Chitsauko 11
Jehovha Anoda Kuti Vanhu Vawane Upenyu—Ko Iwe?
1, 2. (a) Chii chatingadzidza mune zvakaitwa naJona pane zvakasarudzwa naJehovha pamusoro peNinivhi? (b) Nei tichifanira kuongorora ngoni dzaMwari uye maonero aanoita upenyu?
JEHOVHA akanga achifara. Muprofita wacho akanga akasuruvara. Nenzira yengoni Mwari akanga arega kuparadza zviuru zvevanhu. Jona angadai akavarega kuti vaparare! Jehovha akasarudza kukanganwira ndokuchengetedza vaya vakanga vari vavengi vevanhu vake.
2 Sezvatinogona kuona pane zvakaitika kuna Jona, pane dzimwe nguva zvingava zvakaomera vanhu kunzwisisa ukuru hwokushivirira kwaMwari uye kuratidza chido Chake chokuti vanhu vawane upenyu. Jona akaona kusarudza kwaJehovha kusaparadza vaNinivhi ‘kusingambofadzi, uye akatsamwa kwazvo.’ Kungava here kuti Jona aiva nehanya zvakanyanya nemanzwiro ake pane kunzwira ngoni uye kuponesa upenyu? Angave akafunga kuti kana vaNinivhi vakasaparadzwa, aizonyara. (Jona 4:1, 10, 11) Zvakadini nenguva yedu, zuva raJehovha rokutonga zvariri kukurumidza kuswedera? Ungabvunza kuti: ‘Ndingawedzera sei kuonga kwandinoita kukanganwira kwaMwari, uye ndingabatsira sei vatadzi vanopfidza kuti vabatsirwe zvizere nounyoro hwake? Chokwadi, ndingatevedzera sei chido chaMwari chokuti vanhu vawane upenyu?’
KURURAMISIRA UYE NGONI NOKUDA KWOKUPONESA UPENYU
3. Pane kupesana here pakati pokururamisira kwaMwari uye ngoni dzake? Tsanangura.
3 Vamwe vanofunga kuti mabhuku aya 12 ouprofita, anongova mapeji akawanda anotaura nezvehasha dzaMwari uye kuranga kwaanoita vanhu, kururamisira kwaanoita. Vangabvunza kuti: ‘Ngoni dzaJehovha dziri papi? Ane hanya nokuponesa upenyu here?’ Chokwadika, panzvimbo pokupesana, kururamisira kwaMwari uye ngoni dzake zvinoshanda pamwe chete uye zvinobatsira pakuponesa upenyu. Kururamisira uye ngoni zvinhu zviviri zvounhu hwake hwakatsiga zvakakwana. (Pisarema 103:6; 112:4; 116:5) Nokubvisa zvakaipa zvevanhu vakaipa, Mwari anenge achiratidza ngoni kune vaya vanoda zvakarurama. Izvozvo zvinoratidza kururamisira kwake kwakakwana. Uyewo, zvaakarurama zvakakwana, paanenge achiratidza ngoni dzake, Jehovha anofungawo nezveizvo vanhu vasina kukwana vasingakwanisi kuita. Ungazvitaura seizvi: kutonga kunoitwa pakunenge kuchidiwa, ngoni dzinoratidzwa pose pazvinobvira. Mumashoko evaprofita, ungawana kutaura kwakawanda kunoratidza kuva pakati nepakati uku kwakakwana, kunoratidza kuti Mwari anoda kuti vanhu vawane upenyu. Ngationgororei izvi uye patinenge tichidaro tiwane zvidzidzo zvatingashandisa nenzira dzinobatsira mazuva ano.
4. Uchapupu hupi huripo hwokuti Mwari anoda kuti vanhu vawane upenyu?
4 Muprofita Joeri akataura mashoko okupa mhosva, asi akasimbisawo kuti Mwari “ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, azere nomutsa worudo.” (Joeri 2:13) Makore anenge zana gare gare, muzana remakore rechisere B.C.E., Mika akasimbisa kuda kwatinoita kukanganwirwa naJehovha. Abvunza kuti “Ndoupi Mwari akaita semi?” Mika akarondedzera Jehovha seizvi: “Haazorambi akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira mutsa worudo. Achatinzwirazve ngoni.” (Mika 7:18, 19) Sezvatinogona kuona munhoroondo yaJona yevaNinivhi, Mwari anoda zvikuru kufungazve kuti oranga here vanhu vaanenge akatsamwira kana vakaratidza kuzvidemba kwavo nemabasa akakodzera rupfidzo.
