Chitsauko 8
Chitendero Chenhema—Mugumo Wacho Wekamwe Kamwe Unofanoonwa
1, 2. (a) Nei zvichiratidzika sezvisingabviri kuna vamwe kuti nokukurumidza kuchava nokuchinja kukuru mune zvechitendero? (b) Tinoziva sei kuti mashoko aIsaya 47 achashanda munguva yemberi? (c) Nei “Bhabhironi Guru” riri zita rakakodzera kudanwa chitendero chose chenhema?
“CHITENDERO Chadzoka.” Iroro ndiro rakanga riri shoko rakaziviswa nenyaya yaiva muThe New York Times Magazine. Nyaya yacho yakaratidza kuti chitendero chinenge chichakabata zvakasimba mwoyo nendangariro zvemamiriyoni evanhu. Naizvozvo zvingave zvakaoma kudavira kuti kuchinja kukuru muzvitendero zvenyika kwava kuda kuitika. Asi kuchinja kwakadaro kunoratidzwa muchitsauko chechi47 chaIsaya.
2 Mashoko aIsaya akazadzika makore 2 500 akapfuura. Zvisinei, mashoko akanyorwa pana Isaya 47:8 akadzokororwa mubhuku raZvakazarurwa achinzi achashanda munguva yemberi. Ipapo Bhaibheri rinofanotaura nezvomugumo wesangano rakaita sehure rinonzi “Bhabhironi Guru”—umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 16:19) Kupiwa zita rokuti “Bhabhironi” kwezvitendero zvenhema zvenyika kwakakodzera, sezvo makanga muri muBhabhironi rekare umo chitendero chenhema chakatangira. Kubva imomo chakapararira chichienda kumativi mana enyika. (Genesi 11:1-9) Dzidziso dzechitendero dzakatangira muBhabhironi, dzakadai sedzokuti mweya haufi, moto wehero, uye kunamatwa kwavanamwari vatatu, dzirimo muzvinenge zvitendero zvose hazvo, kusanganisira chiKristudhomu.a Uprofita hwaIsaya hunobatsira kunzwisisa nguva yemberi yechitendero here?
Bhabhironi Rinogadzikwa Pasi
3. Rondedzera ukuru hweSimba Renyika reBhabhironi.
3 Teerera kuzivisa kwaMwari kunonzwisa manyukunyuku uku, kunoti: “Buruka, ugare muguruva, iwe mhandara, mukunda weBhabhironi; gara pasi pasina chigaro choushe, iwe mukunda wavaKardhea; nokuti hauchazonzi une undere nounamango.” (Isaya 47:1) Kwemakore Bhabhironi rave rakagadzwa pachigaro choumambo sesimba renyika rinokurira. Rave “rine mbiri paushe hwose”—muzinda unobudirira wechitendero, wezvokutengeserana, uye zvehondo. (Isaya 13:19) Bhabhironi parinosvika pakusimba kukuru, umambo hwaro hunowedzera huchienda zasi zasi kumuganhu weIjipiti. Uye parinokunda Jerusarema muna 607 B.C.E., zvinoratidzika sokuti Mwari pachake haakwanisi kumisa kukunda kwaro! Saka, rinozviona se“mhandara, mukunda,” isingazofi yakapindirwa nechisimba nenyika yokumwe.b
4. Bhabhironi richaonei?
4 Zvisinei, “mhandara” inozvikudza iyi ichafanira kukuduburwa pachigaro chayo choumambo sesimba renyika risingarambiki yo‘gadzikwa muguruva’ zvinonyadzisa. (Isaya 26:5) Haichazonzizve “une undere nounamango,” samambokadzi anobatwa sezai. Naizvozvo Jehovha anorayira kuti: “Tora guyo nehuyo ukuye upfu; bvisa chifukidziro chechiso chako, bvisa nguo yako yakareba, fukura gumbo rako, yambuka nzizi.” (Isaya 47:2) Pashure pokuita nyika yose yeJudha varanda, Bhabhironi pacharo zvino richabatwa somuranda! VaMedhia nevaPersia, vanoribvisa panzvimbo yaro yesimba, vacharimanikidza kuti rivaitire basa rinonyadzisa.
