CHITSAUKO 2
“Muchava Zvapupu Zvangu”
Zvakaitwa naJesu kuti agadzirire vaapostora vake kuti vatungamirire basa rekuparidza
1-3. Jesu anoparadzana sei nevaapostora vake, uye tinobva tava nemibvunzo ipi?
VAAPOSTORA vakanga vapedza mavhiki vachifara chaizvo zvekuti vaingoda kuti zvirambe zvakadaro! Misodzi yavo yakanga yachinja kuva mufaro pakamutswa Jesu. Akanga ava nemazuva 40 achioneka kakawanda, achidzidzisa uye achikurudzira vateveri vake. Asi musi uyu ndiwo waiva wekupedzisira kuzviratidza kwavari.
2 Vaapostora vakanga vakamira paGomo reMiorivhi, vachinyatsoteerera zvese zvaitaurwa naJesu. Paanopedza kutaura, zvichida vachiine shungu dzekunzwa zvimwe, anobva asimudza maoko ake ovakomborera. Anobva atanga kukwira kudenga! Vateveri vake vanoramba vakamutarisa achikwira. Anobva azofukidzwa negore votadza kumuona. Akanga aenda, asi vanongoramba vakatarisa kudenga.—Ruka 24:50; Mab. 1:9, 10.
3 Chiitiko ichi chakachinja upenyu hwevaapostora vaJesu. Vachaita sei Tenzi wavo Jesu Kristu zvaakwira kudenga? Tine chokwadi kuti Tenzi wavo akanga avagadzirira kuti vaite basa raakanga atanga. Akavagadzirira sei kuti vaite basa iri rinokosha uye vakariita sei? Uye zvavakaita zvinobatsira sei vaKristu mazuva ano? Chitsauko chekutanga chaMabasa chine mhinduro dzinokurudzira.
“Uchapupu Hwakawanda Hunogutsa” (Mabasa 1:1-5)
4. Ruka anotanga sei bhuku raMabasa?
4 Ruka anotanga nyaya yake achitaura kuna Tiyofiro, murume waakambonyorera Evhangeri yake.a Ruka anotanga nekutaura muchidimbu zviitiko zvaakanyora muEvhangeri achishandisa mashoko akati siyanei uye achiwedzera dzimwe pfungwa, izvo zvinobva zvaita kuti zvive pachena kuti ari kungoenderera mberi nezvaakatanga kunyora.
5, 6. (a) Chii chichabatsira vateveri vaJesu kuti varambe vaine kutenda kwakasimba? (b) Kutenda kwevaKristu mazuva ano kunotsigirwa sei ‘neuchapupu hwakawanda hunogutsa’?
5 Chii chichaita kuti kutenda kwevateveri vaJesu kurambe kwakasimba? Pana Mabasa 1:3, tinoverenga nezvaJesu kuti: “Akazviratidza kwavari ari mupenyu achishandisa uchapupu hwakawanda hunogutsa.” MuBhaibheri, Ruka chete, uyo aiva “chiremba,” ndiye akashandisa shoko rakashandurwa kuti ‘uchapupu hunogutsa.’ (VaK. 4:14) Ishoko raishandiswa pakunyora nyaya dzekurapa, richiratidza zvinhu zvine uchapupu hwakavimbika. Jesu akapa uchapupu hwakadaro. Akazviratidza kakawanda kuvateveri vake, dzimwe nguva kune mumwe chete kana vaviri, pamwe pacho kuvaapostora vese, uye pane imwe nguva kuvatendi vanopfuura 500. (1 VaK. 15:3-6) Uchapupu hunogutsa zvechokwadi!
6 Kutenda kwevaKristu vechokwadi mazuva ano kunobvawo ‘pauchapupu hwakawanda hunogutsa.’ Pane uchapupu here hwekuti Jesu akararama pasi pano, akafira zvivi zvedu, uye akazomutswa? Zviri pachena! Nhoroondo dzeBhaibheri dzakafemerwa dzakanyorwa nevanhu vaitaura zvavakanyatsoona zvichiitika dzinotipa uchapupu hunogutsa hwatinoda. Kudzidza nhoroondo idzi tanyengeterera kuti tinyatsodzinzwisisa kunosimbisa kutenda kwedu zvikuru. Yeuka kuti kuva nekutenda kwechokwadi haisi nyaya yekungobvuma kuti chinhu ndechechokwadi; panoda uchapupu hwakasimba. Kutenda kwechokwadi kunodiwa kuti tiwane upenyu husingaperi.—Joh. 3:16.