5. Ndezvipi zvinhu zvine chokuita nengoni dzaMwari uye kufarira kwaanoita kuponesa upenyu zvaunoona zvichifadza zvikuru? (Onawo bhokisi rinoti “Vakazvipira.”)
5 Hatisi kurarama munguva yevaprofita 12. Asi, hationgi here zvinhu zvinoratidza ngoni dzaJehovha uye kufarira kwaanoita kuponesa upenyu? Kunzwa kwako saizvozvo kunogona kusimbisa kuomerera kwako kuna Mwari kwowedzera kufarira kwaunoita kubatsira vamwe kuti vawane upenyu. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda chaizvo mazuva ano vachirarama nenzira yakaipa, tinovimbiswa kuti Mwari “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Chido chakadaro chaJehovha chinoratidzwa nemashoko anofadza akataurwa naHosiya paakagamuchirazve mudzimai wake akanga aita upombwe. Jehovha ‘akataura zvaibaya moyo’ yevanhu vake. Mwari aisasungirwa kukanganwira, asi aida kuita saizvozvo ‘asingatumwi nomumwe munhu.’ (Hosiya 1:2; 2:13, 14; 3:1-5; 14:4) Unoziva here chikonzero nei mafungiro aMwari nezvaanoita pane izvi zvichikosha zvikuru? Nokuti zvine chokuita noupenyu. Unogona kuona humwe uchapupu hwengoni dzaMwari uye chido chake chokuti vanhu vawane upenyu paunotarisa ungano yechiKristu iri kuita chimwe chinhu chauri kuitawo.
KUBATSIRA VANHU KUTI VAWANE UPENYU
6. Inzira ipi huru iyo Mwari anoratidza nayo kuti anoda kuti vanhu vawane upenyu?
6 Nei uchiparidza pachena? Chimwe chikonzero chikuru ndechokuti ubatsire vamwe kuti vazive Mwari wechokwadi. Hechino chimwe chinhu chinokosha chinofanira kuzivikanwa nezvaJehovha: Anonyevera zvakajeka asati aranga. Izvi zvinoratidza kufarira kune ngoni kwaanoita vanhu, kufarira kuti varege kufa asi kuti vawane upenyu. Vaprofita 12 vanoita kuti vatadzi vazive kuti Mwari ari kuvapa mukana wokugadzirisa nzira dzavo uye wokuti vatize hasha dzake dzakarurama. Tiri kuita basa rakafanana mazuva ano. SomuKristu, une ropafadzo yokuzivisa nyevero yezuva raMwari rokutsiva riri kuuya. Paunenge uchiita izvozvo, dzivisa pfungwa dzokutsiva, uchida kuona vanhu vasingagamuchiri “vachiwana mubayiro wakavakodzera.” Zviyeuchidze kuti, iwe uri kunyanya kuparidza kuitira kuti vamwe vatange kufamba panzira inoenda kuupenyu.—Joeri 3:9-12; Zefaniya 2:3; Mateu 7:13, 14.
7. (a) Nei kuita basa rokupupurira kuchikosha? (b) Kana tikasangana nevanhu vasingakendengi, kufunga nezvemafungiro aJehovha kungatibatsira sei?
7 Pose paunotaura chokwadi cheBhaibheri uri pasuo, kuchikoro, kubasa kwako, kana kuti kune imwe nzvimbo, uri kubatsira munhu anoda kukurumidza kunzwirwa ngoni uye kukanganwirwa naMwari. (Hosiya 11:3, 4) Chokwadi, ungasangana nevanhu vasingakendengi uye vasina hanya. Kunyange zvakadaro, kana ukaramba uchidaro pasinei naizvozvo, unotevedzera Mwari wedu ane ngoni, uyo akataura kuvanhu Vake vakanga vatsauka achishandisa Zekariya kuti: “Ndapota, dzokai, mubve panzira dzenyu dzakaipa nepamabasa enyu akaipa.” (Zekariya 1:4) Ndiani anoziva kuti vanhu vakawanda zvakadini vangabvuma sezvaunovaudza nezvengoni dzaMwari wovaratidza nzira inoenda kuupenyu? Zvakare, edza kuramba uchifunga kuti uri kuparidza nokuti Jehovha anoda kuti vanhu vawane upenyu, uye iwewo unohuda.
