Jesu Kristu
Tsanangudzo: Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi, akasikwa naJehovha ari oga. Mwanakomana uyu ndiye dangwe rezvisikwa zvose. Zvimwe zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika zvakasikwa pachishandiswa iye. Ndiye munhu wechipiri paukuru kubva kuna Mwari uye pane zvose zvakasikwa. Mwanakomana uyu ndiye akatumwa naJehovha pasi pano kuti ape upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwevanhu, nokudaro achizarurira nzira yokuwana upenyu husingaperi kuvana vaAdhamu vanotenda. Mwanakomana uyu, akadzorerwa kubwinya kwokudenga, iye zvino ari kutonga saMambo, aine simba rokuparadza uipi hwose uye kuita chinangwa chaBaba vake chepakutanga nokuda kwenyika. Zita rokuti Jesu muchiHebheru rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso”; rokuti Kristu rinoenderana nerechiHebheru rokuti Ma·shiʹach (Mesiya), kureva kuti “Akazodzwa.”
Jesu Kristu aiva munhu chaiye, anotaurwa munhoroondo here?
Bhaibheri pacharo ndiro rinopupurira kuti Jesu Kristu munhu anotaurwa munhoroondo. Zviri muEvhangeri hakusi kungotaurwawo kwenyaya kusina kujeka pasina nguva inonzi yazvakaitika uye nzvimbo yazvakaitikira. Rinonyatsotaura nguva nenzvimbo. Somuenzaniso, ona Ruka 3:1, 2, 21-23.
Josephus, munyori wechiJudha wezvakaitika kare womuzana remakore rokutanga akataura nezvokutemwa nematombo kwa“Jakobho, munun’una waJesu ainzi Kristu.” (The Jewish Antiquities, Josephus, Bhuku XX, chik. 200) Panotaurwa nezvaJesu zvakananga uye zvakanaka zvikuru muBhuku XVIII, zvikamu 63, 64, pakapikiswa nevamwe vaiti panenge pakazowedzerwa pave paya kana kuti pakanatsiridzwa nevaKristu; asi zvinobvumwa kuti mashoko akashandiswa uye manyorero acho ndezvaJosephus, uye ndima yacho inowanikwa muzvinyorwa zvose zviripo.
Tacitus, munyori wezvakaitika kare wokuRoma akararama pakupera kwezana remakore rokutanga C.E., akanyora kuti: “Christus [shoko rechiLatin rinoreva “Kristu”], kwakabva zita rokuti [muKristu], akarangwa zvakaipisisa nomumwe wevatongi vedu ainzi Pondiyo Pirato, panguva yaitonga Tibheriyo.”—The Complete Works of Tacitus (New York, 1942), “The Annals,” Book 15, ndima 44.
Ichitaura nezvezvaitaurwa nevanyori venhoroondo vasiri vaKristu nezvaJesu, The New Encyclopædia Britannica, inoti: “Nhoroondo idzi dzakazvimirira dzoga dzinoratidza kuti kare kunyange vaivenga chiKristu havana kumboramba kuti Jesu akanga ariko, izvo zvakazotanga kurambwa kubva kumagumo kwezana remakore rechi18, rechi19, uye kusvika pakutanga kwerechi20.”—(1976), Macropædia, Vol. 10, peji 145.
Jesu Kristu aingovawo munhu akanaka here?
Jesu akatuka mumwe murume akamushevedza kuti “Mudzidzisi Akanaka,” nokuti Jesu aiziva kuti Baba vake ndivo vanofanira kunzi vakanaka kwete iye. (Mako 10:17, 18) Zvisinei, kuti anzi munhu akanaka nevanhu, Jesu anofanira kunge aitaura chokwadi. Zvechokwadi, kunyange vavengi vake vakabvuma kuti aitaura chokwadi. (Mako 12:14) Iye pachake akati akanga amborarama asati ava munhu, aiva Mwanakomana waMwari akasiyana nevamwe, aiva Mesiya, uyo akafanotaurwa nezvokuuya kwake muMagwaro echiHebheru. Anogona kunge aiva zvaaitaura chaizvo kana kuti ainyepedzera kuva mumwe munhu, asi zvose izvi hazviratidzi kuti aiva munhuwo zvake akanga akanaka.—Joh. 3:13; 10:36; 4:25, 26; Ruka 24:44-48.