7. Jesu akasiyira vateveri vake muenzaniso upi pakudzidzisa uye pakuparidza?
7 Chimwe chakaita kuti kutenda kwevadzidzi vaJesu kurambe kwakasimba ndechekuti Jesu ‘aitaurawo nezveUmambo hwaMwari’ paakamutswa. Akatsanangura uprofita hwairatidza kuti Mesiya aifanira kutambura ofa. (Ruka 24:13-32, 46, 47) Paakajekesa basa rake saMesiya aitotaura nezveUmambo hwaMwari nekuti ndiye aizova Mambo wacho. Umambo hwaMwari ndihwo hwaigara huchiparidzwa nezvahwo naJesu, uye vateveri vake mazuva ano ndizvo zvavari kuitawo.—Mat. 24:14; Ruka 4:43.
“Kusvikira Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika” (Mabasa 1:6-12)
8, 9. (a) Vaapostora vaJesu vakanga vakarasika panyaya dzipi mbiri? (b) Jesu akagadzirisa sei vaapostora vake pamafungiro avaiita, uye nhasi uno zvinopa vaKristu chidzidzo chipi?
8 Vaapostora pavakaungana paGomo reMiorivhi, vakaita musangano wavo wekupedzisira naJesu pasi pano. Vakabvunza nemwoyo wese kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri iye zvino here?” (Mab. 1:6) Mubvunzo iwoyo wakaratidza kuti vaapostora vakanga vakarasika pazvinhu zviviri zvavaitarisira. Chekutanga, vaifunga kuti Umambo hwaMwari hwaizodzorerwa kurudzi rwevaIsraeri. Chechipiri, pavakati “iye zvino” vairatidza kuti vaitarisira kuti Umambo hutotanga kutonga panguva iyoyo. Jesu akavabatsira sei kuti vagadzirise maonero avaiita zvinhu?
9 Jesu angangodaro aiziva kuti pfungwa yekutanga yaizovajekera pasina nguva. Vateveri vake vakanga vava kuzoona kuberekwa kwerudzi rutsva pashure pemazuva gumi! Ukama hwaMwari nevaIsraeri hwakanga hwava pedyo kuguma. Papfungwa yechipiri yavakanga vakarasika pairi, Jesu akavabatsira kunzwisisa achiti: “Hamufaniri kuziva nguva kana mwaka izvo zvinofanira kungozivikanwa naBaba chete.” (Mab. 1:7) Jehovha anoziva nguva chaiyo yekuita zvinhu. Jesu pachake asati afa, akati kunyange Mwanakomana akanga asati ava kuziva “zuva racho kana nguva yacho” yaizouya mugumo, asi “Baba vega.” (Mat. 24:36) Nhasi kana vaKristu vakanyanya kuzvinetsa nezvenyaya yekuti mugumo uchauya riini, vanenge vachizvinetsa nenyaya isiri mumaoko mavo.
10. Tinofanira kutevedzera sei vaapostora, uye nei tichifanira kudaro?
10 Asi hatifaniri kushora varume ava vaiva nekutenda kwakasimba kunyange zvazvo vakamborasika pamafungiro avaiita. Vakazvininipisa pavakagadziriswa pamaonero avaiita. Uyezve, kunyange zvazvo mubvunzo wavo wairatidza kuti vakanga vakarasika, wairatidzawo kuti vaiona zvinhu semaonero avakanga vadzidziswa naJesu. Jesu akanga agara achikurudzira vateveri vake kuti: “Rambai makarinda.” (Mat. 24:42; 25:13; 26:41) Vakanga vakamuka, vachitsvaga uchapupu hwekuti Jehovha akanga ava pedyo kuvanunura. Ndizvo zvatinofanirawo kuita mazuva ano. Chokwadi ndechekuti isusu vari “mazuva ekupedzisira” ndisu tinotofanira kunyanya kuita izvozvo.—2 Tim. 3:1-5.