8. Nei zvichikurudzira kuyeuka nezvokubvuma kwakaita vamwe vanhu ngoni dzaMwari?
8 Ungazviona zvichikurudzira kuyeuka chokwadi ichi: Pagara paine vanhu vanobvuma mashoko aMwari. Saka Hosiya aigona kutaura nezvevaya vakaziva kuti “nzira dzaJehovha dzakarurama.” Muprofita wacho akawedzera kuti: “Vakarurama ndivo vachafamba madziri.” (Hosiya 14:9) Mumazana emakore ose akapfuura, vakawanda vakabvuma kukoka kwaMwari kwokuti: “Dzokaiwo kwandiri nemwoyo yenyu yose.” (Joeri 2:12) Izvozvo zvakataurwa kuvanhu vaiziva Jehovha, asi zvinoratidzawo kufarira kunoita Mwari vaya vari kutodzidza nezvake. Chokwadi, Mwari haana kurasa chivimbo mukukwanisa kwevanhu kuzvidemba nokuda kwemararamiro avo akaipa omunguva yakapfuura, kupfidza, uye kutanga kuita zvakarurama. Izvozvo zvinovapa tariro yokupona.—1 Timoti 4:16.
9. Zvakaitwa nevaNinivhi zvinoratidza kuti chii chinodiwa?
9 Pane chimwe chinhu pakukanganwira kwaJehovha vaNinivhi. Tinoverenga kuti vanhu vakagamuchira nomwoyo wose shoko rokutonga kwaMwari kwakanga kwava pedyo, uye “vakatanga kutenda muna Mwari.” (Jona 3:5) Kutenda, kwete kungotya kutongwa, kwaidiwa kuti varambe vachirarama. Pamusana pechido chikuru chaJehovha chokuona vanhu vachipfidza uye vachizviita mukutenda, akabvumira kuti tive vaparidzi, tichibatsira vanhu kusarudza zvavanoda. Zvichiguma nei? Tinoverenga nezvevaNinivhi kuti: “Mwari wechokwadi akaona mabasa avo, kuti vakanga vatendeuka panzira yavo yakaipa; naizvozvo Mwari wechokwadi akazvidemba pamusoro pedambudziko raakanga ataura kuti aizovaunzira; akarega kuriunza.” (Jona 3:10) Jehovha haanganyengedzwi nemashokowo zvawo kana kuti mabasa asina zvaanoreva. VaNinivhi vanofanira kuva vakanga vari vepachokwadi pakuratidza kwavo kuzvidemba kwakaratidzwa nemabasa avo. Mwari aigona kuona kuti vakanyatsochinja; vakaratidza kupfidza kwechokwadi pamwe chete nokutenda.
10. Mumamiriro ezvinhu api umo Jehovha akapa ruponeso?
10 Hatimbofaniri kugumisa kuti kufarira kwaJehovha kuponesa upenyu kwakabatsira vaNinivhi chete. Pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E.—pashure poushumiri hwaObhadhiya, Nahumi, uye Habhakuki—Jehovha akaita kuti Jeremiya aiteerera pamwe chete neboka reshamwari dzake dzakanga dzakatendeka vapukunyuke. (Jeremiya 39:16-18) Uye vaprofita vaMwari vakafanotaura kuti vanhu vaizosara vakanga vapfidza, vaizodzoka vachibva kuBhabhironi votangazve kunamata kwakachena. (Mika 7:8-10; Zefaniya 3:10-20) Uprofita ihwohwo hwakazadzika zvakanyanya munguva yazvino. Pashure peHondo Yenyika I, vaKristu vakazodzwa, vakawanda vavo vakanga varembedza maoko pakunamata kwechokwadi, vakatangazve kuita basa vachishingaira, zvikafadza Jehovha, zvichiita kuti vawane upenyu. Mazuva anowo, vanhu vanobva mu“marudzi mazhinji” vari kuuya “kuna Jehovha.” (Zekariya 2:11) Ava vanotarisira kupukunyuka kuguma kuri kuuya kwemamiriro ezvinhu aripo iye zvino. Saka, ushumiri hwako hahusi kungoteererawo zvako kwaunoita nokuti vaKristu vakarayirwa kuti vadaro. Uyewo hahusi chinhu chinoitwa kuti chizadzise uprofita. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Chinangwa choushumiri hwako hwepachena ndechokubatsira vanhu kudzidza nezvaJehovha, kuti vatende, uye vawane upenyu.
