Ganhuro 21
Bindu reEdheni Rinodzorerwa—Mupasi Rose
BINDU reEdheni rakanga riri “paradhiso yomufaro,” uye mupfungwa iyeyo richadzorerwa. (Genesi 2:8, Douay Version) Paradhiso yapakuvamba yaifukidza nharaunda yakaganhurirwa yemburumbwa yose. Asi Jehovha akaita donzo kuti miganhu yaro yaizofutunurirwa kunze, kwose kwose, nemhuri yohunhu inowedzera kutozosvikira Paradhiso rafukidza pasi rose ndokurinatsa norutsvindo rukurusa rwomusikirwo. (Genesi 1:26-28; 2:8, 9, 15) Mashoko aJesu kunomuiti wechakaipa anonzwira tsitsi uyo akafira kurutivi rwake paKarivhari akasimbisira murumeyo kuti aizomutswa apo kudzorerwa kweParadhiso kwaizove kwafambira mberi zvikuru, uye iye panguva iyeyo aizocherekedza kuchinja kunofadza munzvimbo yapasi. (Ruka 23:43) Ko Paradhiso yemburumbwa yose inodzorerwa ichava yakadini? Ichava yakasiana sei nebindu reEdheni rapakuvamba?
2 Muzviporofita zvinotapa ndangariro zvezvinhu zvine mbiri zviri pamberi pedu chaipo apa, tinoona chimwe chinhu chinoshaikwa muParadhiso rinodzorerwa, mupasi rose. Chiiko ichecho? Ndiwo “muti wokuziva zvakanaka nezvakashata” uyo wakanga “uri pakati pebindu.” (Genesi 2:17; 3:3) Sezvinooneka iwoyu wakanga uri muti mumwe bedzi. Ko kwaizova kuno mufungo here kufunga kuti pakati pebindu reEdheni rinodzorerwa, panofanira kuva nomuti mumwe bedzi uyo pangava nerambidzo youmwari pauri? Aiwa. Kwaizoda kufamba kukuru kwazvo kuna vanhu vari mumativi ari kure apasi kuenda kunzvimbo yomuti wakadaro muMiddle East kuti sezvingabvira vadye muchero pauri mukusateerera Mwari Wokumusorosoro.
3 Zvakare, panzvimbo yakadaro hapasati pachizova nenyoka ino“taura” kukoka avo vanosvika pamuti kuzodya muchero wawo unoyevedza kutarira mukuzvidzwa kukuru kwemirairo yaMwari. Uye hapasati pachizova nomudzimu wakaipa upi noupi unooneka wokuparira nyoka ndokuita kuti iratidzike kuve inotaura uye inokoka mucherekedzi kupandukira Mwari kupfurikidza nokutora nzira yokusateerera muMusiki, nemiuyo inouraya.
4 Aiwa, chisikwa chomudzimu chisingaoneki chakanga chichikuchidzira nyoka “kutaura” shure kuya mubindu reEdheni hachisati chichizovamo mukati moKutonga kweMireniyumu kwo“Muchinda woRugare,” Kristu Jesu. Wakaipa iyeyo, Satani Dhiabhorosi, achaiswa muganhuriro yakakwana pashure peArmagedhoni. Zvakazarurwa 20:2, 3 inotizivisa kuti “Muchinda woRugare” achabata “nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani,” ndokumusunga ndokumukandira mugomba rakadzika-dzika kwechiuru chamakore.
Rugare Rwechokwadi Nechengeteko muParadhiso Inodzorerwa
5 Haiwa rugare nechengeteko zvakadini zvichatevera! Pesvedzero yaSatani nokudzora pavanhu so“mubati ushe wenyika” zvichave zvisisipo! (Johane 14:30) Apo mapoka aSatani namadhemoni anenge aiswawo mugomba rakadzika-dzika, pakupedzisira pasi richave risitongorina marudzi ose emidzimu, uroyi, namashiripiti—hungu, chimiro chiri chose choudhemoni, icho Jehovha anovenga.—Dheuteronomio 18:10-12.