5. (a) Bhabhironi richabviswa sei ‘chifukidziro chechiso nenguo yaro yakareba’? (b) Chii chingaratidzwa nokurayirwa kwaro kuti “yambuka nzizi”?
5 Saka Bhabhironi richabviswa ‘chifukidziro chechiso nenguo yaro yakareba,’ richirasikirwa nechero chisaririra choukuru hwaro hwaraimbova nahwo nechiremera. “Yambuka nzizi,” vanorishandisa vacharayira kudaro. Zvichida vamwe vaBhabhironi vachatorayirwa kuita basa repanze rouranda. Kana kuti uprofita hwacho hungareva kuti vamwe vachatoita zvokukwekweredzwa chaiko vachiyambutswa nzizi sezvavanotapwa. Chero zvinenge zvaitika, Bhabhironi harichafambizve nokuzvikudza samambokadzi uyo anotakurwa achiyambuka rukova ari pachigaro kana kuti mungoro. Pane kudaro, achava somuranda anofanira kusiya zvokutsvinda, okwinya nguo yake achifukura makumbo ake kuitira kuti afambe nomumvura achiyambuka. Zvinonyadzisa zvikuru!
6. (a) Kusafuka kweBhabhironi kuchava pachena sei? (b) Mwari haa“ngarangariri munhu” sei? (Ona mashoko omuzasi.)
6 Jehovha anoenderera mberi nokushora kwake achiti: “Kusafuka kwako kuchava pachena, kunyadzwa kwako kuchaonekwa; ndichazvitsiva, ndisingarangariri munhu.” (Isaya 47:3)c Hungu, Bhabhironi richatambura nenyadzi nokuzvidzwa. Uipi noutsinye hwarinoitira vanhu vaMwari huchafumurwa pachena. Hapana munhu anogona kutadzisa Mwari kutsiva!
7. (a) Nhapwa dzechiJudha dzichanzwa sei neshoko rokuwa kweBhabhironi? (b) Jehovha achadzikinura sei vanhu vake?
7 Pashure pokunge vabatwa vari nhapwa muBhabhironi rine simba kwemakore 70, vanhu vaMwari vachafara zvikuru nokuwa kwaro. Vachadanidzira vachiti: “Mudzikinuri wedu, zita rake rinonzi Jehovha wehondo, Mutsvene waIsraeri.” (Isaya 47:4) Mumutemo waMosesi, kana muIsraeri ainge azvitengesa kuva muranda kuti abhadhare zvikwereti zvake, mudzikinuri (hama yeropa) aigona kumutenga, kana kuti kumudzikinura, pakuva muranda. (Revhitiko 25:47-54) Sezvo vaJudha vachave vatengeswa kuva varanda muBhabhironi, vachada kudzikinurwa, kana kuti kusunungurwa. Kuvaranda, kukurira kazhinji kunongova kuchinja vanatenzi. Asi Jehovha achaita kuti Mambo Koreshi anokunda asunungure vaJudha pauranda. Ijipiti, Etiopiya, neSabhea dzichapiwa kuna Koreshi so“rudzikinuro” panzvimbo yevaJudha. (Isaya 43:3) Nenzira yakakodzera, Mudzikinuri waIsraeri anonzi “Jehovha wehondo.” Uto reBhabhironi rinoratidzika serakasimba kwazvo, hapana zviripo kana richienzaniswa nengirozi dzaJehovha dzisingaoneki.
Mubayiro Woutsinye
8. Bhabhironi richa“pind[a] murima” mupfungwai?
8 Jehovha anoenderera mberi nokutuka kwake Bhabhironi kwouprofita achiti: “Gara unyerere, upinde murima, iwe mukunda wavaKardhea; nokuti hauchazonzi Vahosi voushe huzhinji.” (Isaya 47:5) Bhabhironi richave nerima chete nokupererwa. Harichazodzori humwe umambo savahosi vane utsinye.—Isaya 14:4.
