CHITSAUKO 21
Ndingaita Sei Nokutsoropodzwa?
“Amai vangu vaiita somutikitivha—nguva dzose vaingotsvaka pandaikanganisa. Ndisati ndapedza mabasa angu omumba, vaiongorora zvandainge ndaita, vachitsvaka zvandaikanganisa.”—Craig.
“Vabereki vangu vaigara vachingonditukira zvakasiyana-siyana. Vaiti ndaingoita sokuti ndakanga ndisina kurongeka. Vainditukira zvose zvandaiita kuchikoro, kumba, kuungano—vaisambondipa zororo.”—James.
ZVINOITA sokuti hapana chaunoita chinombofadza vabereki vako here? Unonzwa sokuti vabereki vako vanoongorora zvose zvaunoita here vachishandisa maikorosikopu—zvokuti vanogara vachikutarisa uye vachikuongorora asi vasingambogutsikani?
Pane zvinotevera, ndechipi chaunogara uchiudzwa?
□ Mumba maunorara munogara makangoti nyangarara.
□ Unonyanya kuona TV.
□ Unononoka kurara.
□ Haumbomuki nenguva.
Pamutsetse unotevera, nyora zvaunoyeuchidzwa kana zvaunotsoropodzerwa nevabereki vako zvinonyanya kukusvota.
․․․․․
Chokwadi, kungoudzwa zvokuita uye kutsoropodzwa kungakushatirisa. Asi chimbofunga zvimwe zvingaitwa: Kana usingambotsiurwi kana kuti kurangwa, haungambonetseki here kana vabereki vako vaine hanya newe? (VaHebheru 12:8) Kutaura zvazviri, kurangwa kunoratidza kuti vabereki vanokuda. Bhaibheri rinoti baba vachatsiura “mwanakomana wavanofarira.”—Zvirevo 3:12.
Saka unogona kuonga kuti vabereki vako vane hanya newe zvikuru kuti vakururamise! Chokwadi, uchiri muduku uye hausati wava kuziva upenyu sezvavanoita. Nokufamba kwenguva, unofanira kumboruramiswa. Kana usingatungamirirwi, ungangokurirwa nyore nyore no“kuchiva kwouduku.”—2 Timoti 2:22.
Asi Zvinorwadza!
Chokwadi, “hapana kurangwa kunoita sokunofadza panguva ino, asi kunoshungurudza.” (VaHebheru 12:11) Izvi ndizvo zvinoitika paunenge uchiri muduku. Uye izvi hazvishamisi! Unhu hwako huchiri kuchinja. Uchiri kukura uye uchiri kudzidza kuziva zvauri. Saka kutsoropodzwa—kunyange kana kwakanyatsofungwa uye kuchiitwa nomutsa—kungakonzera kugumbuka.
Izvi zvinonzwisisika nokuti maonero aunozviita angachinjwa nyore nyore nezvinotaurwa nevamwe pamusoro pako. Uye mafungiro evabereki vako anokosha zvikuru kwauri nokuti ane zvaanoita pamaonero aunozviita. Saka kana mubereki wako akakururamisa kana kuti akanyunyuta pamusoro penzira yaunoita nayo chimwe chinhu, zvingakurwadza zvikuru.
Unofanira kugumisa kuti hapana chaunoita chakanaka kana kuti hapana chauchabura nokungoti chete vabereki vako vataura zvishomanana pane zvaunokanganisa here? Kwete. Vanhu vose vanokanganisa kakawanda. (Muparidzi 7:20) Uye kukanganisa kunowanika pakukura. (Jobho 6:24) Zvisinei, ko kana vabereki vako vachiita sevane zvakawanda zvokutaura paunoita chimwe chinhu chisina kunaka asi vaine zvishoma zvokutaura paunoita zvakanaka? Izvozvo zvingakurwadza. Kunyange zvakadaro, hazvirevi kuti hauna chaunobura.