6 Chisikwa chemhuka hachisati chichizokuvadza kana kuti kuva tyisidziro ipi neipi kuvanogara muParadhiso rinodzorerwa. Mwari achadzorera kuzvisikwa zvakaderera mwero upi noupi wakarashika wokutya vanhu. Naizvozvo tinogona kukarira kurondedzerwa kunobata ngwariro kwemhuka kunoratidzirwa muna Isaya 11:6-9 kuva nezadziko chaiyoiyo mukati moKutonga kweMireniyumu kwo“Muchinda woRugare”:
7 “Bere richagara chaizvoizvo negwaianarume kwenguva yakati, uye ingwe imene ichavata pasi pamwe chete nembudzana, nemhuru neshumba duku yava nezenze nechipfuyo chakakodzwa zvose pamwe chete, uye kakomana kaduku zvako ndiko kachava mutungamiriri pazviri. Uye mhou nebere zvimene zvichachera pamwe chete; vana vazvo vachavata pasi pamwe chete. Uye kunyange shumba ichadya uswa sezvinongoita mukono. Uye mwana anomwa zvamazvirokwazvo uchatamba pamwena wemhakure; nomwana wakarumurwa uchapinza zvomene ruoko rwake mubako remvumbi. Izvo hazvizati zvichizoita kuvadziko ipi neipi kana kuti kuparira ruparadziko rwupi norwupi mugomo rangu rose dzvene; nokuti zvamazvirokwazvo pasi richazadzwa nokuziva Jehovha samafukidzire anoita mvura gungwa rimene.”
8 Kwaizova kusabvumirana kuna Mwari kufuridzira chiporofita chakadaro kuva bedzi nerevo yomudzimu ndokusaratidzira zvinhu zvakadaro muupenyu hwapasi chaihwoihwo. Nomutoo wakafanana, Isaya 65:25 inotizivisa, kuti: “Bere negwaiana izvo zvimene zvichadya sezvimwe, uye shumba ichadya uswa kungofanana nomukono; uye kana iri nyoka, zvokudya zvayo zvichava guruva.” Ko ikoku kunoreva kuparadzwa kwemhuri yenyoka mubindu reEdheni remburumbwa yose here? Aiwa, kutaura kwechiporofita kwokuti zvokudya zvenyoka zvichava “guruva” kunoreva kuti mitezo yemhuri yezvinokambaira haisati ichizotongovazve tyisidziro muupenyu nougwinyi hwakanaka hwezvisikwa zvavanhu. Zvichatofanira kubvuma kuti vanhu ndivo tenzi wazvo ane udzori pachinhu chiri chose chinofamba pamsoro papasi, sezvazvakanga zvakaita kuna Adhama mubindu reEdheni apo iye akatumidza mhuka dzose mazita asingatyi.—Genesi 2:19, 20; Hosea 2:18.
9 Rutsvindo namaguta ebindu irero reEdheni rapasi rose rwunopfuura fungidziro yedu. Asi Bhaibheri rinotipa chaizvoizvo kurondedzerwa kwarwo muPisarema rechi 65, rakataurirwa kuna Mwari. Muchikamu, iri Pisarema rinoti: “Imi makatendeudzira ngwariro yenyu kupasi, kuti mugoripa maguta; munoripfumisa zvikuru kwazvo. Rwizi rwunobva kuna Mwari rwuzere nemvura. Munogadzira zviyo zvavo, nokuti ndiyo nzira yamunogadzira nayo pasi.” Panguva iyeyo hakuna kusanaya kwemvura, panzvimbo pakwo, “madzvotsvotsvo”! (Pisarema 65:1, 9-13) Kuchava namaguta ezvokudya nokuda kwavagari vose vapasi.
10 Aya maguta anodeyawo kuziviswa pana Isaya 25:6: “Jehovha wamauto achaitira zvamazvirokwazvo marudzi ose, mune iri gomo, mutambo wezvokudya zvakakora zvikuru, mutambo wewaini yakaramba iri pamsoro pamasese.” Vagari veParadhiso inodzorerwa vachadya zvokudya zvakakora zvikuru zvinotsigira mwoyo nezvinopenyesa chiso. Vachanwa waini, yakasanogara pamasese neyakasvinwa, inofadza mwoyo yavo. (Pisarema 104:14, 15) Mukutonga kweMireniyumu kwo“Muchinda woRugare” hamuna kuperevedza kwezvokudya! Panzvimbo pakwo, muchava ne“mafashafasha.”—Pisarema 72:16.
Chinjo Mumutauro Nomumwaka Wokunze
11 Ko Paradhiso yapasi rose ichava nenyongano yokuva nemitauro mizhinji here? Aiwa, nokuti “Muchinda woRugare” anotaurwawo nezvake sa“Mwari Une Simba.” (Isaya 9:6) Nokudaro iye anokwanisa kushandura nyongano yemitauro yakavamba paShongwe yeBhabheri. (Genesi 11:6-9) Ndoupi uchava mutauro wavose wavana vose vapasi va“Baba Vokusingagumi”? Ko uchava mutauro wapakuvamba waAdhama wokutanga here, mutauro uyo Jehovha akamupa? Zvimwe. Zvisinei hazvo, mhinganidzo dzose dzemitauro dzichabviswa. Uchave uchikwanisa kufamba nzvimbo iri yose uchikurukura navanhu. Uchave uchikwanisa kuvanzwisisa, uye ivo vachave vachikwanisa kukunzwisisa. Kuchava nomutauro mumwe nokuda kwavanhu vose, uye kuchava kwakakodzera kuti Bhaibheri rose rive rinowanikwa mumutauro iwowo. (Enzanisa naZefania 3:9.) Mumutauro iwowo pasi rose richazadzwa nokuziva Jehovha “sokufukidza kunoita mvura gungwa rimene.”—Isaya 11:9.