Jesu aingovawo muprofita aiva nesimba rakafanana naMosesi, Buddha,
Muhammad, uye vamwe vatungamiriri vezvitendero here?
Jesu pachake akadzidzisa kuti aiva Mwanakomana waMwari akasiyana nevamwe (Joh. 10:36; Mat. 16:15-17), Mesiya akafanotaurwa nezvake (Mako 14:61, 62), akanga amborarama kudenga asati ava munhu pasi pano (Joh. 6:38; 8:23, 58), aizourayiwa ozomutswa pazuva rechitatu obva azodzokera kudenga. (Mat. 16:21; Joh. 14:2, 3) Izvi zvaiva zvechokwadi here, uye akanga akanyatsosiyana nevamwe vaprofita vaMwari vose vechokwadi uye akatosiyana zvachose nevatungamiriri vezvitendero here? Chokwadi chenyaya yacho chaizooneka pazuva rechitatu pashure pokufa kwake. Mwari akazomumutsa here kuvakafa achisimbisa kuti Jesu Kristu akanga ataura zvechokwadi uye kuti aiva Mwanakomana waMwari akasiyana nevamwe zvechokwadi? (VaR. 1:3, 4) Zvapupu zvinopfuura 500 zvakatoona Jesu ari mupenyu pashure pokunge amutswa, uye vaapostora vake vakatendeka vakamuona achikwira kudenga uye achizonyangarika mugore. (1 VaK. 15:3-8; Mab. 1:2, 3, 9) Saka vakanyatsotendiswa kuti akanga amutswa kubva kuvakafa zvokuti vakawanda vacho vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti vaudze vamwe nezvazvo.—Mab. 4:18-33.
Chikonzero nei vaJudha vakaramba kuti Jesu ndiye aiva Mesiya?
Encyclopaedia Judaica inoti: “VaJudha vomunguva yaitonga Roma vaidavira kuti [Mesiya] aizomutswa naMwari kuti atyore joko revahedheni uye kuti atonge umambo hwevaIsraeri hwaizodzorerwa.” (Jerusalem, 1971, Vol. 11, col. 1407) Vaida kusunungurwa pajoko reRoma. Nhau dzakaitika dzechiJudha dzinopupurira kuti maererano nouprofita hwaMesiya huri pana Dhanieri 9:24-27, kwaiva nevaJudha vaitarisira kuti Mesiya aizouya muzana remakore rokutanga C.E. (Ruka 3:15) Asi uprofita ihwohwo hwaibatanidzawo kuuya kwake ‘nokugumisa chivi,’ uye chitsauko 53 chaIsaya chakaratidza kuti Mesiya aizofa kuitira kuti izvi zviitike. Zvisinei, vaJudha vaifunga kuti pakanga pasingadiwi kuti mumwe munhu afe nokuda kwezvivi zvavo. Vaidavira kuti vaiva noukama hwakanaka naMwari pakuti vana vaAbrahamu. A Rabbinic Anthology rinoti, “Kukosha kwaAbrahamu kwakanga kwakakura zvikuru zvokuti aigona kuyananisa zvikanganiso zvose uye nhema dzakataurwa nevaIsraeri munyika ino.” (London, 1938, C. Montefiore naH. Loewe, peji 676) Nokuramba kwavakaita Jesu kuti ndiMesiya, vaJudha vakazadzisa uprofita hwakanga hwafanotaura nezvake kuti: “Akazvidzwa, nesu hatina kumukudza.”—Isaya 53:3, BUS.
