Ganhuro 8
Kuvavarira Kuva Vakundi
SMIRNA
1. (a) Ndeipi ungano inotevera kugamuchira shoko rinobva kuna Jesu akapiwa mbiri? (b) Kupfurikidza nokuzviidza iye amene kuti “Wokutanga noWokupedzisira,” Jesu akayeuchidza maKristu omuungano iyeyo nezvechii?
NHASI, Efeso yekare yava matongo. Asi nzvimbo yakaendeswa shoko rechipiri raJesu ichiri nzvimbo yeguta rinobishaira. Anenge makiromita 56 kuchamhembe kwamatongo eEfeso pane guta reTurkey reIzmir, umo ungano ina dzinoshingaira dzeZvapupu zvaJehovha dzinowanwa kunyange nhasi. Pano, muzana ramakore rokutanga, pakanga pari Smirna. Cherekedza, zvino, mashoko anotevera aJesu, anoti: “Uye nyorera ngirozi yeungano yomuSmirna kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura, ‘Wokutanga noWokupedzisira,’ uyo akafa ndokuraramazve.” (Zvakazarurwa 2:8) Kupfurikidza nokutaura izvozvi kumaKristu iwawo omuSmirna, Jesu anovayeuchidza kuti iye akanga ari muchengeti wokutanga weperero uyo Jehovha akamutsira kuupenyu hwomudzimu husingafi nomutoo wakananga uye wokupedzisira kuva anomutswa kudaro. Jesu iye amene aizomutsa mamwe maKristu ose akazodzwa. Iye nokudaro anosanokwaniriswa kupa zano kuhama dzake, idzo dzinokarira kugoverana pamwe chete naye upenyu hwokudenga husingafi.
2. Neiko maKristu ose achinyaradzwa namashoko oUyo “akafa ndokuraramazve”?
2 Jesu akatungamirira mukutsungirira chitambudzo nokuda kwokururama, uye iye akagamuchira tuso yakafanira. Rutendeko rwake kusvikira kurufu norumuko rwake rwakatevera ihwaro hwekariro nokuda kwamaKristu ose. (Mabasa 17:31) Idi rokuti Jesu “akafa ndokuraramazve” rinobvumikisa kuti chipi kana chipi chinotofanira kutsungirirwa muchisakiso chezvokwadi hachizati chiri chisina maturo. Rumuko rwaJesu manyuko ekurudziro hurusa nokuda kwamaKristu ose, zvikurukuru apo iwo anodanirwa kuzotambura nokuda kwokutenda kwawo. Iwowu ndiwo mugariro wako here? Ipapo unogona kuwanawo ushingi mumashoko anotevera aJesu okuungano iri muSmirna:
3. (a) Ko Jesu akapa rukurudziroi kumaKristu omuSmirna? (b) Kunyange zvazvo maKristu omuSmirna aiva varombo, neiko Jesu akataura kuti ivo vaiva “vakapfuma”?
3 “Ndinoziva dambudziko rako nourombo hwako—asi uri mupfumi—uye kumhura Mwari kunoitwa naavo vanotaura kuti ivo vamene vaJudha, asi vasati vari ivo asi vari sinagoge raSatani.” (Zvakazarurwa 2:9) Jesu haana tsoropodzo nokuda kwehama dzake dzomuSmirna, asi rumbidzo youshamwari bedzi. Idzo dzakatambura dambudziko guru nokuda kwokutenda kwadzo. Idzo varombo mune zvokunyama, zvichida nokuda kworutendeko rwadzo. (VaHebheru 10:34) Zvisinei, itiro hanya yadzo huru iri muzvinhu zvomudzimu, uye idzo dzakachengeta pfuma mudenga, sezvo Jesu akapangira. (Mateo 6:19, 20) Nokudaro, Mufudzi Mukuru anovarangarira savari “vakapfuma.”—Enzanisa naJakobho 2:5.
4. Ko maKristu omuSmirna akatambura chitambudzo chikuru chinobva kuna vanaani, uye Jesu akarangarira sei vashori ivavo?
4 Jesu anocherekedza zvikurukuru kuti maKristu omuSmirna akatsungirira chishoro chikuru chaiparirwa navaJudha vokunyama. Mumazuva apakuvamba-vamba, vazhinji vourwu rudzidziso vaishora nomutoo wokutsunga kupararira kwechiKristu. (Mabasa 13:44, 45; 14:19) Zvino, makumi mashomanene amakore bedzi pashure pokuwa kweJerusarema, vaJudha ivavo vomuSmirna ari kuratidzira mudzimu mumwe chetewo wousatani. Hakushamisi kuti Jesu anovarangarira se“sinagoge raSatani”!a