9. Nei Jehovha achitsamwira vaJudha?
9 Nei Bhabhironi richimbobvumirwa kukuvadza vanhu vaMwari pakutanga? Jehovha anotsanangura kuti: “Ndakanga ndakatsamwira vanhu vangu, ndakamhura nhaka yangu, ndikavaisa mumaoko ako.” (Isaya 47:6a) Jehovha ane chikonzero chakanaka chokutsamwira vaJudha. Pakutanga, akavayambira kuti kusateerera Mutemo wake kwaizoguma nokudzingwa kwavo munyika yacho. (Dheuteronomio 28:64) Pavakawira mukunamata zvifananidzo nounzenza, Jehovha nenzira yorudo akatumira vaprofita kunovabatsira kuti vadzoke kukunamata kwakachena. Asi “vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.” (2 Makoronike 36:16) Naizvozvo Jehovha anobvumira nhaka yake, Judha, kusvibiswa apo Bhabhironi rinopinda munyika yacho nechisimba ndokusvibisa temberi Yake tsvene.—Pisarema 79:1; Ezekieri 24:21.
10, 11. Nei Jehovha atsamwira Bhabhironi, kunyange zvazvo kuri kuda kwake kuti rikunde vanhu vake?
10 Tichifunga izvozvo, Bhabhironi harisi kungoita kuda kwaMwari here parinoita vaJudha varanda? Kwete, nokuti Mwari anoti: “Iwe hauna kuvanzwira tsitsi, wakaisa joko rako rinorema kwazvo pamusoro pavatana. Ukati: Ndichava vahosi nokusingaperi; naizvozvo hauna kufunga zvinhu izvi, hauna kurangarira kuguma kwazvo.” (Isaya 47:6b, 7) Mwari haana kurayira Bhabhironi kuita nenzira youtsinye hwakanyanya, risingaratidzi nyasha “pavatana.” (Mariro aJeremia 4:16; 5:12) Uyewo haana kurirayira kufarira kutambura nokunyomba nhapwa dzaro dzechiJudha.—Pisarema 137:3.
11 Bhabhironi rinokundikana kunzwisisa kuti kudzora kwaro vaJudha ndekwenguva pfupi. Harina kuteerera nyevero dzaIsaya dzokuti, nokufamba kwenguva, Jehovha achasunungura vanhu vake. Rinoita sokuti rakapiwa simba rokudzora vaJudha zvachose uye kuramba riri vahosi panyika dzaro dzokunze dzarinotonga nokusingaperi. Rinokundikana kuteerera shoko rokuti kuchava no“kuguma” kwokutonga kwaro kwoudzvinyiriri!
Kuwa kweBhabhironi Kunofanotaurwa
12. Nei Bhabhironi richinzi “[mukadzi] unongorangarira zvinofadza”?
12 Jehovha anozivisa kuti: “Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe [mukadzi] unongorangarira zvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumwoyo mako: Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.” (Isaya 47:8) Mukurumbira weBhabhironi wokutsvaka mufaro unonyatsozivikanwa. Munyori wenhau dzakaitika womuzana remakore rechishanu Herodotus anotaura nezve“tsika inonyadzisa zvikuru kwazvo” yevaBhabhironi, yokuti vakadzi vose vanofanira kuzviita pfambi mukukudza mwarikadzi wavo worudo. Mumwe munyori wenhau dzakaitika wekare Curtius akatiwo: “Hapana kusvibisa kungapfuura tsika dzeguta racho; hakuna humwe ushati hwakarongwa hungamutsa nokukwezvera kune zvakaipa kupfuura apa.”
13. Kufarira kukuru kutsvaka mafaro kweBhabhironi kuchakurumidzisa kuwa kwaro sei?
13 Kufarira kukuru kweBhabhironi kutsvaka mafaro kuchakurumidzisa kuwa kwaro. Usiku hwokuwa kwaro, mambo waro nemakurukota vachaita mutambo, vachinwa kusvika vadhakwa. Saka, havasi kuzombova nehanya nemauto evaMedhia nevaPersia ari kupinda muguta racho nechisimba. (Dhanieri 5:1-4) Ri“gere zvakasimba,” Bhabhironi richafunga kuti masvingo aro anoratidzika seasingapindiki nomugero zvicharichengetedza pakupindirwa nechisimba. Rinoti mumwoyo maro “hakuna mumwe” angambofa akatora nzvimbo yaro youkuru. Harifungidziri kuti ringava “chirikadzi,” richirasikirwa nomutongi waro pamwe chete ne“vana,” varo kana kuti vanhu. Kunyange zvakadaro, hapana masvingo angagona kuridzivirira paruoko runotsiva rwaJehovha Mwari! Jehovha pakupedzisira achati: “Kunyange Bhabhironi rikakwira kudenga, kunyange rikasimbisa pakakwirira pane simba raro, kunyange zvakadaro vaparadzi vachabva kwandiri vachiendako.”—Jeremia 51:53.