UPENYU KUNE VAYA VANODZOKA KUNA JEHOVHA
11, 12. Ngoni dzaMwari dzingabatsira sei vaya vaimbova vanamati vake?
11 Jehovha anofarira vatsva uye anoda kuti vawane upenyu, asi haakanganwi vaya vagara vachitomushumira. Isuwo tinofanira kufarira vakadaro uye tinoda kuti varambe vachifamba munzira youpenyu. Nenzira dzinobatsira, tingaratidza sei kufarira kwedu?
12 Ungave uchiziva vamwe vakadzidza nezvaJehovha, vakatenda maari, uye vakashingaira pakunamata kwechokwadi asi iye zvino vasiri kumushumira. Mashoko ayo Jehovha akatumira achishandisa vaprofita 12 anoratidza kuti aida kunzwira ngoni vaya vaichimbova pakati pevanhu vake asi vasina kuramba vachimunamata zvechokwadi. Zvakafananawo nemazuva ano, vakadaro vangave vakakukurwa, vangave vakabva kwaari, kana kuti vakaita zvakaipa uye vachifanira kupfidza. (VaHebheru 2:1; 3:12) Kunyange zvazvo vangave vasiri kufara vari kure naJehovha, vangazviona zvakaoma kudzoka. Mwari anovateterera, sezviri mumashoko omuprofita wake, kuti: “Zvanzi naJehovha wemauto: ‘Dzokai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto, ‘uye ini ndichadzoka kwamuri.’” (Zekariya 1:3) Mashoko aHosiya anokurudzira zvikuru! Anoti: “Haiwa iwe Israeri, dzoka kuna Jehovha Mwari wako, nokuti wakagumburwa mukukanganisa kwako. Endai nemashoko mudzokere kuna Jehovha. Imi mose itii kwaari, ‘Regererai kukanganisa; uye gamuchirai zvakanaka.’” Chokwadi, kunyange vaya vakaita zvivi zvakakomba asi vanobva vadzokera kuna Mwari vachipfidza zvechokwadi vangakanganwirwa zvichiita kuti vavezve noukama hwakanaka. (Hosiya 6:1; 14:1, 2; Pisarema 103:8-10) Ndizvo zvazvakanga zvakaita mumazuva evaprofita, uye ndizvo zvazvakaitawo mumazuva edu.
13. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvokuratidza ngoni kune vaya vakakanganwirwa naMwari?
13 Zvisinei, izvozvo zvinorevei kuvaKristu vari kuramba vari panzira inoenda kuupenyu? Tingaratidza sei kuti tinoona vamwe sezvinoita Jehovha? Jehovha anotarisira kuti tiratidze ngoni, kuvatsva uye vaya vangave vakarega kumushumira. Achishandisa Hosiya, Mwari akataura zvaanoda kwatiri achiti: “Ndinofarira mutsa worudo, kwete chibayiro.” Maererano nemashoko iwayo Jesu Kristu akataura pfungwa yacho seizvi: “Saka endai, mudzidze kuti izvi zvinorevei, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’” (Hosiya 6:6; Mateu 9:13) Kuratidza kwedu ngoni dzakadaro kunokosha zvikuru pakuramba tiine ukama naMwari. Ona kubatanidza kwakaita muapostora Pauro kukanganwira nokutevedzera Mwari: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu. Naizvozvo, ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.” (VaEfeso 4:32–5:2) Iwe uri kubudirira zvakadini pakutevedzera Mwari pane izvi?
14, 15. Maonero atinoita kukanganwira kwaJehovha angaedzwa mumamiriro api ezvinhu?