Zvinokonzera Kutsoropodza
Dzimwe nguva mubereki angaita seanonyanya kukutsoropodza, kwete nokuti unenge waita chimwe chinhu chakaipa, asi nokungoti anenge aine zviri kumunetsawo. Amai vako vaswera vaine zvinovanetsa here? Vari kurwara here? Kana zvakadaro vangangoda kukutsoropodza kupfuura zvavanoita mazuva ose kana maunorara musina kurongedzwa zvakanaka. Baba vako vakagumbuka pamusana pemari yemhuri here? Ipapo vangataura vasingafungi ‘sokubaya kunoita bakatwa.’ (Zvirevo 12:18) Chokwadi, kutsoropodza kwakadaro kunovhiringidza. Asi pane kuramba uchingofunga nezvokusabatwa zvakanaka kwacho, uko kungaita kuti utowedzera kugumbuka, edza kusatarisa zvinokanganiswa nevabereki vako. Yeuka kuti: “Tose tinokanganisa kazhinji. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana.”—Jakobho 3:2.
Zvavari vanhu vasina kukwana, vabereki vako vanganetsekawo nepfungwa dzokuti hapana chakanaka chavanogona kuita. Kutaura zvazviri, paunokundikana, zvingaita kuti vanzwe sokunge kuti ivo vakundikanawo. Somuenzaniso, amai vangatsoropodza mwanasikana wavo paanouya kumba neripoti rokuchikoro rine mamakisi ari pasi. Asi zvinenge zvichinyatsofungwa naamai vacho ndezvokuti, ‘Ndiri kutyira kuti ndiri kukundikana saamai nokuti handisi kukurudzira mwanasikana wangu kuti apase.’
Kuramba Wakadzikama Paunenge Uri Mumoto
Chero chingava chikonzero chokutsoropodzwa, mubvunzo ndewokuti, Ungakutsungirira sei? Kutanga, ngwarira kuti usapindura nehasha. Zvirevo 17:27 inoti: “Munhu anorega kutaura mashoko ake ane zivo, uye munhu ane ungwaru akadzikama.” Ungaramba sei ‘wakadzikama’ paunenge uchitsoropodzwa? Edza zvinotevera:
Teerera. Pane kukurumidza kuzvidzivirira kana kuti kuratidza kuti hauna mhosva, edza kuzvidzora uye teerera zvinenge zvichida kutaurwa nevabereki vako. Mudzidzi Jakobho akaudza vaKristu kuti ‘vakurumidze kunzwa, vanonoke kutaura, vanonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Kana ukakurumidza kudimburira vabereki vako nehasha pavanenge vachitaura newe, vangafunga kuti hausi kuteerera. Izvi zvichavagumbura uye zvichaita kuti vanyanye kukurayira.
Funga nezvazvo. Dzimwe nguva, ungafunga kuti vabereki vako havana kukupa zano nomutsa. Zvisinei, pane kuramba uchifunga nezvenzira yavataura newe, funga zvacho zvataurwa. Zvibvunze kuti: ‘Pane kutsoropodza kwavandiita, ndezvipi zvandinoziva kuti ndezvechokwadi? Ndakambonzwa vabereki vangu vachinyunyuta nezvenyaya iyi here? Ndinobvei kana ndikateerera zvavanoda?’ Yeuka kuti pasinei nokuti zvavanotyira zvingave zvakaita sei panguva ino, vabereki vako vanokuranga nokuti vanokuda. Dai vaikuvenga zvechokwadi, vangadai vasingambokurangi zvachose.—Zvirevo 13:24.