5. Miedzoi yaiva mberi nokuda kwamaKristu omuSmirna?
5 Akanangana noruvengo rwakadaro, maKristu omuSmirna anonyaradzwa namashoko aJesu anoti: “Usatya zvinhu zvowodokutambura. Tarira! Dhiabhorosi acharamba achiisa vamwe venyu IMI mutorongo kuti IMI mugoedzwa zvizere, uye kuti IMI mugova nedambudziko mazuva ane gumi. Zvibvumikise iwe umene kuva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ini ndichakupa korona youpenyu.” (Zvakazarurwa 2:10) Pano Jesu anoshandisa katatu chimiro chokuwanza chechiGiriki cha“imi,” kuratidzira kuti mashoko ake anobatanidza ungano yose zvayo. Jesu haangagoni kupikira kuti miedzo yamaKristu muSmirna ichakurumidza kupera. Vamwe vavo vaizopfuurira kuva vanotambudzwa uye vachiiswa mutorongo. Vaizova nedambudziko nokuda kwa“mazuva ane gumi.” Gumi chiverengero chinofananidzira kukwana kwapasi kana kuti kuzara. Kunyange vachengeti ivavo veperero vakapfuma mumudzimu vachaedzwa kwazvo vachiri munyama.
6. (a) Neiko maKristu omuSmirna asati aifanira kuva anotya? (b) Ko Jesu akagumisa sei shoko rake rokuungano yomuSmirna?
6 Hunyanguvezvo, maKristu omuSmirna haazati achifanira kutya kana kuti kubvumirana pane zvisina kufanira. Kana iwo akaramba akatendeka kusvikira kumugumo, akachengeterwa setuso “korona youpenyu,” muchinoitika chawo upenyu husingafi mumatenga. (1 VaKorinte 9:25; 2 Timotio 4:6-8) Muapostora Pauro akarangarira uyu mubairo unokosha sowakakodzerwa nokurashikirwa nechinhu chiri chosewo hacho, kunyange upenyu hwake hwapasi. (VaFiripi 3:8) Sezvinooneka, vakatendeka ivavo vomuSmirna vairangarira nenzira imwe cheteyo. Jesu anogumisa shoko rake kupfurikidza nokutaura kuti: “Uyo ane nzeve ngaanzwe izvo mudzimu unoreva kuungano: Iye unokunda haangatongokuvadzwi norufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 2:11) Vakundi vanosimbisirwa nezvoupenyu husingafi hwokudenga husingagoni kubatwa norufu.—1 VaKorinte 15:53, 54.
“Dambudziko Mazuva Ane Gumi”
7, 8. Seungano yomuSmirna, ungano yechiKristu yaka“edzwa” sei muna 1918?
7 Nomutoo wakafanana zvikuru namaKristu omuSmirna, boka raJohane neshamwari dzaro nhasi vave vachi“edzwa zvizere” uye vanopfuurira kuva vanoedzwa zvizere. Rutendeko rwavo mukuedzwa runovaratidzira savanhu vaMwari amene. (Marko 13:9, 10) Chinguvana pashure pokunge zuva raShe ratanga, mashoko aJesu okumaKristu omuSmirna akavigira nyaradzo chaiyo kuboka duku ramarudzi ose ravanhu vaJehovha. (Zvakazarurwa 1:10) Chifo cha1879, ivava vave vachichera muShoko raMwari pfuma yomudzimu iyo vakagoverana navamwe pachena. Asi mukati meHondo yeNyika I, ivo vakanangana noruvengo rukuru nechishoro, murutivi nemhaka yokuti ivo havana kubatanidzwa muhondo uye murutivi nemhaka yokuti ivo vakafumura nomutoo wokusatya zvikanganiso zvechiKristudhomu. Chitambudzo chavakawana pakukuchidzira kwavamwe vavatungamiriri vechiKristudhomu chakaguma muna 1918 uye chakanga chakafanana neicho maKristu omuSmirna akawana munzanga yechiJudha imomo.
8 Nhamo yechitambudzo muUnited States of America yakaguma apo purezidhendi mutsva weWatch Tower Society, Joseph F. Rutherford, neshamwari nomwe vakaendeswa kutorongo pana June 22, 1918, vazhinji vavo vaine tongerwo yamakore 20. Ivo vakasunungurwa nebheri mwedzi mipfumbamwe gare gare. Pana May 14, 1919, dare rokukwirira mhaka rakashandura pomerwo dzawo dzokukanganisa; kwakaratidzirwa kuva mhosho 130 mukutambwa kwemhaka. Mutongi weRoma Katurike Manton, mutezo weboka raSt. Gregory Mukuru, uyo muna 1918 akanga aramba bheri kuna aya maKristu, akatongerwa gare gare muna 1939, kupfigirwa mutorongo kwamakore maviri nefaindi ye$10-000 pamusoro pepomerwo nhanhatu dzokukumbira nokugamuchira pfumbamuromo.
