Ganhuro 19
Kuisa Chisimbiso Israeri waMwari
Chiono 4—Zvakazarurwa 7:1-17
Musoro: Vane 144 000 vanoiswa chisimbiso, uye boka guru rinoonwa rimire pamberi pechigaro choumambo chaJehovha napamberi peGwayana
Nguva yezadziko: Kubvira pakugadzwa pachigaro choumambo kwaKristu Jesu muna 1914 kusvikira Mukutonga kwaMakore Ane Gumi Ramazana kwake
1. “Ndianiko anokwanisa kumira” mukati mezuva guru rehasha dzoumwari?
“NDIANIKO anokwanisa kumira?” (Zvakazarurwa 6:17) Hungu, zvamazvirokwazvo ndiani? Apo zuva guru rokutsamwa kwoumwari rinoparadzanya tsika yaSatani, vabati ushe namarudzi enyika vangasanobvunza mubvunzo iwowo. Kwavari kucharatidzika kuti ngwavaira yosvika ichaparadza upenyu hwose hwavanhu. Asika ichadaro here? Nomufaro, muporofita waMwari anotisimbisira, achiti: “Munhu ari wose anodana pazita raJehovha achabuda akakotsekana.” (Joere 2:32) Muapostora Petro naPauro vanosimbisa idi irero. (Mabasa 2:19-21; VaRoma 10:13) Hungu, avo vanodana pazita raJehovha vachava vapukunyuki. Ndivanaaniko ivava? Chiono chinotevera zvachinowadzanyurika, tichaona.
2. Neiko kuri kunokatyamadza kuti kuchava navapukunyuki vezuva raJehovha rorutongeso?
2 Kunoshamisa zvamazvirokwazvo kuti munhu upi noupi anofanira kupukunyuka muzuva raJehovha rorutongeso, nokuti mumwe wavaporofita vaMwari anorirondedzera naaya mashoko, anoti: “Tarira! Dutu guru remhepo raJehovha, hasha dzake idzo dzimene, rabuda, dutu guru rinopfuurira kuparadza. Iro richadzunguruka pamusoro pavakaipa. Kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuzati kuchizodzoka kutozosvikira iye atopedza uye kuzosvikira iye atoita mifungo yemwoyo yake.” (Jeremia 30:23, 24) Kunokosha kuti tiite nhano dzokudzivisa dutu irero!—Zvirevo 2:22; Isaya 55:6, 7; Zefania 2:2, 3.
Mhepo Ina
3. (a) Ko Johane anoona basai chairo rinoitwa nengirozi? (b) Chii chinofananidzirwa ne“mhepo ina”?
3 Jehovha asati asunungura idzi hasha, ngirozi dzokudenga dzinoita basa chairo. Johane zvino anoona izvi muchiono: “Pashure paikoko ini ndakaona ngirozi ina dzimire pamativi mana apasi, dzakabatisisa mhepo ina dzapasi, kuti pagorega kuva nemhepo ingavhuvhuta papasi kana kuti pagungwa kana kuti pamuti upi noupi.” (Zvakazarurwa 7:1) Ko ikoku kunorevei nokuda kwedu nhasi? Idzi “mhepo ina” chiratidzo chakajeka chorutongeso runoparadza rwodokusunungurirwa pachaunga chakaipa chapasi, pa“gungwa” rinovinduka ravanhu vasingateereri mutemo, napavabati ushe vakakwirira semuti vanowana tsigiro nebetsero muvanhu vapasi.—Isaya 57:20; Pisarema 37:35, 36.
4. (a) Ko ngirozi ina dzinomirirei? (b) Chii chichava muuyo pasangano rapasi raSatani apo mhepo ina dzinosunungurwa?