Asati afa, Mosesi akafanotaura kuti rudzi rwacho rwaizosiya kunamata kwechokwadi uye nokudaro vaizowirwa nematambudziko. (Verenga Dheuteronomio 31:27-29.) Bhuku raVatongi rinopupurira kuti izvi zvakaramba zvichiitika. Munguva yomuprofita Jeremiya, kusatendeseka kwerudzi rwacho kwakaita kuti rudzi rwacho ruendeswe kuBhabhironi senhapwa. Nei Mwari akabvumirawo vaRoma kuti vaparadze Jerusarema netemberi yaro muna 70 C.E.? Rudzi rwacho rwaiva nemhosva ipi yokusatendeseka zvokuti Mwari haana kuvadzivirira sezvaakanga amboita pavaivimba naye? Nguva pfupi izvi zvisati zvaitika, vakanga vamboramba Jesu saMesiya.
Jesu Kristu ndiMwari zvechokwadi here?
Joh. 17:3, BD: “[Jesu akanyengetera kuna Baba vake achiti:] Upenyu husingaperi ndiko kukuzivai imi, Mwari oga wechokwadi [“ndimi bedzi Mwari wechokwadi,” BR], naJesu Kristu uyo wamakatuma.” (Ona kuti Jesu haana kuzvitaura iye sa“Mwari oga wechokwadi” asi Baba vake vari kudenga.)
Joh. 20:17, BR: “[Jesu akati kwaari [Mariya Magadharini], ‘Usandibata nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi chienda kuhama dzangu undoti, ndava kukwira kuna Baba vangu naBaba venyuwo, kuna Mwari wangu naMwari wenyuwo.’” (Saka kuna Jesu akamutswa, Baba vaiva Mwari, sezvazvakanga zvakangoita kuti Baba vaiva Mwari kuna Mariya Magadharini. Asi muMagwaro hapana kana patinomboona Baba vachiti “Mwari wangu” kuMwanakomana.)
Onawo mapeji 371, 376, 377, pamusoro unoti “Utatu.”
Ko Johani 1:1 inoratidza kuti Jesu ndiMwari here?
Joh. 1:1, RS: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. [uyewo KJ, JB, Dy, Kx, NAB].” NE inoti “zvaiva zvakaita Mwari ndozvakanga zvakaita Shoko.” Mo inoti “Shoko raiva mwari.” AT uye Sd anoratidza kuti “Shoko raiva mwari.” Mashoko okuwedzera omuED anoti “mwari aiva Shoko.” NW inoti “Shoko rakanga riri mwari.” NTIV inoshandisa mashoko akafanana.
Chii chinoonekwa nevashanduri ivavo mumagwaro echiGiriki chinoita kuti vamwe vavo varege kuti “Shoko raiva Mwari”? Chivakashure chinotanga kuwanika pashoko rokuti the·osʹ (Mwari) hachiwaniki parinowanika kechipiri. Shoko racho parinenge riine chivakashure chacho rinenge richireva munhu anozivikanwa, asi parinenge risina chivakashure (sezvakaita mutsara wacho muchiGiriki) rinoreva unhu hwomumwe munhu. Saka rugwaro rwacho harusi kuti Shoko (Jesu) rakanga riri iro Mwari waakanga ainaye asi, kuti Shoko rakanga rakaita kunge mwari. (Ona 1984 Ref., NW, peji 1579.)
Muapostora Johani airevei paakanyora Johani 1:1? Aireva here kuti Jesu ndiMwari pachake kana kuti zvimwe Jesu ndiMwari pamwe chete naBaba? Muchitsauko chimwe chete ichocho, ndima 18, Johani akanyora kuti: “Hapana [“munhu,” BR, BUS] ati amboona Mwari kunze kweMwanakomana wake [“mwari akaberekwa ari mumwe oga,” NW], mumwe oga waanodisa. Ndiye akaita kuti isu tizivewo Baba.” (BD) Pane munhu akamboona Jesu Kristu, Mwanakomana here? Hungu! Saka Johani akanga ari kuti Jesu aiva Mwari here? Kwete. Nechokunoperera Evhangeri yake, Johani akapfupikisa nyaya yacho achiti: “Izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, [kwete Mwari, asi] Mwanakomana waMwari.”—Joh. 20:31, BD.
