Ganhuro 16
“Boka Guru” Zvino Rinofamba Pa“nzira” Inoenda Kusangano raMwari
MUKATI Mokutonga kweMireniyumu kwo“Muchinda woRugare,” mativi mazhinji aIsaya ganhuro 35, zvino ari kuzadzika pamberi pokuparadzwa kweBhabhironi Guru, acharatidzirwa mupfungwa chaiyoiyo pavanhu. Nokuti zvinenge zvaitwa munzira yomudzimu zvichaitwa chaizvoizvo munzira yokunyama. Kuzadzika kukurusa kwomudzimu kweichi chiporofita kuri kuitika iye zvino chaiye, kupfurikidza nokudzorerwa kwavabatiri vaMwari kubva muutapwa hweBhabhironi Guru. Muporofita Isaya akakurondedzera naaya mashoko akaisvonaka:
2 “Renje nenyika yakaoma zvichafara, uye gwenga richafara ndokutumbuka seruva. Mukusakundikana iro richatumbuka, uye richafara zvomenemene nomufaro nokudanidzira kwokufara. Mbiri yeRebhanoni iro rimene inofanira kupiwa kwariri, noukombi hweKarmeri neSharoni. Kuchava naavo vachaona mbiri yaJehovha.”—Isaya 35:1, 2.
3 Ko renje nenyika yakaoma negwenga zvaiwanwa kupi? Muzana ramakore rechitanhatu P.N.V., zvaiva muruwa rwoumambo hwaJudha. Pana 537 P.N.V., nyika iyeyo yakanga yava dongo uye isina vagari kwamakore 70. Asika renje raigona sei kufara? Kwaizova kuri madikanwa kuti vagari vekare vave vanodzoserwa mariri. Raizosimudzirwa kubva mumugariro waro wakaderera kuva rinopiwa mbiri yamakomo marefu eRebhanoni rine chitarisiko chinoorora.
Kuita Bindu Rokufananidzira reEdheni
4 Kuwirirana kwomuzuva razvino uno, mupfungwa yomudzimu, nouku kushandurwa kwenyika kubva muchitarisiko chokusiiwa naMwari ichiiswa kumugariro unoratidzirwa nenyasha dzakadzorerwa dzaJehovha kwakavamba kuitika muna 1919. Vanhu vakadzorerwa vaJehovha vakanga vakatsunga kushandisa zvizere nhambo yorugare yakanga yakazaruka panguva iyeyo. Koreshi mukuru zvikuru, Jesu Kristu, naBaba vake, Jehovha Mwari, vakagovera vakasarira vakasunungurwa vavaIsraeri vomudzimu kuita basa gurusa rakawirirana nokuvakwazve kwetembere yeJerusarema navakasarira vaIsraeri wekare vakadzorerwa pashure pa 537 P.N.V. Mibato yokudzorerazve pashure pa 1919 yakaparira kuitwa kwebindu rokufananidzira reEdheni.
5 Ikoku kwakanga kwadeya kuziviswa muna awa mashoko aIsaya 35: “Panguva iyeyo meso amapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzimene dzematsi dzichadziurwa. Panguva iyeyo unokamhina uchakwakuka sokukwakuka kunoita nondo, uye rurimi rwembeveve ruchadanidzira mumufaro. Nokuti mvura dzomurenje dzichave dzadzutuka, nehova dzemvura mugwenga. Uye pasi rinopisa richave rave sedziva retsanga, napasi rine nyota sezvitubu zvemvura. Munzvimbo dzokugara dzamakava, nzvimbo yokuzorora nokuda kwawo, muchava nouswa hwakasvibira hune tsanga nenhokwe.”—Isaya 35:5-7.