12 Panguva iyeyo mashoko aZekaria 14:9 achave azadzika, anoti: “Muzuva irero Jehovha achabvumikisa kuva mumwe, uye zita rake rimwe.” Jehovha iye oga bedzi achava anonamatwa saMwari mumwe wechokwadi. Mu“zuva irero” roUmambo hwaJehovha hunodzorwa no“Muchinda woRugare,” Mwari achazivisa kududzwa chaikoiko kwezita rake. Panguva iyeyo pachava nokududzwa kumwe bedzi kwezita dzvene irero nomunhu ari wose pasi pano. Zita rake richava rimwe.
13 Kuti mugariroi wokunze nechinjo dzemhoteredzo dzichavamo kunofarirwawo zvikurusa naavo vanokarira Paradhiso yemburumbwa yose yo“Muchinda woRugare.” Chimwe chinhu ndechechokwadi: Pasi rose richaitwa nzvimbo yakanakisisa yokugara mairi. Paradhiso iyeyo haisati ichitozongovhiringidzwa namadutu anoparadza, zvavhuu-vhuu, masaisai anoparirwa nokudengenyeka kwapasi, mhepo, kana kuti zvamupupuri. Mhepo, masaisai, nomugariro wokunze zvose zvichateerera “Muchinda woRugare.” (Marko 4:37-41) Bindu reEdheni remburumbwa yose richava nokudzorwa kwakakwana kwomugariro wokunze. Pasi rose richava rinonatswa kuva Paradhiso yomufaro, umo makuchava ropafadzo inofadza yavanhu vose kugara nomutoo wakakotsekana kusvikira kunguva isina mugumo.
14 Haiwa hakuchina sei chikonzero chemisodzi ipi neipi yorusuruvaro panguva iyeyo! Shoko rechiporofita raMwari rinotisimbisira, kuti: “Tende raMwari rina vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari iye amene achava navo. Uye iye achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu harusati ruchizovapozve, kana kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvisati zvichizovapozve.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
15 Matenga ndiwo chigaro choumambo chaMwari, uye pasi ndicho chitsiko chetsoka dzake. (Isaya 66:1) Naizvozvo Mwari haangagoni kugara pasi pano mupfungwa chaiyoiyo. Asi iye achagara navanhu. Mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru, Jehovha achagara pakati pavanhu nomutoo wokumirirwa noMwanakomana wake akapiwa mbiri, Jesu Kristu. Haiwa kwakakodzera sei kuti kuvapo kwaJehovha kuchamirirwa no“Muchinda woRugare” wake! Ikoko kunotiyeuchidza mashoko aIsaya 7:14 pamsoro pezita rakashandisirwa kuna Mesia—Emanueri. Zita irero rinoreva kuti “Mwari Unesu.” (Mateo 1:23) Haiwa kunofadza sei kuti, kupfurikidza noMwanakomana wake anodiwa zvikurusa, Mwari acha“gara” navanhu! Panguva iyeyo misodzi yomufaro sezvichabvira ichabuda mumeso edu sezvatinoona manenji anoshamisa anoitwa nouyu “Mwari Une Simba,” zvikurukuru apo vadikanwi vakafa vanodzorerwa kuupenyu murumuko mumigariro yeParadhiso. (Mabasa 24:15) Manenji akadaro achava ufakazi hunoshamisa hwokuti Mwari ana vanhu uye kuti ari kupukuta misodzi yose inosuruvarisa pameso edu nokusingaperi.
Nzvimbo Yakatsvinda Muchisiko Chapose Pose Chisina Mugumo
16 Adhama wokutanga akaudzwa nzira yokutanga nayo basa rokufutunura Paradhiso kubvira imomo mubindu reEdheni. Kuitwa kwedonzo irero rapakuvamba rokurifutunurira mupasi rose kuchazadzikwa. Asika kumutswa kwavakafa kuchatofanira kumirira kutozosvikira Paradhiso yafutunurirwa mumburumbwa yose here? Aiwa. Somuenzaniso, avo vanomuka murumuko rwokutanga vachamutsirwa muzvikamu zvapasi umo vapukunyuki veArmagedhoni vari uye vanenge vashandurira nharaunda idzedzo kuva Paradhiso. Rumuko rwavanhu vose zvavo zvarwunoenderera mberi, idzi nzvimbo dzeParadhiso dzichafutunuka kutozosvikira dzakumbana kuita Paradhiso yapasi rose.