14. Bhabhironi richa‘firwa nevana, nokuva chirikadzi’ munzirai?
14 Chii chichaguma chaitika kuBhabhironi? Jehovha anoenderera mberi achiti: “Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwe chete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati poun’anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.” (Isaya 47:9) Hungu, ukuru hweBhabhironi sesimba renyika huchasvika pakuguma kamwe kamwe. Munyika dzeMabvazuva dzekare, kuva chirikadzi uye kurasikirwa nevana kwakanga kuri dzimwe dzenhamo dzakaipisisa dzaigona kuitika kumukadzi. Hatizivi kuti Bhabhironi rinorasikirwa ne“vana” vangani pausiku hwokuwa kwaro.d Zvisinei, nokufamba kwenguva, guta iroro richasiyiwa zvachose. (Jeremia 51:29) Richavawo chirikadzi pakuti madzimambo aro achabviswa pachigaro choumambo.
15. Kuwedzera pautsinye hweBhabhironi kuvaJudha, Jehovha akaritsamwira nokuda kwechimwe chikonzero chipi?
15 Zvisinei, kubata vaJudha zvisina kufanira kweBhabhironi handicho chikonzero bedzi chehasha dzaJehovha. ‘Kuwanda kwouroyi hwaro’ kunoitawo kuti ave nehasha. Mutemo waMwari kuna Israeri unoshora tsika yokuita zvemidzimu; zvisinei, Bhabhironi rinonyatsotevedza zvemashiripiti. (Dheuteronomio 18:10-12; Ezekieri 21:21) Bhuku rinonzi Social Life Among the Assyrians and Babylonians rinotaura kuti upenyu hwevaBhabhironi “hwaingova hwokugara vachitya madhimoni mazhinji-zhinji ayo vaidavira kuti akanga akavapoteredza.”
Kuvimba Nouipi
16, 17. (a) Bhabhironi rino‘vimba nouipi’ hwaro sei? (b) Nei mugumo weBhabhironi usingagoni kudziviswa?
16 Vafemberi veBhabhironi vachariponesa here? Jehovha anopindura kuti: “Nokuti wakavimba nezvakaipa zvako; wakati: Hakuna unondiona; wakakanganiswa nouchenjeri hwako nezivo yako, ukati mumwoyo mako: Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu.” (Isaya 47:10) Bhabhironi rinofunga kuti nemhaka youchenjeri hwaro hwenyika nehwechitendero, simba raro rehondo, uye unyengeri hwaro hwoutsinye, ringagona kuchengeta nzvimbo yaro sesimba renyika. Rinofunga kuti hapana munhu anogona kuri‘ona,’ kureva kuti, kuritonga nokuda kwezviito zvaro zvakaipa. Uyewo harimbooni muvengi ave pedyo. Rinoti mumwoyo maro “ndini ndoga, hakuna mumwe.”
17 Zvisinei, achishandisa mumwe wevaprofita vake, Jehovha anonyevera kuti: “Ko munhu uripo ungavanda panzvimbo, dzisingazikanwi, ini ndikasamuona here?” (Jeremia 23:24; VaHebheru 4:13) Naizvozvo Jehovha anozivisa kuti: “Naizvozvo zvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.” (Isaya 47:11) Vanamwari veBhabhironi kana kuti mashiripiti e‘mazango’ anoitwa nevanoita zvemidzimu varo haangagoni kudzivisa njodzi iri kuuya—isina kufanana nechinhu chipi nechipi charati ramboona!
Vanachipangamazano veBhabhironi Vanokundikana
18, 19. Kuvimba kweBhabhironi navanachipangamazano varo kuchava nengozi sei?