6 Kuvapo kweEdhomi romufananidziro, romuzuva razvino uno hakuna kudzivisa kudzorerwa kwaIsraeri womudzimu kumugariro weparadhiso mukuzadzika kwaIsaya ganhuro 35. Naizvozvo vaEdhomi vomuzuva razvino uno havana chikonzero chokufara sezvinoita vakasarira vaIsraeri womudzimu vakadzorerwa, pamwe chete ne“boka guru” rinowedzera. “Boka guru” rine rutivi rukuru mukuchengeta paradhiso yomudzimu yeZvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha.
7 Meso okunzwisisa avaIsraeri vomudzimu haana kutongosvinudzwa pamberi pokuguma kwenguva dzavamarudzi kuti vaone kuti nhamo yenyika yakanga yodokugundika muna 1914 yaizoguma vakasarira vavo vachiri pasi pano. Uyewo havana kuona kuti ivo ne“boka guru” ra“mamwe makwai” raizonzwirwa nyasha nokupiwa ropafadzo yokupupurira nyika yose kugadzwa kwoUmambo hwouMesia hwaMwari. Naizvozvo kwakaitika kuti muna 1919 meso akapofumara mumudzimu avakasarira akasvinudzwa, uye chiono chakadini chenguva yemberi iri pedyo chakaonwa nameso iwawa akasvinudzwa!
8 Pakokorodzano dzavo muCedar Point, Ohio, muna 1919 na 1922, vakagamuchira chiziviso chakati kuti chebasa rakanga riri mberi. Vakakwakukira basa rakanga riri pamberi pavo. Nzeve dzavo dzomudzimu dzakadziurirwa kunzwa shoko rinonyandura roUmambo hwaMwari nokudikanwa kwokurizivisa. Senondo, vakakwakukira zvikuru kukubatira savapupuriri nokuda kwoUmambo ihwohwo hwakanyengetererwa kwenguva refu. Ndimi dzavo, idzo dzakanga dziri mbeveve kusvika panguva iyeyo, dzakadanidzira mumufaro pamsoro poUmambo hwouMesia hunobata ushe mumatenga.—Zvakazarurwa 14:1-6.
9 Hungu, kwakanga kwakaita sokunge kuti mvura dzakanga dzadzutuka mumugariro womudzimu uyo waichimbova wakaoma nousine chinhu, zvokuti zvino chinhu chiri chose chairatidzika kuva chakasvibira nounyoro hwakawanda—chakagadzirira kuva chinoisvobereka zvibereko. Hakusati kuchishamisa kuti vanhu vakadzorerwa vaJehovha vakafara zvikurusa ndokunzwa vasimbaradzwa senondo inokwira nomutoo wesimba ichipinda munzvimbo dzakakwirira! Zvamazvirokwazvo, mvura dzezvokwadi pamsoro poUmambo hwaMwari, hwakagadzwa musimba raJesu Kristu muna 1914, dzakadzutuka nesimba rinowedzera, dzichiparira kunyevenutsa kukurusa.—Isaya 44:1-4.
“Nzira” Youtsvene
10 Ko zviri pamsoro apa zvinoratidzirei? Ichi: Kutanga vakasarira uye gare gare “boka guru” ra“mamwe makwai” vakabuda muBhabhironi Guru uye vakaitwa zvapupu zvoUmambo hwaMwari. Asika ivo vaizodzokera kupfurikidza nomukotoi munyasha dzoumwari ndokupinzwa muparadhiso iyi yomudzimu? Kwaizoita sokunge kuti gwara rakafara, rakapamhama rakanga ravazarurirwa kubvumira mapoka avaIsraeri vakazodzwa nomudzimu kutanga kufamba pamwe chete mukubatana kuenda kunyika yokwavo yakapiwa naMwari. Chiporofita chinoisvofadza chaIsaya chinoratidzira ikoku:
11 “Uye zvamazvirokwazvo ipapo pachava negwara, kunyange nzira; uye iyo ichanzi Nzira yoUtsvene. Uyo une tsvina haangafambi napairi. Uye ichava youyo anofamba panzira, uye hakuna mapenzi achadzungaira pairi. Hapana shumba ichabvumikisa kuvapo, uye rudzi runokara rwezvikara harusati rwuchizokwira pairi.—Isaya 35:8, 9.