14 Zvakadini kana hama inenge yakatadza zvakakomba uye isingapfidzi, ichifanira kudzingwa muungano? Chinhu chakadaro chakaitika muzana remakore rokutanga; vaKristu vaiva vatadzi vasingapfidzi vaifanira kudzingwa. Kana izvozvo zvakaitika vaapostora vaJesu vachiripo, hazvishamisi kuti zvinoitika mazuva ano panguva nenguva. Muzviitiko zvakadaro, vakavimbika vari muungano vanogamuchira murayiro weBhaibheri wokusashamwaridzana nomunhu akadzingwa. Kuvimbika kwavo kuna Jehovha kungabatsira mutadzi kuona kukomba kwemararamiro ake akaipa, uye zvingaita kuti apfidze. Tinoverenga muBhaibheri kuti mumwe murume muKorinde uyo akadzingwa, akazopfidza gare gare ndokuchinja nzira dzake, uye akadzorerwa. (1 VaKorinde 5:11-13; 2 VaKorinde 2:5-8) Izvozvo pazvinoitika mazuva ano, unonzwa sei, uye ungaratidza sei kufarira kwaunoita kuti vamwe vawane upenyu?
15 Mutadzi anopfidza angava achinyara uye achipera mwoyo, achida kuvimbiswa kuti Mwari uye hama dzake vanomuda uye vanoda kuti awane upenyu. Ona kuti Mwari akavimbisa nounyoro sei vanhu vake vekare vaida kupfidza: “Ndichakuroora uve wangu mukutendeka; uye uchaziva Jehovha.” (Hosiya 2:20) Mwari zvaanonzwa saizvozvo, tinofanira kuratidzawo kuti tinonzwa saizvozvo kufanana nouyo Zekariya akarondedzera saMwari ‘anonzwira ngoni.’—Zekariya 10:6.
16. Tinofanira kuita sei mumwe munhu paanodzorerwa?
16 Mwari anoda kuti vanhu vawane upenyu, saka anofara mutadzi paanopfidza kana kuti mushumiri akanga amborega kuita basa paanotangazve kushingaira.a (Ruka 5:32) Pane zvakaitika kumurume wokuKorinde akanga adzorerwa ambotaurwa, Pauro akarayira ungano kuti imukanganwire uye imukurudzire, ichiita kuti azive kuti vaimuda zvechokwadi, achiti: “Kutsiura uku kwakaitwa nevoruzhinji kwakakwanira munhu akadaro, zvokuti . . . munofanira kumukanganwira nomutsa uye kumunyaradza, kuti zvimwe munhu akadaro arege kukurirwa nokunyanyosuruvara kwake. Naizvozvo ndinokurayirai kuti musimbise kumuda kwenyu.” (2 VaKorinde 2:6-8) Yeuka kuti Hosiya akataura mashoko aJehovha achiti nezvevaichimbova vatadzi: “Ndichagadzirisa kusatendeka kwavo. Ndichavada ndisingatumwi nomumwe munhu.” (Hosiya 14:4) Isu tichatevedzera Jehovha, tichifara kuti tine zvatinoitawo pakugadzirisa kwakadaro uye pakuita kuti vamwe vazowana upenyu husingaperi here?
17, 18. Tingabatsira sei nenzira yorudo vaya vakadzoka kuna Jehovha kana kuti nhengo dzemhuri dzomunhu akadzingwa?
17 Jehovha anobudisa pachena kuti anoremekedza vaya vanodzoka, achivagamuchirazve kuti vawane rudo rwake zvizere, sokugamuchirazve nechido kwakaita Hosiya mudzimai wake akanga ambova asina kutendeka. Jehovha anotaura nezvenzira yaakabata nayo vashumiri vake achiti: “Kwavari ndakava sevaya vanobvisa joko pashaya dzavo, uye norupfave ndakaunzira mumwe nomumwe zvokudya.” (Hosiya 11:4) Chokwadi rudo rukuru urwo Jehovha anokoka norupfave vanodzoka vakadaro runofadza zvikuru! Tinogona kumutevedzera nokusava vakaoma kana kuti vasina ushamwari kumunhu akaratidza kusuruvara kunodiwa naMwari uye kupfidza kwechokwadi. Kana angogamuchirwazve muungano, panzvimbo pokumuchengetera pfundepfunde kana kuti kuva nechigumbu nokuda kwezvaakakanganisa kare, tinofanira kutaura tichimunyaradza sezvingadiwa.—1 VaTesaronika 5:14.