18 Nokutsvinya kunorwadza, Jehovha anorayira kuti: “Zvino uya nouroyi hwako noun’anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungakunda.” (Isaya 47:12) Bhabhironi rinorayirwa ku“uya,” kana kuti kuramba richivimba nemashiripiti. Pamusoro pazvo senyika rakashingairira kukura kwounyanzvi hwemashiripiti kubva “pauduku” hwaro.
19 Asi Jehovha anoritsvinyira, achiti: “Waneta nokuwanda kwamano ako; zvino, vanodudzira zvokudenga, navanocherekedza nyeredzi, navanofembera zvomwedzi mumwe nomumwe ngavasimuke, vakuponese pazvinhu zvichakuwira.” (Isaya 47:13)e Bhabhironi richatarisana nokukundikana chaiko kwavanachipangamazano varo. Chokwadi, mazana emakore okuongorora nyeredzi achave aperera mukuvandudza unyanzvi hwenyeredzi hweBhabhironi. Asi pausiku hwokuwa kwaro, kukundikana kunosuruvarisa kwenyanzvi dzaro dzenyeredzi kuchafumura kuti kushopera hakubatsiri.—Dhanieri 5:7, 8.
20. Chii chichaitika kuna vanachipangamazano veBhabhironi?
20 Jehovha anopedzisa chikamu chino chouprofita nokuti: “Tarira, vachaita samashanga, vachapiswa nomoto, havangagoni kuzvirwira pasimba romurazvo; haungavi zimbe rokudziya kana moto ungagotwa. Ndizvo zvichaita zvose zvawakabatira; vakashambadzirana newe kubva pauduku hwako, vachadzungaira mumwe nomumwe nenzira yake; pachashayikwa unokuponesa.” (Isaya 47:14, 15) Hungu, nguva dzinopisa somoto dzave pedyo nokuuya pamusoro pavanachipangamazano venhema ava. Uchave, kwete moto unodziya uyo vanhu vanogona kukomba kuti vadziyirwe, asi moto unoparadza, unopedza uyo uchafumura vanachipangamazano venhema semashanga asingabatsiri. Saka, hazvishamisi kuti vanachipangamazano veBhabhironi vachatiza varohwa nehana! Mutsigiri wokupedzisira weBhabhironi aenda, pachave pasina wokuriponesa. Richagamuchira nhamo yakafanana neyarichave raonesa Jerusarema.—Jeremia 11:12.
21. Mashoko aIsaya anoratidza kuva echokwadi sei uye rini?
21 Mugore ra539 B.C.E., mashoko akafuridzirwa aya anotanga kuzadzika. Mauto evaMedhia nevaPersia achitungamirirwa naKoreshi anopamba guta racho, achiuraya mambo waro anogaramo, Bhershazari. (Dhanieri 5:1-4, 30) Muusiku humwe Bhabhironi rinokuduburwa panzvimbo yaro yokutonga nyika yose. Izvi zvinogumisa mazana emakore oukuru hwevaBhabhironi, uye nyika zvino inotanga kudzorwa nevaMedhia nevaPersia. Bhabhironi pacharo rinopinda munguva yemazana emakore okuderera. Panosvika zana remakore rechina C.E., rangova “mirwi yamabwe.” (Jeremia 51:37) Saka uprofita hwaIsaya hunozadzika zvakakwana.
Bhabhironi Romuzuva Razvino
22. Kuwa kweBhabhironi kunotidzidzisei pamusoro porudado?
22 Uprofita hwaIsaya hunopa zvakawanda zvokufunga nezvazvo. Chokutanga, hunoratidza ngozi yokudada nokuzvikudza. Kuwa kweBhabhironi raidada kunotsigira chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.” (Zvirevo 16:18) Kudada dzimwe nguva kunodzora unhu hwedu hwokusakwana, asi ku“zvitutumadza nokudada” kunogona kutungamirira kuku“pinda mumusungo waDhiyabhorosi.” (1 Timoti 3:6, 7) Saka, tingaita zvakanaka kuteerera zano raJakobho rokuti: “Zvininipisei mumaziso aJehovha, uye achakukudzai.”—Jakobho 4:10.