4 Hapana panikiro, idzi ngirozi ina dzinomirira mapoka mana engirozi, idzo Jehovha anoshandisa kudzivisa kuitwa kworutongeso kutozosvikira panguva yakagadzwa. Apo ngirozi dzinosunungura mhepo idzedzo dzokutsamwa kwoumwari kuti dzidzunguruke panguva imwe kubvira kuchamhembe, kumaodzanyemba, kumabudazuva, uye kumavira zuva, kuparadzanya kuchava kukurusa. Iko kuchatodzana, asi pamwero mukurusa, nokushandisa kwaJehovha mhepo ina kuparadzira vaErami vekare, kuvaputsanya nokuvaparadzanya. (Jeremia 49:36-38) Iyo ichava mhepo hurusa yedutu inoparadza zvikuru kwazvo kupinda “dutu guru” iro Jehovha akaparadza kupfurikidza naro rudzi rwaAmoni. (Amosi 1:13-15) Hapana rutivi rwesangano raSatani pasi pano ruchakwanisa kumira muzuva rokutsamwa kwaJehovha, apo iye anoreverera uchangamire hwake nokuda kwokusingagumi kwose kunouya.—Pisarema 83:15, 18; Isaya 29:5, 6.
5. Ko uporofita hwaJeremia hunotibetsera sei kunzwisisa kuti rutongeso rwaMwari ruchabatanidza pasi rose?
5 Ko tinogona kuva nechokwadi chokuti rutongeso rwaMwari ruchaparadzanya pasi rose here? Teererazve muporofita wake Jeremia, achiti: “Tarirai! Ngwavaira inobuda parudzi norudzi, uye dutu guru iro rimene richamutswa kubva kumativi ari kuresa apasi. Uye avo vakaurawa naJehovha zvamazvirokwazvo vachavapo muzuva irero kubvira kuno mumwe mugumo wapasi kusvikira chaizvo kuno mumwe mugumo wapasi.” (Jeremia 25:32, 33) Ndimo mukati meiri dutu ramasimba masimba umo rima richamonzvera nyika ino. Masangano ayo anobata ushe achazunungusirwa mukunyangarika. (Zvakazarurwa 6:12-14) Asika nguva yemberi haizati ichizova yakasviba nokuda kwomunhu ari wose. Ipapoka, ko mhepo ina dzinodziviswa nokuda kwavanaani?
Kuiswa Chisimbiso Kwavaranda vaMwari
6. Ndianiko anoudza ngirozi kudzivisa mhepo ina, uye ikoku kunobvumira nokuda kwenguva yechii?
6 Johane anopfuurira kurondedzera kuti vamwe vachaiswa sei chiratidzo nokuda kwokupukunyuka, achiti: “Ipapo ini ndakaona imwe ngirozi ichikwira ichibva kumabuda zuva, ine chisimbiso chaMwari mupenyu; uye iyo yakadanidzira nenzwi guru kungirozi ina dziya dzakanga dzabvumidzwa kukuvadza pasi uye negungwa, ichiti: ‘Regai kukuvadza pasi kana kuti gungwa kana kuti miti, kuzosvikira pashure pokunge taisa chisimbiso pavaranda vaMwari wedu pahuma dzavo.’”—Zvakazarurwa 7:2, 3.
7. Ndiani zvomenemene ari ngirozi yechishanu, uye ufakazii hunotibetsera kusimbisa kuzivikanwa kwake?
7 Kunyange zvazvo iyi ngirozi yechishanu isati ichidudzwa nezita, ufakazi hwose hunoratidzira kuti iyo inofanira kuva Ishe Jesu akapiwa mbiri. Mukuwirirana nokuva kwaJesu Ngirozi Huru, iye pano anoratidzirwa kuva ane chiremera pane dzimwe ngirozi. (1 VaTesaronika 4:16; Judhasi 9) Iye anokwira achibva kumabvazuva, sa“madzimambo anobva kumabudazuva”—Jehovha naKristu wake—vanouya kuzoita rutongeso, sezvakaita mambo Dhariusi naKoreshi apo ivo vakadukupisa Bhabhironi rekare. (Zvakazarurwa 16:12; Isaya 45:1; Jeremia 51:11; Dhanieri 5:31) Iyi ngirozi yakatodzanawo naJesu mukuti iyo inoronzeswa kuisa chisimbiso maKristu akazodzwa. (VaEfeso 1:13, 14) Kupfuurirazve, apo mhepo dzinosunungurwa, ndiye Jesu anotungamirira mauto okudenga mukuita rutongeso pamarudzi. (Zvakazarurwa 19:11-16) Nomutoo uno mufungo, ipapoka, Jesu angava uyo anoraira kuti ruparadziko rwesangano rapasi raSatani ridziviswe kutosvikira varanda vaMwari vaiswa chisimbiso.