11, 12. (a) Jesu akapa vateveri vake basa ripi? (b) Jesu akaratidza sei kukosha kwakaita mweya mutsvene pabasa rekuparidza?
11 Jesu akayeuchidza vaapostora kuti vaifanira kunyanya kuisa pfungwa dzavo pachii. Akati: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) MuJerusarema, munova ndimo maakanga aurayirwa, ndimo maizotanga kuziviswa nezvekumutswa kwake. Kubva imomo, shoko racho raizopararira muJudhiya mese, muSamariya, uye kusvika kure.
12 Jesu akanyatsoratidza kubatana kwakaita basa rekuparidza nemweya mutsvene nekuti akazotaura nezvebasa rekuparidza pashure pekunge ataurazve nezvevimbiso yekuvatumira mweya mutsvene kuti uvabatsire. Mweya mutsvene unotaurwa kanopfuura ka40 mubhuku raMabasa uye apa ndipo pamwe pacho. Bhuku iri rinojekesa kakawanda kuti hatikwanisi kuita zvinodiwa naJehovha pasina mweya mutsvene. Saka zvinokosha kuti tigare tichinyengeterera mweya mutsvene iwoyo! (Ruka 11:13) Tinotouda iye zvino kupfuura zvataiita kare.
13. Basa rekuparidza rakapiwa vanhu vaMwari rakura zvakadini mazuva ano, uye nei tichifanira kubvuma kuriita nemwoyo wese?
13 Dzaitorwa senzvimbo “dziri kure dzenyika” nevaapostora dzasiyana zvachose nedzatingati nzvimbo dziri kure mazuva ano. Asi sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakagamuchira nemwoyo wese basa iri vachiziva kuti Jehovha anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vanzwe mashoko akanaka eUmambo hwake. (1 Tim. 2:3, 4) Uri kunyatsoita basa iri rinoponesa vanhu nemwoyo wese here? Hapana kumwe kwauchawana basa rinogutsa zvakadaro! Jehovha achakupa simba raunoda kuti uriite. Bhuku raMabasa richakuudza zvakawanda nezvenzira dzaungashandisa pakuriita uye kuti unofanira kuriona sei kuti ubudirire.
14, 15. (a) Ngirozi dzakatii nezvekudzoka kwaKristu uye dzairevei? (Onawo mashoko emuzasi.) (b) Nei tingati Kristu akadzoka “saizvozvo,” kureva kuti semaendero aakaita?
14 Sezvataurwa patangira chitsauko chino, Jesu akakwira kudenga akasazoonekazve. Asi vaapostora 11 vakaramba vakamira ipapo vakatarisa kudenga. Pakazopedzisira pasvika ngirozi mbiri dzikati kwavari zvinyoronyoro: “Varume vekuGarireya, makamirirei makatarisa mudenga? Uyu Jesu akwidzwa kudenga achibva kwamuri achauya saizvozvo sekumuona kwamaita achienda kudenga.” (Mab. 1:11) Ngirozi dzaireva here kuti Jesu aizodzoka nemuviri mumwe chetewo, sezvinodzidziswa nezvimwe zvitendero? Kwete, handizvo zvadzaireva. Tinozviziva sei?
15 Ngirozi hadzina kuti Jesu aizodzoka nechimiro chaanga ainacho, asi dzakati “saizvozvo.”b Akaenda sei? Pakataura ngirozi akanga asisaoneki. Varume vashomanana ivavo chete, ndivo vainzwisisa kuti Jesu akanga asisiri panyika uye kuti akanga ari munzira kuenda kuna Baba vake kudenga. Ndizvo zvaizoitawo kudzoka kwaKristu. Ndizvo zviri kuitikawo. Vaya chete vanonzwisisa magwaro ndivo vari kuziva kuti Jesu atovapo samambo ari kutonga. (Ruka 17:20) Tinofanira kunzwisisa uchapupu hwekuti avapo uye toudzawo vamwe kuti vaone kuti nguva yapera.
