongerwe enyika nereuto mukurwisana neBhabhironi Guru mumativi aro ose orudzidziso, kubatanidza nechiKristudhomu. Ikoku kuchabvisa chiKristu chokuedzesera mupasi rose. Mugariro wechiKristudhomu uchava wakafanana nowowo womugariro usine tariro unorondedzerwa muna Isaya 34. Iro harizati richizovapo kuti rizvionere rimene “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” yokupedzisira chose chose mukurwisana namarudzi, ayo achave apamba Bhabhironi Guru. Edhomi romufananidziro, chiKristudhomu, richaparadzwa chose chose pamsoro papasi, “nokusingaperi-peri.”
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Ko Musiki anorangarira sei marudzi akashongedzerwa nezvombo zvine simba guru, uye chii chiri chisarudzo chaJehovha, mukuwirirana nechiporofita chaIsaya?
3. (a) Ko marudzi ari kudanirwa kuzoteerera chiiko, uye nenzira iyeyo nei Jehovha nomutoo wapamaruramiro achigona kuaraira? (b) Chii chinoratidza kuti marudzi haana kuteerera?
4, 5. (a) Ndavanaani vaiva vaEdhomi, uye ivo vakaratidzira chimiroi chendangariro kurudzi rwavo rwomunun’una wamanyambiri, Israeri? (b) Naizvozvo Jehovha akarairei pamsoro peEdhomi?
6. (a) Neiko Jehovha aigona kutaura nezvokushandisa “munondo” wake mukurwisana neEdhomi “mumatenga”? (b) Apo umambo hwaJudha hwakadenhwa neBhabhironi, ko vaEdhomi vakaratidzira vanhu vaJehovha chimiroi chendangariro chisati chiri chouhama?
7. Ko Mwari waIsraeri akarangarira sei chiito chokunyengera chorudzi rwaEdhomi?
8. (a) Ko Jehovha akashandisa ani kuunza chirango paEdhomi? (b) Ko muporofita Obhadhia akadeya kuzivisei pamsoro peEdhomi?
9. Ndiani ari Edhomi romuzuva razvino uno romufananidziro, uye nei?
10. Ko Isaya 34:9, 10 inorondedzera sei mugumo weEdhomi, asi chiporofitacho chinoshanda kunaani nhasi?
11, 12. Mukurondedzerwa kwechiporofita kunopiwa pana Isaya 34:10-15, chii chaizova nyika yeEdhomi, uye mugariro wakadaro wenyika waizopfuurira kusvikira rini?
13. Chii chinodeya kuziviswa nokuda kwechiKristudhomu mu“bhuku raJehovha,” uye chii, zvikurukuru, chiri iri bhuku?
14. Ko vaEdhomi vomufananidziro vanhasi havana kugamuchira chii, uye ivo vakakundikana kutevera muenzanisoi wavanhu vaJehovha?
15, 16. Chii chiri nguva yemberi iri pedyo yechiKristudhomu, sezvakadeya kutaurwa muna Zvakazarurwa 17 ne 18 naIsaya 34?
[Mufananidzo uri papeji 122]
ChiKristudhomu chichawana rutongeso rwakafanana norwuye rwavaEdhomi, vazukuru vaEsau, uyo akatengesa udangwe hwake nokuda kwechidyo chimwe