8. Chii chiri kuiswa chisimbiso, uye kwakavamba rini?
8 Chii chiri uku kuiswa chisimbiso, uye ndivanaani ava varanda vaMwari? Kuiswa chisimbiso kwakavamba paPentekosta ya33 C.E. apo maKristu okutanga echiJudha akazodzwa nomudzimu mutsvene. Gare gare, Mwari akapfuurira kudana uye kuzodza “vanhu vamarudzi.” (VaRoma 3:29; Mabasa 2:1-4, 14, 32, 33; 15:14) Muapostora Pauro akanyora pamusoro pokuva nesimbisiro kwamaKristu akazodzwa yokuti iwo “ndeaKristu” ndokuwedzera kuti Mwari “akaisawo chisimbiso chake patiri uye akatipa chiratidzo chezvichauya, ndiko kuti, mudzimu, mumwoyo medu.” (2 VaKorinte 1:21, 22; enzanisa naZvakazarurwa 14:1.) Nokudaro, apo ava varanda vanogamuchirwa savanakomana vomudzimu vaMwari, ivo vanogamuchira chiratidzo pamberi penhaka yavo yokudenga—chisimbiso, kana kuti chivimbiso. (2 VaKorinte 5:1, 5; VaEfeso 1:10, 11) Ipapo ivo vanogona, kuti: “Mudzimu iwo umene unopupurirana nomudzimu wedu kuti isu tiri vana vaMwari. Kana, ipapoka, isu tiri vana, tiriwo vadyi venhaka: vadyi venhaka chaivoivo vaMwari, asi vadyi venhaka pamwe chete naKristu, kana tikatambura pamwe chete kuti tigovawo vanopiwa mbiri pamwe chete.”—VaRoma 8:15-17.
9. (a) Kutsungirirai kuna vanakomana vakasarira vakaberekwa nomudzimu waMwari kunodikanwa? (b) Ko kuedzwa kwavakazodzwa kuchapfuurira kwenguva yakadini?
9 “Kana isu tikatambura pamwe chete”—kunoreveiko ikoko? Kuti vagamuchire korona youpenyu, maKristu akazodzwa anofanira kutsungirira, kutendeka kunyange kusvikira kurufu. (Zvakazarurwa 2:10) Hakuzati kuri nhau yokuti ‘kana wangoponeswa bedzi, waponeswa kwenguva yose.’ (Mateo 10:22; Ruka 13:24) Panzvimbo pakwo, iwo anorairwa, kuti: “Itai napamunogona napo pose kuzvisimbisira imi mumene kudanwa nokusarudzwa kwenyu.” Somuapostora Pauro, pakupedzisira ivo vanofanira kukwanisa kutaura, kuti: “Ini ndakarwa kurwa kwakaisvonaka, ndakamhanya nhangemutange kusvikira kumugumo, ndakachengeta kutenda.” (2 Petro 1:10, 11; 2 Timotio 4:7, 8) Naizvozvo pasi pano kuedzwa nokusefwa kwavanakomana vakaberekwa nomudzimu vakasara vaMwari zvinofanira kupfuurira kutozosvikira Jesu nengirozi dzake dzinoperekedza vachizove vaisa zvakasimba chisimbiso ‘pahuma’ dzaivava vose, vachivazivisa nomutoo unopwisa, nomutoo usingashanduki, sa“varanda vaMwari wedu” vakaedzwa uye vakatendeka. Chisimbiso ichecho ipapo chinova chiratidzo chechigarire. Nomutoo unooneka, apo mhepo ina dzedambudziko dzinosunungurwa, vose vaIsraeri womudzimu vachave vaiswa chisimbiso pakupedzisira, kunyange zvazvo vashomanene vachizove vachiri vapenyu munyama. (Mateo 24:13; Zvakazarurwa 19:7) Mitezo yose ichave yakwana!—VaRoma 11:25, 26.
Vangani Vanoiswa Chisimbiso?
10. (a) Magwaroi anoratidzira kuti chiverengero chavakaiswa chisimbiso chakaganhurirwa? (b) Ndechipi chiri chiverengero chose chavanoiswa chisimbiso, uye ivo vanorongwa sei?