23. Uprofita hwaIsaya hunotibatsira kuva nechivimbo chei?
23 Mashoko ouprofita aya anotibatsirawo kuvimba naJehovha, uyo ane simba kupfuura vashori vake vose. (Pisarema 24:8; 34:7; 50:15; 91:14, 15) Ichi chiyeuchidzo chinonyaradza mumazuva ano akaoma. Kuvimba naJehovha kunosimbisa kutsunga kwedu kuti tirambe tisina chatingapomerwa mumaziso ake, tichiziva kuti “kuguma kwomunhu uyo [asina chaanopomerwa] rugare.” (Pisarema 37:37, 38) Nguva dzose kuchenjera kutarira kuna Jehovha uye kusavimba nouchenjeri hwedu pachedu mukutarisana ne“zviito zvokunyengera” zvaSatani.—VaEfeso 6:10-13, NW, Ref., mashoko omuzasi.
24, 25. (a) Nei unyanzvi hwenyeredzi husina musoro, asi nei vazhinji vachihugamuchira? (b) Ndezvipi zvikonzero nei vaKristu vasingadaviri mashura?
24 Nenzira yakajeka, tinonyeverwa kudzivisa tsika yokuita zvemidzimu, kunyanya unyanzvi hwenyeredzi. (VaGaratiya 5:20, 21) Bhabhironi parakawa, unyanzvi hwenyeredzi hwakaramba hune simba rahwo pavanhu. Sezvineiwo, bhuku rinonzi Great Cities of the Ancient World rinotaura kuti zvinyamutanhatu zvakaonekwa nevaBhabhironi zvaka“famba” kubva munzvimbo dzazvaive kare, “zvichiita pfungwa yose [younyanzvi hwenyeredzi] itove upenzi.” Kunyange zvakadaro, unyanzvi hwenyeredzi huchiri kungobudirira, uye mapepanhau mazhinji ane chikamu chinoita kuti zvenyeredzi zviwanike nyore nevaverengi vawo.
25 Chii chinoita kuti vanhu—vazhinji vavo vakadzidza zvakanaka—vatsvake nyeredzi kana kuti vapinde mune mimwe miitiro isina musoro, yezvokudavira mashura? The World Book Encyclopedia inoti: “Kudavira mashura pamwe kucharamba kuripo muupenyu chero bedzi vanhu vachityana uye vasina chokwadi pamusoro penguva yemberi.” Kutya uye kusava nechokwadi zvingamanikidza vanhu kuti vadavire mashura. Zvisinei, vaKristu havadaviri mashura. Havatyi munhu—Jehovha ndiye mutsigiri wavo. (Pisarema 6:4-10) Uye vane chokwadi pamusoro penguva yemberi; vanoziva zvinangwa zvakaziviswa zvaJehovha uye havana mubvunzo kuti “zano raJehovha rakasimba nokusingaperi.” (Pisarema 33:11) Kuwiriranisa upenyu hwedu nezano raJehovha kunovimbisa nguva yemberi inofadza isingaperi.
26. “Kufunga kwevanhu vakachenjera” kwakaratidza sei kuva kusi“na maturo”?
26 Mumakore achangobva kupfuura vamwe vakaedza kunzwisisa nguva yemberi munzira dze“sayenzi.” Kunotova nerimwe bazi redzidzo rinonzi futurology, inorondedzerwa se“dzidzo inoona nezvezvingabvira munguva yemberi zvichibva pane zviri kuitika iye zvino.” Somuenzaniso, kare muna 1972 rimwe boka renyanzvi navanamuzvinabhizimisi rainzi Club of Rome rakafanotaura kuti paizosvika 1992 matura ose enyika yose, endarama, mekuri, zingi, nepeturu achave apera. Chokwadi, nyika yakatarisana nezvinetso zvakaoma kubva muna 1972, asi kufanotaura ikoko kwakanga kusina kururama zvachose. Nyika ichine matura endarama, mekuri, zingi, uye peturu. Chokwadi, munhu akazvionza achiedza kufanotaura nguva yemberi, asi kufembera kwake nguva dzose hakuna kuvimbika. Chokwadi, “kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna maturo”!—1 VaKorinde 3:20.