18 Ungafunga nezvedzimwe nzira dzokutevedzera nadzo Jehovha panyaya ine chokuita nokudzingwa muungano here? Kana mumwe munhu aifanira kudzingwa, tingabatsira here vakavimbika vari mumhuri yake, zvichida waakaroorana naye akatendeka uye vana? Vangave vachitamburira kuti vagare vachipinda misangano uye vachienda muushumiri. Tichanyatsovatsigira here sezvavanoda? Imwe nzira yokuratidza nayo ngoni ndeyokushandisa “mashoko akanaka, mashoko anonyaradza,” kutanga kukurukurirana zvinokurudzira nevakatendeka vakadaro. (Zekariya 1:13) Pane mikana yakawanda yokuita izvozvo tisati tatanga misangano uye tapedza, patinenge tiri muushumiri, kana kuti pane dzimwe nguva. Tinoshanda pamwe navo, inhengo dzinodiwa dzeungano yedu dzisingafaniri kunzwa dzasiyiwa dziri dzoga. Mune zvimwe zviitiko, vana chete vomubereki akadzingwa ndivo vari kuvavarira kushumira Jehovha. Zvechokwadi tinoda kuti vawane upenyu. Tingaratidza sei izvozvo?
“MUNONZWIRA NGONI NHERERA”
19. Zefaniya akapa rubatsiro rwakaita sei pakunamata kumunhu angafananidzwa ne“nherera”?
19 Unogona kuwana muenzaniso wokupa rubatsiro muushumiri hwaZefaniya, akashumira pakati pezana remakore rechinomwe B.C.E. Angave aiva wemhuri youmambo yaJudha, zvichida hama yokure yaMambo Josiya. Baba vamambo wacho vakanga vapondwa, zvichimanikidza Josiya aiva nemakore masere kuva pachigaro choumambo. Aiva nebasa rakaoma: Rudzi rwacho rwakanga ruri mumatope okunamata zvidhori uye maitiro anosemesa. (Zefaniya 3:1-7) Josiya muduku, akanga ari nherera, aida utungamiriri hwounyanzvi uye zano rakanaka kuti atonge rudzi rwakanga rwakatsauka. Jehovha akapa utungamiriri hwokuchenjera achishandisa Zefaniya nevamwe vaprofita, sezvakataurwa muzvitsauko zvokutanga zvebhuku rino. Zvinokosha kuti kunyange zvazvo Jehovha akashora “machinda” aJudha achishandisa muprofita wake, haana kushora mambo pachake. (Zefaniya 1:8; 3:3) Izvi zvingaratidza kuti Mambo Josiya muduku akanga atoratidza kuti aida kunamata kwechokwadi. Hazvina mubvunzo kuti kurayira kwomuprofita wacho kwakabatsira Josiya kusimbisa kutsunga kwake kubvisa kunamata kusina kuchena muJudha.
20. Kurayiridza pane zvokunamata kungabatsira sei “nherera” dziri muungano?
20 Kufarira Josiya kwaZefaniya kunotiratidza kufarira kunoita Jehovha varombo, vaduku vasina kudzivirirwa, vakadai sevana vane mubereki angave akadzingwa. Hosiya akazivisa kuti: “Ndimi [Mwari] munonzwira ngoni nherera.” (Hosiya 14:3) Unoziva chero “nherera” dzipi zvadzo dzinoda kurayiridzwa pane zvokunamata uye pazvinhu zvinobatsira here? Dzingava nherera pane zvokunamata, vana vomumhuri dzine mubereki mumwe chete, kana kuti vechiduku vanoshumira Jehovha pasina kutsigira kwemhuri yavo. Kakawanda, kuramba kwevakadaro vari pedyo neungano uye kukura pane zvokunamata kune chokuita nokuvapo kana kuti kusavapo kwomurayiridzi pane zvokunamata. “Nherera” zhinji dzakakura kuva munhu mukuru akatsiga, anoda zvokunamata pashure pokuratidzwa rudo nevaKristu vakura vari muungano.—Pisarema 82:3.