10 Jesu akataura kuna avo vanoiswa ichi chisimbiso, kuti: “Musatya, boka duku, nokuti Baba venyu vakatendera kukupai umambo.” (Ruka 12:32) Mamwe magwaro, akadai saZvakazarurwa 6:11 naVaRoma 11:25, anoratidza kuti chiverengero cheiri boka duku chakaganhurirwa zvamazvirokwazvo uye, kureva idi, chakadeya kusarudzwa. Mashoko anotevera aJohane anosimbisa ikoko, achiti: “Ipapo ini ndakanzwa chiverengero chaavo vakaiswa chisimbiso, zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva mundudzi iri yose yavanakomana vaIsraeri: Mundudzi yaJudha makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso; mundudzi yaRubheni makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaGadhi makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaAsheri makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaNefitarimi makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaManase makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaSimeoni makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaRevhi makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaIsakari makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaZaburoni makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaJosefa makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri; mundudzi yaBhenjamini makabva vane zviuru zvine gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso.”—Zvakazarurwa 7:4-8.
11. (a) Neiko nongedzero kundudzi 12 isati ichishanda kuna Israeri chaiyeiye, wokunyama? (b) Neiko Zvakazarurwa ichironga ndudzi 12? (c) Neiko pasina ndudzi chaiyoiyo yoUmambo kana kuti youprista muna Israeri waMwari?
11 Ko ikoku hakusati kuchinongedzera kuna Israeri chaiyeiye, wokunyama here? Aiwa, nokuti Zvakazarurwa 7:4-8 inosiyana nokuronga kwendaza yenguva dzose yendudzi. (Numeri 1:17, 47) Nomutoo wakajeka, kuronga ndaza kuri pano hakuzati kuri nokuda kwedonzo rokuzivisa vaJudha vokunyama kupfurikidza nendudzi dzavo asi kuratidzira chimiro chesangano chimwe chetecho kwaIsraeri womudzimu. Ikoku kunowirirana. Panofanira kuva nemitezo chaiyoiyo ine 144-000 yourwu rudzi rwutsva—vane 12 000 vanobva mune imwe neimwe yendudzi 12. Muno uyu Israeri waMwari hamuna ndudzi iri youmambo chose chose kana kuti youprista. Rudzi rwose ruchabata ushe samadzimambo, uye rudzi rwose ruchabatira savaprista.—VaGaratia 6:16; Zvakazarurwa 20:4, 6.
12. Neiko kwakakodzera kuti vakuru vane 24 vaimbe pamberi peGwayana mashoko aZvakazarurwa 5:9, 10?
12 Kunyange zvazvo vaJudha vokunyama navatendeuki vechiJudha vakapiwa banza rokutanga rokuva vanosarudzwa nokuda kwaIsraeri womudzimu, vashomanene bedzi vorudzi irworwo vakadavidza. Naizvozvo Jehovha akatambanudzira kokero kuVamarudzi. (Johane 1:10-13; Mabasa 2:4, 7-11; VaRoma 11:7) Somuchinoitika chavaEfeso, vaichimbova “kure kure noumambo hwaIsraeri,” zvino vasati vari vaJudha vaigona kuva vanoiswa chisimbiso nomudzimu waMwari ndokuva rutivi rweungano yamaKristu akazodzwa. (VaEfeso 2:11-13; 3:5, 6; Mabasa 15:14) Kwakakodzera, ipapoka, kuti vakuru vane 24 vaimbe pamberi peGwayana, kuti: “Kupfurikidza neropa renyu imi makatengera Mwari vanhu vanobva mundudzi iri yose nendimi nedzinza norudzi, uye imi makavaita kuti vave umambo navaprista kuna Mwari wedu, uye ivo vachabata ushe samadzimambo pamusoro papasi.”—Zvakazarurwa 5:9, 10.
13. Neiko Jakobho munun’una nokuna mai waJesu nomutoo wakakodzera akanyora tsamba yake “kundudzi gumi nembiri dzakapararira”?