“Ratidzai Kuti Ndeupi Wamasarudza” (Mabasa 1:13-26)
16-18. (a) Tinodzidzei nezvekuungana kwevaKristu kuti vanamate pana Mabasa 1:13, 14? (b) Tinodzidzei pana amai vaJesu, Mariya? (c) Nei misangano yechiKristu ichikosha kwatiri?
16 Hazvishamisi kuti vaapostora “vakadzokera kuJerusarema vachifara chaizvo.” (Ruka 24:52) Asi vaizobvuma kutungamirirwa naJesu uye vaizomuteerera here? Pana Mabasa 1:13,14, tinovaona vakaungana “muimba yepamusoro,” uye tinodzidza zvakawanda nezvekuungana kwakadaro. Dzimba dzemuParestina panguva iyoyo dzaiwanzova nemba yepamusoro, yaikwanisa kupindwa uchishandisa masitepisi ekunze. Kungava here kuti “imba yepamusoro” iri kutaurwa pano ndiyo iya inotaurwa pana Mabasa 12:12, yaiva yaamai vaMako? Kunyange ikasava iyo, zvinoratidza kuti imba yakashandiswa nevateveri vaKristu yaisava inoshamisira asi yaishandisika kuti vakwanise kuungana. Asi ndivanaani vaiungana imomo uye vaiitei?
17 Kuungana uku kwaisangova kwevaapostora kana kuti kwevanhurume chete. Paiva “nevamwe vakadzi,” kusanganisira Mariya, amai vaJesu. Pano ndipo panopedzisira kutaurwa nezvake muBhaibheri. Zvinokurudzira kuona kuti apa akanga asiri kutsvaga kuva akakurumbira, asi aiunganawo nehama nehanzvadzi dzake kuti anamate achizvininipisa. Zvinofanira kunge zvaimunyaradza kuti vamwe vanakomana vake vana, vakanga vasiri vatendi Jesu achiripo, vaivapowo pakaungana vamwe naye. (Mat. 13:55; Joh. 7:5) Kubva pakafa mukoma wavo uye paakamuka, vakanga vachinja.—1 VaK. 15:7.
18 Uri kuona here kuti chinangwa chavo chekuungana chaiva chei? Mabasa 1:14 inoti: “Ivava vese vairamba vachinyengetera nechinangwa chimwe chete.” Kuungana pamwe chete kwagara kuchikosha pakunamata kwechiKristu. Tinoungana kuti tikurudzirane, tirayiridzwe uye tipiwe mazano, asi chinonyanya kukosha ndechekuti tinenge tichitonamata Baba vedu vekudenga Jehovha. Minyengetero yedu nenziyo dzatinoimba ipapo zvinovafadza uye tinozvikoshesa. Ngatisamborega kuungana uku kutsvene uye kunokurudzira!—VaH. 10:24, 25.
19-21. (a) Tinodzidzei pakushandiswa kwakaitwa Petro muungano? (b) Nei Judhasi aifanira kutsiviwa, uye tinodzidzei panzira yakashandiswa kumutsiva?
19 Vateveri ivavo vaKristu vakanga vatarisana nenyaya inokosha uye muapostora Petro akatungamirira pakuigadzirisa. (Vhesi 15-26) Zvinofadza chaizvo kuona kuti Petro akanga achinja zvakadini kubvira paya paakaramba Ishe wake katatu. (Mako 14:72) Tese tinotadza, uye tinoda kuyeuchidzwa kuti Jehovha ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira’ vaya vanopfidza nemwoyo wese.—Pis. 86:5.