9. Ko Zvapupu zvaJehovha zvomuNazi yeGermany zvakabatwa sei naHitler, uye nokuitai kwakaitwa navafundisi?
9 Mukati moubati ushe hweNazi muGermany, Hitler akarambidza chose chose basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha. Kwamakore, zviuru zveZvapupu zvakapfigirwa nomutoo woutsinye mumisasa yechibharo uye mumajeri kwakafira vazhinji, uyewo majaya anenge 200 ayo akaramba kurwa muuto raHitler akaurawa. Tsigiro yavafundisi yaikoku kwose inopupurirwa namashoko omuprista weKaturike, akabudiswa mupepanhau rinonzi The German Way raMay 29, 1938. Murutivi, iye akati: “Zvino kune nyika imwe pasi pano uko vanoidzwa kunzi . . . Vadzidzi veBhaibheri [Zvapupu zvaJehovha] vanorambidzwa. Iyoyo iGermany! . . . Apo Adolph Hitler akapinda musimba, uye Dare raMabhishopu rechiKaturike reGermany rakadzokorora mukumbiro waro, Hitler akati: ‘Ava vanoidzwa kunzarwo kuti Vadzidzi Vanoshingaira veBhaibheri [Zvapupu zvaJehovha] imharadzi; . . . Ndinovarangarira kuva vaedzeseri; handiregereri kuti Vakaturike veGermany vasvibiswe nomutoo wakadaro nouyu Mutongi Rutherford weAmerica; ndinoparadza [Zvapupu zvaJehovha] muGermany.’” Kuna ikoku, muprista akawedzera, kuti: “Zvaitwa!”
10. (a) Zuva raShe zvarakapfuurira, Zvapupu zvaJehovha zvakanangana nechitambudzoi? (b) Chii chaiwanzova muuyo apo maKristu airwira rusununguko rworudzidziso mumatare?
10 Zuva raShe zvarakapfuurira, Nyoka nembeu yayo havana kutongorega kurwisa maKristu akazodzwa neshamwari dzawo. Vazhinji vaivava vave vachipfigirwa mutorongo uye vachitambudzwa nomutoo woutsinye. (Zvakazarurwa 12:17) Vavengi ivavo vakapfuurira ku‘ruka mazano ekuvadziko kupfurikidza nomutemo,’ asi vanhu vaJehovha nomutoo wakatsiga vanosimbirira kuti: “Isu tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupinda vanhu.” (Pisarema 94:20, King James Version; Mabasa 5:29) Muna 1954 magazini yeNharireyomurindi yakashuma kuti: “Dzinopfuura nyika dzina makumi manomwe pane imwe nguva kana kuti paimwe mukati mamakore makumi mana akapfuura dzakaita zvirevo zvinoganhurira uye dzakatambudza zvapupu zvaJehovha.” Uko kwave kuchibvira kurwira rusununguko rworudzidziso mumatare, aya maKristu akaita kudaro uye akabudirira norukundo rukuru muchiverengero chakati kuti chenyika. MuUnited States Dare Rapamusoro roga bedzi, Zvapupu zvaJehovha zvakahwina zvisarudzo 50.
11. Uporofitai hwaJesu pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake hwakazadzika paZvapupu zvaJehovha mukati mezuva raShe?
11 Hakune rimwe boka rave richiitira hanya zvikuru mukuteerera murairo waJesu wokuripira zvinhu zvaKesari kuna Kesari. (Ruka 20:25; VaRoma 13:1, 7) Asi, hakune rimwe boka rakava nemitezo yakapfigirwa mutorongo munyika zhinji dzakawanda kudai muzvimiro zvizhinji zvakasiyana-siyana zvikuru zvehurumende, uye ikoku kunopfuurira kusvikira kunguva ino munyika dzeAmerica, muAfrica muEurope, nomuAsia. Uporofita hukuru hwaJesu pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake hunobatanidza aya mashoko anoti: “Vanhu vachakuisai mudambudziko uye vachakuurayai, uye imi muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.” (Mateo 24:3, 9) Ikoku zvamazvirokwazvo kwakazadzika paZvapupu zvechiKristu zvaJehovha muzuva raShe.