13 Ungano yechiKristu “rudzi rwakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene.” (1 Petro 2:9) Ichitsiva Israeri wokunyama sorudzi rwaMwari, inova Israeri mutsva ari “‘Israeri’ chaiyeiye.” (VaRoma 9:6-8; Mateo 21:43)a Nokuda kweichi chikonzero, kwakanga kwakakodzera kuti Jakobho munun’una kuna mai waJesu anyorere tsamba yake youfundisi “kundudzi gumi nembiri dzakapararira,” ndiko kuti, kuungano yenyika yose yamaKristu akazodzwa iyo munguva yakafanira yaizova nechiverengero chavane 144 000.—Jakobho 1:1.
Israeri waMwari Nhasi
14. Chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvairangarira kuti 144 000 ndicho chiverengero chaichoicho chaavo vanoumba Israeri womudzimu?
14 Nomutoo unofadza, Charles T. Russell, akaziva 144 000 kuva chiverengero chaicho chavanhu vanoumba Israeri womudzimu. MuThe New Creation, Volume VI rake rinonzi Studies in the Scriptures, rakabudiswa muna 1904, iye akanyora, kuti: “Tine chikonzero chiri chose chokudavira kuti chiverengero chaichoicho chakatemwa, chavakasarudzwa [vakazodzwa vakasarudzwa] ndechiya chinodudzwa kanoverengeka muna Zvakazarurwa (7:4; 14:1); ndiko kuti, chine 144 000 va‘dzikinurwa pakati pavanhu.’” MuLight, Bhuku Rokutanga, rakabudiswa muna 1930 neVadzidzi veBhaibheri, nenzira imwe cheteyo kwakatsanangurwa, kuti: “Mitezo ine 144 000 yomutumbi waKristu nokudaro iri muboka rinoratidzirwa serakasarudzwa uye rakazodzwa kana kuti rakaiswa chisimbiso.” Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvakaomerera kumurangariro wokuti maKristu akazodzwa chaiwoiwo ane 144-000 anoumba Israeri womudzimu.
15. Pamberi chaipo pezuva raShe, ko vadzidzi vapachokwadi veBhaibheri vakafunga kuti vaJudha vokunyama vaizofarikanyei pashure pokuguma kweNguva dzaVamarudzi?
15 Kunyanguvezvo, ko Israeri wokunyama nhasi haafanirwi nenyasha dzakati kuti chaidzo here? Munhambo yapamberi chaipo pezuva raShe, apo vadzidzi veBhaibheri vapachokwadi vakanga vachiwanazve zhinji dzezvokwadi dzehwaro dzeShoko raMwari, kwakanga kuchirangarirwa kuti nokuguma kweNguva dzaVamarudzi vaJudha vaizofarikanyazve kumira kwakaropafadzwa pamberi paMwari. Nokudaro, bhuku raC. T. Russell rinonzi The Time Is at Hand (Volume II reStudies in the Scriptures), rakabudiswa muna 1889, rakashandisira Jeremia 31:29-34 kuvaJudha vokunyama, ndokutsinhira, kuti: “Nyika uchapupu kuidi rokuti chirango chaIsraeri mukudzora kwaVamarudzi chave chichipfuurira chifo cha B.C. [607], kuti chichiri kupfuurira, uye kuti hapana chikonzero chokukarira kurongwazve kwavo kworudzi nokukurumidza zvikuru kupinda A.D. 1914, ganhuriro ye‘nguva nomwe’ dzavo—makore ane 2 520.” Kwairatidzika sokunge kuti vaJudha ipapo vaizowana dzorerwo yorudzi, uye iyi kariro sezvinooneka yakajeka muna 1917, apo Chiziviso cheBalfour chakavimbisa tsigiro yeBritain nokuda kwokuita Palestine musha worudzi nokuda kwavaJudha.