21. VaKristu vakasimba pakunamata vangapa vaduku rubatsiro rwakaita sei?
21 Somuenzaniso, amai vasina murume vangabatsirwa kana vaKristu vakasimba pakunamata vakaratidza kufarira vana vavo. (Jakobho 1:27) Vachiratidza kuremekedza musoro kwakakodzera uye vachiita nenzira yakakodzera, vatariri nevamwe vanogona kutsigira pakunamata nhengo dzemhuri dzine zvadzinoshayiwa. Zvichida iwe nomumwe wako kana kuti mhuri yako mungapedza nguva muri pamwe chete nenherera. Mungaratidza kunzwisisa kune vechiduku vangave vachinetseka nokusurukirwa here? Vangada kunzwirwa urombo uye kukurukura zvakavanzika, zvaungateerera paunenge uri pamwe chete navo muushumiri. Hazvina mubvunzo kuti wakabatikana, saka kugara uchipa rubatsiro rwakadaro kune wechiduku kwenguva yakati kunga‘edza uchokwadi hworudo rwako.’ (2 VaKorinde 8:8) Zvaunoita zvicharatidza kufarira kwaunoita kuti vamwe vawane upenyu.
22. Unonzwa sei nezvokufarira kwaJehovha kuti vamwe vawane upenyu?
22 Zvinokurudzira zvikuru kufungisisa nezvokufarira vanhu kunoita Mwari, kuda kwaanoita kuti vawane upenyu husingaperi! Angasva hake aratidza rudo rwake rukuru kuvanhu vakarurama vanomuda ovapa upenyu pane kuratidza kusafarira vaya vanosarudza kuva vasingachinjiki uye vasina kukodzerwa noupenyu husingaperi. Sezvatinomirira zuva raJehovha nomwoyo wose, ngatimutevedzerei pakubatsira vamwe kutanga kufamba munzira inoenda kuupenyu.
[Mashoko Omuzasi]
a Mifananidzo mitatu inofadza inoratidza kuva nehanya zvikuru kwaMwari nevanhu vake vaya vakatsauka—muenzaniso wegwai rakarasika, mari yakarasika, uye mwanakomana aipambadza.—Ruka 15:2-32.
WAONA HERE?
• Nei ungabatsirwa nokuongorora maonero aunoita ngoni uye kunzwira tsitsi?—Jona 4:1, 10, 11.
• Ngoni dzaJehovha uye kururamisira zvinoshanda sei pamwe chete?—Hosiya 2:19; Mika 7:9.
• Zvinhu zvipi zvine chokuita nokukanganwira kwaJehovha zvinoratidzwa nezvakaitika kuvaNinivhi?—Jona 3:5, 9, 10; 4:2.
UNGABATSIRWA SEI?
• Vaya vakatadza zvakakomba vangabatsirwa sei nengoni dzaMwari?—Hosiya 3:3; 4:2; 14:4.
• Inzira dzipi dzakananga dzaungaratidza nadzo mutsa worudo muungano?—Hosiya 11:4; Zekariya 1:13.
• Nei kunzwira tsitsi kuchikosha pakubatsira vaya vane zvavasina?—Zefaniya 3:16, 17.
[Bhokisi riri papeji 141]
VAKAZVIPIRA
Vaprofita 12 vaiva mienzaniso yakanaka zvikuru yevanhu vaiva nehanya noupenyu hwevamwe. Vakataura mashoko avo nokuvimbika kuti vanhu vaMwari nevamwe vabatsirwe, pasinei nezvavairasikirwa nazvo, ngozi dzavaisangana nadzo, uye kutyisidzirwa kwavaiitwa. Muchikamu chepasi chesangano raMwari chiri kuramba chichikura, varume vakasimba pakunamata vanoda kushumira sevakuru uye vashumiri vanoshumira muungano dziri munyika yose vari kuramba vachidiwa. Vamwe vashumiri venguva yakazara vari kudiwa nokukurumidza. Ungatevedzera here muenzaniso wevaprofita nokuzvipira, uchishandisa unyanzvi hwako uye mano kuti uite basa raMwari muungano uye kunze kweungano? Iyoyo ndeimwe yenzira dzakanaka zvikuru yokutevedzera nayo Jehovha kuitira kuti vamwe vawane upenyu.
[Mufananidzo uri papeji 143]
Kunyange vashumiri vaMwari pane dzimwe nguva vangasanzwisisa ukuru hwengoni dzake
[Mufananidzo uri papeji 146]
Ungabatsira sei vaKristu vaichimboshingaira kuti vadzoke kuna Jehovha?
[Mufananidzo uri papeji 151]
Ungava murayiridzi ane rudo pane zvokunamata ku“nherera” duku here?