Rwiyo 78
Mwoyo Murefu
Rakaprindwa
1. Zita rake Jehovha,
Anorishingairira
Kuti arichenese
Pakutukwa kwaro kwose.
Kwezvizvarwa zvizhinji,
Akatsungirirawo;
Mwoyo murefu wake,
Hauna kupera.
Anoda kuponesa
Vanhu vemarudzi ose.
Mwoyo murefu wake
Uchava nezvibereko.
2. Toda mwoyo murefu
Tigorambira mugwara.
Unotidzikamisa,
Kuti tisaita hasha.
Hatizotsvaki zvinhu
Zvakaipa muvamwe.
Unotidzikamisa
Patinonetseka.
Mwoyo murefu uyu
Nezvimwewo zvibereko,
Uchatibatsirawo
Kutevedzera Jehovha.
(Onawo Eks. 34:14; Isa. 40:28; 1 VaK. 13:4, 7; 1 Tim. 2:4.)