Mashoko akashevedzerwa naTomasi ari pana Johani 20:28 anoratidza here kuti Jesu ndiMwari zvechokwadi?
Johani 20:28 (BD) inoti: “Tomasi akati, ‘Ishe wangu naMwari wangu!’”
Hazvirambidzwi kutaura nezvaJesu sa“Mwari,” kana zviri izvo zvaifungwa naTomasi. Izvozvo zvaizoenderana nemashoko aJesu aakatora muMapisarema umo varume vaiva nesimba, vatongi, vainzi “vanamwari.” (Joh. 10:34, 35, BUS; Pis. 82:1-6) Chokwadi, Kristu ane nzvimbo yakakwirira kupfuura varume ivavo. Nemhaka yokusiyana kwenzvimbo yake neyaJehovha, pana Johani 1:18 (NW) Jesu anonzi “mwari akaberekwa ari mumwe oga.” (Onawo Ro, By.) Isaya 9:6 (RS) inotsanangurawo Jesu nenzira youprofita sa“Mwari ane Simba,” asi kwete saMwari Wemasimbaose. Zvose izvi zvinoenderana nokurondedzerwa kwaJesu sa“mwari” pana Johani 1:1 (NW, AT).
Mashoko akapoteredza anotibatsira kuwana mhedziso yakanaka kubva pane izvi. Nguva pfupi Jesu asati afa, Tomasi akanga anzwa Jesu achinyengetera paakataura kuna Baba vake achiti, “Mwari oga wechokwadi.” (Joh. 17:3, BD) Pashure pokunge amuka, Jesu akatumira shoko kuvaapostora vake, kusanganisira Tomasi, achiti: “Ndava kukwira . . . kuna Mwari wangu naMwari wenyuwo.” (Joh. 20:17, BR) Pashure pokunge anyora zvakanga zvataurwa naTomasi paakanyatsoona uye kubata Kristu akanga amutswa, muapostora Johani akati: “Izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari.” (Joh. 20:31, BD) Saka kubva pane zvakataurwa naTomasi, kana munhu upi noupi akagumisa kuti Jesu pachake ndi“Mwari oga wechokwadi,” kana kuti Jesu ndi“Mwari Mwanakomana” woUtatu, munhu iyeye anofanira kutarisa zvakare zvakataurwa naJesu pachake (ndima 17) uye anofanira kutarisa zvakare mhedziso yakajeka yakataurwa nomuapostora Johani (ndima 31).
Mateu 1:23 inoratidza here kuti Jesu paaiva pasi pano aiva Mwari?
Mat. 1:23, BD: “‘Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana achazonzi Emanuweri zvinoreva kuti Mwari Anesu.”
Payaizivisa nezvokuberekwa kwaJesu, ngirozi yaJehovha yakati mwana wacho aizova Mwari pachake here? Aiwa, chiziviso chacho chaiti: “Iye achakudzwa zvikuru, uye achanzi Mwana woWokumusorosoro.” (Ruka 1:32, 35, BR; tatsveyamisa mabhii.) Uye Jesu pachake haana kumbozviti ndiMwari asi “Mwanakomana waMwari.” (Joh. 10:36, BD; tatsveyamisa mabhii.) Jesu akatumwa munyika naMwari; saka kuburikidza neMwanakomana uyu akaberekwa ari oga, Mwari aiva nevanhu.—Joh. 3:17; 17:8.
Kazhinji mazita echiHebheru aisanganisira shoko rinoreva Mwari kana kuti zita raMwari pachake rakapfupikiswa. Somuenzaniso, zita rokuti Eriyata rinoreva kuti “Mwari Wangu Auya”; Jehu rinoreva “Jehovha Ndiye”; Eriya rinoreva kuti “Mwari Wangu Jehovha.” Asi pamazita aya hapana kana rinoreva kuti muridzi wezita iroro aiva Mwari.
Johani 5:18 inorevei?
Joh. 5:18, BR: “Ichi ndicho chikonzero chakasaka vaJudha varambe vachida kumuuraya, nokuti haana kunge adarika murau weSabata chete, asi akanga ataurawo kuti Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.”