Mugumo uri Kuuya weBhabhironi Guru
27. Bhabhironi Guru rakawawo sezvakaita Bhabhironi muna 539 B.C.E. rini uye sei?
27 Zvitendero zvomuzuva ranhasi zvakapfuudzira dzidziso zhinji dzeBhabhironi rekare. Saka zvakakodzera kuti umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema hunonzi Bhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 17:5) Mubatanidzwa wenyika yose wechitendero iwoyo wakatowa sezvakaita Bhabhironi rekare muna 539 B.C.E. (Zvakazarurwa 14:8; 18:2) Muna 1919 vasara vehama dzaKristu vakabuda muusungwa hwomudzimu ndokubvisa kudzora kwechitendero kwechiKristudhomu, chikamu chikuru cheBhabhironi Guru. Kubvira ipapo chiKristudhomu chakarasikirwa nesimba rakati kuti munyika zhinji dzachaimbova chakasimba.
28. Bhabhironi Guru rinozvikudza richitii, asi chii chakarimirira?
28 Zvisinei, kuwa ikoko kwaingova chiratidzo chokuparadzwa kuchaitwa chitendero chenhema pakupedzisira. Zvinofadza kuti uprofita hwaZvakazarurwa hwokuparadzwa kweBhabhironi Guru hunotiyeuchidza nezvemashoko ouprofita akanyorwa pana Isaya 47:8, 9. Kufanana neBhabhironi rekare, Bhabhironi Guru rinoti: “Ndinogara samambokadzi, uye handisi chirikadzi, uye handizombochemi.” Asi, “matambudziko aro achauya nezuva rimwe, rufu nokuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto, nokuti Jehovha Mwari, akaritonga, akasimba.” Naizvozvo mashoko ouprofita akanyorwa muna Isaya chitsauko 47 anomira senyevero kune vaya vachakabatana nechitendero chenhema. Kana vasingazobatanidzirwi mukuparadzwa kwaro, ngavateerere murayiro wakafuridzirwa wokuti: “Budai mariri”!—Zvakazarurwa 18:4, 7, 8.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemashoko akazara pamusoro pokumuka kwedzidziso dzechitendero chenhema, ona bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b MuchiHebheru “mhandara, mukunda weBhabhironi” chirevo chinoreva Bhabhironi kana kuti vagari veBhabhironi. I“mhandara” nokuti harina kumbopambwa nomumwe akarikunda kubva parakava simba renyika.
c Mashoko echiHebheru akashandurwa kuti: “ndisingarangariri munhu” akarondedzerwa nenyanzvi semashoko “akaoma kwazvo” kushandura. Shanduro yeNyika Itsva inoisa shoko rokuti “nomutsa” kuitira kuti ibudise pfungwa yokuti hapana vokunze vachabvumirwa kuuya kuzonunura Bhabhironi. Shanduro yeJewish Publication Society inoshandura mashoko aya seizvi: “Handizobvumiri munhu kupindira.”
d Bhuku rinonzi Nabonidus and Belshazzar, raRaymond Philip Dougherty, rinotaura kuti kunyange zvazvo Nabonidus Chronicle ichiti vanhu vakapinda nechisimba muBhabhironi “havana kurwa,” munyori wenhau dzakaitika wechiGiriki Xenophon anoratidza kuti panogona kuve pakave nokudeurwa kweropa kwakati.
e Vamwe vanoshandura mashoko echiHebheru okuti “vanodudzira zvokudenga” se“vanokamura matenga.” Izvi zvaizoreva muitiro wokukamura-kamura matenga kuva zvikamu kuti vafungidzire zvinorehwa nenyeredzi.
[Mifananidzo iri papeji 111]
Bhabhironi rinotsvaka mafaro richagadzikwa muguruva
[Mufananidzo uri papeji 114]
Nyanzvi dzenyeredzi dzeBhabhironi dzichakundikana kufanotaura nezvokuwa kwaro
[Mufananidzo uri papeji 116]
Karenda younyanzvi hwenyeredzi yeBhabhironi, chiuru chemakore chokutanga B.C.E.
[Mifananidzo iri papeji 119]
Bhabhironi romuzuva razvino richave risisipo nokukurumidza