12. Ko boka raJohane rakasimbaradza sei vanhu vaMwari pachitambudzo?
12 Kusimbaradza vanhu vaMwari padambudziko, boka raJohane rakapfuurira kuvayeuchidza nezvoukoshi hwamashoko aJesu kumaKristu omuSmirna. Somuenzaniso, sezvo chitambudzo cheNazi chakatanga, Nharireyomurindi yechiNgezi muna 1933 na1934 yakava nenyaya dzakadai sedzinoti “Musavatya,” iyo yakakurukura Mateo 10:26-33; “Muedzo Wakakomba,” yakavakirwa pana Dhanieri 3:17, 18; uye “Miromo Yeshumba,” ina Dhanieri 6:22 sorugwaro rukuru. Muma 1980, mumakore gumi ayo bhuku rino rakatanga kubudiswa uye Zvapupu zvaJehovha pazvakatambura chitambudzo chakakomba munyika dzinopfuura 40, Nharireyomurindi yakasimbaradza vanhu vaMwari nenyaya dzakadai sedzinoti “Anofara Kunyange Zvazvo Achitambudzwa!” uye “MaKristu Anosangana Nechitambudzo Netsungiriro.”b
13. SamaKristu omuSmirna, neiko Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha zvave zvisati zvichitya chitambudzo?
13 Zvamazvirokwazvo, Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha zviri kutambura chitambudzo chokunyama nemimwe miedzo nokuda kwamazuva gumi okufananidzira. SamaKristu shure kuya muSmirna, iwo haana kutya; kunyange kuti upi noupi wedu haazati achidikanirwa kutya apo madambudziko anoipisisa pasi pano. Takagadzirira kutsungirira mukutambura uye kubvuma kunyange ‘kupambwa kwezvinhu zvedu’ nomufaro. (VaHebheru 10:32-34) Kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari uye kuriita redu timene, tichava vanoshongedzerwa kumira takasimba mukutenda. Simbisirwai kuti Jehovha anogona uye achakudzivirirai muperero yenyu. “Kanda kufunganya kwako kwose kwaari, nokuti iye anokutarisira.”—1 Petro 5:6-11.
[Mashoko Omuzasi]
a Anenge makore 60 pashure pokufa kwaJohane, Polycarp wezera ramakore 86 akapiswa kusvikira afa muSmirna nemhaka yokuti haazati aizobvuma kuramba chitendero chake muna Jesu. The Martyrdom of Polycarp, bhuku rinodavirwa kuva rakavapo pamwe chete neichi chinoitika, rinoti apo huni dzakanga dzichiunganidzwa nokuda kwokupisa, “vaJudha vainyanyoshingaira, sezvauri muitiro wavo, mukubetsera pana ikoku”—kunyange zvazvo kuuraya kwakaitika pa“zuva guru reSabata.”
b Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1933; October 1, na15, December 1, na15, 1934 muchiNgezi; September 15, 1983.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 39]
Kwamakore akawanda, vezvenhau vave vachigovera chipupuriro pamusoro peperero nezvapupu zvaJehovha zveGermany mukati mehurumende yeNazi. Bhuku rinonzi Mothers in the Fatherland, rakanyorwa newezvenhau Claudia Koonz, rakabudiswa muna 1986, rakati: “Voruzhinji zvikuru kwazvo vavaGerman vose vanobva mumigariro isati iri yechiNazi vakawana nzira dzokuvamo muhurumende yavaizvidza. . . . Kuno mumwe mugumo wemitsetse wezviverengero nepfungwa kwaiva neZvapupu zvaJehovha zvine 20 000 izvo, zvikurukuru somunhu oga, zvakaramba chose chose kuitira chimiro chipi nechipi cheteerero kunyika yeNazi. . . . Boka rinobvumirana zvikurusa ravadzivisi raitsigirwa norudzidziso. Kubvira pakutanga, Zvapupu zvaJehovha hazvina kubatira pamwe norutivi rwupi norwupi rwehurumende yeNazi. Kunyange pashure pokunge maGestapo aparadza dzimbahwe razvo rorudzi muna 1933 ndokurambidza seketero muna 1935, izvo zvakaramba kuita zvakawanda zvakadai sokuti ‘Rumbidzai Hitler.’ Inenge hafu (zvikurukuru varume) yeZvapupu zvaJehovha zvose yakaendeswa kumisasa yechibharo, chiuru chavo chakaurawa, uye chimwe chiuru chakafira pakati pa1933 na1945. . . . Vakaturike navaPurotesitendi vakanzwa vafundisi vavo vachivakurudzira kubatira pamwe naHitler. Kana ivo vakaramba, ivo vakaita kudaro mukurwisana nemirairo inobva kwose kuri kuviri kuchechi nokunyika.”