VaJudha vakanga vasingatendi ndivo vakati Jesu akanga achiedza kuzviita akaenzana naMwari nokutaura kuti Mwari aiva Baba vake. Kunyange zvazvo aitaura nezvaMwari saBaba vake, Jesu haana kumboti akaenzana naMwari. Akapindura vaJudha zvakananga kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kunemi: Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, asi anoita zvaanoona zvichiitwa naBaba.” (Joh. 5:19, BR; onawo Johani 14:28; Johani 10:36.) VaJudha vaya vakanga vasingatendi ndivo vakataurawo kuti Jesu akatyora mutemo weSabata, asi vakanga vasinawo kururama nokutaura izvozvo. Jesu aichengeta Mutemo zvakakwana, uye akazivisa kuti: “Kuita zvakanaka nomusi weSabata kunotenderwa.”—Mat. 12:10-12, BR.
Jesu zvaanonamatwa zvinoreva here kuti iye ndiMwari?
Pana VaHebheru 1:6, ngirozi dzinorayiridzwa “kunamata” Jesu, maererano neBR, BUS, KJ, JB, uye BD. NW inoti “ngadzimupfugamire.” Pana Mateu 14:33, vadzidzi vaJesu vanonzi “vakamunamata”, maererano neBR, BUS, KJ; dzimwe shanduro dzinoti “vakamuremekedza zvikuru” (NAB), “vakawira patsoka dzake” (NE), “vakabva vamupfugamira” (NW).
Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kunamata” ndipro·sky·neʹo, iro rinonzi neA Greek-English Lexicon of the New Testament and Other Early Christian Literature “raishandiswawo kuratidza tsika yokupfugamira mumwe munhu uye kumutsvoda tsoka dzake, mupendero wenguo yake uye pasi.” (Chicago, 1979, Bauer, Arndt, Gingrich, Danker; second English edition; peji 716) Iri ndiro shoko rinoshandiswa pana Mateu 14:33 kuratidza zvakaitirwa Jesu nevadzidzi; pana VaHebheru 1:6 kuratidza zvinofanira kuitirwa Jesu nengirozi; pana Genesisi 22:5 muSeptuagint yechiGiriki kutsanangura zvakaitwa naAbrahamu achiitira Jehovha, uye pana Genesisi 23:7 kurondedzera zvakaitwa naAbrahamu maererano netsika dzepanguva yacho, kuvanhu vaaiita navo zvebhizimisi; pana 1 Madzimambo 1:23, muSeptuagint panorondedzera zvakaitwa nomuprofita Natani paakasvika kuna Mambo Dhavhidhi.
Pana Mateu 4:10 (RS), Jesu akati: “Namata [kubva pana pro·sky·neʹo] Tenzi Mwari wako, uchishandira iye chete.” (Pana Dheuteronomio 6:13, zviri pachena kuti ndipo pari kutorwa mashoko naJesu, pane zita raMwari, mabhii mana echiHebheru anomiririra zita raMwari.) Maererano neizvi, tinofanira kunzwisisa kuti ishoko rokuti pro·sky·neʹo rinoreva mamiriro emwoyo nepfungwa zvinofanira kungoitirwa Mwari chete.
Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinoratidza here kuti iye ndiMwari?
Mab. 10:34, 38, BUS: “Petro akashamisa muromo wake, akati: ‘ . . . Jesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza noMweya Mutsvene nesimba: iye aipote-nyika achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiyabhorosi; nokuti Mwari aiva naye.’” (Nokudaro Petro haana kugumisa kubva pazvishamiso zvaakaona kuti Jesu aiva Mwari, asi kuti Mwari aiva naJesu. Enzanisa naMateu 16:16, 17.)