12 Mugumo weHondo yeNyika I hauna kutongoerekana hawo wazarura “nzira” yomuzuva razvino uno. Vasere vavashandi vapadzimbahwe reWatch Tower Society vakanga vachakapfigirwa mutorongo uye basa rokupupurira rakaderedzwa zvakakomba zvikuru. Pana January 4, 1919, pamusangano wegore negore weWatch Tower Society muPittsburgh, Pennsylvania, J. F. Rutherford, purezidhendi weSosaiti, akavhoterwa kudzokera munzvimbo, pasinei hapo nokupfigirwa kwake mutorongo, muuchokwadi hwokuti iye akanga ari mubatiri asina mhaka waMwari Wokumusorosoro.
13 Pana March 25, 1919, iye navasungwa biyake vanomwe vakabudiswa uye gare gare vakasunungurwa chose chose. Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1919, peji 283, yakanga ina mashoko anokurudzira okuti mahofisi eSosaiti, pana October 1, 1919, aizotamiswa paPittsburgh achidzorerwa kuBheteri reBrooklyn pa 124 Columbia Heights. Ipapo, nechinyorwa cheNharireyomurindi chechiNgezi, chaDecember 15, 1919, ichi chinyorwa chinobuda kaviri pamwedzi chakaziviswa kuva chiri kubudiswazve muBrooklyn, New York.
14 Naizvozvo kwakaitika kuti muna 1919 nzira yokufananidzira yakazarurirwa vabatiri vanofara vaMwari. Avo vakanga vachida kuva vatsvene mukuona kwaMwari vakanga vari avo vakafamba pa“nzira” iyeyo, “Nzira yoUtsvene.” Vapi navapi vasina kuva nenharidzano yakarurama, vavariro yakachena, havana kutanga kufamba pa“Nzira yoUtsvene” iyeyo yokufananidzira ndokuwana kudzorerwa munyasha dzoumwari.
15 Pana June 1, 1935, pakokorodzano yomuWashington, D.C., vane 840 ve“boka guru” vakabhapatidzwa mumvura, vachipa chibvumikiso chinooneka chokuti ivo vakanga vavakupinda mu“nzira.” Zvino, mamirioni anowedzera avo akapinda munzira iyeyo, achikumbanira mitezo iri kuderera yavakasarira vakazodzwa. Murugare nomuushamwaridzani hunofarikanyika, zvino ivo vanofamba pamwe chete pa“nzira,” vakatsunga kuti, kupfurikidza nebetsero yaMwari Wamasimba ose ari mudenga, hapana chinhu chichaputsa chinzwano chavo.
16 Mukutaura kwokufananidzira, hapana shumba kana kuti chimwe chikara chipi nechipi chinokara chaizowanwa pane iyi nzira. Ndiko kuti, pakanga pasina chinhu chaizoita semhinganidzo kana kuti kutyisidzira vakasarira ne“boka guru.” Ivo vakatanga nechivimbo kufamba panzira iyo Musununguri wavo, Koreshi Mukuru Zvikuru, akanga avazarurira zvino, uye Zioni richiva nzvimbo inogumira rwendo rwavo.
17 Nhasi, pakati chaipo pe“mhedziso yetsika yezvinhu,” “nzira” iyeyo yakagoverwa nomutoo woumwari ichiri yakazaruka. Mapoka avanhu vanonzwisisa ari kuita chimwe chinhu pamsoro pamashoko okuti Bhabhironi Guru rakawa pamberi pokudenha kwaKoreshi Mukuru Zvikuru, Jesu Kristu. Uye vari kutiza mariri, vachipinda panzira yeparadhiso yomudzimu, “Nzira yoUtsvene.”—Jeremia 50:8.