Taura nepamwe. Kana ukadzokorora mazano evabereki vako uchivaudza nenzira yokuremekedza, unoita kuti vave nechokwadi chokuti wanzwa zvavataura. Somuenzaniso, mubereki angati: “Nguva dzose unongosiya mumba mako makangoti nyangarara. Kana ukasamuchenesa, unozviona!” Iye zvino ungafunga kuti mumba mako manaka. Asi kutaura izvozvo kungasanyanya kubatsira. Edza kuona zvinhu semaonero anoita vabereki vako. Usingatsvinyi, zvingava nani kutaura chimwe chinhu chakadai: “Ndizvozvo. Mumba mangu makangoti nyangarara. Munoda kuti ndimuchenese iye zvino here kana kuti tapedza kudya?” Paunoteerera vabereki vako seizvi, hasha dzavo dzingangopomhodzwa. Chokwadi, unofanira kubva waita zvawaudzwa nevabereki vako.—VaEfeso 6:1.
Mirira. Usazvipembedza kusvikira waita zvawaudzwa nevabereki vako. Bhaibheri rinoti: “Munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.” (Zvirevo 10:19) Vabereki vako pavanongoona kuti wanga uchinyatsovateerera, vachadawo kukuteerera zvikuru.
Nyora pano kuti idanho ripi pamana ari pamusoro apa raunofanira kunyanya kushandira. ․․․․․
Nei Zvichibatsira
Waizoda kutsungirira mamiriro ezvinhu akaoma here kuti uwane goridhe? Bhaibheri rinoti uchenjeri hunokosha kupfuura pfuma chero ipi zvayo. (Zvirevo 3:13, 14) Unova sei akachenjera? Zvirevo 19:20 inoti: “Teerera zano ugamuchire kurangwa, kuti uve akachenjera munguva yako yemberi.” Chokwadi, zano nokurangwa zvingasafadza. Asi pakutsoropodzwa kwose kwaunoitwa ukawana zvimedu zvouchenjeri wozvishandisa, uchawana pfuma inokosha kupfuura goridhe.
Kutaura chokwadi: Kutsoropodzwa kunowanika muupenyu. Wagara unotsoropodzwa nevabereki uye vadzidzisi vako. Mune ramangwana, hapana mubvunzo kuti uchatsoropodzwa nevauchashandira uye nevamwe. Kana ukaziva zvokuita paunotsoropodzwa kumba, uchava mudzidzi anofambira mberi, mushandi anodiwa zvikuru uye munhu ane chivimbo mune zvakawanda. Chokwadi, zvinokosha kutsungirira kakutsoropodzwa kuti uwane izvi!
Wakadzvinyirirwa nemitemo yepamba here? Dzidza kugutsikana norusununguko rwauinarwo—uye kuti ungawana sei rumwe.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo.”—Zvirevo 1:5.
ZANO
Kukubatsira kubvuma kururamiswa nevabereki vako
● Onga kurumbidzwa kwose kwaunoitwa paunenge uchitsoropodzwa.
● Kumbira kujekeserwa kana usiri kunyatsonzwisisa chinetso chacho kana kuti zvinotarisirwa kuti zvichachipedza.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Vamwe vanababa navanaamai vanoomerwa kuratidza vana vavo rudo nokuti ivo vakanga vasingadiwi uye vasinganzwisiswi zvakakwana nevabereki vavo.
ZVANDINORONGA KUITA!
Nguva inotevera vabereki vangu pavachanditsoropodza, ndicha- ․․․․․
Kana ndichifunga kuti vabereki vangu vari kunyanyonditsoropodza, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei ungaona zvakaoma kuti ugamuchire kutsoropodzwa?
● Chii chingaita kuti vabereki vako vakutsoropodze?
● Unganyanya sei kubatsirwa nezano chero ripi zvaro raunopiwa?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 177]
“Upenyu hwangu hwose amai vangu ndivo vaizhambatata ini ndichipindura. Asi iye zvino ndinoedza kushandisa zvinotaurwa neShoko raMwari. Zvinoshanda. Maitiro aamai ava kuchinja. Nokushandisa Bhaibheri, ndakasvika pakuvanzwisisa zviri nani. Tava kunzwisisana zviri nani.’’—Marleen
[Mufananidzo uri papeji 180]
Kana ukazungura zvimedu zvouchenjeri pakutsoropodzwa kwose kwaunoitwa, uchawana pfuma inokosha kupfuura goridhe