Joh. 20:30, 31, BR: “Zvino Jesu akazoitazve zvimwe zviratidzo [“zvishamiso,” BD, Kx] zvizhinji kwazvo, zvaakaita vadzidzi vake vachiona, zvisina kunyorwa muiri bhuku. Asi izvi zvakanyorwa, kuti imi mugotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mesiya, Mwana waMwari, uye kuti muchitenda muve noupenyu muzita rake.” (Saka zvakakodzera kuti mhedziso yatinofanira kuva nayo kubva pazvishamiso ndeyokuti Jesu ndiye “Kristu,” Mesiya, “Mwanakomana waMwari.” Mashoko okuti “Mwanakomana waMwari” akasiyana zvikuru neokuti “Mwari Mwanakomana.”)
Vaprofita vakararama chiKristu chisati chavapo vakadai saEriya naErisha vakaita zvishamiso zvakafanana nezviya zvakaitwa naJesu. Asi zvechokwadi izvozvo hazviratidzi kuti vaiva Mwari.
Jesu ndiye Jehovha anotaurwa mu“Testamende Yekare” here?
Ona mapeji 91, 92, pasi pomusoro mukuru unoti “Jehovha.”
Kutenda muna Jesu Kristu ndiko chete kunodiwa kuti munhu aponeswe here?
Mab. 16:30-32, BD: “‘Madzishe, chii chandingaita kuti ndiponeswe?’ Ivo [Pauro naSirasi] vakati, ‘Tenda kuna Ishe Jesu, iwe nemhuri yako mugoponeswa.’ Ipapo vakatangisa kutaura shoko raIshe [“Mwari,” NAB, uyewo JB neNE mashoko omuzasi; “mashoko aMwari,” AT] kwaari nokuna vose vaiva mumba make.” (‘Kutenda kwaiita murume iyeye muna Ishe Jesu’ kwaingova kutaura nemwoyo wose kuti aitenda here? Pauro naSirasi zvavakaenderera mberi vachiparidzira murindi wejeri, Pauro akaratidza kuti pane zvakawanda zvaidiwa—kureva kuti, zivo uye kubvuma Shoko raMwari. Kutenda kunoita munhu muna Jesu kungava kwechokwadi here kana asinganamati Mwari ainamatwa naJesu, kana asingashandisi zvakadzidziswa naJesu kuti vadzidzi vake vanofanira kuva vanhu vakaita sei, kana kuti kana asingaiti basa rakarayirwa naJesu kuti vateveri vake vaite? Hapana chimwe chatingaita kuti tiponeswe kunze kwokutenda muchibayiro chorudzikinuro choupenyu hwaJesu. Asi upenyu hwedu hunofanira kuenderana nokutenda kwatinotaura kuti tinako, kunyange zvazvo izvozvo zvingasanganisira kutambura. Pana Mateu 10:22 [BUS] Jesu akati: “Anotsungirira kusvikira pakuguma achaponeswa.”)
Jesu aiva kudenga here asati ava munhu?
VaK. 1:15-17, BUS: “[Jesu] ndiye mufananidzo waMwari, asingaoneki, dangwe rezvisikwa zvose . . . Zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.”
Joh. 17:5, BD: “[Achinyengetera Jesu akati:] Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kuya kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavapo.” (Uyewo Johani 8:23)
Jesu ane muviri wenyama kudenga here?
1 VaK. 15:42-50, BR: “Ndizvo zvinoitawo kumuka kwevafi. Chiya chinodyarwa chichiora ndicho chinozomutswa chisisina kuora. . . . Chiya chinodyarwa chiri muviri womunhu wapano pasi, ndicho chinozomutswa chava muviri wemweya. . . . Ko inga zvakanyorwa wani saizvozvo zvichinzi, ‘Munhu uya wokutanga Adhamu, akava munhu mupenyu’; asi Adhamu wokupedzisira ndiye akazova mweya unopa upenyu. . . . Zvino hama dzangu zvandinoreva ndezvizvi kuti muviri neropa hazvingagari nhaka yeumambo hwaMwari kwete. Uye chiya chinoora hachigari nhaka yechiya chisingaori.” (Tatsveyamisa mabhii.)