16. Inhamburikoi dzakaitwa neZvapupu zvaJehovha kusvika vaJudha vokunyama neshoko rechiKristu, uye nomuuyoi?
16 Pashure pehondo yenyika yokutanga, Palestine yakava ruwa runodzorwa pamutemo neGreat Britain, uye nzira yakazarukira vaJudha vazhinji kuhwirira kunyika iyeyo. Muna 1948 Nyika yezvamatongerwe enyika yeIsraeri yakaberekwa. Ko ikoku hakuna kuratidzira here kuti vaJudha vaizowana zvikomborero zvoumwari? Kwamakore mazhinji, Zvapupu zvaJehovha zvaidavira kuti ikoku kwakanga kwakadaro. Nokudaro, muna 1925 izvo zvakabudisa bhuku ramapeji 128, rinonzi Comfort for the Jews. Muna 1929 izvo zvakabudisa vhoriyamu inoyevedza yamapeji 360 inonzi Life, rakaitirwa kufadza vaJudha uye rinobatawo nebhuku reBhaibheri raJobho. Nhamburiko huru dzakaitwa, zvikurukuru muGuta reNew York, kusvika vaJudha neshoko iri rouMesiya. Nomufaro, vanhu vashomanene vakadavidza, asi vaJudha, samadzibaba avo omuzana rokutanga ramakore, vakaramba ufakazi hwokuvapo kwaMesiya.
17, 18. Ko varanda vaJehovha pasi pano vakazonzwisisei pamusoro pesungano itsva nouporofita hweBhaibheri hwedzorerwo?
17 Kwakanga kuri pachena kuti vaJudha, savanhu uye sorudzi, vakanga vasati vari Israeri anorondedzerwa muna Zvakazarurwa 7:4-8 kana kuti humwe uporofita hweBhaibheri hune chokuita nezuva raShe. Vachitevera gamuchidzanwa, vaJudha vakapfuurira kudzivisa kushandisa zita roumwari. (Mateo 15:1-3, 7-9) Mukutsanangura Jeremia 31:31-34, bhuku rinonzi Jehovah, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1934, nomutoo unopwisa rakati: “Sungano itsva haina chokuita navazukuru vokunyama vaIsraeri norudzi rwomunhuwo zvarwo, asi . . . yakaganhurirwa kuna Israeri womudzimu.” Uporofita hweBhaibheri hwedzorerwo hahuna chokuita navaJudha vokunyama kana kuti Israeri yezvamatongerwe enyika, iyo iri mutezo weChibatanwa chaMarudzi uye rutivi rwenyika iyo Jesu akataura nezvayo pana Johane 14:19, 30 uye 18:36.
18 Muna 1931 varanda vaMwari pasi pano vakanga vagamuchira, nomufaro mukuru, zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Ivo vaigona kubvuma nomwoyo wose mashoko ePisarema 97:11, anoti: “Chiedza icho chimene chakapenyera wakarurama, uye kufara kunyange nokuda kwowakarurama mumwoyo.” Ivo vaigona kucherekedza nomutoo wakajeka kuti Israeri womudzimu oga bedzi akanga apinzwa musungano itsva. (VaHebheru 9:15; 12:22, 24) Israeri asingadavidzi wokunyama akanga asina rutivi mairi, kunyange vanhu vosewo zvavo. Iyi nzwisiso yakagadzira nzira nokuda kwokupenya kwakajeka kwechiedza choumwari, kwakatanhamara munhau yezvinoitika zvegore negore zvenhau youbati ushe hwoumwari. Iyoyi yaizowadzanyura kuti Jehovha anotambanudzira ngoni dzake sei nomutoo wakawanda, tsitsi dzorudo, uye zvokwadi kuvanhu vose vanoswedera pedyo naye. (Eksodho 34:6; Jakobho 4:8) Hungu, kunze kwaIsraeri waMwari vamwe vaizobetserekana nokudzivisa kwengirozi mhepo ina dzoruparadziko. Vangava vanaaniko ivava? Unogona kuva mumwe wavo here? Ngatichionei zvino.
[Mashoko Omuzasi]
a Nomutoo wakakodzera, zita rokuti Israeri rinoreva kuti “Mwari Anorwa; Murwi (Muchengeti) naMwari.”—Genesi 32:28, New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 114]
[Mifananidzo iri papeji 116, 117]
Kusarudzwa kwavose kwaIsraeri wechokwadi waMwari kwakapfuurira kubvira pazuva rePentekosta ya33 C.E., kuburukira kuna 1935 apo, pakokorodzano yenhau yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., simbiso yakachinjirwa kukuunganidzwa kweboka guru rine kariro dzoupenyu hwapasi (Zvakazarurwa 7:9)