18 Vari kuwana mufaro nomufarwa zvisingarondedzereki, sezvo ndima yokupedzisira yaIsaya ganhuro 35 ichikurondedzera, kuti: “Ipapo vakadzikinurwa vamene naJehovha vachadzoka uye vachasvika zvamazvirokwazvo kuZioni vachiimba nomufaro; uye kufara kusvikira kunguva isingazivikanwi kuchava pamsoro wavo. Ivo vachawana mufarwa nomufaro, uye kusuwa nokugomera zvinofanira kutiza.” Kusuwa nokugomera kwavo pamsoro pokuva vakambobuda mutsinhirano naJehovha Mwari zvakatiza chifo cha 1919. Uye kusuwa nokugomera hazvina kudzoka kuZvapupu zvinofara, zvakatendeka zvaJehovha. Ngaaongwe Mwari, Jehovha anozivisa zvokwadi, uyo akazadzika nomutoo unoisvorumbidzwa zvikuru chiporofita ichecho chine mbiri chaIsaya ganhuro 35!
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Ko Isaya ganhuro 35 inova nezadziko yomudzimu rini, uye ndima mbiri dzokutanga dzinopa rondedzeroi?
3. Kare muzana ramakore rechitanhatu P.N.V., nyika isingabereki zvibereko yakanga iri kupi, uye yaigona sei kufara?
4, 5. (a) Ko kushandurwa kwakafanana kwenyika yakadaro yakasiiwa kwakaitika rini, munguva dzazvino uno, uye nei? (b) Ko mibato yokudzorera yavakasarira yakaparirei? (c) Ko Isaya 35:5-7 yakarondedzera sei mugariro wavo womudzimu wakavandudzwa?
6. Ko kupfuurira kuvapo kweEdhomi rokufananidzira, romuzuva razvino uno, hakuna kudzivirirei, uye ndivanaani nhasi vanopururudza nomufaro navakasarira vakazodzwa?
7. Ko meso okunzwisisa avakasarira akanga asina kutongoonei muchiono pamberi pa 1914, asika meso avo o“upofu” akanga asvinudzwa here?
8. Ko kokorodzano mbiri dzapaCedar Point, Ohio, dzakava nomuuyoi panzeve nendimi dzomudzimu dzavakasarira vakadzorerwa?
9. Mumudzimu, kwakaitika sei kuti mvura dzakadzutuka murenje?
10, 11. (a) Ko iyi chinjo yokunyevenutsa yakaratidzirei? (b) Ko vakasarira vakasvika kuparadhiso yavo yomudzimu kupfurikidza nomukotoi, uye Isaya 35:8, 9 inourondedzera sei?
12. Ko kuguma kweHondo yeNyika I kwakangoerekana kwavhura “nzira” nokuda kwavakasarira here, uye chii chakaitika pazuva rechina regore ra 1919?
13, 14. Ndizvinoitikai muna 1919 zvakaratidzira kuti nzira yokufananidzira yakanga yazarukira vakasarira, uye ndivanaani vakafamba pa“nzira” iyeyo?
15. Chii chinogovera chibvumikiso chinooneka chokuti “boka guru” rakapinda panzira yokufananidzira?
16. Mukutaura kwokufananidzira, kunodaro sei kuti hapana shumba kana kuti zvimwe zvikara zvinorura pane iyi nzira?
17. (a) Kunyange zvazvo tapinda chaizvoizvo mu“mhedziso yetsika yezvinhu,” “nzira” ichiri yakazaruka here? (b) Ndivanaani vari kupinda pa“Nzira yoUtsvene,” uye ivo vakaita sei kudaro?
18. Ko ndima yokupedzisira yaIsaya 35 inorondedzera sei mugariro wazvino wezvapupu zvakatendeka zvaJehovha, uye ndianiko anoongwa nokuda kwokuzadzika kweichi chiporofita?