1 Pet. 3:18, BR: “Kristu pachake akafira imi kamwe chete kwenguva dzose achifira zvitadzo, . . . Pakuurayiwa kwake akafa muviri wake chete asi paakamuka kuvafi akava mupenyu mumweya [“mumudzimu,” NE, AT, JB, Dy].” (Ona mapeji 311, 312.)
Kuenzanisira: Kana munhu akabhadharira shamwari yake chikwereti asi obva akurumidza kutora mari yacho, zviri pachena kuti chikwereti chacho chinoramba chiripo. Saizvozvowo, paakamutswa, kudai Jesu akatora muviri wake wenyama neropa, waakapa sechibayiro achibhadhara rudzikinuro, izvozvo zvingadai zvakaitei paurongwa hwaakanga achiita kuti asunungure vanhu vakatendeka pachivi chavo?
Ichokwadi kuti Jesu akaonekwa nevadzidzi vake aine muviri wenyama pashure pokunge amutswa. Asi pane dzimwe nguva, nei vasina kumuziva pakutanga? (Ruka 24:15-32; Joh. 20:14-16) Pane imwe nguva, kuti Tomasi abatsirwe, Jesu akazviratidza aine uchapupu hunooneka aine maburi ezvipikiri mumaoko ake uye ronda repfumo parutivi pake. Asi panguva iyi zvaibvira sei kuti angoerekana ava pakati pavo kunyange zvazvo madhoo aiva akakiyiwa? (Joh. 20:26, 27) Zviri pachena kuti aipfeka miviri yenyama panguva idzi, sezvaiitwa nengirozi kare padzaionekwa nevanhu. Mwari haana kunetseka nekwokuisa muviri waJesu wenyama panguva yokumuka kwake. Kunyange zvazvo Mwari asina kusiya muviri wacho wenyama muguva (kuitira kuti asimbise chivimbo chevadzidzi kuti Jesu akanga amutswa zvechokwadi), machira erineni awakanga wakaputirwa nawo akasiyiwa imomo; asi Jesu akanga amutswa aigara achizviratidza akapfeka zvakakwana.—Joh. 20:6, 7.
Jesu Kristu ndiye Mikaeri ngirozi huru here?
Zita raMikaeri uyu rinowanika kashanu bedzi muBhaibheri. Munhu womudzimu anobwinya ane zita iroro anotaurwa so“mumwe muchinda mukuru,” “muchinda mukuru anochengeta vanhu vako [Dhanieri],” uye “mutumwa . . . mukuru.” (Dhan. 10:13; 12:1; Jud. 9, BR) Zita rokuti Mikaeri rinoreva kuti “Ndiani Akafanana naMwari?” Zviri pachena kuti zita racho rinoratidza kuti Mikaeri ndiye anotungamirira pakutsigira uchangamire hwaJehovha uye pakuparadza vavengi vaMwari.
Pana 1 VaTesaronika 4:16 (BD), murayiro waJesu Kristu wokuti rumuko rutange unorondedzerwa sokudanidzira nenzwi “romutumwa mukuru,” uye Judha 9 inotaura kuti ngirozi huru ndiMikaeri. Zvaizova zvakakodzera here kufananidza kudanidzira kwaJesu nekwomumwe munhu ane simba shoma? Saka zvine musoro kuti Mikaeri ngirozi huru ndiJesu Kristu. (Mashoko okuti “ngirozi huru” haambotaurwi muuzhinji muMagwaro, zvichireva kuti kunongova neimwe chete.)