17 Paradhiso inouya ichapfuura minhanga yose yakanaka kana kuti mapindu nhasi. Nomutoo unon’animira, pasi rose richatumbuka maruva seParadhiso ino rugare, iya isati ichingofadza bedzi ziso ravanhu asi kunyange ziso roMusiki. Richava bindu reEdheni remburumbwa yose rakafukidzwa nouswa nemiti—rakanaka kuona nerinobereka zvibereko zvokutsigira upenyu hwezvisikwa mukukwana. Pasi richaramba riri nzvimbo yakatsvinda nokusingaperi muchisiko chapose pose chose chisina mugumo chaJehovha. Uye vanhu vose vakabatana vachava nomusengwa usingaperi neropafadzo zvokuita kuti pasi rirambe riri nzvimbo yakatsvinda yakadaro.
18 Mitezo yose yemhuri iyi yavanhu youmwari ichagara pamwe chete murugare sehanzvadzirume nehanzvadzikadzi murucheno, nokuti ivo vachava chaizvoizvo vana va“Baba Vokusingagumi,” “Muchinda woRugare.” Naizvozvo hakusati kuchizova nokudzora kwoushushi kwavarume pamsoro pavakadzi, hanzvadzi dzavo. Asi vakadzi vakakwaniswa vachava izvo Jehovha Mwari akaita donzo, sezvo iyo akaita donzo kuna Evha rokuva “mubetseri nokuda kwo”murume wake akakwana, Adhama.—Genesi 2:18; onawo 1 Petro 3:7.
19 Chitarisiko icho pasi rava paradhiso rakazadzwa navarume navakadzi vakakwana richaratidzira panguva iyeyo kuna avo vari mumatenga asingaoneki chichiva chakaisvonaka zvikuru kwazvo nechakanaka zvikuru kupinda chitarisiko chapasi parakatanga kusikwa, panguva iyo “nyeredzi dzamangwanani dzakaimba mumufaro pamawa, uye vanakomana vose vaMwari vakavamba kupururudza mukurumbidza.” (Jobho 38:7) Ipapo Mwari Wokumusorosoro, Jehovha, achave arevererwa zvizere soUyo ane donzo rine mbiri risingatombogoni kukurirwa. Rumbidzo yose ngaiende kwaari!
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. (a) Ko bindu reEdheni richadzorerwa mupfungwai, uye neiko risati richizongofukidza bedzi nharaunda yakaganhurirwa yemburumbwa yose? (b) Ko mashoko aJesu kumuiti wechakaipa anoratidzirei?
2. (a) Chii chakanga chiri mubindu reEdheni rapakuvamba chichave chisimo muParadhiso yapasi rose? (b) Neiko kuri kune mufungo kuti Mwari haasati achizoedza kuteerera kwavanhu kupfurikidza nomuti mumwe?
3. Chiizve chimwe chichave chisimo muParadhiso inodzorerwa?
4. Neiko Satani Dhiabhorosi asati achizovamo muKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwo“Muchinda woRugare”?
5. Muparadhiso inodzorerwa, neiko rugare rwechokwadi nechengeteko zvichizokurira mupasi rose?
6, 7. (a) Neiko chisiko chemhuka chisati chichizotongova tyisidziro kuvanhu? (b) Chiporofitai muna ikoku chichava chinozadzika chaizvoizvo?
8. Chii chinorehwa nokutaura kwechiporofita kwokuti zvokudya zvenyoka “zvichava guruva”?
9, 10. Ko Pisarema 65 naIsaya 25:6 dzinodeya kuzivisei pamsoro papasi mukutonga kwo“Muchinda woRugare”?
11. Kuchinjai mumutauro kuchaitika, uye ikoko kuchatapura sei vanhu?
12. Ko Zekaria 14:9 ichazadzika sei?
13. Neiko mugariro wokunze, mhepo, masaisai zvisati zvichizomutsa tyisidziro kuvagari vapasi?
14, 15. (a) Chipikirwai chakanyorwa pana Zvakazarurwa 21:3, 4 chichazadzika? (b) Ko Mwari achagara sei pakati pavanhu? (c) Rudzii rwemisodzi ichapukutwa nokusingaperi?
16. Ko kumutswa kwavakafa kuchatofanira kumirira kutozosvikira Paradhiso yafutunurirwa kukufukidza mburumbwa yose here? Tsanangura.
17. Irondedzeroi inopiwa yeParadhiso yemburumbwa yose?
18. Ko tinoziva sei kuti, varume navakadzi vose, vachagara pamwe chete murugare sehanzvadzikomana nehanzvadzisikana?
19. Ko pasi rava Paradhiso richaratidzira chitarisikoi kuna avo vanogara mumatenga asingaoneki?
[Mufananidzo uri papeji 172, 173]
Paradhiso chaiyoiyo ichatsvindisa “chitsiko chetsoka” chose chaMwari, pasi