20 Petro akaona kuti nzvimbo yaJudhasi, muapostora akanga atengesa Jesu yaifanira kuiswa mumwe. Asi yaizotsiviwa naani? Zvakanga zvakakodzera kuti muapostora uyu mutsva ave uya akanga atevera Jesu paaiita ushumiri hwake uye akanga aona kumutswa kwake. (Mab. 1:21, 22) Izvi zvaienderana nezvakanga zvataurwa naJesu paakati: “Imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zveUmambo 12, muchitonga madzinza 12 aIsraeri.” (Mat. 19:28) Zviri pachena kuti Jehovha akaronga kuti pave nevaapostora 12 vaitevera Jesu paaiita ushumiri hwake pasi pano vaizoumba “matombo 12 efaundesheni,” eJerusarema Idzva. (Zvak. 21:2, 14) Saka Mwari akaita kuti Petro aone kuti uprofita hwekuti, “mumwe munhu ngaatore basa rake reutariri,” hwaishanda pana Judhasi.—Pis. 109:8.
21 Saka munhu wacho akasarudzwa sei? Pakakandwa mijenya, iyo yaiva tsika yakanga yakajairika panguva iyoyo. (Zvir. 16:33) Asi apa ndipo pakapedzisira kutaurwa muBhaibheri nezvekushandiswa kwemijenya nenzira iyi. Kunenge kuti pakangodururwa mweya mutsvene nzira iyi yakanga isisashandiswi. Asi ona kuti mijenya yaishandisirwei. Vaapostora vakanyengetera vachiti: “Haiwa Jehovha, imi munoziva mwoyo yevanhu vese, pavarume vaviri ava ratidzai kuti ndeupi wamasarudza.” (Mab. 1:23, 24) Vaizviitira kuti Jehovha asarudze. Pakasarudzwa Matiyasi, uyo angangove mumwe wevadzidzi 70 vaya vakatumwa naJesu kunoparidza. Saka Matiyasi akava mumwe ‘wevane gumi nevaviri.’c—Mab. 6:2.
22, 23. Nei tichifanira kuzviisa pasi uye kuteerera vaya vari kutungamirira muungano?
22 Zvakaitika izvi zvinotiyeuchidza kukosha kwekuti vanhu vaMwari vave vakarongeka. Nanhasi varume vakavimbika vanosarudzwa kuti vashumire sevatariri muungano. Vakuru vanonyatsoshandisa Magwaro pakuongorora kuti vatariri vakadaro vanokodzera here, uye vanonyengetera kuti vatungamirirwe nemweya mutsvene. Saka ungano inoona varume vakadaro sevakagadzwa nemweya mutsvene. Isu tinoramba tichizviisa pasi tichibvuma kuti vatitungamirire, zvoita kuti ungano ishande pamwe chete.—VaH. 13:17.
23 Iye zvino vadzidzi ava vakanga vasimbiswa nekumutswa kwaJesu nekuzviratidza kwaakaita kwavari, pamwe nekurongwa kwavakanga vaitwa sesangano zvekuti vakanga vagadzirira zvakanga zvava kuda kuitika. Chitsauko chinotevera chichakurukura chimwe chinhu chinokosha chakazoitika.
a MuEvhangeri yake, Ruka anotaura nemurume uyu achimuti “imi munoremekedzwa kwazvo Tiyofiro.” Vamwe vanoti zvinogona kureva kuti Tiyofiro aiva munhu akakurumbira asi akanga asati ava muKristu. (Ruka 1:3 ) Asi muna Mabasa, Ruka anongomuti “imi Tiyofiro.” Vamwe vaongorori veBhaibheri vanoti Tiyofiro akazotendeuka paakaverenga Evhangeri yaRuka; ndokusaka Ruka akasiya mashoko ekuremekedza ava kunyorera murume wacho sehama yechiKristu.
b Pano Bhaibheri rinoshandisa shoko rechiGiriki troʹpos, rinoreva nzira yaitika nayo chinhu, kwete rekuti mor·pheʹ, iro rinoreva chimiro chechinhu chacho.
c Pauro akazogadzwawo kuva “muapostora kune mamwe marudzi,” asi haana kumbobvira averengwa pakati pevane gumi nevaviri. (VaR. 11:13; 1 VaK. 15:4-8) Akanga asina kumbotevera Jesu paaiita ushumiri hwake pasi pano saka akanga asina kukodzera kukudzwa saizvozvo.