Zvakazarurwa 12:7-12 inoti Mikaeri nengirozi dzake vaizorwa naSatani vomukanda kubva kudenga iye nengirozi dzake dzakaipa maererano nokupiwa simba roumambo kwakaitwa Kristu. Jesu anozoratidzwa achitungamirira mauto okudenga pakurwisana nemarudzi enyika. (Zvak. 19:11-16) Hazvina musoro here kuti Jesu ndiye aizorwisa uyo anorondedzerwa so“mutongi wenyika ino” Satani Dhiyabhorosi? (Joh. 12:31) Dhanieri 12:1 (BUS) inobatanidza ‘kusimuka kwaMikaeri’ kuti ashandise simba rake ne“nguva yenjodzi isina kumbovapo yakadaro kubvira pakumuka kwemarudzi evanhu kusvikira nguva iyo.” Izvozvo zvechokwadi zvaizoenderana nezvaizoitika kumarudzi Kristu paaizoarwisa somunhu wokudenga anoshandiswa kuuraya. Saka uchapupu hunoratidza kuti Mwanakomana waMwari aizivikanwa saMikaeri asati auya pasi pano uye anozivikanwa nezita iroro kubvira paakadzokera kudenga kwaari soMwanakomana waMwari womudzimu akakwidziridzwa.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Hamutendi muna Jesu’
Ungapindura kuti: ‘Zviri pachena kuti muri munhu anotenda muna Jesu. Uye ini ndinotendawo; dai zvisina kudaro ndingadai ndisiri pasuo renyu nhasi.’ Ungawedzerawo kuti: ‘Chokwadi, kukosha kwokutenda muna Jesu kunonyanyotaurwa nezvako mumabhuku edu. (Vhura chitsauko chakakodzera mubhuku chero ripi raunenge uchigovera uye shandisa chitsauko ichi kuti mutange kukurukurirana, uchisimbisa basa rake saMambo. Kana kuti verenga zviri papeji 2 yeNharireyomurindi, nezvechinangwa chemagazini yacho.)’
Kana kuti ungati: ‘Ndingakubvunzaiwo here kuti nei muchifunga saizvozvo?’
Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Zviri pachena kuti mumwe munhu akakuudzai izvozvo, asi ndinoda kukuudzai kuti handizvo, nokuti tine kutenda kwakasimba muna Jesu Kristu.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Asi hatitendi zvinhu zvose zvinotaurwa nevanhu nezvaJesu. Somuenzaniso, vamwe vanoti aingovawo munhu akanaka kwete Mwanakomana waMwari. Isu hatidaviri izvozvo, ko imi? . . . Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.’ (2) ‘Uye hatidaviri zvinodzidziswa nemapoka anopesana nezvakataurwa naJesu pachake nezvoukama hwake naBaba vake. (Joh. 14:28) Baba vake vakamupa simba rokutonga rine zvarinoita muupenyu hwedu tose nhasi. (Dhan. 7:13, 14)’
‘Unogamuchira Jesu soMuponesi wako here?’
Ungapindura kuti: ‘Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti . . . (taura mashoko ari pana Mabasa 4:12). Ndinotenda izvozvo. Asi ndakadzidza kuti pane zvinokosha zvinofanirawo kuitwa. Munozviona sei? Kana ndichinyatsotenda muna Jesu, saka handigoni kungomutenda pazvinenge zvakandinakira chete.’ Ungawedzerawo kuti: ‘Upenyu hwake hwakapiwa sechibayiro hunoita kuti tikwanise kukanganwirwa zvivi. Asi ndinoziva kuti zvinokoshawo kuteerera mirayiro yake yezvatinofanira kuita sevaKristu. (Mab. 1:8; Mat. 28:19, 20)’
Kana kuti ungati: ‘(Pashure pokusimbisa chokwadi chokuti iwe unotenda muna Jesu soMuponesi, kwete wako chete, asi wevose vanotenda maari . . . ) Zvinokosha kuti tionge kwete chete zvaakaita kare asi zvaari kuitawo iye zvino. (Mat. 25:14)’
‘Ndakagamuchira Jesu soMuponesi wangu’
Ungapindura kuti: ‘Ndinofara kunzwa kuti munotenda muna Jesu, nokuti kune vanhu vakawanda zvikuru nhasi vasingambofungi nezvezvatakaitirwa naJesu. Ichokwadi kuti munonyatsoziva rugwaro rwaJohani 3:16, handiti? . . . Asi vanhu vakadaro vachararama vari kupi nokusingaperi? Vamwe vachange vaina Kristu kudenga. Asi Bhaibheri rinoratidza here kuti vanhu vose vakanaka vanoenda ikoko? (Mat. 6:10; 5:5)’